| ← Luke (21/24) → |
| 1. | Zvino wakati achitarira, akavona vafumi vachiisa zvipo zvavo muchivigiro chemari. |
| 2. | Akavona imwe chirikadzi, waiva murombo, achiisamo tumari tuviri tuduku. |
| 3. | Akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa kupfuvura vamwe vose; |
| 4. | nokuti avo vose vakaisa pazvipo vachitora pazvizhinji zvavo, asi uyu wakaisa, achitora pakushaiwa kwake, zvaaifanira kurarama nazvo, zvose zvaakanga anazvo. |
| 5. | Zvino vamwe vakati vachitaura pamusoro petembere, kuti yakanga yakashongedzwa namabwe akanaka nezvipo, iye akati: |
| 6. | Kana zviri izvi zvamunovona, mazuva achasvika, asingazoregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi. |
| 7. | Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava chipi, kana izvozvi zvodokuitwa? |
| 8. | Akati: Chenjerai, kuti murege kutsauswa; nokuti vazhinji vachavuya nezita rangu, vachiti: Ndini Kristu; nguva yaswedera. Musavatevera. |
| 9. | Kana muchinzwa zvokurwa, nenyonganiso, musavhunduka henyu, nokuti izvozvi zvinofanira kumboitwa; asi kuguma hakusviki pakarepo. |
| 10. | Akati kwavari: Rudzi rumwe ruchamukira rumwe rudzi, novushe hwumwe hwuchamukira hwumwe vushe. |
| 11. | Kudengenyeka kukuru kwenyika kuchavapo, nokunedzimwe nzvimbo nzara nehosha, nezvinotyisa, vuye zviratidzo zvikuru, zvichabva kudenga, zvichavapo. |
| 12. | Asi izvozvi zvose zvisati zvasvika, vachakubatai, nokukutambudzai, vachikuisai kumasinagoge nomumatorongo, nokukuisai pamberi pamadzimambo navabati, nokuda kwezita rangu. |
| 13. | Ichi chichava chapupu kwamuri. |
| 14. | Naizvozvo simbai mumoyo menyu, kuti murege kumbofungisisa pamuchapindura napo. |
| 15. | Nokuti ndichakupai muromo nokuchenjera, kuchakonesa vavengi venyu vose kukukundai nokuramba zvamunoreva. |
| 16. | Muchaiswa kuvatongi kunyange navabereki, navanun’una, nehama, neshamwari; vamwe venyu vachavurawa. |
| 17. | Muchavengwa navanhu vose nokuda kwezita rangu. |
| 18. | Asi ruvhudzi rumwe rwomusoro wenyu harungarashiki. |
| 19. | Nokutsungirira kwenyu muchawana vupenyu hwenyu. |
| 20. | Zvino kana muchivona Jerusarema rakombwa nehondo, zivai kuti rodokuparadzwa. |
| 21. | Musi uyo vari muJudhea ngavatizire kumakomo; navari pakati paro ngavabude; navari kuruwa ngavarege kupindamo. |
| 22. | Nokuti iwayo ndiwo mazuva okutsiva, kuti zvose zvakanyorwa zviitike. |
| 23. | Asi vachava nenhamo vanemimba navanomwisa namazuva iwayo, nokuti kutambudzika kukuru kuchavapo panyika, nokutsamwa pamusoro pavanhu ivavo. |
| 24. | Vachaparadzwa nomuromo womunondo, nokutapwa kumarudzi ose; Jerusarema richatsikwa navahedheni, kusvikira nguva dzavahedheni dzazadzika. |
| 25. | Zviratidzo zvichavapo pazuva napamwedzi, napanyeredzi; napanyika vurombo bwavanhu, vachikanganiswa nokutinhira kwegungwa namafungu; |
| 26. | vanhu vachapera nokutya nokutarira zvinowira nyika; nokuti masimba okudenga achadengenyeka. |
| 27. | Ipapo vachavona Mwanakomana womunhu achivuya negore, nesimba rokubwinya kukuru. |
| 28. | Asi kana izvozvi zvichitanga kuitika, tarirai kumsoro, musimudze misoro yenyu, nokuti kusunungurwa kwenyu kwaswedera. |
| 29. | Zvino akavataurira mufananidzo achiti: Tarirai muvonde nemiti yose; |
| 30. | kana yotunga, mukazvivona, munoziva mumene, kuti zvino zhezha rava pedo. |
| 31. | Saizvozvo, nemi vo, kana movona izvozvi zvoitwa, zivai kuti vushe bwaMwari hwava pedo. |
| 32. | Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungatongopfuvuri, kusvikira zvose zvaitika. |
| 33. | Denga nenyika zvichapfuvura, asi mashoko angu haangatongopfuvuri. |
| 34. | Chenjerai kuti moyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokubatwa, nokufunganya pamusoro pezvinhu zvovupenyu hwuno, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva. |
| 35. | Nokuti richawira vose vagere panyika yose. |
| 36. | Asi rindai nenguva dzose, mukumbire, kuti mugone kupukunyuka pazvinhu izvo zvose zvinozoitwa, mugomira pamberi poMwanakomana womunhu. |
| 37. | Zvino waidzidzisa masikati mutembere, asi vusiku waibuda, akandovata mugomo rinonzi reMiorivhi. |
| 38. | Vanhu vose vakavuya kwaari mutembere mangwanani, kuzomunzwa. |
| ← Luke (21/24) → |