Luke (9/24)  

1. Zvino wakavunganidza vanegumi navaviri, akavapa simba nechikuriri pamusoro pemweya yakaipa yose, nokuporesa kurwara.
2. Akavatuma kuparidza vushe bwaMwari nokuporesa vanorwara.
3. Akati kwavari: Musatongotora zvomunzira, kana mudonzvo, kana hombodo, kana chingwa, kana mari; musava nenguvo mbiri.
4. Imba ipi neipi yamunopinda mairi, garaimo, kusvika muchibvapo.
5. Vuye vose vasingakugamuchirii, kana mobva paguta iro, muzuze guruva riri patsoka dzenyu, chive chapupu kwavari.
6. Ipapo vakabva, vakapota nemisha, vakaparidza Evhangeri, nokuporesa panzvimbo dzose.
7. Zvino Herodhe, mubati, wakanzwa zvose zvakanga zvichiitwa; akakanganiswa, nokuti vamwe vakanga vachiti, Johane wakamuka kuvakafa;
8. vamwe kuti Eria wavonekwa; navamwe zve, kuti mumwe wavaporofita vekare wamuka.
9. Herodhe akati: Johane ndakamugura musoro; zvino ndianiko uyu, wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake Akatsvaka kumuvona.
10. Vapostora vakati vadzoka, vakamurondedzera zvose zvavakanga vaita; akavatora, akaenda navo vari voga kuguta rainzi Betsaida.
11. Zvino vanhu vazhinji vachizviziva, vakamutevera; akavagamuchira, akavavudza zvovushe bwaMwari, akaporesa vakanga vachida kuporeswa.
12. Zuva rakati rovira, vanegumi navaviri vakavuya, vakati kwaari: Endisai vanhu vazhinji, vaende kumisha nokuruwa rwakapoteredza, vagare’ko, vawane zvokudya; nokuti pano patiri murenje.
13. Asi iye akati kwavari: Muvape imi, vadye. Vakati: Isu hatinezvingwa zvingapfuvura zvishanu, nehove mbiri, asi kana tikaenda kundotengera vanhu ava vose zvokudya.
14. Nokuti vaiva varume vanenge zvuru zvishanu. Akati kuvadzidzi vake: Vagarisei pasi vaite mapoka, anavanhu vanenge makumi mashanu.
15. Vakaita kudaro, vakavagarisa vose.
16. Ipapo akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kudenga, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi kuti vaise pamberi pavanhu vazhinji.
17. Vakadya, vakaguta vose; vakavunganidza zvimedu zvavakanga vasarirwa nazvo, matengu anegumi namaviri.
18. Zvino wakati achinyengetera ari oga vadzidzi vake vakanga vanaye; akavabvunza, achiti: Vanhu vazhinji vanoti ndini aniko?
19. Vakapindura, vakati, Vamwe vanoti: Johane Mubhabhatidzi; vamwe Eria; vamwe zve, kuti mumwe wavaporofita vekare wamuka.
20. Akati kwavari: Ko imi munoti ndini ani? Ipapo Petro akapindura, akati: Ndimi Kristu waMwari.
21. Akavavudza zvikuru, nokuvaraira kuti varege kuzivisa munhu izvozvo;
22. achiti: Mwanakomana womunhu unofanira kutambudzika zvizhinji, nokurashwa navakuru navaPirisita vakuru navanyori, nokuvurawa, nokumutswa nezuva retatu.
23. Zvino wakati kuna vose: Kana munhu achida kutevera shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere.
24. Nokuti aninani unoda kuponesa vupenyu hwake, ucharashikirwa nabwo; asi unorashikirwa novupenyu bwakwe nokuda kwangu, uchabwuponesa.
25. Nokuti munhu uchabatsirwaneiko kana awana nyika yose, akarashikirwa noupenyu hwake kana kurashiwa.?
26. Nokuti aninani unonyara pamusoro pangu namashoko angu, Mwanakomana womunhu uchanyara vo pamusoro pake musi waanovuya nokubwinya kwake nokwaBaba, nokwavatumwa vatsvene.
27. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kunavamire pano vasingazonzwi rufu; vasati vavona vushe bwaMwari.
28. Zvino kwakati kwapera mazuva masere pashure pamashoko awa akatora Petro naJohane naJakobho, akakwira mugomo kundonyengetera.
29. Zvino wakati achinyengetera, mugarire wechiso chake ukashanduka, nguvo dzake dzikachena dzikapenya.
30. Zvino tarira, varume vaviri, vana Mosesi naEria, vakavonekwa vachitaurirana naye.
31. Vakavonekwa mukuhwinya, akataura zvokuenda kwake kwaakanga wondopedzisa paJerusarema.
32. Zvino Petro, navaiva naye, vakanga vabatwa nehope; asi vakati vachipepuka, vakavona kubwinya kwake, navarume vaviri vamire naye.
33. Zvino vakati voparadzana, Petro akati kunaJesu: Tenzi, zvakanaka zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria, asingazivi zvaanoreva.
34. Wakati achataura izvozvo, gore rikavuya, rikavafukidza; vakatya vachipinda mugore.
35. Ipapo inzwi rakabva mugore, richi; Uyu Mwanakomana wangu, unodikanwa mumunzwei!
36. Inzwi rakati raenda, Jesu akavonekwa ari oga. Vakanyarara, vakasavudza munhu; namazuva iwayo, chinhu chimwe chavakanga vavona.
37. Nezuva rinotevera vakati vaburuka mugomo, vanhu vazhinji-zhinji vakasangana navo.
38. Zvino mumwe murume pakati pavazhinji wakadana, akati: Mudzidzisi, ndinokumbira kwamuri kuti mutarire mwanakomana wangu nokuti ndiye mwana wangu mumwe woga.
39. Tarirai, mweya unomubata, zvino woridza mhere pakarepo; unomubvundisa, achipupuma furo; haudi kumurega, asi unomurwadzisa zvikuru.
40. Ndakakumbira kuvadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.
41. Jesu akapindura, akati: Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka; ndichagara nemi kusvikira riniko, nokukuitirai moyo murefu kusvikira rinhiko? Vuya pano nomwanakomana wako.
42. Akati achavuya, mweya wakaipa ukamuwisira pasi, ukamubvundisa zvikuru. Asi Jesu wakaraira mweya wetsvina, akaporesa mwana, akamudzosera kunaBaba vake.
43. Vose vakashamiswa novukuru bwaMwari. Zvino vose vachashamiswa nezvose zvaakaita, akati kuvadzidzi vake:
44. Mashoko awa ngaapinde munzeve dzenyu; nokuti Mwanakomana womunhu uchaiswa mumavoko avanhu.
45. Asi ivo havana kunzwisisa kutaura uku; vakanga vakavanzirwa, kuti varege kukunzwisisa; vakatya kumubvunza pamusoro pokutaura uku.
46. Zvino nharo dzikamuka pakati pavo, kuti ndiani mukuru kwavari.
47. Asi Jesu, zvaakanga achiziva kufunga kwemoyo yavo, akatora mwana muduku, akamuisa parutivi rwake,
48. , akati kwavari: Aninani unogamuchira mwana uyu muzita rangu,unondigamuchira ini,ani nani unondigamuchira ini unogamuchira wakandituma;uyu uri muduku kwamuri mose, uchava mukuru.
49. Johane akapindura, akati: Tenzi, tavona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haateveri nesu.
50. Asi Jesu akati kwaari: Musamudzivisa; nokuti usingapesani nesu, unesu.
51. Mazuva okukwidzwa kwake akati oswedera, wakaramba akarinzira chiso chake kuenda Jerusarema,
52. akatuma nhume pamberi pake. Idzo dzikaenda, dzikapinda mumusha wavaSamaria kundomugadzirira.
53. Asi havana kumugamuchira, nokuti chiso chake chakanga chakaringira Jerusarema.
54. Vadzidzizi vake, Jakobho naJohane, vakati vachizvivona, vakati: Ishe, munoda kuti titi moto uburuke kudenga, uvaparadze sezvakaitwa naEria here?
55. Asi iye wakatendevuka, akavaraira akati hamuzivi kuti muri vomweya wakadii.
56. Nokuti mwanakomana womunhu haana kuvuya kuzoparadza upenyu hwavanhu asi kuvaponesa. Ipapo vakaenda kuneumwe musha.
57. Zvino vakati vachifamba munzira, mumwe munhu akati kwaari: Ishe ndichakuteverai pose pamunoenda.
58. Jesu akati kwaari: Mhungubwe dzinemwena, neshiri dzokudenga dzinamatendere, asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamidza musoro wake.
59. Akati kunomumwe: Nditevere. Iye akati: Nditenderei henyu ndimbondoviga baba vangu.
60. Jesu akati kwaari, rega vakafa vavige vakafa vavo; asi iwe, enda undoparidza vushe bwaMwari.
61. Mumwe zve akati: Ndichakuteverai Ishe, asi mukanditendera henyu ndimbondowonekana navari mumba mangu.
62. Asi Jesu akati kwaari: Hakunomunhu ungati kana aisa ruvoko rwake pabadza, akacheukira shure, ungafanirwa novushe bwaMwari.

  Luke (9/24)