| ← Luke (19/24) → |
| 1. | Zvino Jesu wakapinda Jeriko, akapfuvura napakati. |
| 2. | Zvino murume waivapo, wainzi Zakeo; iye wakanga ari mukuru wavateresi, vuye waiva mufumi; |
| 3. | akatsvaka kuvona Jesu, kuti ndiye ani; asi wakanga asingagoni, nokuti wakanga akafupika. |
| 4. | Ipapo akamhanyira mberi, akakwira mumuvonde kuti amuvone, nokuti wakanga opfuvura napo. |
| 5. | Zvino Jesu wakati achisvikapo akatarira kumsoro, akamuvona akati kwaari: Zakeo, kurumidza uburuke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako. |
| 6. | Iye akakurumidza kuburuka, akamugamuchira nomufaro. |
| 7. | Vose vakazvivona, vakan’un’una, vachiti: Wapinda kundogara nomurume uri mutadzi. |
| 8. | Ipapo Zakeo akamira, akati kunaShe; Tarirai, Ishe, hafu yefuma yangu,ndinoipa varombo, vuye kana ndatorera mumwe chinhu chake nokunyengera, ndinomudzosera zvava zvina. |
| 9. | Jesu akati kwaari: Nhasi ruponeso rwasvika paimba ino; nokuti naiye vo mwanakomana waAbhurahamu. |
| 10. | Nokuti Mwanakomana womunhu wakavuya kuzotsvaka nokuponesa chakarashika. |
| 11. | Vakati vachanzwa izvozvo, akawedzera akataura mumwe mufananidzo, nokuti wakanga ava pedo neJerusarema, ivo vakati vushe bwaMwari bwobva bwovonekwa pakarepo. |
| 12. | Naizvozvo akati: Mumwe munhu mukuru wakaenda kunyika yakanga iri kure, kuti andopiwa vushe, agodzoka zve. |
| 13. | Akadana varanda vake vanegumi, akavapa pondo dzinegumi, akati kwavari: Shambadzirai, kusvikira ndichivuya zve. |
| 14. | Asi vanhu venyika yake vakanga vachimuvenga, vakatuma nhume kumutevera, kundoti: Hatidi kuti uyu munhu ave ishe wedu. |
| 15. | Zvino wakati adzoka kuya kwaakanga andopiwa vushe, akaraira kuti vaya varanda vaakanga apa mari, vadanirwe kwaari, anzwe kuti mumwe nomumwe wakawanei nokushambadzira kwake. |
| 16. | Wokutanga akasvika, akati: ishe, pondo yenyu yakawana dzimwe pondo dzinegumi zve. |
| 17. | Akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka; zvawakanga wakatendeka pazviduku-duku, ubate maguta anegumi. |
| 18. | Wechipiri akasvika, akati: Ishe, pondo yenyu yakawedzera zve pondo shanu. |
| 19. | Akati kwaari vo: Newe, ubate maguta mashanu. |
| 20. | Zvino mumwe akasvika, akati: Ishe, tarirai pondo yenyu heyi. Yandakanga ndachengeta mumucheka. |
| 21. | nokuti; ndakanga ndichikutyai,zvamuri munhu unehasha munotora zvamusakaisapo, munocheka zvamusakakusha. |
| 22. | Akati kwaari: Ndichakutonga namashoko ako amene, iwe muranda wakaipa! Wakanga uchiziva kuti ndiri munhu unehasha, ndichitora zvandisakaisa, ndichicheka zvandisakakusha; |
| 23. | zvino wakaregereiko kuisa mari yangu mubhanga, ndikazoitora pakudzoka kwangu yawanda. |
| 24. | Ipapo akati kunavakanga vamirepo: Munotorerei pondo iyo, muipe unepondo dzinegumi. |
| 25. | Vakati kwaari: Ishe, watova nepondo dzinegumi. |
| 26. | Ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unechinhu, uchapiwa; asi usina, uchatorerwa nezvaanazvo. |
| 27. | Asi vavengi vangu avo, vakanga vasingadi kuti ndive ishe wavo, vuyai navo pano, muvavuraye pamberi pangu. |
| 28. | Wakati areva izvozvo, akatungamira mberi, achikwira Jerusarema. |
| 29. | Wakati oswedera Betifage neBetania, kugomo rinonzi reMiorivhi, akatuma vadzidzi vake vaviri, |
| 30. | achiti: Endai kumusha wakatarisana nemi; kana muchipinda mauri, muchawana mhuru yembongoro yakasungirwa, isina kumbotaswa nomunhu; muisunungure, mugovuya nayo. |
| 31. | Kana mumwe akakubvunzai, achiti: Munoisunungurireiko? Muti kwaari kudai: Ishe unoida. |
| 32. | Avo vakatumwa vakaenda, vakandowana sezvaakanga avavudza. |
| 33. | Zvino vakati vachisunungura mhuru, vene vayo vakati kwavari: Munosunungurireiko mhuru? |
| 34. | Vakati: Ishe unoida. |
| 35. | Vakavuya nayo kuna Jesu, vakaisa nguvo dzavo pamusoro pemhuru, vakatasvisa Jesu pamusoro payo. |
| 36. | Zvino achifamba, vakawarira nguvo dzavo munzira. |
| 37. | Akati oswedera pamaburusiro egomo reMiorivhi, vadzidzi vake vazhinji vose vakatanga kufara nokurumbidza Mwari nenzwi guru pamusoro pamabasa ose esimba avakanga vavona. |
| 38. | vachiti: Mambo ngaakudzwe, iye unovuya muzita raShe! Rugare ngaruve kudenga, nokubwinya kumuso-soro! |
| 39. | Vamwe vaFarise pakati pavazhinji vakati kwaari: Mudzidzisi, rairai vadzidzi venyu! |
| 40. | Akapindura, akati: Ndinokuvudzai, kana ava vakanyarara, mabwe angadanidzira. |
| 41. | Zvino wakati aswedera pedo, akavona guta, akachema pamusoro paro, |
| 42. | achiti: Dai waiziva iwe zuva rino zvinhu zvingakupa rugare, asi zvino zvakavanzirwa meso ako! |
| 43. | Nokuti uchasvikirwa namazuva, auchavakirwa nawo muchinjiziri navavengi vako, vachakukomba, nokukumanikidza pamativi ose; |
| 44. | vachakuparadzira pasi, iwe navana vako mukati mako; havangaregi mukati mako ibwe rimwe riri pamusoro perimwe; nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako. |
| 45. | Zvino wakapinda mutembere, akatanga kubudisira kunze vakanga vachitengesamo, |
| 46. | achiti kwavari: Kwakanyorwa kuti imba yangu ichava imba yokunyengetera; asi imi makaiita bako ramakororo. |
| 47. | Waidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutembere; asi vaPirisita vakuru navanyori navakuru vavanhu vakanga vachitsvaka kumuvuraya. |
| 48. | Asi vakanga vasingawani zvavangaita, nokuti vanhu vose vakamunamatira, vachimunzwa.. |
| ← Luke (19/24) → |