Luke (5/24)  

1. Zvino, vanhu vazhinji vakati vachimumanikidza kuti vanzwe shoko raMwari, iye amire pagungwa reGenesareta,
2. akavona magwa maviri ari pagungwa, asi vabati vehove vakanga vabuda maari, vachisuka vutava hwavo.
3. Akapinda munerimwe igwa, raiva raSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pamhenderekedzo paduku apinde mumvura. Zvino akagara, akadzidzisa vanhu vazhinji, ari mugwa.
4. Wakati apedza kutaura akati kunaSimoni pinda kwakadzika mukande vutava bwenyu kuti mubate.
5. Simoni akapindura, akati: Tenzi, takatambura vusiku bwose, tisingabati chinhu, asi zvamadaro imi, ndichakanda vutava.
6. Vakati vaita izvozvo, vakakomba hove zhinji; vutava hwavo hwukabvaruka.
7. Vakaninira shamwari dzavo munerimwe igwa, kuti vavuye kuzovabatsira. Vakavuya, vakazadza magwa ose ari maviri, akanga onyura.
8. Zvino, Simoni Petro wakati achizvivona, akazviwisira pasi pamabvi aJesu, akati: Ishe, ibvai kwandiri, nokuti ndiri mutadzi.
9. Nokuti wakanga ashamiswa iye, navose vaakanga anavo nokuwanda kwehove dzavakanga vabata.
10. Ndizvo zvanga zvaita vo Jakobho naJohane, vanakomana vaZebedhi, vaiva shamwari dzaSimoni. Ipapo Jesu akati kunaSimoni; Usatya, kubva zvino uchabata vanhu.
11. Zvino, vakati vaisa magwa kunyika, vakasiya zvose vakamutevera.
12. Wakati ari kunerimwe guta, tarira, kwakanga kunomurume wakanga anamaperembudzi pamuviri wose; iye akati achivona Jesu akazviwisira pasi nechiso, ndokukumbira kwaari, achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.
13. ipapo akatambanudza ruvoko, akamubata, achiti: Ndinoda, chinatswa! Pakarepo maperembudzi akabva kwaari.
14. Akamuraira kuti asavudza munhu, akati: Enda undozviratidza kumuPirisita, ubayire pamusoro pakunatswa kwako zvakarairwa naMosesi, chive chapupu kwavari.
15. Asi mukurumbira wake wakapararira nokupfuvurisa; vanhu vazhinji-zhinji vakavungana kuzomunzwa, nokuporeswa matenda avo.
16. Asi iye wakaenda mumarenje, akandonyengetera.
17. Nerimwe ramazuva iwayo wakanga achidzidzisa; vaFarise navadzidzisi vomurairo vakanga vagerepo, vaibva kumisha yose yeGarirea neJudhea neJerusarema; simba raShe rokuporesa rakanga rinaye.
18. Zvino, tarira, vamwe varume vakanga vakatakura munhu wakanga akafa mitezo, ari panhovo, vakatsvaka kupinda naye, nokumuisa pamberi pake.
19. Zvino, vakati vachishaiwa pavangamupinza napo, nokuda kwavazhinji, vakakwira pamusoro peimba, vakamuburusira mukati nenhovo yake, napakati pamapfuriro, pamberi paJesu.
20. Iye akati achivona kutenda kwavo, akati: Murume, wakangamwirwa zvivi zvako.
21. Vanyori navaFarise vakatanga kufunga, vachiti: Ndianiko uyu unotaura achimhura Mwari? Ndianiko ungakangamwira zvivi, asi Mwari oga?
22. Zvino Jesu, zvaaiziva mifungo yavo, akapindura, akati kwavari: Munofungeiko mumoyo yenyu?
23. Chinyiko chakareruka, kuti: Wakangamwirwa zvivi zvako, kana kuti: Simuka, ufambe?
24. Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu unesimba panyika rokukanganwira zvivi, (akati kunowakafa mitezo Ndinoti kwauri: Simuka, utore nhovo yako, uende kumba kwako.
25. Akasimuka pakarepo pamberi pavo, akatora chaakanga avete pamusoro pacho, akaenda kumba kwake, achirumbidza Mwari.
26. Vakashamiswa vose, vakarumbidza Mwari, vakatya kwazvo, vachiti: Tavona madambi nhasi!
27. Shure kwaizvozvo, wakabuda, akavona muteresi, wainzi Revhi, agere panotereswa, akati kwaari: Nditevere!
28. Iye akasiya zvose, akasimuka, akamutevera.
29. Revhi akamuitira mutambo mukuru mumba make; kukavapo vazhinji-zhinji vavateresi navamwe, vakanga vagere navo pakudya.
30. VaFarise navanyori vavo vakanyunyutira vadzidzi vake, vachiti: Munodyireiko navateresi navatadzi, nokumwa navo?
31. Jesu akapindura, akati kwavari: Vasingarwari havatsvaki chiremba, asi vanorwara.
32. Handina kuvuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi, kuti vatendevuke.
33. Zvino vakati kwaari: Vadzidzi vaJohane vanozvinyimireiko zvokudya kazhinji, vachikumbira; navaFarise vanodaro vo, asi venyu vanodya nokumwa.
34. Jesu akati kwavari: Mungadzivisa shamwari dzechikomba kudya, chikomba chiri kwavari here?
35. Asi mazuva achasvika; achabiswa chikomba kwavari: vachazvinyima zvokudya namazuva iwayo.
36. Akataura navo nomufananidzo, akati: Hakunomunhu uchabvarura chiremo panguvo itsva, akachiisa panguvo yakasakara; nokuti uchabvarura nguvo itsva, vuye chiremo chenguvo itsva hachinganzwani neyakasakara.
37. Hakunomunhu uchadira waini itsva muhombodo tsaru; nokuti waini itsva ichaparusa hombodo, ikatevuka, nehombodo dzikafa vo;
38. asi waini itsva inofanira kudirwa muhombodo itsva zvose zvichengeteke.
39. Hakuna munhu unoti kana amwa tsaru, pakarepo ungazoda itsva. Nokuti unoti: Tsaru ndiyo yakaisvonaka.

  Luke (5/24)