| ← Luke (20/24) → |
| 1. | Zvino panerime ramazuva iwayo, achidzidzisa vanhu mutembere, achivaparidzira Evhangeri, vaPirisita vakuru navanyori navakuru vakasvika, |
| 2. | vakataura, vakati kwaari: Tivudzei, kuti munoita zvinhu izvi nesimba ripi, kana ndianiko wakakupai simba iri? |
| 3. | Akapindura, akati kwavari: Neni ndichakubvunzai vo shoko; ndivudzei: |
| 4. | Rubhabhatidzo rwaJohane rwakabva kudenga kana kuvanhu here? |
| 5. | Vakataurirana pakati pavo, vachiti: Kana tikati, Kudenga, uchati: Zvino makagoregerei kumutenda? |
| 6. | Asi kana tikati,Kuvanhu, vanhu vose vachatitaka namabwe; nokuti ivo vanotenda kuti Johane waiva muporofita. |
| 7. | Vakapindura, vachiti hatizivi kwarwakabva. |
| 8. | Zvino Jesu akati kwavari: Neni vo handingakuvudziyi simba randinoita naro zvinhu izvi. |
| 9. | Zvino wakatanga kuvudza vanhu mufananidzo uyu:: Mumwe munhu wakanga asima munda wemizambiringa; akaupa varimi, akandogara kumwe nguva refu. |
| 10. | Nenguva yezvibereko akatuma muranda kuvarimi, kuti vamupe zvibereko zvomunda wemizambiringa; asi varimi vakamurova, vakamudzosa asina. |
| 11. | Akatuma zve mumwe muranda; naiye vo vakamurova, vakamunyadzisa, vakamudzosa asina. |
| 12. | Akatuma zve wechitatu; naiye vakamukuvadza, vakamubudisa kunze. |
| 13. | Zvino mwene womunda wemizambiringa akati: Ndichaiteiko? Ndichatuma mwanakomana wangu unodikanwa, zvimwe vachamukudza iye. |
| 14. | Asi varimi vakati vachimuvona, vakarangana, vakati: Uyu ndiye mugari wenhaka; ngatimuvuraye, nhaka igova yedu. |
| 15. | Vakamubudisa kunze kwomunda wemizambiringa, vakamuvuraya. Zvino, mwene womunda wemizambiringa uchavaiteiko? |
| 16. | Uchavuya, akaparadza varimi ivava; munda wemizambiringa akaupa vamwe. Zvino vachinzwa izvozvo, vakati: Haisva! |
| 17. | Wakati avatarisisa, akati: Zvino chinyiko icho chakanyorwa, chinoti:Ibwe rakarashwa navavaki,Ndiro rakazova musoro wekona? |
| 18. | Mumwe nomumwe unowira pamusoro pebwe iro, uchavhunikanya; asi warinowira richamukuya akaita upfu. |
| 19. | Zvino vanyori navaPirisita vakuru vakatsvaka nenguva iyo kumubata, asi vakatya vanhu; nokuti vakaziva kuti wakavareva ivo nomufananidzo uyo. |
| 20. | Vakamucherekedza, vakatuma vashori vakazviita savanhu vakarurama, kuti vamubate pakutaura kwake, vamuise kuvushe nesimba romutongi. |
| 21. | Vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi,. Tinoziva kuti munotaura nokudzidzisa zvakarurama, musingatendi zvinovonekwa zvomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi, |
| 22. | Ko zvino takatenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete? |
| 23. | Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari: munondiidzireiko? |
| 24. | Ndiratidzei dhenari.* Rinomufananidzo norunyoro rwaniko? Vakati: ZvaKesari,. |
| 25. | Ipapo akati kwavari: Naizvozvo ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari. |
| 26. | Vakakoniwa kumubata pakutaura kwake pamberi pavanhu; vakashamiswa nokupindura kwake; ndokunyarara. |
| 27. | Zvino vamwe vaSadhuse, ivo vanoramba kumuka kwavakafa vachiti hakuna, vakavuya kwaari, vakamubvunza, |
| 28. | vachiti: Mudzidzisi, Mosesi wakatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa, anomukadzi, asi iye asinavana munun’una wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake vana. |
| 29. | Zvino kwakanga kunavanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akatora mukadzi, akafa asinavana; |
| 30. | nowechipiri: akamuwana akafa asina mwana. |
| 31. | nowechitatu amutora; nokudaro navanomwe vakasasiya vana, vakafa. |
| 32. | Pashure mukadzi akafa vo; |
| 33. | Zvino pakumuka uchava mukadzi waniko kwavari? Nokuti wakanga ari mukadzi wavose vanomwe. |
| 34. | Jesu akati kwavari: Vanakomana venyika ino vanowana; vuye vanowaniswa; |
| 35. | asi avo vachanzi naMwari vakafanira kuwana nyika iyo nokumuka kwavakafa, havawani, vuye havawaniswi. |
| 36. | Nokuti havazofi zve; nokuti vachaenzana navatumwa; vava vanakomana vaMwari zvavari vanakomana vokumuka kwavakafa. |
| 37. | Naiye Mosesi vo wakaratidza pashoko reGwenzi kuti vakafa vanomutswa zve, paakati Ishe ndiye Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho. |
| 38. | Zvino Mwari haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu; nokuti vose vapenyu kwaari. |
| 39. | Ipapo vamwe vanyori vakamupindura, vakati: Mudzidzisi, mataura zvakanaka. |
| 40. | Pashure paizvozvo hakuna wakazotsunga kumubvunzazve mibvunzo. |
| 41. | Zvino akati kwavari: Vanoreva seiko kuti Kristu ndiye Mwanakomana waDavhidhi? |
| 42. | Nokuti Dhavhidhi wakareva amene mubuku yaMapisarema achiti: Ishe wakati kuna She wangu: Gara kurudyi rwangu, |
| 43. | Kusvikira ndaisa vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako. |
| 44. | Naizvozvo, Dhavidhi unomuidza Ishe, zvino ungagova Mwanakomana wake seiko? |
| 45. | Zvino akati kuvadzidzi vake, vanhu vose vachizvinzwa: |
| 46. | Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, vachifarira kukwaziswa padare, nezvigaro zvapamberi mumasinagoge, novugaro bwapamberi pamitambo; |
| 47. | vanoparadza dzimba dzechirikadzi, vachiita mano-mano eminyengetero mirefu; ivavo vachatongerwa zvakaipa zvinopfuvurisa. |
| ← Luke (20/24) → |