← Luke (9/24) → |
1. | Zvino wakavunganidza vanegumi navaviri, akavapa simba nechikuriri pamusoro pemweya yakaipa yose, nokuporesa kurwara. |
2. | Akavatuma kuparidza vushe bwaMwari nokuporesa vanorwara. |
3. | Akati kwavari: Musatongotora zvomunzira, kana mudonzvo, kana hombodo, kana chingwa, kana mari; musava nenguvo mbiri. |
4. | Imba ipi neipi yamunopinda mairi, garaimo, kusvika muchibvapo. |
5. | Vuye vose vasingakugamuchirii, kana mobva paguta iro, muzuze guruva riri patsoka dzenyu, chive chapupu kwavari. |
6. | Ipapo vakabva, vakapota nemisha, vakaparidza Evhangeri, nokuporesa panzvimbo dzose. |
7. | Zvino Herodhe, mubati, wakanzwa zvose zvakanga zvichiitwa; akakanganiswa, nokuti vamwe vakanga vachiti, Johane wakamuka kuvakafa; |
8. | vamwe kuti Eria wavonekwa; navamwe zve, kuti mumwe wavaporofita vekare wamuka. |
9. | Herodhe akati: Johane ndakamugura musoro; zvino ndianiko uyu, wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake Akatsvaka kumuvona. |
10. | Vapostora vakati vadzoka, vakamurondedzera zvose zvavakanga vaita; akavatora, akaenda navo vari voga kuguta rainzi Betsaida. |
11. | Zvino vanhu vazhinji vachizviziva, vakamutevera; akavagamuchira, akavavudza zvovushe bwaMwari, akaporesa vakanga vachida kuporeswa. |
12. | Zuva rakati rovira, vanegumi navaviri vakavuya, vakati kwaari: Endisai vanhu vazhinji, vaende kumisha nokuruwa rwakapoteredza, vagare’ko, vawane zvokudya; nokuti pano patiri murenje. |
13. | Asi iye akati kwavari: Muvape imi, vadye. Vakati: Isu hatinezvingwa zvingapfuvura zvishanu, nehove mbiri, asi kana tikaenda kundotengera vanhu ava vose zvokudya. |
14. | Nokuti vaiva varume vanenge zvuru zvishanu. Akati kuvadzidzi vake: Vagarisei pasi vaite mapoka, anavanhu vanenge makumi mashanu. |
15. | Vakaita kudaro, vakavagarisa vose. |
16. | Ipapo akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kudenga, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi kuti vaise pamberi pavanhu vazhinji. |
17. | Vakadya, vakaguta vose; vakavunganidza zvimedu zvavakanga vasarirwa nazvo, matengu anegumi namaviri. |
18. | Zvino wakati achinyengetera ari oga vadzidzi vake vakanga vanaye; akavabvunza, achiti: Vanhu vazhinji vanoti ndini aniko? |
19. | Vakapindura, vakati, Vamwe vanoti: Johane Mubhabhatidzi; vamwe Eria; vamwe zve, kuti mumwe wavaporofita vekare wamuka. |
20. | Akati kwavari: Ko imi munoti ndini ani? Ipapo Petro akapindura, akati: Ndimi Kristu waMwari. |
21. | Akavavudza zvikuru, nokuvaraira kuti varege kuzivisa munhu izvozvo; |
22. | achiti: Mwanakomana womunhu unofanira kutambudzika zvizhinji, nokurashwa navakuru navaPirisita vakuru navanyori, nokuvurawa, nokumutswa nezuva retatu. |
23. | Zvino wakati kuna vose: Kana munhu achida kutevera shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere. |
24. | Nokuti aninani unoda kuponesa vupenyu hwake, ucharashikirwa nabwo; asi unorashikirwa novupenyu bwakwe nokuda kwangu, uchabwuponesa. |
25. | Nokuti munhu uchabatsirwaneiko kana awana nyika yose, akarashikirwa noupenyu hwake kana kurashiwa.? |
26. | Nokuti aninani unonyara pamusoro pangu namashoko angu, Mwanakomana womunhu uchanyara vo pamusoro pake musi waanovuya nokubwinya kwake nokwaBaba, nokwavatumwa vatsvene. |
27. | Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kunavamire pano vasingazonzwi rufu; vasati vavona vushe bwaMwari. |
28. | Zvino kwakati kwapera mazuva masere pashure pamashoko awa akatora Petro naJohane naJakobho, akakwira mugomo kundonyengetera. |
29. | Zvino wakati achinyengetera, mugarire wechiso chake ukashanduka, nguvo dzake dzikachena dzikapenya. |
30. | Zvino tarira, varume vaviri, vana Mosesi naEria, vakavonekwa vachitaurirana naye. |
31. | Vakavonekwa mukuhwinya, akataura zvokuenda kwake kwaakanga wondopedzisa paJerusarema. |
32. | Zvino Petro, navaiva naye, vakanga vabatwa nehope; asi vakati vachipepuka, vakavona kubwinya kwake, navarume vaviri vamire naye. |
33. | Zvino vakati voparadzana, Petro akati kunaJesu: Tenzi, zvakanaka zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria, asingazivi zvaanoreva. |
34. | Wakati achataura izvozvo, gore rikavuya, rikavafukidza; vakatya vachipinda mugore. |
35. | Ipapo inzwi rakabva mugore, richi; Uyu Mwanakomana wangu, unodikanwa mumunzwei! |
36. | Inzwi rakati raenda, Jesu akavonekwa ari oga. Vakanyarara, vakasavudza munhu; namazuva iwayo, chinhu chimwe chavakanga vavona. |
37. | Nezuva rinotevera vakati vaburuka mugomo, vanhu vazhinji-zhinji vakasangana navo. |
38. | Zvino mumwe murume pakati pavazhinji wakadana, akati: Mudzidzisi, ndinokumbira kwamuri kuti mutarire mwanakomana wangu nokuti ndiye mwana wangu mumwe woga. |
39. | Tarirai, mweya unomubata, zvino woridza mhere pakarepo; unomubvundisa, achipupuma furo; haudi kumurega, asi unomurwadzisa zvikuru. |
40. | Ndakakumbira kuvadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona. |
41. | Jesu akapindura, akati: Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka; ndichagara nemi kusvikira riniko, nokukuitirai moyo murefu kusvikira rinhiko? Vuya pano nomwanakomana wako. |
42. | Akati achavuya, mweya wakaipa ukamuwisira pasi, ukamubvundisa zvikuru. Asi Jesu wakaraira mweya wetsvina, akaporesa mwana, akamudzosera kunaBaba vake. |
43. | Vose vakashamiswa novukuru bwaMwari. Zvino vose vachashamiswa nezvose zvaakaita, akati kuvadzidzi vake: |
44. | Mashoko awa ngaapinde munzeve dzenyu; nokuti Mwanakomana womunhu uchaiswa mumavoko avanhu. |
45. | Asi ivo havana kunzwisisa kutaura uku; vakanga vakavanzirwa, kuti varege kukunzwisisa; vakatya kumubvunza pamusoro pokutaura uku. |
46. | Zvino nharo dzikamuka pakati pavo, kuti ndiani mukuru kwavari. |
47. | Asi Jesu, zvaakanga achiziva kufunga kwemoyo yavo, akatora mwana muduku, akamuisa parutivi rwake, |
48. | , akati kwavari: Aninani unogamuchira mwana uyu muzita rangu,unondigamuchira ini,ani nani unondigamuchira ini unogamuchira wakandituma;uyu uri muduku kwamuri mose, uchava mukuru. |
49. | Johane akapindura, akati: Tenzi, tavona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haateveri nesu. |
50. | Asi Jesu akati kwaari: Musamudzivisa; nokuti usingapesani nesu, unesu. |
51. | Mazuva okukwidzwa kwake akati oswedera, wakaramba akarinzira chiso chake kuenda Jerusarema, |
52. | akatuma nhume pamberi pake. Idzo dzikaenda, dzikapinda mumusha wavaSamaria kundomugadzirira. |
53. | Asi havana kumugamuchira, nokuti chiso chake chakanga chakaringira Jerusarema. |
54. | Vadzidzizi vake, Jakobho naJohane, vakati vachizvivona, vakati: Ishe, munoda kuti titi moto uburuke kudenga, uvaparadze sezvakaitwa naEria here? |
55. | Asi iye wakatendevuka, akavaraira akati hamuzivi kuti muri vomweya wakadii. |
56. | Nokuti mwanakomana womunhu haana kuvuya kuzoparadza upenyu hwavanhu asi kuvaponesa. Ipapo vakaenda kuneumwe musha. |
57. | Zvino vakati vachifamba munzira, mumwe munhu akati kwaari: Ishe ndichakuteverai pose pamunoenda. |
58. | Jesu akati kwaari: Mhungubwe dzinemwena, neshiri dzokudenga dzinamatendere, asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamidza musoro wake. |
59. | Akati kunomumwe: Nditevere. Iye akati: Nditenderei henyu ndimbondoviga baba vangu. |
60. | Jesu akati kwaari, rega vakafa vavige vakafa vavo; asi iwe, enda undoparidza vushe bwaMwari. |
61. | Mumwe zve akati: Ndichakuteverai Ishe, asi mukanditendera henyu ndimbondowonekana navari mumba mangu. |
62. | Asi Jesu akati kwaari: Hakunomunhu ungati kana aisa ruvoko rwake pabadza, akacheukira shure, ungafanirwa novushe bwaMwari. |
← Luke (9/24) → |