Luke (23/24)  

1. Zvino vose vakanga vakavungana, vakasimuka, vakatanga kumupomera mhosva, vachiti:
2. Takawana munhu uyu achitsausa rudzi rwedu, achivadzivisa kuti varege kuvigira Kesari mutero; vuye achizviidza Kristu Mambo.
3. Ipapo Pirato akamubvunza, akati: Ko uri Mambo wavaJudha here? Akamupindura, akati: Ndizvo zvamareva.
4. Pirato akati kuvaPirisita vakuru nokuvazhinji; Handiwani mhosva kumunhu uyu.
5. Ivo vakanyanya, vachiti: Unomutsa vanhu, achidzidzisa muJudhea rose, achitanga paGarirea kusvikira pano.
6. Pirato wakati achinzwa izvozvo, akabvunza kana munhu uyu ari muGarirea.
7. Akati anzwa kuti unobva kunyika yakabatwa naHerodhe, akamutumira kunaHerodhe, nokuti wakanga ari muJerusarema amene pamazuva iwayo.
8. Zvino Herodhe wakafara kwazvo-kwazvo achivona Jesu; nokuti waida kumuvona kare, zvaakanga anzwa zvake; akafunga kuti uchavona chimwe chiratidzo chingaitwa naye.
9. Akamubvunza mashoko mazhinji; asi iye haana kumupindura chinhu.
10. VaPirisita vakuru navanyori vakamira vakamupomera mhosva zvikuru.
11. NaHerodhe navarwi vake vakamuzvidza, nokumuseka; vakazomupfekedza, nguvo dzinobwinya, vakamudzosera kunaPirato.
12. Nomusi uyo Pirato naHerodhe vakayanana; nokuti vaivengana.
13. Zvino Pirato akavunganidza vaPirisita vakuru navabati navanhu.
14. akati kwavari: Mavuya kwandiri nomunhu uyu, muchiti: Unotsausa vanhu; tarirai ini ndamubvunzisisa pamberi penyu, ndikasawana kumunhu uyu mhosva yezvinhu zvamunomupomera nazvo;
15. kunyange naHerodhe vo; nokuti wamudzosera kwatiri; tarirai, hakunechinhu chakaitwa naye, chaakafanira rufu.
16. Naizvozvo ndichamurova, ndigomusunungura.
17. Nokuti waifanira kuvasunungurira mumwe pamutambo.
18. Asi vose vakadanidzira pamwe chete, vachiti: Bvisai munhu uyu, mutisunungurire Bharabhasi!
19. Iye wakanga asungwa mutorongo nemhaka yebope rakanga ramutswa muguta, neyokuvuraya.
20. Zvino Pirato akataura zve navo, achida kusunungura Jesu.
21. Asi ivo vakaramba vachidanidzira, vachiti: Roverai pamuchinjikwa, mumurovere pamuchinjikwa!
22. Akati kwavari rwechitatu: Uyu wakagotadzeiko? Handina kuwana mhosva yorufu kwaari. Naizvozvo ndichamurova, ndigomusunungura.
23. Asi ivo vakasimbisa namanzwi makuru, vachikumbira kuti aroverwe pamuchinjikwa. Manzwi avo akakunda.
24. Zvino Pirato akatonga kuti zvavakakumbira zviitwe;
25. akavasunungurira uyo wavakakumbira, wakanga asungwa mutorongo nemhaka yebope neyokuvuraya; akavapa Jesu vaite nokuda kwavo.
26. Vakati vachienda naye, vakabata mumwe, wainzi Simoni weKurini, achibva kuruwa vakaisa muchinjikwa pamusoro pake, kuti autakure shure kwaJesu.
27. Akateverwa navanhu vazhinji-zhinji, navakadzi vaimuririra nokumuchema.
28. Asi Jesu wakatendevukira kwavari, akati: Vakunda veJerusarema, musandichema ini, asi muzvicheme imi navana venyu;
29. nokuti tarirai mazuva anovuya, avachati: Vakaropafadzwa vasingaponi, nezvizvaro zvisinakutongobereka, namazamu asina kumwisa.
30. Musi uyo muchatanga kureva kumakomo, muchiti: Wirai pamusoro pedu, nokuzvikomo; Tifukidzei.
31. Nokuti kana vachiita izvi kumuti munyoro, wakawoma uchaitirweiko?
32. Kwakanga kunavamwe vatadzi vaviri vo, vavakaenda navo pamwe chete naye kundovurawa.
33. Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi dehenya, vakamuroverapo navatadzi mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe.
34. Ipapo Jesu akati: Baba, muvakanganwire, nokuti havazivi chavanoita. Vakagovana nguvo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo.
35. Vanhu vakamira, vachitarira; navabati vakamuseka vo, vachiti: Wakaponesa vamwe; ngaazviponese; kana ari Kristu waMwari. Musanangurwa wake.
36. Navarwi vo vakamuseka, vakavuya kwaari, vakamupa vhinega,
37. vachiti: Kana uri Mambo wavaJudha, uzviponese.
38. Zvino; kwakanga kuno runyoro vo pamusoro pake, rwaiti: UYU NDIMAMBO WAVAJUDHA.
39. Mumwe wavatadzi vakanga vakaturikwa wakamutuka, achiti: Hauzi Kristu here? Uzviponese, nesu vo.
40. Mumwe akapindura, akamuraira, achiti: Hautyi kunyange naMwari kanhi, zvauri pakutongwa kumwe naye?
41. Kana tirisu, takaitirwa patakafanirwa napo; nokuti isu tinopiwa zvakafanira mabasa edu; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira.
42. Ipapo akati Jesu mundirangarire kana mosvika muvushe bwenyu!
43. Iye akati kwaari: Zvirokwazvo, nhasi uchava neni muParadhiso.
44. Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu; rima rakavapo panyika yose, kusvikira panguva yepfumbamwe.
45. Zuva rikasviba; chidzitiro chetembere chakabvaruka napakati.
46. Zvino Jesu akadana nenzwi guru, achiti: Baba, ndinoisa mweya wangu pamavoko enyu! Akati areva izvozvo, akabudisa mweya wake.
47. Ipapo mukuru wezana wakati avona zvaitwa, akarumbidza Mwari, achiti: Zvirokwazvo, munhu uyu wakanga akarurama.
48. Vazhinji vose vakanga vakavungana kuzovona izvozvo, vakati vavona zvaitwa, vakadzoka vachirova zvifuva zvavo.
49. Navazikani vake vose, navakadzi, vaimutevera vachibva Garirea, vakamira kure, vachivona izvozvo.
50. Zvino kwakanga kunomumwe, wainzi Josefa, mumwe wamakurukota, murume wakanaka wakarurama,
51. (iye wakanga asina kutenderana navo pakurangana nokuita kwavo), waiva weArimatia, guta ravaJudha, wakanga achimirira vushe bwaMwari;
52. iye akaenda kunaPirato, akandokumbira mutumbu waJesu,
53. akauburusa, akauputira nomucheka, akauisa mubwiro bwakanga bwakacherwa pabwe, makanga musina kumbovigwa munhu.
54. Waiva musi wokugadzirira, sabata rodokutanga.
55. Navakadzi vakanga vavuya naye, vachibva Garirea, vakavatevera, vakavona bwiro, nomuisirwe womutumbu wake.
56. Vakadzoka, vakagadzira zvinonhuwira namafuta.

  Luke (23/24)