Luke (20/24)  

1. Zvino panerime ramazuva iwayo, achidzidzisa vanhu mutembere, achivaparidzira Evhangeri, vaPirisita vakuru navanyori navakuru vakasvika,
2. vakataura, vakati kwaari: Tivudzei, kuti munoita zvinhu izvi nesimba ripi, kana ndianiko wakakupai simba iri?
3. Akapindura, akati kwavari: Neni ndichakubvunzai vo shoko; ndivudzei:
4. Rubhabhatidzo rwaJohane rwakabva kudenga kana kuvanhu here?
5. Vakataurirana pakati pavo, vachiti: Kana tikati, Kudenga, uchati: Zvino makagoregerei kumutenda?
6. Asi kana tikati,Kuvanhu, vanhu vose vachatitaka namabwe; nokuti ivo vanotenda kuti Johane waiva muporofita.
7. Vakapindura, vachiti hatizivi kwarwakabva.
8. Zvino Jesu akati kwavari: Neni vo handingakuvudziyi simba randinoita naro zvinhu izvi.
9. Zvino wakatanga kuvudza vanhu mufananidzo uyu:: Mumwe munhu wakanga asima munda wemizambiringa; akaupa varimi, akandogara kumwe nguva refu.
10. Nenguva yezvibereko akatuma muranda kuvarimi, kuti vamupe zvibereko zvomunda wemizambiringa; asi varimi vakamurova, vakamudzosa asina.
11. Akatuma zve mumwe muranda; naiye vo vakamurova, vakamunyadzisa, vakamudzosa asina.
12. Akatuma zve wechitatu; naiye vakamukuvadza, vakamubudisa kunze.
13. Zvino mwene womunda wemizambiringa akati: Ndichaiteiko? Ndichatuma mwanakomana wangu unodikanwa, zvimwe vachamukudza iye.
14. Asi varimi vakati vachimuvona, vakarangana, vakati: Uyu ndiye mugari wenhaka; ngatimuvuraye, nhaka igova yedu.
15. Vakamubudisa kunze kwomunda wemizambiringa, vakamuvuraya. Zvino, mwene womunda wemizambiringa uchavaiteiko?
16. Uchavuya, akaparadza varimi ivava; munda wemizambiringa akaupa vamwe. Zvino vachinzwa izvozvo, vakati: Haisva!
17. Wakati avatarisisa, akati: Zvino chinyiko icho chakanyorwa, chinoti:Ibwe rakarashwa navavaki,Ndiro rakazova musoro wekona?
18. Mumwe nomumwe unowira pamusoro pebwe iro, uchavhunikanya; asi warinowira richamukuya akaita upfu.
19. Zvino vanyori navaPirisita vakuru vakatsvaka nenguva iyo kumubata, asi vakatya vanhu; nokuti vakaziva kuti wakavareva ivo nomufananidzo uyo.
20. Vakamucherekedza, vakatuma vashori vakazviita savanhu vakarurama, kuti vamubate pakutaura kwake, vamuise kuvushe nesimba romutongi.
21. Vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi,. Tinoziva kuti munotaura nokudzidzisa zvakarurama, musingatendi zvinovonekwa zvomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi,
22. Ko zvino takatenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete?
23. Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari: munondiidzireiko?
24. Ndiratidzei dhenari.* Rinomufananidzo norunyoro rwaniko? Vakati: ZvaKesari,.
25. Ipapo akati kwavari: Naizvozvo ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.
26. Vakakoniwa kumubata pakutaura kwake pamberi pavanhu; vakashamiswa nokupindura kwake; ndokunyarara.
27. Zvino vamwe vaSadhuse, ivo vanoramba kumuka kwavakafa vachiti hakuna, vakavuya kwaari, vakamubvunza,
28. vachiti: Mudzidzisi, Mosesi wakatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa, anomukadzi, asi iye asinavana munun’una wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake vana.
29. Zvino kwakanga kunavanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akatora mukadzi, akafa asinavana;
30. nowechipiri: akamuwana akafa asina mwana.
31. nowechitatu amutora; nokudaro navanomwe vakasasiya vana, vakafa.
32. Pashure mukadzi akafa vo;
33. Zvino pakumuka uchava mukadzi waniko kwavari? Nokuti wakanga ari mukadzi wavose vanomwe.
34. Jesu akati kwavari: Vanakomana venyika ino vanowana; vuye vanowaniswa;
35. asi avo vachanzi naMwari vakafanira kuwana nyika iyo nokumuka kwavakafa, havawani, vuye havawaniswi.
36. Nokuti havazofi zve; nokuti vachaenzana navatumwa; vava vanakomana vaMwari zvavari vanakomana vokumuka kwavakafa.
37. Naiye Mosesi vo wakaratidza pashoko reGwenzi kuti vakafa vanomutswa zve, paakati Ishe ndiye Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.
38. Zvino Mwari haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu; nokuti vose vapenyu kwaari.
39. Ipapo vamwe vanyori vakamupindura, vakati: Mudzidzisi, mataura zvakanaka.
40. Pashure paizvozvo hakuna wakazotsunga kumubvunzazve mibvunzo.
41. Zvino akati kwavari: Vanoreva seiko kuti Kristu ndiye Mwanakomana waDavhidhi?
42. Nokuti Dhavhidhi wakareva amene mubuku yaMapisarema achiti: Ishe wakati kuna She wangu: Gara kurudyi rwangu,
43. Kusvikira ndaisa vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.
44. Naizvozvo, Dhavidhi unomuidza Ishe, zvino ungagova Mwanakomana wake seiko?
45. Zvino akati kuvadzidzi vake, vanhu vose vachizvinzwa:
46. Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, vachifarira kukwaziswa padare, nezvigaro zvapamberi mumasinagoge, novugaro bwapamberi pamitambo;
47. vanoparadza dzimba dzechirikadzi, vachiita mano-mano eminyengetero mirefu; ivavo vachatongerwa zvakaipa zvinopfuvurisa.

  Luke (20/24)