Luke (22/24)  

1. Zvino mutambo wezvingwa zvisinembiriso, unonzi paseka, wakaswedera.
2. VaPirisita vakuru navanyori vakatsvaka kuti vangamuvuraya sei; nokuti vakanga vachitya vanhu.
3. Zvino Satani wakapinda kuna Judhasi wainzi Iskarioti, mumwe wavanegumi navaviri.
4. Akaenda, akandorangana navaPirisita vakuru navakuru vetembere, kuti ungamuisa kwavari sei.
5. Vakafara, vakatenderana naye vose kuti vamupe mari.
6. Akatenda, akatsvaka nguva yokumuisa nayo kwavari pasi navanhu vazhinji.
7. Zvino zuva rezvingwa zvisinembiriso rakati rasvika, rakafanira kubayirwa paseka naro.
8. akatuma Petro naJohane, achiti: Endai, mundotigadzirira paseka, kuti tidye.
9. Vakati kwaari: Munoda kuti tigadzirirepiko?
10. Akati kwavari: Tarirai, kana mapinda muguta, muchasongana nomunhu akatakura chirongo chemvura; mumutevere iye kumba kwanoenda;
11. muti kumwene weimba: Mudzidzisi unoti kwauri: Imba yavaeni iripiko, mandingadyira paseka navadzidzi vangu?
12. Uchakuratidzai imba huru iri kumusoro, yakarongedzwa; gadzirai ipapo.
13. Vakaenda, vakandowana sezvaakanga avavudza; vakagadzira paseka.
14. Zvino nguva yakati yasvika, akagara pakudya navaapostora.
15. Akati kwavari: Ndakanga ndichida zvikuru kudya paseka iyi nemi ndisati ndatambudzika.
16. Nokuti ndinoti kwamuri: Handichazoidyi, kusvikira yaitika muvushe hwaMwari.
17. Zvino akatora mukombe; akavonga, akati: Torai ichi, mugovane pakati penyu.
18. Nokuti ndinoti kwamuri: Kubva zvino handichatongomwi zve zvibereko zvomuzambiringa, kusvikira vushe bwaMwari bwasvika.
19. Akatora chingwa, akavonga, akamedura, akavapa, achiti: Ichi muviri wangu, unopiwemi; itai izvi, mugondirangarira.
20. Nokudaro vo, vapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinotevurirwemi.
21. Asi tarirai, ruvoko rwaiye, unondipandukira runeni patafura.
22. Nokuti mwanakomana womunhu unoenda hake, sezvazvakatemwa; asi unenhamo munhu uyo waanopandukirwa naye.
23. Ipapo vakatanga kubvunzana kuti ndianiko kwavari ungaita chinhu icho.
24. Zvino nharo dzakamuka pakati pavo kuti ndiani kwavari uchanzi mukuru.
25. Akati kwavari: Madzimambo avahedheni anesimba pamusoro pavo, navabati vavo vanonzi vabatsiri.
26. Zvino imi musadaro, asi mukuru kwamuri ngaave somuduku, nomutungamiri sounoshumira.
27. Nokuti ndianiko mukuru, ugere pakudya, kana unomushumira? Haazi iye ugere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu sounoshumira.
28. Zvino imi ndimi makagara neni pamiidzo yangu.
29. Ndinokugarisai nhaka yovushe saBaba vangu vakandigarisa nhaka.
30. kuti mugodya nokumwa patafura rangu muvushe bwangu; muchagara pazvigaro zvovushe, muchitonga marudzi anegumi namaviri avaIsraeri.
31. Simoni! Simoni! Tarira Satani wakakumbira kuti akuzungurei imi sezviyo;
32. asi ini ndakakukumbirira iwe, kuti kutenda kwako kurege kupera; iwe kana watendevuka, usimbise hama dzako.
33. Akati kwaari: Ishe, ndakazvigadzirira kuenda nemi mutorongo, kunyange kurufu.
34. Akati: Petro, ndinoti kwauri: Nhasi, jongwe risati rarira, ucharamba katatu uchiti haundizivi.
35. Zvino akati kwavari: Musi wandakakutumai, musinechikwama nehombodo neshangu, makashaiwa chinhu here? Vakati: Hakuna.
36. Akati kwavari: Asi zvino, unechikwama, ngaachitore, nokudaro vo unehombodo; usinomunondo, ngaatengese nguvo yake, autenge.
37. Nokuti ndinoti kwamuri, kuti izvi zvakanyorwa zvinofanira kuitika kwandiri, zvinoti: Wakaverengwa pamwe chete navadariki vomurairo; nokuti izvo zvakanyorwa pamusoro pangu zvoitika.
38. Ipapo vakati: Ishe, tarirai, heyi minondo miviri. Akati kwavari: Zvaringana.
39. Zvino wakabuda, akaenda kugomo reMiorivhi, sezvaaisiita; navadzidzi vake vakamutevera.
40. Wakati asvika panzvimbo iyo, akati kwavari: Nyengeterai kuti murege kupinda pakuidzwa.
41. Akaparadzana navo, chinhambo chingasvika ibwe, kana rikaposherwa; akafugama akanyengetera,
42. achiti: Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri! Asi kuda kwangu kurege kuitwa, asi kwenyu.
43. Ipapo mutumwa akavonekwa naye, wakabva kudenga, akamusimbisa.
44. Zvino, ari pakutambudzika kukuru, wakanyanya kunyengetera; ziya rake rikaita samadonhwe eropa, akadonhera pasi.
45. Akasimuka pakunyengetera, akaenda kuvadzidzi, akavawana vavata neshungu dzomoyo.
46. Akati kwavari: Mavatireiko? Mukai, munyengetere, kuti murege kupinda pakuidzwa.
47. Wakati achataura, tarira, vanhu vazhinji, naiye wainzi Judhasi, mumwe wavanegumi navaviri, akavatungamirira; akaswedera kunaJesu, kuti amusvete.
48. Jesu akati kwaari: Judhasi, unopandukira Mwanakomana womunhu nokusveta here?
49. Zvino vaiva naye vakati vachivona zvichaitika, vakati: Ishe, totema neminondo here?
50. Ipapo mumwe wavo akatema muranda womuPirisita mukuru, akamugura nzeve yorudyi.
51. Jesu akapindura, akati: Regai, zvaringana. Akabata nzeve yake, akamuporesa.
52. Zvino Jesu akati kuvaPirisita vakuru navakuru vetembere, navakuru vakanga vavuya kwaari kumubata: Mabuda neminondo netsvimbo sokugororo here?
53. Ndaiva nemi mutembere mazuva ose mukasandibata; asi zvino inguva yenyu nesimba rerima.
54. Zvino vakamubata, vakaenda naye, vakandomuisa kumba kwomuPirisita mukuru. Petro akatevera ari kure.
55. Vakati vavesa moto pakati poruvazhe, vakagara pasi pamwe chete, naPetro akagara pakati pavo.
56. Zvino mumwe mushandiri wakati achimuvona agere muchiedza chomoto, akamutarisisa, akati: Nouyu vo wakanga anaye.
57. Asi iye wakaramba, achiti: Iwe mukadzi, handimuzivi.
58. Garegare, mumwe zve akamuvona, akati: iwe uri mumwe wavo. Petro akati: Iwe munhu, handizati.
59. Nguva inenge seimwe yakati yapfuvura, mumwe zve akasimbisa, achiti: Zvirokwazvo, uyu wakanga anaye vo; nokuti muGarirea.
60. Petro akati: Iwe munhu, handizivi zvaunoreva! Pakarepo, achataura, jongwe rikarira.
61. Ipapo Ishe akatendevuka, akatarira Petro. Petro akarangarira shoko raShe, raakanga amuvudza, achiti: Jongwe risati rarira nhasi, uchandiramba katatu.
62. Akabuda, akachema zvikuru.
63. Varume vo vakanga vabata Jesu, vakamuseka, nokumurova.
64. Vakafukidzira meso ake, vakamubvunza, vachiti: Profita kuti ndiani wakurova.
65. Nezvimwe zvizhinji vakareva kwaari, vachimutuka.
66. Zvino kwakati kwaedza, vakuru vavanhu navaPirisita vakuru navanyori vakavungana, vakamuisa kumakurukota avo,
67. vachiti: Kana uri Kristu, utivudze. Iye akati kwavari: Kana ndikakuvudzai, hamungatendi.
68. Kana ndikakubvunzai, hamungandipinduri.
69. Asi kubva zvino Mwanakomana womunhu uchagara kurudyi rwesimba raMwari.
70. Ipapo vose vakati: Uri Mwanakomana waMwari kanhi? Akati kwavari: Mareva kuti ndini iye.
71. Ivo vakati: Tichatsvakireiko chapupu? Nokuti tazvinzwira timene pamuromo wake.

  Luke (22/24)