Malachi (2/4)  

1. Zvino imi vapirisiti, chinzwai uyu murayiro unouya kwamuri.
2. Kana imi musingadi kunzwa, kana musingadi kuita nomwoyo wenyu zvandakaraira kuti mukudze zita rangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ipapo ndichatuma kutuka pamusoro penyu, ndichatuka ropafadzo dzenyu; zvirokwazvo ndatozvituka, nokuti hamuzviiti nomwoyo wenyu.
3. Tarirai, ndichatuka vana venyu, ndichanamira ndove kuzviso zvenyu, iyo ndove yemitambo yenyu; muchabviswa pamwechete naro.
4. Ipapo muchaziva kuti ndini ndakakutumirai murayiro uyu, kuti sungano yangu ive naRevhi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
5. "Sungano yangu navo yakanga iri youpenyu norugare; ndakavapa izvo kuti vanditye, vakanditya, vakadedera nokuda kwezita rangu.
6. Murayiro wezvokwadi wakanga uri mumuromo wavo, kusarurama hakuna kuwanikwa pamiromo yavo; vakafambidzana neni norugare nokururama, vakadzora vazhinji pazvakaipa.
7. Nokuti miromo yomupirisiti inofanira kuchengeta zivo, vanhu vanofanira kubvunza murayiro pamusoro wake; nokuti ndiye nhume yaJehovha wehondo.
8. Asi imi makatsauka panzira; makagumbusa vazhinji pamurayiro; makasvibisa sungano yaRevhi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
9. Saka ndakakuitai vanhu vanozvidzwa navanorambwa navanhu vaose, zvamusina kuchengeta nzira dzangu, mukatsaura vanhu pakutonga murayiro.
10. "Ko isu tose hatina baba vamwe here? Haazi Mwari mumwe wakatisika here? Tinogonyengerana neiko mumwe nomumwe hama yake, tichimhura sungano yamadzibaba edu?
11. Judha vakanyengera, chinhu chinonyangadza chaitwa pakati palsiraeri napaJerusaremu; nokuti Judha vakamhura nzvimbo tsvene yaJehovha, inodikanwa naye, vakawana mukunda wamwari wavatorwa.
12. Munhu anoita zvakadai, Jehovha achamubvisira pamatende aJakobho, anodana neanopindura, neanovigira Jehovha wehondo zvipiriso
13. Munoitawo izvozvi munofukidza atari yaJehovha nemisodzi, nokuchema, nokugomera, naizvozvo haacharangariri chipiriso, kana kuchigamuchira nomufaro pamaoko enyu.
14. Kunyange zvakadaro munoti, `Nemhaka yeiko?' Nokuti Jehovha akanga ari chapupu pakati pako nomukadzi woujaya hwako, wawakanyengera, kunyange ari shamwari yako, nomukadzi wako wawakaita sungano yako naye.
15. Ko haana kuita mumwe chete, kunyange akanga ane mumwe Mweya wakasara here? Zvino wakaitireiko mumwe chete? Wakatsvaka rudzi rwaMwari. Saka chenjererai mweya yenyu, kurege kuva nomumwe anonyengera mukadzi woujaya hwake.
16. Nokuti ndinovenga kurambana ndizvo zvinotaura Jehovha, Mwari waIsiraeri uye munhu anofukidza nguo yake nokumanikidza ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; saka chenjererai mweya yenyu, kuti murege kunyengera.
17. "Makanetsa Jehovha namashoko enyu. Kunyange zvakadaro munoti, `Takamunetsa neiko?' Pakutaura kwenyu, muchiti, `Mumwe nomumwe anoita zvakaipa, vakanaka pamberi paJehovha, ndivo vaanofarira,' kana: `Mwari wezvakarurama aripiko?

  Malachi (2/4)