| ← Luke (8/24) → |
| 1. | Zvino shure kwaizvozvo, wakapota nokumaguta nemisha, achiparidza nokureva zveEvhangeri yovushe bwaMwari, vanegumi naviri vanaye. |
| 2. | Navamwe vakadzi vakanga vaporeswa pamweya yakaipa napamarwere, vaiti, Maria unonzi Magdarene, iye wakanga abuda mweya yakaipa minomwe kwaari, |
| 3. | naJohane, mukadzi waKuza, mutariri waHerodhe, naSusana, navamwe vazhinji, vaimushumira nezvavo. |
| 4. | Zvino vanhu vazhinji-zhinji vakati vavungana, navakanga vabva kumaguta ose vasvika kwaari, akataura nomufananidzo. Akati: |
| 5. | Mukushi wakabuda kundokusha mbeu dzake; wakati achikusha dzimwe dzakawira panzira, dzikatsikwa, shiri dzokudenga dzikadzidya. |
| 6. | Dzimwe dzakawira paruware; dzikamera, dzikawoma, nokushaiwa mwando. |
| 7. | Dzimwe dzakawira pakati peminzwa; minzwa ikakura pamwe chete nadzo, ikadzivhunga. |
| 8. | Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikamera, dzikabereka zvibereko zvinezana. Akati ataura izvozvo, akadanidzira, achiti: Unenzeve dzokunzwa, ngaanzwe. |
| 9. | Zvino vadzidzi vake vakamubvunza, kuti mufananidzo uyo wairevei. |
| 10. | Akati: Imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvovushe bwaMwari; asi vamwe vanozvipiwa nemifananidzo, kuti vachivona, varege kuvona; vachinzwa, varege kunzwisisa. |
| 11. | Zvino mufananidzo ndiwo; Mbeu ishoko raMwari. |
| 12. | Avo vapanzira ndivo vakanzwa; zvino Dhiabhorosi unovuya, akabvisa shoko pamoyo yavo, kuti varege kutenda, vakaponeswa. |
| 13. | Avo vaparuware ndivo vanoti kana vanzwa shoko, vanorigamuchira nomufaro; havanomudzi, vanongotenda nguva duku; nenguva yokuidzwa vanotsauka. |
| 14. | Dzakawira pakati peminzwa ndivo vakanzwa; zvino vanoenda, vakavhungiwa nokufunganya nefuma, nezvinofadza zvovupenyu hwuno, vakasasvitsa zvibereko. |
| 15. | Asi dzomuvhu rakanaka, ndivo vakanzwa shoko mumoyo wakarurama nowakanaka, vanorichengeta, vachibereka zvibereko nokutsungirira. |
| 16. | Hakunomunhu, unoti kana atungidza mwenje, unozoufukidzira nomudziyo, kana kuuisa pasi pomubedha; asi unouisa pachigadziko, kuti vanopinda vavone chiedza. |
| 17. | Nokuti hakuna chakavanzika, chisingazovoneswi,hakuna chakavigwa chisingazozikanwi nokubuda pachena. |
| 18. | Naizvozvo, chenjerai mutovo wamunonzwa nawo; nokuti unazvo, uchapiwa; usina, uchatorerwa naichecho chaanoita sounacho. |
| 19. | Zvino mai vake navanun’una vake vakavuya kwaari, vakasagona kusvika kwaari nemhaka yavanhu vazhinji. |
| 20. | Akavudzwa, zvichinzi: Mai venyu navanun’una venyu vamire kunze, vanoda kukuvonai. |
| 21. | Akapindura, akati kwavari: Mai vangu navanun’una vangu ndivo vanonzwa shoko raMwari vachiriita. |
| 22. | Zvino nerimwe ramazuva iwayo wakapinda mugwa navadzidzi vake akati kwavari: Ngatiyambukire mhiri kwegungwa. Vakaenda. |
| 23. | Zvino vakati vachienda, iye akavata; dutu guru remhepo rikavuya pagungwa; vakatanga kuzarirwa nemvura, vakava munjodzi. |
| 24. | Vakavuya kwaari, vakamumutsa, vachiti: Tenzi! Tenzi! Toparara! Ipapo akamuka, akaraira mhepo namafungu emvura; zvikaguma, kukadzikama. |
| 25. | Zvino akati kwavari: Kutenda kwenyu kuripiko? Vakatya nokushamiswa, vakataurirana, vachiti: Ndianiko uyu, zvaanoraira kunyange nemhepo nemvura, zvichimuterera? |
| 26. | Zvino vakasvika kunyika yavaGerasa, yakatarisana neGarirea. |
| 27. | Wakati achibuda mugwa panyika, mumwe murume weguta akasongana naye, wakanga anemweya yakaipa; nguva huru wakanga asina kupfeka nguvo, asingagari mumba, asi mumarinda. |
| 28. | Zvino iye wakati achivona Jesu, akadanidzira, ndokuzviwisira pamberi pake, akati nenzwi guru: ndinemhaka yeiko nemi Jesu, Mwanakomana woWokumusoro? Ndinokumbira kwamuri kuti musanditambudza. |
| 29. | Nokuti wakaraira mweya wetsvina kuti ubude kumunhu. Nokuti kazhinji wakamubata akachengetwa akasungwa nezvisungo namaketani; akadambura zvisungo, akadzingirwa kumarenje nomweya wakaipa. |
| 30. | Jesu akamubvunza, achiti: Zita rako ndianiko? Akati. Regioni. Nokuti mweya yakaipa mizhinji yakanga yapinda maari. |
| 31. | Ikakumbira zvikuru kwaari, kuti arege kuiraira kuti iende kwakadzika-dzika. |
| 32. | Zvino kwakanga kuripo boka guru renguruve zhinji, raifura mugomo; ikakumbira zvikuru kwaari, kuti aitendere kupinda madziri; akaitendera. |
| 33. | Mweya yakaipa ikabuda kumunhu, ikapinda munguruve; ipapo boka rakamhanyira kumawere kugungwa, dzikabitirirwa. |
| 34. | Vaidzifudza vakati vavona zvaitwa, vakatiza, vakandovudza izvozvo muguta naparuwa. |
| 35. | Vakabuda kundovona zvaitwa; vakasvika kunaJesu, vakandowana munhu, makanga mabuda mweya yakaipa maari, agere patsoka dzaJesu, akapfeka, ari munhu kwaye; vakatya. |
| 36. | Vakanga vazvivona vakavavudza mutovo waakaporeswa nawo, iye waiva nemweya yakaipa. |
| 37. | Vanhu vose venyika yakapoteredza yavaGerasa vakakumbira kwaari kuti abve kwavari, nokuti vakanga vabatwa nokutya kukuru. Akapinda mugwa, akadzoka. |
| 38. | Asi munhu uyo, makanga mabuda mweya yakaipa maari, wakakumbira kwaari kuti agare naye. Asi Jesu wakamudzosa, achiti: |
| 39. | Dzokera kumba kwako, undotaura zvinhu zvikuru zvawaitirwa naMwari. Akaenda, akandoparidza muguta rose zvinhu zvikuru zvaakaitirwa naJesu. |
| 40. | Zvino Jesu wakati achidzoka, vazhinji vakamugamuchira; nokuti vose vakanga vakamumirira. |
| 41. | Ipapo mumwe murume, wainzi Jairosi, wakanga ari mukuru wesinagoge, wakavuya akazviwisira patsoka dzaJesu, akakumbira zvikuru kwaari kuti apinde mumba make. |
| 42. | Nokuti wakanga anomukunda mumwe chete, waiva namakore anenge gumi namaviri, wakanga otandadza. Zvino wakati achienda, vanhu vazhinji vakamumanikidza. |
| 43. | Ipapo mumwe mukadzi, waiva nokurwara kwokubuda ropa makore anegumi namaviri, wakanga apedzera kuna vana chiremba zvose zvaairarama nazvo, asingabetserwi kunyange neimwe yadzo. |
| 44. | akavuya mashure make, akabata mupendero wenguvo yake, pakarepo kubuda kwake kweropa kukaguma. |
| 45. | Jesu akati: Ndianiko wandibata? Zvino vose vakati vachiramba, Petro navaiva naye vakati, Tenzi, vanhu vazhinji vanokumanikidzai nokukutsikirirai zvino moti ndiani wandibata. |
| 46. | Asi Jesu wakati: Mumwe wandibata, nokuti ndanzwa kuti simba rabuda kwandiri. |
| 47. | Zvino mukadzi wakati achivona kuti haana kuvanzika, akavuya, achidedera, akazviwisira pasi pamberi pake, akamuvudza pamberi pavose kuti wakanga amubata nemhaka yei, vuye kuti wakaporeswa pakarepo. |
| 48. | Akati kwaari: Mukunda, usatya kutenda kwako kwakuporesa, enda hako norugare. |
| 49. | Wakati achataura, mumwe akasvika, achibva kumba kwemukuru wesinagoge, akati kwaari: Mukunda wenyu wafa; regai henyu kutambudza Mudzidzisi. |
| 50. | Zvino Jesu wakati achizvinzwa, akapindura, akati: Usatya, tenda bedzi, iye uchaponeswa. |
| 51. | Zvino wakati asvika kumba, akasatendera munhu kupinda naye, asi Petro, naJohane, naJakobho, nababa vomusikana, namai. |
| 52. | Vose vakanga vachichema, vachimuririra. Iye akati: Musachema, haana kufa, asi uvete. |
| 53. | Vakamuseka, vachiziva kuti wafa. |
| 54. | Zvino wakavabudisira panze vose akabata ruvoko rwake, akadana, achiti: Musikana, muka! |
| 55. | Ipapo mweya wake wakadzoka, akamuka pakarepo. Akaraira kuti apiwe zvokudya. |
| 56. | Vabereki vake vakashamiswa, asi wakavaraira kuti varege kuvudza munhu zvakaitwa. |
| ← Luke (8/24) → |