Luke (6/24)  

1. Zvino nesabata rechipiri rinotevera rekutanga wakafamba napakati peminda yezviyo; vadzidzi vake vakatanha hura, vakadya, vachidzipukuta namavoko avo,
2. Zvino vamwe vavaFarise vakati kwavari: Munoitireiko zvisina kutenderwa kuitwa nomusi wesabata?
3. Jesu akavapindura, akati: Ko hamuna kurava here zvakaitwa naDhavidhi, musi waakanga aziya iye navakanga vanaye;
4. kuti wakapinda mumba maMwari, akatora zvingwa zvokuratidza, akazvidya, akapa vo vakanga vanaye, izvo zvakanga zvisinakutenderwa kudyiwa, asi navaPirisita voga?
5. Akati kwavari: Mwanakomana womunhu ndiye Ishe wesabata vo.
6. Zvino neimwe sabata wakapinda musinagoge, akadzidzisa; zvino kwakanga kunomunhu ipapo wakanga anoruvoko rworudyi rwakawonyana.
7. Vanyori navaFarise vakamutarisisa, kuvona kana angamuporesa nomusi wesabata, kuti vawane pavangamupomera mhosva napo,
8. Asi iye wakaziva mifungo yavo, akati kumunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana: Simuka, umire pakati pavanhu. Akasimuka, akamira.
9. Zvino Jesu akati kwavari: Ndinokubvunzai shoko iri: Zvakatenderwa here kuita zvakanaka kana zvakaipa nesabata, kuponesa munhu, kana kuvuraya?
10. Ipapo akaringa-ringa achivatarira vose, akati kwaari: Tambanudza ruvoko rwako. Akadaro, ruvoko rwake rukava sorumwe.
11. Zvino vakatsamwa kwazvo, vakarangana vose kuti Jesu vangamuitei.
12. Namazuva iwayo wakabudira kugomo kundonyengetera, akapedza vusiku hwose pakunyengetera kuna Mwari,
13. Zvino kwakati kwaedza, akadana vadzidzi vake; akasanangura kwavari vanegumi navaviri vaakatumidza zita rokuti vaapostora;
14. Simoni, waakatumidza vo Petro, naAndrea, munun’una wake, naJakobho, naJohane, naFiripo, naBartoromeo,
15. naMateo, naTomasi, naJakobho mwanakomana waArfeo, naSimoni, wainzi Zerote;
16. naJudhasi mwanakomana waJakobho; naJudhasi Iskarioti, wakazomupandukira.
17. Akaburuka navo, akamira mubani, navadzidzi vake vazhinji, navanhu vazhinji-zhinji, vaibva Judhea rose neJerusarema, napamhenderekedzo yegungwa reTire neSidoni.
18. vakanga vavuya kuzomunzwa, nokuporeswa hosha dzavo. Navakanga vachitambudziwa nemweya yetsvina vakaporeswa.
19. Vanhu vazhinji vose vakatsvaka kumunyangata, nokuti simba rakabuda kwaari rikavaporesa vose.
20. Zvino wakatarisisa vadzidzi vake, akati: Makaropafadzwa imi varombo, nokuti vushe hwaMwari ndobwenyu.
21. Makaropafadzwa imi munenzara zvino, nokuti muchagutiswa. Makaropafadzwa imi munochema zvino, nokuti muchaseka.
22. Makaropafadzwa, kana vanhu vachikuvengai, vachikudzingai, vachikuzvidzai, vachirasha zita renyu sechinhu chakashata, nokuda kwomwanakomana womunhu.
23. Farai nezuva iro, mupembere, nokuti tarirai, mubairo wenyu kudenga mukuru; nokuti madzibaba avo akaitira vaporofita zvakadaro.
24. Asi munenhamo imi vafumi, nokuti mapiwa kunyaradzwa kwenyu.
25. Munenhamo imi makaguta zvino, nokuti muchava nenzara. Munenhamo imi munoseka zvino, nokuti muchachema nokurira.
26. Munenhamo imwi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu, nokuti madzibaba avo akaitira vaporofita venhema zvakadaro.
27. Asi ndinoti kwamuri imi munonzwa; Idai vavengi venyu; muitire zvakanaka vanokuvengai.
28. Ropafadzai vanokutukai, munyengeterere vanokumhurai.
29. Unokurova padama, umurinzire rimwe vo; unokutorera nguvo yokunze, usamurambidza nenguvo yomukati vo.
30. Mumwe nomumwe unokumbira kwauri, umupe; nounokutorera zvako, usazvikumbira zve kwaari.
31. Sezvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire vo saizvozvo.
32. Kana muchingoda vo vanokudai, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzi vo vanoda vanovada.
33. Kana muchingoitira zvakanaka avo vanokuitirai zvakanaka, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzi vanodaro vo.
34. Kana muchingopa ivo chikwereti, vamunoti muchadzoserwa zve navo, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzi vanopa vo vatadzi chikwerete, kuti vapiwe zve zvakaenzana nazvo.
35. Asi idai vavengi venyu, muvaitire, zvakanaka. Mupe chikwerete musingavori moyo; mubairo wenyu uchava mukuru, mugova vanakomana voWokumusoro-soro; nokuti iye unomoyo munyoro kunavasingavongi navakaipa.
36. Ivai netsitsi, sababa venyu vanetsitsi vo.
37. Musatonga, nemi hamungazotongwi; musapa mhaka, nemi hamungazopiwi mhaka; sunungurai, nemi muchasunungurwa vo.
38. Ipai, nemi muchapiwa; vachakupai pamavoko enyu chiyero chakanaka, chakatsikirirwa, chakazunguzirwa, chakaita mupfunga; nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayerwa vo nacho.
39. Wakavavudza vo mufananidzo, akati: Bofu ringatungamirira rimwe bofu here? Haangawiri mugomba ose ari maviri here?
40. Mudzidzi haapfuvuri mudzidzisi wake. Asi mumwe nomumwe, kana akwaniswa, uchava somudzidzisi wake.
41. Unotarireiko rubanzu ruri muziso rehama yako,izvo, danda riri muziso rako haurivoni?
42. Kana ungareva seiko kuhama yako, uchiti: Hama, rega ndibvise rubanzu ruri muziso rako, usingavoni danda riri muziso rako? Iwe munyengeri, tanga ubvise danda muziso rako, ipapo uchavonesesa kubvisa rubanzu ruri muziso rehama yako.
43. Nokuti hakunomuti wakanaka unobereka zvibereko zvakaipa; kana muti wakaipa unobereka zvibereko zvakanaka.
44. nokuti muti umwe nomumwe unozikanwa nezvibereko zvawo. Nokuti vanhu havatanhi mavonde paminzwa, kana mazambiringa haatanwi parukato.
45. Munhu wakanaka kubva pafuma yomoyo, wake yakanaka, Unobudisa zvakanaka munhu wakaipa kubva pafuma yomoyo wake yakaipa unobudisa zvakaipa nokuti muromo wake unotaura kubva pakuzara komoyo wake.
46. Munondiidzireiko Ishe! Ishe! Musingaiti zvandinoreva?
47. Mumwe nomumwe unovuya kwandiri, akanzwa mashoko angu, akaaita, ndichakuratidzai waakafanana naye.
48. Wakafanana nomunhu wakavaka imba, akachera, akadzikisa, akaiteya paruware; mvura zhinji ikavuya, mvura ikarova imba iyo, ikasagona kuizunungusa, nokuti yakanga yakateyiwa paruware.
49. Asi unonzwa, asingaiti, wakafanana nomunhu wakavaka imba pavhu, isinenheyo; mvura yakati ichiirova, ikawa pakarepo, kuputsika kweimba iyo kukava kukuru.

  Luke (6/24)