| ← Luke (4/24) → |
| 1. | Zvino Jesu azere noMweya Mutsvene, wakadzoka zve achibva paJorodhani, akatungamirirwa noMweya murenje. |
| 2. | achiidzwa naDhiabhorosi mazuva anamakumi mana. Wakanga asingadyi chinhu namazuva iwayo; zvino akati apera, akaziya. |
| 3. | Zvino Dhiabhorosi akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, vudza ibwe iri kuti rive chingwa. |
| 4. | Jesu akamupindura, akati; Kwakanyorwa kuti munhu; haangararami nechingwa bedzi asi neshoko raMwari rose. |
| 5. | Zvino Satani akamutora akamukwidza pagomo refu akamuratidza vushe hwose hwenyika nenguva duku |
| 6. | Dhiabhorosi akati kwaari: Ndichakupa simba iri rose nokubwinya kwazvo, nokuti ndakabwupiwa ini, kuti ndihwupe wandinoda. |
| 7. | Zvino, iwe kana ukandinamata, zvose zvichava zvako. |
| 8. | Jesu akapindura, akati kwaari: ibva shure kwangu Satani. Kwakanyorwa kuchinzi: Namata Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga. |
| 9. | Akaenda naye Jerusarema, akamuisa pachiruvu chetembere, akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, uzviwisire pasi pano; |
| 10. | Nokuti kwakanyorwa, kuchinzi; Ucharaira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete; |
| 11. | Pamavoko avo vachakusimudza, kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe. |
| 12. | Jesu akapindura, akati kwaari: Kwakanzi: Usaidza Ishe, Mwari wako. |
| 13. | Dhiabhorosi akati apedza kuidza kwose, akamusiya kusvikira imwe nguva. |
| 14. | Zvino Jesu wakadzokera Garirea nesimba roMweya; mukurumbira wake ukanzwika nenyika yose yakapoteredza. |
| 15. | Waidzidzisa mumasinagoge avo, achikudzwa navanhu vose. |
| 16. | Akasvika paNazareta, paakanga arerwa, akapinda musinagoge nomusi wesabata sezvaaisiita, akasimuka kuti arave. |
| 17. | Akapiwa bhuku romuporofita Isaya; zvino wakati aipetenura, akawana pakanyorwa panoti: |
| 18. | Mweya waShe uri pamusoro pangu, Nokuti wakandizodza, kuti ndiparidzire varombo Evhangeri; Wakandituma kuti ndizivise vakatapwa kusunungurwa kwavo; Namapofu kuti avone zve; Ndiregedze vakatsikirirwa; |
| 19. | Nokuzivisa gore raShe rakanaka. |
| 20. | Akapeta bhuku, akaidzosera kumutariri, akagara pasi; meso avose vaiva musinagoge akamutarisisa. |
| 21. | Zvino akatanga kuvavudza, achiti: Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu. |
| 22. | Vose vakamupupurira zvakanaka, vakashamiswa namashoko akanaka akabuda mumuromo make, vakati: Ko uyu haazi mwanakomana waJosefa here? |
| 23. | Akati kwavari: Zvirokwazvo muchataura shumo iyi kwandiri, chiremba uzviporese, zvose izvo zvatakanzwa zvakaitwa paKapenaume, uzviite vo nomuno munyika yako. |
| 24. | Akati: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hakunomuporofita unogamuchirwa munyika yake. |
| 25. | Ndinokuvudzai shoko iri razvokwadi: Kwakanga kunechirikadzi zhinji pakati pavaIsraeri pamazuva aEria, panguva yakazarirwa denga makore matatu nemwedzi mitanhatu, nzara huru ikavapo panyika yose; |
| 26. | asi Eria haana kutumwa kunomumwe wavo, asi wakatumwa Sarepta bedzi, munyika yeSidoni, kumukadzi waiva chirikadzi. |
| 27. | Kwakanga kunavaiva namaperembudzi vazhinji pakati pavaIsraeri pamazuva omuporofita Erisha; hakunomumwe wavo vakanatswa, asi Naamani bedzi, muSiria. |
| 28. | Ipapo vose vakanga vari musinagoge, vakatsamwa zvikuru, vachinzwa izvozvo., |
| 29. | vakasimuka, vakamudzingira kunze kweguta, vakaenda naye kumawere egomo, pakanga pakavakwa guta ravo, kuti vamuwisire pasi. |
| 30. | Asi iye wakapinda napakati pavo, akaenda. |
| 31. | Zvino wakaburukira Kapernaume, raiva guta reGarirea; akasivadzidzisa nemisi yesabata; |
| 32. | vakashamiswa nedzidziso yake; nokuti shoko rake rakanga rinesimba. |
| 33. | Zvino musinagoge makanga munomunhu wakanga anomweya wakaipa wetsvina;iye akadanidzira nenzwi guru, achiti: |
| 34. | Haiwa, tinemhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Mavuya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimi ani; muri Mutsvene waMwari. |
| 35. | Ipapo Jesu akauraira, achiti: Nyarara, ubude kwaari! Mweya wakaipa ukamuwisira pakati pavo, ukabuda kwaari, usina kutongomukuvadza. |
| 36. | Kutya kukavawira vose, vakataurirana, vachiti: Shoko iri ndereiko? Nokuti unoraira mweya yesvina nechikuriri nesimba, ikabuda. |
| 37. | Mukurumbira wake ukanzwika kumativi ose enyika yakapoteredza. |
| 38. | Zvino wakasimuka musinagoge, akapinda mumba maSimoni. Mai vomukadzi waSimoni vakanga vakabatwa nefivhiri zvikuru; vakavakumbirira kwaari, |
| 39. | Ipapo akakotamira pamusoro pavo, akaraira fivhiri, ikavarega; vakasimuka pakarepo, vakavashandira. |
| 40. | Zvino zuva rakati rovira, vose vaiva navanorwara nezvirwere zvizhinji vakavuya navo kwaari; akaisa mavoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo, akavaporesa. |
| 41. | Nemweya yakaipa yakabuda kuvazhinji, ichidanidzira ichiti ndimi Kristu mwanakomana waMwari. Iye akairaira akasaitendera kutaura nokuti yakanga ichiziva kuti ndiKristu |
| 42. | Zvino kwakati kwaedza, akabuda, akaenda kurenje, vazhinji vakamutsvaka, vakasvika kwaari,, vakaidza kumudzivisa, kuti arege kubva kwavari:, |
| 43. | Asi wakati kwavari: Ndinofanira kuparidzira mamwe maguta vo Evhangeri yovushe bwaMwari; nokuti ndizvo zvandakatumirwa. |
| 44. | Akasiparidza mumasinagoge eGarirea. |
| ← Luke (4/24) → |