← Malachi (3/4) → |
1. | "Tarirai, ndinotuma nhume yangu, iye achandigadzirira nzira yangu pamberi pangu; ipapo Ishe, wamunotsvaka, achasvika pakarepo patemberi yake, iye Mutumwa wesungano, wamunoshuva, tarirai, anouya ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. |
2. | Asi ndiani ungatsunga nezuva rokuuya kwake? Ndiani angamira kana achionekwa? Nokuti akafanana nomoto womunatsi, nesipo yomusuki. |
3. | Iye achagara pasi akafanana nomunatsi nomuchenesi wesirivha; achachenesa vanakomana vaRevhi, nokuvanatsa sendarama nesirivha; ipapo vachavigira Jehovha zvipiriso nokururama. |
4. | Ipapo chipiriso chaJudha neJerusaremu zvichafadza Jehovha, sapamazuva akare, sapamakore apakutangatanga. |
5. | "Ndichaswedera kwamuri kuti nditonge; ndichava chapupu chinokurumidza pamusoro pavaroyi, napamusoro pemhombwe, napamusoro pavanopika nhema, napamusoro pavanomanikidza mushandiri pamubayiro wake, nechirikadzi, nenherera, napamusoro pavanodzinga vatorwa, vasingandityi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. |
6. | "Nokuti ini Jehovha handishanduki, saka imi, vanakomana vaJakobho, mugere kuparadzwa. |
7. | "Kubva pamazuva amadzibaba enyu makatsauka pane zvandakaraira, mukasazvichengeta. Dzokerai kwandiri, neni ndichadzokera kwamuri ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Asi imi munoti, `Tichadzoka pazvinhu zvipi?' |
8. | Ko munhu angabira Mwari here? Kunyange zvakadaro munondibira. Asi imi munoti, `Takakubirai pazvinhu zvipi?' Pane zvegumi nezvipiriso zvinotsaurwa. |
9. | Makatukwa nokutuka; nokuti munondibira, urwo rudzi urwu rwose. |
10. | Uyai nezvegumi zvose muimba yokuvigira, kuti zvokudya zvivepo mumba mangu, mundiidze naizvozvi zvino ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo muone kana ndisingakuzaruriyi mahwindo okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashaiwa pokuisa. |
11. | Ndichatukawo udyi nokuda kwenyu, arege kuparadza zvibereko zveminda yenyu; nemizambiringa yenyu haingazuki zvibereko zvayo mumunda, nguva isati yasvika ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. |
12. | Ndudzi dzose dzichati muri vanhu vakafara; nokuti muchava nyika inofadza ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. |
13. | "Mashoko enyu akanga ari makukutu kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha. Kunyange zvakadaro, munoti, `Takataureiko pamusoro penyu?' |
14. | Imi makati, `Hazvina maturo kushumira Mwari;' takawaneiko zvatakachengeta zvaakaraira, zvatakafamba takapfeka nguo dzokuchema pamberi paJehovha wehondo? |
15. | Zvino tinoti vanozvikudza ndivo vakafara; zvirokwazvo, vanoita zvakaipa ndivo vanovakiswa; zvirokwazvo, vanoidza Mwari vachipukunyuka. |
16. | "Ipapo vaitya Jehovha vakataurirana, Jehovha akateerera, akanzwa, bhuku yokurangaridza ikanyorwa pamberi pake, nokuda kwavanotya Jehovha, vachirangarira zita rake. |
17. | Vachava vangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ivo vangu chaivo, nezuva randichazviita; ndichavanzwira tsitsi, somunhu anonzwira tsitsi mwanakomana wake anomubatira. |
18. | Ipapo muchaonazve kusiyana kwowakarurama nowakaipa, kwoanoshumira Mwari noasingamushumiri. |
← Malachi (3/4) → |