| ← Luke (3/24) → |
| 1. | Negore regumi namashanu rokubata kwaTiberio Kesari, Pontio Pirato ari mubati weJudhea, Herodhe ari mubati weGarirea, Firipo munun’una wake, ari mubati weIturea neTrakoniti, Risanio ari mubati weAbirene, |
| 2. | Anasi naKayafasi vari vaPirisita vakuru, shoko raMwari rakavuya kunaJohane, mwanakomana waZakaria, murenje. |
| 3. | Iye akaenda munyika yose yakapoteredza yaJoridani, akaparidza rubhabhatidzo rwokutendevuka nekanganwiro yezvivi; |
| 4. | sezvazvakanyorwa mubhuku yamashoko aIsaya muporofita, zvichinzi: Inzwi rounodana murenje, Gadzirai nzira yaShe, Ruramisai migwagwa yake. |
| 5. | Mipata yose ichafusirwa, Makomo ose nezvikomo zvose zvichaderedzwa; Zvakakombama zvicharuramiswa, Pasakaenzana pachaitiwa nzira dzakaenzaniswa; |
| 6. | Nyama yose ichavona ruponeso rwaMwari. |
| 7. | Naizvozvo wakati kuvazhinji vaivuya kuzobhabhatidzwa naye: Imi vana venyoka, ndianiko wakakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunovuya? |
| 8. | Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendevuka; musatanga kureva mumoyo menyu, muchiti: Abhurahamu ndibaba vedu; nokuti ndinoti kwamuri: Mwari ungamutsira Abhurahamu vana pamabwe awa. |
| 9. | Zvino sanhu ratoiswa pamudzi wemiti; naizvozvo muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumoto. |
| 10. | Vanhu vazhinji vakamubvunza, vachiti: Zvino todiniko? |
| 11. | Akapindura akati,kwavari: Une nguvo mbiri ngaagovane nousina; nounezvokudya ngaaite saizvozvo. |
| 12. | Navateresi vakavuya vo kuzobhabhatidzwa, vakati: mudzidzisi, todiniko? |
| 13. | Akati kwavari: Musareva mari kupfuvura pamakarairwa napo. |
| 14. | Navarwi vo vakamubvunza, vachiti: Nesu vo todiniko? Akati kwavari: Musatorera munhu chinhu nesimba, kana kupomera munhu nhema; mutende nomubairo wenyu. |
| 15. | Zvino vanhu vakati vachatarira, vose vachirangarira mumoyo mavo pamusoro paJohane, kuti zvimwe ndiKristu, |
| 16. | Johane akapindura, akati kunavose: Ini ndinokubhabhatidzai nemvura, asi uyu unovuya, unesimba kupfuvureni, wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake; iye uchakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nemoto. |
| 17. | Rusero rwake ruri muruvoko rwake; uchanatsa buriro rake kwazvo; uchavunganidzira zviyo mudura rake; asi hundi uchaipisa nomoto usingadzimwi. |
| 18. | Akaparidzira vanhu Evhangeri, achivaraira namamwe mashoko mazhinji; |
| 19. | asi Herodhe mubati, wakati arairwa naye pamusoro paHerodhiasi, mukadzi womunun’una wake, nezvakaipa zvose zvaakanga aita iye Herodhe, |
| 20. | wakawedzera pamusoro pezvose chinhu ichi, kuti wakapfigira Johane mutorongo. |
| 21. | Vanhu vose vakati vabhabhatidzwa, naiye Jesu abhabhatidzwa vo, achinyengetera, denga rikazarurwa. |
| 22. | Mweya Mutsvene akaburukira pamusoro pake nomufananidzo wakaita sowenjiva, inzwi rikabva kudenga, richiti: Ndiwe Mwanakomana wangu, unodikanwa; ndinokufarira. |
| 23. | Zvino iye Jesu wakanga anamakore anenge makumi matatu, nguva yaakatanga kudzidzisa, ari, pakufunga kwavanhu, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waHeri, |
| 24. | mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waMerki, mwanakomana waJanasi, mwanakomana waJosefa, |
| 25. | mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waAmosi, mwanakomana waNaumi, mwanakomana waEsri, mwanakomana waNagai, |
| 26. | mwanakomana waMaati, mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waSemeion, mwanakomana waJoseki, mwanakomana waJoda, |
| 27. | mwanakomana waJoanani, mwanakomana waResa, mwanakomana waZorobhabheri, mwanakomana waSaratieri, mwanakomana waNerai, |
| 28. | mwanakomana waMerki, mwanakomana waAdi, mwanakomana waKosamu,mwanakomana waEmadamu, mwanakomana waEri, |
| 29. | mwanakomana waJesu, mwanakomana waEriazeri, mwanakomana waJorimu, mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi, |
| 30. | mwanakomana waSimeoni, mwanakomana waJudha, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waJonamu, mwanakomana waEriakimu, |
| 31. | mwanakomana waMerea, mwanakomana waMena, mwanakomana waMatata, mwanakomana waNatatamu, mwanakomana waDhavhidhi, |
| 32. | mwanakomana waJese, mwanakomana waJobedhi, mwanakomana waBoosi, mwanakomana waSara, mwanakomana waNasoni, |
| 33. | mwanakomana waaAmininabi, mwanakomana waAdamini, mwanakomana waArni, mwanakomana waEsromi, mwana waFarisi, mwanakomana waJudha, |
| 34. | mwanakomana waJakobho, mwanakomana waIsaka, mwanakomana waAbhurahamu, mwanakomana waTara, mwanakomana waNahori, |
| 35. | mwanakomana waSeruki, mwanakomana waRagau, mwanakomana waFareki, mwanakomana waEberi, mwanakomana waSarah, |
| 36. | Mwanakomana waKainami, mwamakomana waArfakasadi, mwanakomana waSemu, mwanakomana waNoa, mwanakomana waRameki, |
| 37. | mwanakomana waMatusara, mwanakomana waEnock, mwanakomana waJareti, mwanakomana waMarereeri, mwanakomana waKainami, |
| 38. | mwanakomana waEnosi, mwanakomana waSeti, mwanakomana waAdhama, mwanakomana waMwari. |
| ← Luke (3/24) → |