Luke (2/24)  

1. Zvino namazuva iwayo chirevo chakaitwa naKesari Augusto, kuti nyika yose inyorwe mazita.
2. Uku ndokwaiva kunyorwa kwokutanga, kwakaitwa Kuriniosi ari mubati weSiria.
3. Vanhu vose vakaenda kundonyorwa, mumwe nomumwe kuguta rake.
4. NaJosefa vo wakabva Garirea, muguta reNazareta, akaenda Judhea, kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bhetirehemu, nokuti waiva weimba yaDhavhidhi, noworudzi rwake;
5. kuti anyorwe naMaria, wakanga anyengwa naye, ava nemimba.
6. Zvino vakati varipo, mazuva okuzvara kwake akasvika;
7. akazvara dangwe rake mwanakomana, akamuputira nemicheka, akamuvanzarika muchidyiro chezvipfuwo, nokuti vakashaiwa nzvimbo muimba yavaeni.
8. Zvino kwakanga kunavafudzi munyika iyo, vaigara kuvuragu vachirinda mapoka avo vusiku.
9. Mutumwa waShe akamira navo, nokubwinya kwaShe kukavakomba, vakatya nokutya kukuru.
10. Ipapo mutumwa akati kwavari: Musatya, nokuti tarira, ndinokuparidzirai mashoko omufaro mukuru, uchava wavanhu vose;
11. nokuti nhasi mazvarirwa muguta raDhavhidhi Muponesi, ndiye Kristu Ishe.
12. Ichi ndicho chiratidzo kwamuri; Muchandowana rushiye, rwakaputirwa nemicheka, ruvete muchidyiro chezvipfuwo.
13. Ipapo kamwe-kamwe kukavapo pamwe chete nomutumwa, vazhinji vehondo yokudenga, vachirumbidza Mwari, vachiti:
14. Mwari ngaakudzwe kumusoro-soro, rugare ruve panyika, nomoyo muchena kuvanhu.
15. Zvino vatumwa vakati vabva kwavari, vaenda kudenga, vafudzi vakataurirana, vachiti: Ngatiende hedu Bhetirehemu, tindovona chinhu ichi chakaitwa, chatakaziviswa naShe.
16. Ipapo vakakurumidza kuenda, vakawana Maria naJosefa, norushiye ruvete muchidyiro chezvipfuwo.
17. Vakati vavona, vakazivisa kwose shoko ravakanga vavudzwa romwana uyo.
18. Vose vakanzwa vakashamiswa nezvavakavudzwa navafudzi.
19. Asi Maria wakachengeta mashoko iwayo ose, achiafungisisa mumoyo make.
20. Zvino vafudzi vakadzokera kwakare, vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pezvose zvavakanzwa nezvavakavona, sezvavakanga vavudzwa.
21. Mazuva masere akati apfuvura, musi wokudzingiswa wasvika, vakatumidza zita rake Jesu, iro raakanga atumidzwa nomutumwa, asati agamuchirwa mudumbu ramai.
22. Zvino mazuva okuzvinatsa kwavo nomurairo waMosesi akati apera, vakaenda naye Jerusarema, kuti vamuise pamberi paShe;
23. (sezvazvakanyorwa pamurairo waShe, zvichinzi: Mwanarume mumwe nomumwe unotanga kuzarura chizvaro, uchanzi mutsvene waShe),
24. vuye kubayira chibayiro; sezvazvakarebwa pamurairo waShe, zvinoti, njiva mbiri, kana hangaiwa mbiri duku.
25. Zvino, kwakanga kunomunhu, paJerusarema, wainzi Simeoni; waiva munhu wakarurama waida Mwari waimirira kunyaradzwa kwavaIsraeri.. noMweya Mutsvene wakanga anaye.
26. Iye wakanga aratidzwa noMweya Mutsvene, kuti haangavoni rufu, asati avona Kristu waShe.
27. Iye wakavuya mutembere noMweya; zvino vabereki vakati vachivuya nomwana Jesu, kuti vaite naye nomutovo womurairo,
28. akamubata mumavoko ake akarumbidza Mwari, achiti:
29. Zvino, Tenzi, muranda wenyu ngaaende hake norugare sezvamakareva;
30. Nokuti meso angu avona ruponeso rwenyu,
31. rwamakagadzirira pamberi pavanhu vose
32. Chiedza chokuvhenekera vahedheni, nokurumbidzwa kwavanhu venyu vaIsraeri.
33. Josefa Baba vake namai vake vakashamiswa nezvakarebwa pamusoro pake.
34. Ipapo Simeoni akavaropafadza, akati kunaMaria, mai vake: Tarira, mwana uyu wakaisirwa kuwa nokumuka kwavazhinji pakati pavaIsraeri. Chichava chiratidzo chicharambwa;
35. vuye munondo uchabaya mweya wako vo; kuti ndangariro dzemoyo mizhinji dzizikanwe.
36. Zvino kwakanga kunaAna vo, muporofitakadzi, mukunda waFanueri, worudzi rwaAsheri; (iye wakanga achembera kwazvo, wakanga anomurume makore manomwe kubvira pavumhandara bwake.
37. wakanga ari chirikadzi yaiva namakore makumi masere namana), wakanga asingabvi mutembere, achishumira Mwari nokuzvinyima zvokudya nokukumbira vusiku namasikati:
38. Naiye wakati achisvika nenguva iyo, akatenda Mwari, akataura pamusoro pake kunavose vakanga vachitarira kusunungurwa kweJerusarema.
39. Zvino vakati vapedza zvose zvomurairo waShe, vakadzokera Garirea, kuguta ravo Nazareta.
40. Mwana akakura, akava nesimba, mumweya akazara nenjere; nenyasha dzaMwari dzikava pamusoro pake.
41. Zvino vabereki vake vaisienda Jerusarema makore ose kumutambo wepaseka.
42. Zvino iye wakati ava namakore anegumi namaviri, vakaenda Jerusarema netsika yomutambo.
43. Vakati vapedza mazuva, pakudzoka kwavo mwana Jesu akasara Jerusarema, Josefa namai vake vasingazvizivi.
44. Asi zvavaiti zvimwe uri kunavamwe vakanga vari panzira navo, vakafamba zuva rimwe, vakazomutsvaka kuhama dzavo nokuvazikani vavo.
45. Vakati vamushaiwa, vakadzokera Jerusarema vachimutsvaka.
46. Mazuva matatu; akati apfuvura, vakamuwana ari mutembere, agere pakati pavadzidzisi achivaterera nokuvabvunza.
47. Vose vakanga vachimunzwa, vakashamiswa nokuziva kwake vuye nokupindura kwake.
48. Zvino vakati vamuvona, vakakatyamara; mai vake vakati kwaari: Mwana, waitireiko zvakadai? Tarira, baba vako neni takutsvaka tichichema.
49. Akati kwavari: Makanga muchinditsvakireiko? Makanga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here?
50. Vakasanzwisisa shoko raakavavudza.
51. Ipapo akaburuka navo, akasvika Nazareta, akavaterera. Mai vake vakachengeta mashoko iwayo ose mumoyo mavo.
52. Jesu akaramba achienda mberi pakuchenjera napakukura, napakufadza Mwari navanhu.

  Luke (2/24)