Luke (19/24)  

1. Zvino Jesu wakapinda Jeriko, akapfuvura napakati.
2. Zvino murume waivapo, wainzi Zakeo; iye wakanga ari mukuru wavateresi, vuye waiva mufumi;
3. akatsvaka kuvona Jesu, kuti ndiye ani; asi wakanga asingagoni, nokuti wakanga akafupika.
4. Ipapo akamhanyira mberi, akakwira mumuvonde kuti amuvone, nokuti wakanga opfuvura napo.
5. Zvino Jesu wakati achisvikapo akatarira kumsoro, akamuvona akati kwaari: Zakeo, kurumidza uburuke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.
6. Iye akakurumidza kuburuka, akamugamuchira nomufaro.
7. Vose vakazvivona, vakan’un’una, vachiti: Wapinda kundogara nomurume uri mutadzi.
8. Ipapo Zakeo akamira, akati kunaShe; Tarirai, Ishe, hafu yefuma yangu,ndinoipa varombo, vuye kana ndatorera mumwe chinhu chake nokunyengera, ndinomudzosera zvava zvina.
9. Jesu akati kwaari: Nhasi ruponeso rwasvika paimba ino; nokuti naiye vo mwanakomana waAbhurahamu.
10. Nokuti Mwanakomana womunhu wakavuya kuzotsvaka nokuponesa chakarashika.
11. Vakati vachanzwa izvozvo, akawedzera akataura mumwe mufananidzo, nokuti wakanga ava pedo neJerusarema, ivo vakati vushe bwaMwari bwobva bwovonekwa pakarepo.
12. Naizvozvo akati: Mumwe munhu mukuru wakaenda kunyika yakanga iri kure, kuti andopiwa vushe, agodzoka zve.
13. Akadana varanda vake vanegumi, akavapa pondo dzinegumi, akati kwavari: Shambadzirai, kusvikira ndichivuya zve.
14. Asi vanhu venyika yake vakanga vachimuvenga, vakatuma nhume kumutevera, kundoti: Hatidi kuti uyu munhu ave ishe wedu.
15. Zvino wakati adzoka kuya kwaakanga andopiwa vushe, akaraira kuti vaya varanda vaakanga apa mari, vadanirwe kwaari, anzwe kuti mumwe nomumwe wakawanei nokushambadzira kwake.
16. Wokutanga akasvika, akati: ishe, pondo yenyu yakawana dzimwe pondo dzinegumi zve.
17. Akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka; zvawakanga wakatendeka pazviduku-duku, ubate maguta anegumi.
18. Wechipiri akasvika, akati: Ishe, pondo yenyu yakawedzera zve pondo shanu.
19. Akati kwaari vo: Newe, ubate maguta mashanu.
20. Zvino mumwe akasvika, akati: Ishe, tarirai pondo yenyu heyi. Yandakanga ndachengeta mumucheka.
21. nokuti; ndakanga ndichikutyai,zvamuri munhu unehasha munotora zvamusakaisapo, munocheka zvamusakakusha.
22. Akati kwaari: Ndichakutonga namashoko ako amene, iwe muranda wakaipa! Wakanga uchiziva kuti ndiri munhu unehasha, ndichitora zvandisakaisa, ndichicheka zvandisakakusha;
23. zvino wakaregereiko kuisa mari yangu mubhanga, ndikazoitora pakudzoka kwangu yawanda.
24. Ipapo akati kunavakanga vamirepo: Munotorerei pondo iyo, muipe unepondo dzinegumi.
25. Vakati kwaari: Ishe, watova nepondo dzinegumi.
26. Ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unechinhu, uchapiwa; asi usina, uchatorerwa nezvaanazvo.
27. Asi vavengi vangu avo, vakanga vasingadi kuti ndive ishe wavo, vuyai navo pano, muvavuraye pamberi pangu.
28. Wakati areva izvozvo, akatungamira mberi, achikwira Jerusarema.
29. Wakati oswedera Betifage neBetania, kugomo rinonzi reMiorivhi, akatuma vadzidzi vake vaviri,
30. achiti: Endai kumusha wakatarisana nemi; kana muchipinda mauri, muchawana mhuru yembongoro yakasungirwa, isina kumbotaswa nomunhu; muisunungure, mugovuya nayo.
31. Kana mumwe akakubvunzai, achiti: Munoisunungurireiko? Muti kwaari kudai: Ishe unoida.
32. Avo vakatumwa vakaenda, vakandowana sezvaakanga avavudza.
33. Zvino vakati vachisunungura mhuru, vene vayo vakati kwavari: Munosunungurireiko mhuru?
34. Vakati: Ishe unoida.
35. Vakavuya nayo kuna Jesu, vakaisa nguvo dzavo pamusoro pemhuru, vakatasvisa Jesu pamusoro payo.
36. Zvino achifamba, vakawarira nguvo dzavo munzira.
37. Akati oswedera pamaburusiro egomo reMiorivhi, vadzidzi vake vazhinji vose vakatanga kufara nokurumbidza Mwari nenzwi guru pamusoro pamabasa ose esimba avakanga vavona.
38. vachiti: Mambo ngaakudzwe, iye unovuya muzita raShe! Rugare ngaruve kudenga, nokubwinya kumuso-soro!
39. Vamwe vaFarise pakati pavazhinji vakati kwaari: Mudzidzisi, rairai vadzidzi venyu!
40. Akapindura, akati: Ndinokuvudzai, kana ava vakanyarara, mabwe angadanidzira.
41. Zvino wakati aswedera pedo, akavona guta, akachema pamusoro paro,
42. achiti: Dai waiziva iwe zuva rino zvinhu zvingakupa rugare, asi zvino zvakavanzirwa meso ako!
43. Nokuti uchasvikirwa namazuva, auchavakirwa nawo muchinjiziri navavengi vako, vachakukomba, nokukumanikidza pamativi ose;
44. vachakuparadzira pasi, iwe navana vako mukati mako; havangaregi mukati mako ibwe rimwe riri pamusoro perimwe; nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako.
45. Zvino wakapinda mutembere, akatanga kubudisira kunze vakanga vachitengesamo,
46. achiti kwavari: Kwakanyorwa kuti imba yangu ichava imba yokunyengetera; asi imi makaiita bako ramakororo.
47. Waidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutembere; asi vaPirisita vakuru navanyori navakuru vavanhu vakanga vachitsvaka kumuvuraya.
48. Asi vakanga vasingawani zvavangaita, nokuti vanhu vose vakamunamatira, vachimunzwa..

  Luke (19/24)