Luke (7/24)  

1. Zvino wakati apedzisa mashoko ake ose, vanhu vachinzwa, akapinda Kapernaume.
2. Muranda womumwe mukuru wezana waidikamwa naye, wakanga achirwara, achitandadza.
3. Zvino wakati anzwa zvaJesu, akatuma vakuru vavaJudha kwaari achikumbira kuti avuye kuzoporesa muranda wake.
4. Ivo vakati vachisvika kunaJesu, vakakumbira zvikuru kwaari, vachiti: Iye wakafanira kuti, mumuitire izvozvo;
5. nokuti unoda rudzi rwedu, ndiye wakativakira sinagoge redu.
6. Jesu akaenda navo,. Zvino ava pedo neimba, mukuru wezana akatuma shamwari dzake, kuzoti kwaari: Ishe, musazvitambudza; nokuti handina kufanirwa kuti mupinde mumba mangu;
7. naizvozvo ndakati handifaniri kuvuya kwamuri; asi taurai henyu shoko, muranda wangu uchapora.
8. Nokuti neni vo ndiri munhu wakaiswa pasi pavamwe, ndinavarwi pasi pangu; kana ndikati kunomumwe: Endai! Unoenda; kunomumwe: Vuyai! Unovuya; nokumuranda wangu: Ita chichi, unoita.
9. Jesu wakati achinzwa izvozvo, akashamiswa naye, akatendevuka, akati kuvazhinji vakanga vachimutevera: Ndinoti kwamuri: Handina kumbovona kutenda kwakadai, kunyange napakati pavaIsraeri.
10. Vakanga vatumwa vachidzokera kumba vakandowana muranda wakanga achirwara akapora.
11. Zvino nezuva rinotevera, wakaenda kuguta rainzi Naini; vadzidzi vake navanhu vazhinji-zhinji vakaenda naye.
12. Zvino, wakati achiswedera pedo nesuvo reguta, akavona vanhu vakanga vakatakura wakafa, mwanakomana mumwe woga wamai vake, yaiva chirikadzi; navanhu vazhinji veguta vakanga vanaye.
13. Zvino Ishe wakati achimuvona, akamunzwira tsitsi, akati kwaari: Usachema.
14. Ipapo akaswedera, akabata bwanyanza; vakanga vachitakura vakamira. Akati: Jaya, ndinoti kwauri: Muka.
15. Iye wakanga afa akagara, akatanga kutaura; akamupa mai vake.
16. Vakabatwa vose nokutya; vakarumbidza Mwari, vachiti: Muporofita mukuru wakamuka pakati pedu vuye zve: Mwari wakashanyira vanhu vake.
17. Shoko iri pamusoro pake rikanzvika muJudhea rose nenyika yose yakapoteredza.
18. Vadzidzi vaJohane vakamuvudza izvozvo zvose.
19. Johane akadana vadzidzi vake vaviri, akavatuma kunaJesu neshoko rokuti: Ko ndimi iye wakanga achinzi unovuya here, kana tichakatarira mumwe?
20. Zvino varume vachisvika kwaari, vakati: Johane Mubhabhatidzi wakatitumira kwamuri neshoko rokuti: Ko ndimi iye wakanga achinzi unovuya here? kana tichakatarira mumwe?
21. Nenguva iyo akaporesa vazhinji hosha dzavo, novurwere, nemweya yakaipa; namapofu mazhinji wakaasvunudza.
22. Jesu akapindura, akati kwavari: Endai, mundovudza Johane zvamakavona nezvamakanzwa; zvokuti, mapofu anovona, vanokamhina vanofamba, vanamaperembudzi vanonatsva, vematsi vanonzwa, vakafa vanomutsva, navarombo vanoparidzirwa Evhangeri.
23. Wakaropfadzwa usingagumbuswi neni.
24. Nhume dzaJohane dzakati dzabva, akatanga kuvudza vanhu vazhinji pamusoro paJohane, achiti: Makanga mabuda kundovoneiko kurenje? Rutsanga runozununguswa nemhepo here?
25. Asi makanga mabuda kundovoneiko? Munhu wakapfeka nguvo nyoro here? Tarirai, vanenguvo dzinobwinya, navanogara zvinonaka, vari mudzimba dzamadzimambo.
26. Asi makanga mabuda kundovoneiko? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri; Unopfuvura zvikuru muporofita.
27. Uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake, zvichinzi: Tarira, ndinotuma munyai wangu pamberi pako,
28. Ndinoti kwamuri: Kuna vakaberekwa navakadzi, hakunomukuru kuna Johane Mubhabhatidzi: asi muduku muvushe bwaMwari mukuru kwaari.
29. Zvino vanhu vose navateresi vakati vachizvinzwa: vakati Mwari wakarurama, zvavakanga vabhabhatidzwa norubhaptidzo rwaJohane.
30. Asi vaFarise navadudziri vomurairo vakaramba kufunga kwaMwari pamusoro pavo, vakasabhabhatidzwa naye.
31. Naizvozvo vanhu vorudzi urwu ndichavafananidza neiko?
32. Vakafanana navana vagere padare vanodanidzira vachiti, takakuridzirai nyere mukasatamba, takakuririrai mukasachema.
33. Nokuti Johane Mubhabhatidzi wakavuya, asingadyi chingwa, asingamwi waini, zvino moti: Unomweya wakaipa.
34. Mwanakomana womunhu wakavuya achidya, achimwa, zvino moti tarirai munhu unokara, nomunwi neshamwri yavateresi navatadzi.
35. Asi vuchenjeri bwunoruramiswa navana vabwo vose.
36. Zvino mumwe wavaFarise wakakumbira kuti adye naye. Akapinda mumba momuFarise uyo, akagara pakudya.
37. Zvino tarira, muguta iro makanga munomukadzi waiva mutadzi; iye wakati anzwa kuti ugere pakudya mumba momuFarise, akavuya nechinu charbastera chaiva nechizoro.
38. akamira patsoka dzake mashure make, achingochema, akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi, akadzipisika nevhudzi romusoro wake, ndokusveta tsoka dzake ndokudzizodza nechizoro.
39. Zvino muFarise wakanga amudana, wakati achizviona, akareva mumoyo make, achiti; Munhu uyu, dai aiva muporofita, ungadai aiziva mukadzi uyu unomubata kuti ndiani, vuye kuti wakadini, nokuti mutadzi.
40. Ipapo Jesu akapindura, akati kwaari: Simoni ndine shoko newe, Akati: Revai henyu, Mudzidzisi.
41. Jesu akati: Vanhu vaviri vakanga vanechikwerete kumunhu mumwe; mumwe wakanga anechikwerete chamadhenari anamazana mashanu,* mumwe chamakumi mashanu.+
42. Vakati vashaiwa chokuripa nacho, akangovakangamwira vose vari vaviri. Zvino ndoupiko kwavari uchanyanya kumuda?
43. Simoni akapindura, akati: Handiti ndiye wakakanganwirwa zvizhinji here? Akati kwaari: Wareva kwazvo.
44. Zvino akatendevukira kumukadzi, akati kunaSimoni: Unovona mukadzi, uyu here? Ndakapinda mumba mako, ukasandipa mvura yetsoka dzangu; asi uyu wakanyorevesa tsoka dzangu nemisodzi yake, akadzipisika nevudzi rake.
45. Hauna kundisveta, asi uyu chinguri chandapinda, haana kurega kusveta tsoka dzangu.
46. Hauna kundizodza musoro wangu namafuta, asi uyu wakazodza tsoka dzangu nechizoro.
47. Naizvozvo, ndinoti kwauri: Zvivi zvake, zviya zvizhinji, wazvikangamwirwa, nokuti wakada zvikuru; asi unokangamwirwa zvishoma, unoda zvishoma.
48. Zvino akati kwaari: Wakangamwirwa zvivi zvako.
49. Vakanga vagere naye pakudya vakatanga kureva mumoyo yavo, vachiti: Uyu ndianiko unokangamwira zvivi vo?
50. Akati kumukadzi: Kutenda kwako kwakuraramisa; enda hako norugare.

  Luke (7/24)