Luke (8/24)  

1. Zvino shure kwaizvozvo, wakapota nokumaguta nemisha, achiparidza nokureva zveEvhangeri yovushe bwaMwari, vanegumi naviri vanaye.
2. Navamwe vakadzi vakanga vaporeswa pamweya yakaipa napamarwere, vaiti, Maria unonzi Magdarene, iye wakanga abuda mweya yakaipa minomwe kwaari,
3. naJohane, mukadzi waKuza, mutariri waHerodhe, naSusana, navamwe vazhinji, vaimushumira nezvavo.
4. Zvino vanhu vazhinji-zhinji vakati vavungana, navakanga vabva kumaguta ose vasvika kwaari, akataura nomufananidzo. Akati:
5. Mukushi wakabuda kundokusha mbeu dzake; wakati achikusha dzimwe dzakawira panzira, dzikatsikwa, shiri dzokudenga dzikadzidya.
6. Dzimwe dzakawira paruware; dzikamera, dzikawoma, nokushaiwa mwando.
7. Dzimwe dzakawira pakati peminzwa; minzwa ikakura pamwe chete nadzo, ikadzivhunga.
8. Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikamera, dzikabereka zvibereko zvinezana. Akati ataura izvozvo, akadanidzira, achiti: Unenzeve dzokunzwa, ngaanzwe.
9. Zvino vadzidzi vake vakamubvunza, kuti mufananidzo uyo wairevei.
10. Akati: Imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvovushe bwaMwari; asi vamwe vanozvipiwa nemifananidzo, kuti vachivona, varege kuvona; vachinzwa, varege kunzwisisa.
11. Zvino mufananidzo ndiwo; Mbeu ishoko raMwari.
12. Avo vapanzira ndivo vakanzwa; zvino Dhiabhorosi unovuya, akabvisa shoko pamoyo yavo, kuti varege kutenda, vakaponeswa.
13. Avo vaparuware ndivo vanoti kana vanzwa shoko, vanorigamuchira nomufaro; havanomudzi, vanongotenda nguva duku; nenguva yokuidzwa vanotsauka.
14. Dzakawira pakati peminzwa ndivo vakanzwa; zvino vanoenda, vakavhungiwa nokufunganya nefuma, nezvinofadza zvovupenyu hwuno, vakasasvitsa zvibereko.
15. Asi dzomuvhu rakanaka, ndivo vakanzwa shoko mumoyo wakarurama nowakanaka, vanorichengeta, vachibereka zvibereko nokutsungirira.
16. Hakunomunhu, unoti kana atungidza mwenje, unozoufukidzira nomudziyo, kana kuuisa pasi pomubedha; asi unouisa pachigadziko, kuti vanopinda vavone chiedza.
17. Nokuti hakuna chakavanzika, chisingazovoneswi,hakuna chakavigwa chisingazozikanwi nokubuda pachena.
18. Naizvozvo, chenjerai mutovo wamunonzwa nawo; nokuti unazvo, uchapiwa; usina, uchatorerwa naichecho chaanoita sounacho.
19. Zvino mai vake navanun’una vake vakavuya kwaari, vakasagona kusvika kwaari nemhaka yavanhu vazhinji.
20. Akavudzwa, zvichinzi: Mai venyu navanun’una venyu vamire kunze, vanoda kukuvonai.
21. Akapindura, akati kwavari: Mai vangu navanun’una vangu ndivo vanonzwa shoko raMwari vachiriita.
22. Zvino nerimwe ramazuva iwayo wakapinda mugwa navadzidzi vake akati kwavari: Ngatiyambukire mhiri kwegungwa. Vakaenda.
23. Zvino vakati vachienda, iye akavata; dutu guru remhepo rikavuya pagungwa; vakatanga kuzarirwa nemvura, vakava munjodzi.
24. Vakavuya kwaari, vakamumutsa, vachiti: Tenzi! Tenzi! Toparara! Ipapo akamuka, akaraira mhepo namafungu emvura; zvikaguma, kukadzikama.
25. Zvino akati kwavari: Kutenda kwenyu kuripiko? Vakatya nokushamiswa, vakataurirana, vachiti: Ndianiko uyu, zvaanoraira kunyange nemhepo nemvura, zvichimuterera?
26. Zvino vakasvika kunyika yavaGerasa, yakatarisana neGarirea.
27. Wakati achibuda mugwa panyika, mumwe murume weguta akasongana naye, wakanga anemweya yakaipa; nguva huru wakanga asina kupfeka nguvo, asingagari mumba, asi mumarinda.
28. Zvino iye wakati achivona Jesu, akadanidzira, ndokuzviwisira pamberi pake, akati nenzwi guru: ndinemhaka yeiko nemi Jesu, Mwanakomana woWokumusoro? Ndinokumbira kwamuri kuti musanditambudza.
29. Nokuti wakaraira mweya wetsvina kuti ubude kumunhu. Nokuti kazhinji wakamubata akachengetwa akasungwa nezvisungo namaketani; akadambura zvisungo, akadzingirwa kumarenje nomweya wakaipa.
30. Jesu akamubvunza, achiti: Zita rako ndianiko? Akati. Regioni. Nokuti mweya yakaipa mizhinji yakanga yapinda maari.
31. Ikakumbira zvikuru kwaari, kuti arege kuiraira kuti iende kwakadzika-dzika.
32. Zvino kwakanga kuripo boka guru renguruve zhinji, raifura mugomo; ikakumbira zvikuru kwaari, kuti aitendere kupinda madziri; akaitendera.
33. Mweya yakaipa ikabuda kumunhu, ikapinda munguruve; ipapo boka rakamhanyira kumawere kugungwa, dzikabitirirwa.
34. Vaidzifudza vakati vavona zvaitwa, vakatiza, vakandovudza izvozvo muguta naparuwa.
35. Vakabuda kundovona zvaitwa; vakasvika kunaJesu, vakandowana munhu, makanga mabuda mweya yakaipa maari, agere patsoka dzaJesu, akapfeka, ari munhu kwaye; vakatya.
36. Vakanga vazvivona vakavavudza mutovo waakaporeswa nawo, iye waiva nemweya yakaipa.
37. Vanhu vose venyika yakapoteredza yavaGerasa vakakumbira kwaari kuti abve kwavari, nokuti vakanga vabatwa nokutya kukuru. Akapinda mugwa, akadzoka.
38. Asi munhu uyo, makanga mabuda mweya yakaipa maari, wakakumbira kwaari kuti agare naye. Asi Jesu wakamudzosa, achiti:
39. Dzokera kumba kwako, undotaura zvinhu zvikuru zvawaitirwa naMwari. Akaenda, akandoparidza muguta rose zvinhu zvikuru zvaakaitirwa naJesu.
40. Zvino Jesu wakati achidzoka, vazhinji vakamugamuchira; nokuti vose vakanga vakamumirira.
41. Ipapo mumwe murume, wainzi Jairosi, wakanga ari mukuru wesinagoge, wakavuya akazviwisira patsoka dzaJesu, akakumbira zvikuru kwaari kuti apinde mumba make.
42. Nokuti wakanga anomukunda mumwe chete, waiva namakore anenge gumi namaviri, wakanga otandadza. Zvino wakati achienda, vanhu vazhinji vakamumanikidza.
43. Ipapo mumwe mukadzi, waiva nokurwara kwokubuda ropa makore anegumi namaviri, wakanga apedzera kuna vana chiremba zvose zvaairarama nazvo, asingabetserwi kunyange neimwe yadzo.
44. akavuya mashure make, akabata mupendero wenguvo yake, pakarepo kubuda kwake kweropa kukaguma.
45. Jesu akati: Ndianiko wandibata? Zvino vose vakati vachiramba, Petro navaiva naye vakati, Tenzi, vanhu vazhinji vanokumanikidzai nokukutsikirirai zvino moti ndiani wandibata.
46. Asi Jesu wakati: Mumwe wandibata, nokuti ndanzwa kuti simba rabuda kwandiri.
47. Zvino mukadzi wakati achivona kuti haana kuvanzika, akavuya, achidedera, akazviwisira pasi pamberi pake, akamuvudza pamberi pavose kuti wakanga amubata nemhaka yei, vuye kuti wakaporeswa pakarepo.
48. Akati kwaari: Mukunda, usatya kutenda kwako kwakuporesa, enda hako norugare.
49. Wakati achataura, mumwe akasvika, achibva kumba kwemukuru wesinagoge, akati kwaari: Mukunda wenyu wafa; regai henyu kutambudza Mudzidzisi.
50. Zvino Jesu wakati achizvinzwa, akapindura, akati: Usatya, tenda bedzi, iye uchaponeswa.
51. Zvino wakati asvika kumba, akasatendera munhu kupinda naye, asi Petro, naJohane, naJakobho, nababa vomusikana, namai.
52. Vose vakanga vachichema, vachimuririra. Iye akati: Musachema, haana kufa, asi uvete.
53. Vakamuseka, vachiziva kuti wafa.
54. Zvino wakavabudisira panze vose akabata ruvoko rwake, akadana, achiti: Musikana, muka!
55. Ipapo mweya wake wakadzoka, akamuka pakarepo. Akaraira kuti apiwe zvokudya.
56. Vabereki vake vakashamiswa, asi wakavaraira kuti varege kuvudza munhu zvakaitwa.

  Luke (8/24)