Luke (3/24)  

1. Negore regumi namashanu rokubata kwaTiberio Kesari, Pontio Pirato ari mubati weJudhea, Herodhe ari mubati weGarirea, Firipo munun’una wake, ari mubati weIturea neTrakoniti, Risanio ari mubati weAbirene,
2. Anasi naKayafasi vari vaPirisita vakuru, shoko raMwari rakavuya kunaJohane, mwanakomana waZakaria, murenje.
3. Iye akaenda munyika yose yakapoteredza yaJoridani, akaparidza rubhabhatidzo rwokutendevuka nekanganwiro yezvivi;
4. sezvazvakanyorwa mubhuku yamashoko aIsaya muporofita, zvichinzi: Inzwi rounodana murenje, Gadzirai nzira yaShe, Ruramisai migwagwa yake.
5. Mipata yose ichafusirwa, Makomo ose nezvikomo zvose zvichaderedzwa; Zvakakombama zvicharuramiswa, Pasakaenzana pachaitiwa nzira dzakaenzaniswa;
6. Nyama yose ichavona ruponeso rwaMwari.
7. Naizvozvo wakati kuvazhinji vaivuya kuzobhabhatidzwa naye: Imi vana venyoka, ndianiko wakakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunovuya?
8. Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendevuka; musatanga kureva mumoyo menyu, muchiti: Abhurahamu ndibaba vedu; nokuti ndinoti kwamuri: Mwari ungamutsira Abhurahamu vana pamabwe awa.
9. Zvino sanhu ratoiswa pamudzi wemiti; naizvozvo muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumoto.
10. Vanhu vazhinji vakamubvunza, vachiti: Zvino todiniko?
11. Akapindura akati,kwavari: Une nguvo mbiri ngaagovane nousina; nounezvokudya ngaaite saizvozvo.
12. Navateresi vakavuya vo kuzobhabhatidzwa, vakati: mudzidzisi, todiniko?
13. Akati kwavari: Musareva mari kupfuvura pamakarairwa napo.
14. Navarwi vo vakamubvunza, vachiti: Nesu vo todiniko? Akati kwavari: Musatorera munhu chinhu nesimba, kana kupomera munhu nhema; mutende nomubairo wenyu.
15. Zvino vanhu vakati vachatarira, vose vachirangarira mumoyo mavo pamusoro paJohane, kuti zvimwe ndiKristu,
16. Johane akapindura, akati kunavose: Ini ndinokubhabhatidzai nemvura, asi uyu unovuya, unesimba kupfuvureni, wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake; iye uchakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nemoto.
17. Rusero rwake ruri muruvoko rwake; uchanatsa buriro rake kwazvo; uchavunganidzira zviyo mudura rake; asi hundi uchaipisa nomoto usingadzimwi.
18. Akaparidzira vanhu Evhangeri, achivaraira namamwe mashoko mazhinji;
19. asi Herodhe mubati, wakati arairwa naye pamusoro paHerodhiasi, mukadzi womunun’una wake, nezvakaipa zvose zvaakanga aita iye Herodhe,
20. wakawedzera pamusoro pezvose chinhu ichi, kuti wakapfigira Johane mutorongo.
21. Vanhu vose vakati vabhabhatidzwa, naiye Jesu abhabhatidzwa vo, achinyengetera, denga rikazarurwa.
22. Mweya Mutsvene akaburukira pamusoro pake nomufananidzo wakaita sowenjiva, inzwi rikabva kudenga, richiti: Ndiwe Mwanakomana wangu, unodikanwa; ndinokufarira.
23. Zvino iye Jesu wakanga anamakore anenge makumi matatu, nguva yaakatanga kudzidzisa, ari, pakufunga kwavanhu, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waHeri,
24. mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waMerki, mwanakomana waJanasi, mwanakomana waJosefa,
25. mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waAmosi, mwanakomana waNaumi, mwanakomana waEsri, mwanakomana waNagai,
26. mwanakomana waMaati, mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waSemeion, mwanakomana waJoseki, mwanakomana waJoda,
27. mwanakomana waJoanani, mwanakomana waResa, mwanakomana waZorobhabheri, mwanakomana waSaratieri, mwanakomana waNerai,
28. mwanakomana waMerki, mwanakomana waAdi, mwanakomana waKosamu,mwanakomana waEmadamu, mwanakomana waEri,
29. mwanakomana waJesu, mwanakomana waEriazeri, mwanakomana waJorimu, mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi,
30. mwanakomana waSimeoni, mwanakomana waJudha, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waJonamu, mwanakomana waEriakimu,
31. mwanakomana waMerea, mwanakomana waMena, mwanakomana waMatata, mwanakomana waNatatamu, mwanakomana waDhavhidhi,
32. mwanakomana waJese, mwanakomana waJobedhi, mwanakomana waBoosi, mwanakomana waSara, mwanakomana waNasoni,
33. mwanakomana waaAmininabi, mwanakomana waAdamini, mwanakomana waArni, mwanakomana waEsromi, mwana waFarisi, mwanakomana waJudha,
34. mwanakomana waJakobho, mwanakomana waIsaka, mwanakomana waAbhurahamu, mwanakomana waTara, mwanakomana waNahori,
35. mwanakomana waSeruki, mwanakomana waRagau, mwanakomana waFareki, mwanakomana waEberi, mwanakomana waSarah,
36. Mwanakomana waKainami, mwamakomana waArfakasadi, mwanakomana waSemu, mwanakomana waNoa, mwanakomana waRameki,
37. mwanakomana waMatusara, mwanakomana waEnock, mwanakomana waJareti, mwanakomana waMarereeri, mwanakomana waKainami,
38. mwanakomana waEnosi, mwanakomana waSeti, mwanakomana waAdhama, mwanakomana waMwari.

  Luke (3/24)