← Luke (7/24) → |
1. | Zvino wakati apedzisa mashoko ake ose, vanhu vachinzwa, akapinda Kapernaume. |
2. | Muranda womumwe mukuru wezana waidikamwa naye, wakanga achirwara, achitandadza. |
3. | Zvino wakati anzwa zvaJesu, akatuma vakuru vavaJudha kwaari achikumbira kuti avuye kuzoporesa muranda wake. |
4. | Ivo vakati vachisvika kunaJesu, vakakumbira zvikuru kwaari, vachiti: Iye wakafanira kuti, mumuitire izvozvo; |
5. | nokuti unoda rudzi rwedu, ndiye wakativakira sinagoge redu. |
6. | Jesu akaenda navo,. Zvino ava pedo neimba, mukuru wezana akatuma shamwari dzake, kuzoti kwaari: Ishe, musazvitambudza; nokuti handina kufanirwa kuti mupinde mumba mangu; |
7. | naizvozvo ndakati handifaniri kuvuya kwamuri; asi taurai henyu shoko, muranda wangu uchapora. |
8. | Nokuti neni vo ndiri munhu wakaiswa pasi pavamwe, ndinavarwi pasi pangu; kana ndikati kunomumwe: Endai! Unoenda; kunomumwe: Vuyai! Unovuya; nokumuranda wangu: Ita chichi, unoita. |
9. | Jesu wakati achinzwa izvozvo, akashamiswa naye, akatendevuka, akati kuvazhinji vakanga vachimutevera: Ndinoti kwamuri: Handina kumbovona kutenda kwakadai, kunyange napakati pavaIsraeri. |
10. | Vakanga vatumwa vachidzokera kumba vakandowana muranda wakanga achirwara akapora. |
11. | Zvino nezuva rinotevera, wakaenda kuguta rainzi Naini; vadzidzi vake navanhu vazhinji-zhinji vakaenda naye. |
12. | Zvino, wakati achiswedera pedo nesuvo reguta, akavona vanhu vakanga vakatakura wakafa, mwanakomana mumwe woga wamai vake, yaiva chirikadzi; navanhu vazhinji veguta vakanga vanaye. |
13. | Zvino Ishe wakati achimuvona, akamunzwira tsitsi, akati kwaari: Usachema. |
14. | Ipapo akaswedera, akabata bwanyanza; vakanga vachitakura vakamira. Akati: Jaya, ndinoti kwauri: Muka. |
15. | Iye wakanga afa akagara, akatanga kutaura; akamupa mai vake. |
16. | Vakabatwa vose nokutya; vakarumbidza Mwari, vachiti: Muporofita mukuru wakamuka pakati pedu vuye zve: Mwari wakashanyira vanhu vake. |
17. | Shoko iri pamusoro pake rikanzvika muJudhea rose nenyika yose yakapoteredza. |
18. | Vadzidzi vaJohane vakamuvudza izvozvo zvose. |
19. | Johane akadana vadzidzi vake vaviri, akavatuma kunaJesu neshoko rokuti: Ko ndimi iye wakanga achinzi unovuya here, kana tichakatarira mumwe? |
20. | Zvino varume vachisvika kwaari, vakati: Johane Mubhabhatidzi wakatitumira kwamuri neshoko rokuti: Ko ndimi iye wakanga achinzi unovuya here? kana tichakatarira mumwe? |
21. | Nenguva iyo akaporesa vazhinji hosha dzavo, novurwere, nemweya yakaipa; namapofu mazhinji wakaasvunudza. |
22. | Jesu akapindura, akati kwavari: Endai, mundovudza Johane zvamakavona nezvamakanzwa; zvokuti, mapofu anovona, vanokamhina vanofamba, vanamaperembudzi vanonatsva, vematsi vanonzwa, vakafa vanomutsva, navarombo vanoparidzirwa Evhangeri. |
23. | Wakaropfadzwa usingagumbuswi neni. |
24. | Nhume dzaJohane dzakati dzabva, akatanga kuvudza vanhu vazhinji pamusoro paJohane, achiti: Makanga mabuda kundovoneiko kurenje? Rutsanga runozununguswa nemhepo here? |
25. | Asi makanga mabuda kundovoneiko? Munhu wakapfeka nguvo nyoro here? Tarirai, vanenguvo dzinobwinya, navanogara zvinonaka, vari mudzimba dzamadzimambo. |
26. | Asi makanga mabuda kundovoneiko? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri; Unopfuvura zvikuru muporofita. |
27. | Uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake, zvichinzi: Tarira, ndinotuma munyai wangu pamberi pako, |
28. | Ndinoti kwamuri: Kuna vakaberekwa navakadzi, hakunomukuru kuna Johane Mubhabhatidzi: asi muduku muvushe bwaMwari mukuru kwaari. |
29. | Zvino vanhu vose navateresi vakati vachizvinzwa: vakati Mwari wakarurama, zvavakanga vabhabhatidzwa norubhaptidzo rwaJohane. |
30. | Asi vaFarise navadudziri vomurairo vakaramba kufunga kwaMwari pamusoro pavo, vakasabhabhatidzwa naye. |
31. | Naizvozvo vanhu vorudzi urwu ndichavafananidza neiko? |
32. | Vakafanana navana vagere padare vanodanidzira vachiti, takakuridzirai nyere mukasatamba, takakuririrai mukasachema. |
33. | Nokuti Johane Mubhabhatidzi wakavuya, asingadyi chingwa, asingamwi waini, zvino moti: Unomweya wakaipa. |
34. | Mwanakomana womunhu wakavuya achidya, achimwa, zvino moti tarirai munhu unokara, nomunwi neshamwri yavateresi navatadzi. |
35. | Asi vuchenjeri bwunoruramiswa navana vabwo vose. |
36. | Zvino mumwe wavaFarise wakakumbira kuti adye naye. Akapinda mumba momuFarise uyo, akagara pakudya. |
37. | Zvino tarira, muguta iro makanga munomukadzi waiva mutadzi; iye wakati anzwa kuti ugere pakudya mumba momuFarise, akavuya nechinu charbastera chaiva nechizoro. |
38. | akamira patsoka dzake mashure make, achingochema, akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi, akadzipisika nevhudzi romusoro wake, ndokusveta tsoka dzake ndokudzizodza nechizoro. |
39. | Zvino muFarise wakanga amudana, wakati achizviona, akareva mumoyo make, achiti; Munhu uyu, dai aiva muporofita, ungadai aiziva mukadzi uyu unomubata kuti ndiani, vuye kuti wakadini, nokuti mutadzi. |
40. | Ipapo Jesu akapindura, akati kwaari: Simoni ndine shoko newe, Akati: Revai henyu, Mudzidzisi. |
41. | Jesu akati: Vanhu vaviri vakanga vanechikwerete kumunhu mumwe; mumwe wakanga anechikwerete chamadhenari anamazana mashanu,* mumwe chamakumi mashanu.+ |
42. | Vakati vashaiwa chokuripa nacho, akangovakangamwira vose vari vaviri. Zvino ndoupiko kwavari uchanyanya kumuda? |
43. | Simoni akapindura, akati: Handiti ndiye wakakanganwirwa zvizhinji here? Akati kwaari: Wareva kwazvo. |
44. | Zvino akatendevukira kumukadzi, akati kunaSimoni: Unovona mukadzi, uyu here? Ndakapinda mumba mako, ukasandipa mvura yetsoka dzangu; asi uyu wakanyorevesa tsoka dzangu nemisodzi yake, akadzipisika nevudzi rake. |
45. | Hauna kundisveta, asi uyu chinguri chandapinda, haana kurega kusveta tsoka dzangu. |
46. | Hauna kundizodza musoro wangu namafuta, asi uyu wakazodza tsoka dzangu nechizoro. |
47. | Naizvozvo, ndinoti kwauri: Zvivi zvake, zviya zvizhinji, wazvikangamwirwa, nokuti wakada zvikuru; asi unokangamwirwa zvishoma, unoda zvishoma. |
48. | Zvino akati kwaari: Wakangamwirwa zvivi zvako. |
49. | Vakanga vagere naye pakudya vakatanga kureva mumoyo yavo, vachiti: Uyu ndianiko unokangamwira zvivi vo? |
50. | Akati kumukadzi: Kutenda kwako kwakuraramisa; enda hako norugare. |
← Luke (7/24) → |