Luke (24/24)    

1. Nomusi wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakavuya kubwiro, vakabata zvinonhuwira, zvavakanga vagadzira.
2. Vakawana ibwe rakakunguruswa, rabviswa pabwiro.
3. vakapinda, vakashaiwa mutumbu waShe Jesu.
4. Zvino vakati vachakanganiswa nazvo tarira, varume vaviri vakamira navo vanenguvo dzinopenya;
5. zvino nokutya kwavo vakakotamira pasi nezviso zvavo, ivo vakati kwavari: Munotsvakireiko mupenyu pakati pavakafa?
6. Haapo pano, wamuka. Fungai zvaakakuvudzai achiri Garirea,
7. kuti Mwanakomana womunhu unofanira kuiswa mumavoko avanhu vakaipa, aroverwe pamuchinjikwa, agomuka nezuva retatu.
8. Ipapo vakarangarira mashoko ake,
9. vakadzoka vachibva kubwiro, vakavudza vanegumi nomumwe navamwe vose zvinhu izvozvo zvose.
10. Vaiva Maria Magadarene naJohana naMaria, mai vaJakobho, navamwe vakadzi vaiva navo, vakandovudza vaapostora izvozvo.
11. Mashoko awa akaita soovupenzi kwavari; vakasaatenda.
12. Zvino Petro akasimuka, akamhanyira kubwiro; akakotama, akavona micheka iri yoga; ndokudzoka kumba kwake, ashamiswa nezvakanga zvaitwa.
13. Pazuva irero vamwe vaviri vavo vakanga vachienda kumusha wainzi Emausi, wakanga uri kure neJerusarema mastadia anamakumi matanhatu;*
14. vakanga vachitaurirana pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zvaitika.
15. Zvino vakati vachataurirana nokubvunzana, Jesu amene akaswedera, akafamba navo.
16. Asi meso avo akanga abatwa, vakasamuziva.
17. Akati kwavari: Mashoko amunotaurirana pamusoro pawo muchifamba ndeeiko? Vakamira vaneshungu pamoyo.
18. Mumwe wavo, wainzi Kreopasi, akapindura, akati kwaari: Ko ndiwe woga ugere muJerusarema somutorwa, usingazivi zvakaitwamo mazuva ano here?
19. Akati kwavari: Zvinyiko? Vakati kwaari: ZvaJesu weNazareta, waiva amuporofita unesimba pabasa napashoko pamberi paMwari napavanhu vose;
20. vuye kuti vaPirisita vakuru navabati vedu vakamuisa kuvatongi kuti atongerwe rufu, vakamurovera pamuchinjikwa.
21. Takanga tichiti ndiye waizodzikinura vaIsraeri; vuye pamusoro paizvozvo zvose, nhasi rava zuva retatu kubva pakuitwa kwazvo.
22. Vuye zve, vamwe vakadzi vokwedu, vakanga vafumira kubwiro, vakatishamisa;
23. nokuti vakati vachishaiwa muviri wake, vakavuya vachiti, vavona chiratidzo chavatumwa vaiti mupenyu.
24. Zvino vamwe vaiva nesu, vakaenda kubwiro, vakandozviwana sezvavakareva vakadzi; asi iye havana kumuvona.
25. Zvino iye akati kwavari: Imi vokusafunga, munemoyo inononoka kutenda zvose zvakarebwa navaporofita!
26. Ko Kristu wakanga asingafaniri kutambudzika saizvozvo, agopinda pakubwinya kwake here?
27. Ipapo akatanga kunaMosesi navaporofita vose, akavadudzira zvakanyorwa pamusoro pake muMagwaro ose.
28. Zvino vakaswedera kumusha kwavakanga vachienda;iye akaita sowoda kupfuvura.
29. Vakamugombedzera, vachiti: Garai nesu, nokuti ava madekwana, zuva ravira. Ipapo akapinda kundogara navo.
30. Zvino wakati agara navo pakudya, akatora chingwa akachiropafadza, akachimedura, ndokuvapa.
31. Ipapo meso avo akasvinudzwa, vakamuziva; akanyangarika kwavari.
32. Vakataurirana, vachiti: Ko moyo yedu yakanga isingapisi mukati medu, achitaura nesu munzira, nokutizarurira Magwaro here?
33. Vakasimuka nenguva iyo, vakadzokera Jerusarema, vakawana vanegumi nomumwe navaiva navo vakavungana.
34. Ivo vakati: Ishe wamuka zvirokwazvo; wavonekwa naSimoni.
35. Vakarondedzera zvakaitika munzira, vuye kuti wakazikanwa navo sei pakumedura chingwa.
36. Vakati vachataura izvozvo, akamira pakati pavo amene, akati kwavari: Rugare ngaruve nemi!
37. Asi vakavhunduka, vakatya kwazvo, vakati zvimwe vavona mweya.
38. Akati kwavari: Munomanikidzwa neiko? Mifungo inomukireiko mumoyo yenyu?
39. Tarirai zvanza zvangu netsoka dzangu, kuti ndini ndimene. Ndibatei, muvone, nokuti mweya haunenyama namafupa, sezvamunondivona ndinazvo ini.
40. wakati areva izvozvo, akavaratidza zvanza zvake netsoka dzake.
41. Zvino vakati vachigere kutenda nokufara kwavo vachashamiswa, akati kwavari: Munezvokudya pano here?
42. Vakamupa nhindi yehove yakagochwa.
43. Akatora, akadya vachizvivona.
44. Akati kwavari: Ndiwo mashoko angu, andakakuvudzai ndichiri nemi, kuti zvose zvakanyorwa pamusoro pangu pamurairo waMosesi, napavaporofita, napaMapisarema, zvinofanira kuitika.
45. Ipapo akadzivura kuziva kwavo, kuti vanzwisise Magwaro.
46. Akati kwavari: Ndizvo zvakanyorwa, kuti Kristu uchatambudzika, agomuka kuvakafa nezuva retatu;
47. kuti marudzi ose aparidzirwe nezita rake kutendevuka nokukangamwirwa zvivi, vachitanga paJerusarema.
48. Imi muri zvapupu zvezvinhu izvi.
49. Tarirai, ndinotuma pamusoro penyu chipikirwa chaBaba vangu; asi imi garai muguta kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.
50. Zvino akavatungamirira kunze kweguta kusvikira pakatarisana neBetania, ndokutambanudza mavoko ake, akavaropafadza.
51. Wakati achavaropafadza, akaparadzana navo, akakwidzwa kudenga.
52. Ipapo vakamunamata, vakadzokera Jerusarema vanomufaro mukuru.
53. Vakarambira mutembere, vachirumbidza Mwari.

  Luke (24/24)