| ← Luke (24/24) |
| 1. | Nomusi wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakavuya kubwiro, vakabata zvinonhuwira, zvavakanga vagadzira. |
| 2. | Vakawana ibwe rakakunguruswa, rabviswa pabwiro. |
| 3. | vakapinda, vakashaiwa mutumbu waShe Jesu. |
| 4. | Zvino vakati vachakanganiswa nazvo tarira, varume vaviri vakamira navo vanenguvo dzinopenya; |
| 5. | zvino nokutya kwavo vakakotamira pasi nezviso zvavo, ivo vakati kwavari: Munotsvakireiko mupenyu pakati pavakafa? |
| 6. | Haapo pano, wamuka. Fungai zvaakakuvudzai achiri Garirea, |
| 7. | kuti Mwanakomana womunhu unofanira kuiswa mumavoko avanhu vakaipa, aroverwe pamuchinjikwa, agomuka nezuva retatu. |
| 8. | Ipapo vakarangarira mashoko ake, |
| 9. | vakadzoka vachibva kubwiro, vakavudza vanegumi nomumwe navamwe vose zvinhu izvozvo zvose. |
| 10. | Vaiva Maria Magadarene naJohana naMaria, mai vaJakobho, navamwe vakadzi vaiva navo, vakandovudza vaapostora izvozvo. |
| 11. | Mashoko awa akaita soovupenzi kwavari; vakasaatenda. |
| 12. | Zvino Petro akasimuka, akamhanyira kubwiro; akakotama, akavona micheka iri yoga; ndokudzoka kumba kwake, ashamiswa nezvakanga zvaitwa. |
| 13. | Pazuva irero vamwe vaviri vavo vakanga vachienda kumusha wainzi Emausi, wakanga uri kure neJerusarema mastadia anamakumi matanhatu;* |
| 14. | vakanga vachitaurirana pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zvaitika. |
| 15. | Zvino vakati vachataurirana nokubvunzana, Jesu amene akaswedera, akafamba navo. |
| 16. | Asi meso avo akanga abatwa, vakasamuziva. |
| 17. | Akati kwavari: Mashoko amunotaurirana pamusoro pawo muchifamba ndeeiko? Vakamira vaneshungu pamoyo. |
| 18. | Mumwe wavo, wainzi Kreopasi, akapindura, akati kwaari: Ko ndiwe woga ugere muJerusarema somutorwa, usingazivi zvakaitwamo mazuva ano here? |
| 19. | Akati kwavari: Zvinyiko? Vakati kwaari: ZvaJesu weNazareta, waiva amuporofita unesimba pabasa napashoko pamberi paMwari napavanhu vose; |
| 20. | vuye kuti vaPirisita vakuru navabati vedu vakamuisa kuvatongi kuti atongerwe rufu, vakamurovera pamuchinjikwa. |
| 21. | Takanga tichiti ndiye waizodzikinura vaIsraeri; vuye pamusoro paizvozvo zvose, nhasi rava zuva retatu kubva pakuitwa kwazvo. |
| 22. | Vuye zve, vamwe vakadzi vokwedu, vakanga vafumira kubwiro, vakatishamisa; |
| 23. | nokuti vakati vachishaiwa muviri wake, vakavuya vachiti, vavona chiratidzo chavatumwa vaiti mupenyu. |
| 24. | Zvino vamwe vaiva nesu, vakaenda kubwiro, vakandozviwana sezvavakareva vakadzi; asi iye havana kumuvona. |
| 25. | Zvino iye akati kwavari: Imi vokusafunga, munemoyo inononoka kutenda zvose zvakarebwa navaporofita! |
| 26. | Ko Kristu wakanga asingafaniri kutambudzika saizvozvo, agopinda pakubwinya kwake here? |
| 27. | Ipapo akatanga kunaMosesi navaporofita vose, akavadudzira zvakanyorwa pamusoro pake muMagwaro ose. |
| 28. | Zvino vakaswedera kumusha kwavakanga vachienda;iye akaita sowoda kupfuvura. |
| 29. | Vakamugombedzera, vachiti: Garai nesu, nokuti ava madekwana, zuva ravira. Ipapo akapinda kundogara navo. |
| 30. | Zvino wakati agara navo pakudya, akatora chingwa akachiropafadza, akachimedura, ndokuvapa. |
| 31. | Ipapo meso avo akasvinudzwa, vakamuziva; akanyangarika kwavari. |
| 32. | Vakataurirana, vachiti: Ko moyo yedu yakanga isingapisi mukati medu, achitaura nesu munzira, nokutizarurira Magwaro here? |
| 33. | Vakasimuka nenguva iyo, vakadzokera Jerusarema, vakawana vanegumi nomumwe navaiva navo vakavungana. |
| 34. | Ivo vakati: Ishe wamuka zvirokwazvo; wavonekwa naSimoni. |
| 35. | Vakarondedzera zvakaitika munzira, vuye kuti wakazikanwa navo sei pakumedura chingwa. |
| 36. | Vakati vachataura izvozvo, akamira pakati pavo amene, akati kwavari: Rugare ngaruve nemi! |
| 37. | Asi vakavhunduka, vakatya kwazvo, vakati zvimwe vavona mweya. |
| 38. | Akati kwavari: Munomanikidzwa neiko? Mifungo inomukireiko mumoyo yenyu? |
| 39. | Tarirai zvanza zvangu netsoka dzangu, kuti ndini ndimene. Ndibatei, muvone, nokuti mweya haunenyama namafupa, sezvamunondivona ndinazvo ini. |
| 40. | wakati areva izvozvo, akavaratidza zvanza zvake netsoka dzake. |
| 41. | Zvino vakati vachigere kutenda nokufara kwavo vachashamiswa, akati kwavari: Munezvokudya pano here? |
| 42. | Vakamupa nhindi yehove yakagochwa. |
| 43. | Akatora, akadya vachizvivona. |
| 44. | Akati kwavari: Ndiwo mashoko angu, andakakuvudzai ndichiri nemi, kuti zvose zvakanyorwa pamusoro pangu pamurairo waMosesi, napavaporofita, napaMapisarema, zvinofanira kuitika. |
| 45. | Ipapo akadzivura kuziva kwavo, kuti vanzwisise Magwaro. |
| 46. | Akati kwavari: Ndizvo zvakanyorwa, kuti Kristu uchatambudzika, agomuka kuvakafa nezuva retatu; |
| 47. | kuti marudzi ose aparidzirwe nezita rake kutendevuka nokukangamwirwa zvivi, vachitanga paJerusarema. |
| 48. | Imi muri zvapupu zvezvinhu izvi. |
| 49. | Tarirai, ndinotuma pamusoro penyu chipikirwa chaBaba vangu; asi imi garai muguta kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro. |
| 50. | Zvino akavatungamirira kunze kweguta kusvikira pakatarisana neBetania, ndokutambanudza mavoko ake, akavaropafadza. |
| 51. | Wakati achavaropafadza, akaparadzana navo, akakwidzwa kudenga. |
| 52. | Ipapo vakamunamata, vakadzokera Jerusarema vanomufaro mukuru. |
| 53. | Vakarambira mutembere, vachirumbidza Mwari. |
| ← Luke (24/24) |