Luke (21/24)  

1. Zvino wakati achitarira, akavona vafumi vachiisa zvipo zvavo muchivigiro chemari.
2. Akavona imwe chirikadzi, waiva murombo, achiisamo tumari tuviri tuduku.
3. Akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa kupfuvura vamwe vose;
4. nokuti avo vose vakaisa pazvipo vachitora pazvizhinji zvavo, asi uyu wakaisa, achitora pakushaiwa kwake, zvaaifanira kurarama nazvo, zvose zvaakanga anazvo.
5. Zvino vamwe vakati vachitaura pamusoro petembere, kuti yakanga yakashongedzwa namabwe akanaka nezvipo, iye akati:
6. Kana zviri izvi zvamunovona, mazuva achasvika, asingazoregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.
7. Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava chipi, kana izvozvi zvodokuitwa?
8. Akati: Chenjerai, kuti murege kutsauswa; nokuti vazhinji vachavuya nezita rangu, vachiti: Ndini Kristu; nguva yaswedera. Musavatevera.
9. Kana muchinzwa zvokurwa, nenyonganiso, musavhunduka henyu, nokuti izvozvi zvinofanira kumboitwa; asi kuguma hakusviki pakarepo.
10. Akati kwavari: Rudzi rumwe ruchamukira rumwe rudzi, novushe hwumwe hwuchamukira hwumwe vushe.
11. Kudengenyeka kukuru kwenyika kuchavapo, nokunedzimwe nzvimbo nzara nehosha, nezvinotyisa, vuye zviratidzo zvikuru, zvichabva kudenga, zvichavapo.
12. Asi izvozvi zvose zvisati zvasvika, vachakubatai, nokukutambudzai, vachikuisai kumasinagoge nomumatorongo, nokukuisai pamberi pamadzimambo navabati, nokuda kwezita rangu.
13. Ichi chichava chapupu kwamuri.
14. Naizvozvo simbai mumoyo menyu, kuti murege kumbofungisisa pamuchapindura napo.
15. Nokuti ndichakupai muromo nokuchenjera, kuchakonesa vavengi venyu vose kukukundai nokuramba zvamunoreva.
16. Muchaiswa kuvatongi kunyange navabereki, navanun’una, nehama, neshamwari; vamwe venyu vachavurawa.
17. Muchavengwa navanhu vose nokuda kwezita rangu.
18. Asi ruvhudzi rumwe rwomusoro wenyu harungarashiki.
19. Nokutsungirira kwenyu muchawana vupenyu hwenyu.
20. Zvino kana muchivona Jerusarema rakombwa nehondo, zivai kuti rodokuparadzwa.
21. Musi uyo vari muJudhea ngavatizire kumakomo; navari pakati paro ngavabude; navari kuruwa ngavarege kupindamo.
22. Nokuti iwayo ndiwo mazuva okutsiva, kuti zvose zvakanyorwa zviitike.
23. Asi vachava nenhamo vanemimba navanomwisa namazuva iwayo, nokuti kutambudzika kukuru kuchavapo panyika, nokutsamwa pamusoro pavanhu ivavo.
24. Vachaparadzwa nomuromo womunondo, nokutapwa kumarudzi ose; Jerusarema richatsikwa navahedheni, kusvikira nguva dzavahedheni dzazadzika.
25. Zviratidzo zvichavapo pazuva napamwedzi, napanyeredzi; napanyika vurombo bwavanhu, vachikanganiswa nokutinhira kwegungwa namafungu;
26. vanhu vachapera nokutya nokutarira zvinowira nyika; nokuti masimba okudenga achadengenyeka.
27. Ipapo vachavona Mwanakomana womunhu achivuya negore, nesimba rokubwinya kukuru.
28. Asi kana izvozvi zvichitanga kuitika, tarirai kumsoro, musimudze misoro yenyu, nokuti kusunungurwa kwenyu kwaswedera.
29. Zvino akavataurira mufananidzo achiti: Tarirai muvonde nemiti yose;
30. kana yotunga, mukazvivona, munoziva mumene, kuti zvino zhezha rava pedo.
31. Saizvozvo, nemi vo, kana movona izvozvi zvoitwa, zivai kuti vushe bwaMwari hwava pedo.
32. Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungatongopfuvuri, kusvikira zvose zvaitika.
33. Denga nenyika zvichapfuvura, asi mashoko angu haangatongopfuvuri.
34. Chenjerai kuti moyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokubatwa, nokufunganya pamusoro pezvinhu zvovupenyu hwuno, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva.
35. Nokuti richawira vose vagere panyika yose.
36. Asi rindai nenguva dzose, mukumbire, kuti mugone kupukunyuka pazvinhu izvo zvose zvinozoitwa, mugomira pamberi poMwanakomana womunhu.
37. Zvino waidzidzisa masikati mutembere, asi vusiku waibuda, akandovata mugomo rinonzi reMiorivhi.
38. Vanhu vose vakavuya kwaari mutembere mangwanani, kuzomunzwa.

  Luke (21/24)