Malachi (3/4)  

1. "Tarirai, ndinotuma nhume yangu, iye achandigadzirira nzira yangu pamberi pangu; ipapo Ishe, wamunotsvaka, achasvika pakarepo patemberi yake, iye Mutumwa wesungano, wamunoshuva, tarirai, anouya ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
2. Asi ndiani ungatsunga nezuva rokuuya kwake? Ndiani angamira kana achionekwa? Nokuti akafanana nomoto womunatsi, nesipo yomusuki.
3. Iye achagara pasi akafanana nomunatsi nomuchenesi wesirivha; achachenesa vanakomana vaRevhi, nokuvanatsa sendarama nesirivha; ipapo vachavigira Jehovha zvipiriso nokururama.
4. Ipapo chipiriso chaJudha neJerusaremu zvichafadza Jehovha, sapamazuva akare, sapamakore apakutangatanga.
5. "Ndichaswedera kwamuri kuti nditonge; ndichava chapupu chinokurumidza pamusoro pavaroyi, napamusoro pemhombwe, napamusoro pavanopika nhema, napamusoro pavanomanikidza mushandiri pamubayiro wake, nechirikadzi, nenherera, napamusoro pavanodzinga vatorwa, vasingandityi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
6. "Nokuti ini Jehovha handishanduki, saka imi, vanakomana vaJakobho, mugere kuparadzwa.
7. "Kubva pamazuva amadzibaba enyu makatsauka pane zvandakaraira, mukasazvichengeta. Dzokerai kwandiri, neni ndichadzokera kwamuri ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Asi imi munoti, `Tichadzoka pazvinhu zvipi?'
8. Ko munhu angabira Mwari here? Kunyange zvakadaro munondibira. Asi imi munoti, `Takakubirai pazvinhu zvipi?' Pane zvegumi nezvipiriso zvinotsaurwa.
9. Makatukwa nokutuka; nokuti munondibira, urwo rudzi urwu rwose.
10. Uyai nezvegumi zvose muimba yokuvigira, kuti zvokudya zvivepo mumba mangu, mundiidze naizvozvi zvino ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo muone kana ndisingakuzaruriyi mahwindo okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashaiwa pokuisa.
11. Ndichatukawo udyi nokuda kwenyu, arege kuparadza zvibereko zveminda yenyu; nemizambiringa yenyu haingazuki zvibereko zvayo mumunda, nguva isati yasvika ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
12. Ndudzi dzose dzichati muri vanhu vakafara; nokuti muchava nyika inofadza ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
13. "Mashoko enyu akanga ari makukutu kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha. Kunyange zvakadaro, munoti, `Takataureiko pamusoro penyu?'
14. Imi makati, `Hazvina maturo kushumira Mwari;' takawaneiko zvatakachengeta zvaakaraira, zvatakafamba takapfeka nguo dzokuchema pamberi paJehovha wehondo?
15. Zvino tinoti vanozvikudza ndivo vakafara; zvirokwazvo, vanoita zvakaipa ndivo vanovakiswa; zvirokwazvo, vanoidza Mwari vachipukunyuka.
16. "Ipapo vaitya Jehovha vakataurirana, Jehovha akateerera, akanzwa, bhuku yokurangaridza ikanyorwa pamberi pake, nokuda kwavanotya Jehovha, vachirangarira zita rake.
17. Vachava vangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ivo vangu chaivo, nezuva randichazviita; ndichavanzwira tsitsi, somunhu anonzwira tsitsi mwanakomana wake anomubatira.
18. Ipapo muchaonazve kusiyana kwowakarurama nowakaipa, kwoanoshumira Mwari noasingamushumiri.

  Malachi (3/4)