Luke (4/24)  

1. Zvino Jesu azere noMweya Mutsvene, wakadzoka zve achibva paJorodhani, akatungamirirwa noMweya murenje.
2. achiidzwa naDhiabhorosi mazuva anamakumi mana. Wakanga asingadyi chinhu namazuva iwayo; zvino akati apera, akaziya.
3. Zvino Dhiabhorosi akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, vudza ibwe iri kuti rive chingwa.
4. Jesu akamupindura, akati; Kwakanyorwa kuti munhu; haangararami nechingwa bedzi asi neshoko raMwari rose.
5. Zvino Satani akamutora akamukwidza pagomo refu akamuratidza vushe hwose hwenyika nenguva duku
6. Dhiabhorosi akati kwaari: Ndichakupa simba iri rose nokubwinya kwazvo, nokuti ndakabwupiwa ini, kuti ndihwupe wandinoda.
7. Zvino, iwe kana ukandinamata, zvose zvichava zvako.
8. Jesu akapindura, akati kwaari: ibva shure kwangu Satani. Kwakanyorwa kuchinzi: Namata Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.
9. Akaenda naye Jerusarema, akamuisa pachiruvu chetembere, akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, uzviwisire pasi pano;
10. Nokuti kwakanyorwa, kuchinzi; Ucharaira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete;
11. Pamavoko avo vachakusimudza, kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.
12. Jesu akapindura, akati kwaari: Kwakanzi: Usaidza Ishe, Mwari wako.
13. Dhiabhorosi akati apedza kuidza kwose, akamusiya kusvikira imwe nguva.
14. Zvino Jesu wakadzokera Garirea nesimba roMweya; mukurumbira wake ukanzwika nenyika yose yakapoteredza.
15. Waidzidzisa mumasinagoge avo, achikudzwa navanhu vose.
16. Akasvika paNazareta, paakanga arerwa, akapinda musinagoge nomusi wesabata sezvaaisiita, akasimuka kuti arave.
17. Akapiwa bhuku romuporofita Isaya; zvino wakati aipetenura, akawana pakanyorwa panoti:
18. Mweya waShe uri pamusoro pangu, Nokuti wakandizodza, kuti ndiparidzire varombo Evhangeri; Wakandituma kuti ndizivise vakatapwa kusunungurwa kwavo; Namapofu kuti avone zve; Ndiregedze vakatsikirirwa;
19. Nokuzivisa gore raShe rakanaka.
20. Akapeta bhuku, akaidzosera kumutariri, akagara pasi; meso avose vaiva musinagoge akamutarisisa.
21. Zvino akatanga kuvavudza, achiti: Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.
22. Vose vakamupupurira zvakanaka, vakashamiswa namashoko akanaka akabuda mumuromo make, vakati: Ko uyu haazi mwanakomana waJosefa here?
23. Akati kwavari: Zvirokwazvo muchataura shumo iyi kwandiri, chiremba uzviporese, zvose izvo zvatakanzwa zvakaitwa paKapenaume, uzviite vo nomuno munyika yako.
24. Akati: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hakunomuporofita unogamuchirwa munyika yake.
25. Ndinokuvudzai shoko iri razvokwadi: Kwakanga kunechirikadzi zhinji pakati pavaIsraeri pamazuva aEria, panguva yakazarirwa denga makore matatu nemwedzi mitanhatu, nzara huru ikavapo panyika yose;
26. asi Eria haana kutumwa kunomumwe wavo, asi wakatumwa Sarepta bedzi, munyika yeSidoni, kumukadzi waiva chirikadzi.
27. Kwakanga kunavaiva namaperembudzi vazhinji pakati pavaIsraeri pamazuva omuporofita Erisha; hakunomumwe wavo vakanatswa, asi Naamani bedzi, muSiria.
28. Ipapo vose vakanga vari musinagoge, vakatsamwa zvikuru, vachinzwa izvozvo.,
29. vakasimuka, vakamudzingira kunze kweguta, vakaenda naye kumawere egomo, pakanga pakavakwa guta ravo, kuti vamuwisire pasi.
30. Asi iye wakapinda napakati pavo, akaenda.
31. Zvino wakaburukira Kapernaume, raiva guta reGarirea; akasivadzidzisa nemisi yesabata;
32. vakashamiswa nedzidziso yake; nokuti shoko rake rakanga rinesimba.
33. Zvino musinagoge makanga munomunhu wakanga anomweya wakaipa wetsvina;iye akadanidzira nenzwi guru, achiti:
34. Haiwa, tinemhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Mavuya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimi ani; muri Mutsvene waMwari.
35. Ipapo Jesu akauraira, achiti: Nyarara, ubude kwaari! Mweya wakaipa ukamuwisira pakati pavo, ukabuda kwaari, usina kutongomukuvadza.
36. Kutya kukavawira vose, vakataurirana, vachiti: Shoko iri ndereiko? Nokuti unoraira mweya yesvina nechikuriri nesimba, ikabuda.
37. Mukurumbira wake ukanzwika kumativi ose enyika yakapoteredza.
38. Zvino wakasimuka musinagoge, akapinda mumba maSimoni. Mai vomukadzi waSimoni vakanga vakabatwa nefivhiri zvikuru; vakavakumbirira kwaari,
39. Ipapo akakotamira pamusoro pavo, akaraira fivhiri, ikavarega; vakasimuka pakarepo, vakavashandira.
40. Zvino zuva rakati rovira, vose vaiva navanorwara nezvirwere zvizhinji vakavuya navo kwaari; akaisa mavoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo, akavaporesa.
41. Nemweya yakaipa yakabuda kuvazhinji, ichidanidzira ichiti ndimi Kristu mwanakomana waMwari. Iye akairaira akasaitendera kutaura nokuti yakanga ichiziva kuti ndiKristu
42. Zvino kwakati kwaedza, akabuda, akaenda kurenje, vazhinji vakamutsvaka, vakasvika kwaari,, vakaidza kumudzivisa, kuti arege kubva kwavari:,
43. Asi wakati kwavari: Ndinofanira kuparidzira mamwe maguta vo Evhangeri yovushe bwaMwari; nokuti ndizvo zvandakatumirwa.
44. Akasiparidza mumasinagoge eGarirea.

  Luke (4/24)