← Luke (18/24) → |
1. | Zvino wakavavudza mufananidzo wokuti vanofanira kunyengetera nguva dzose, vasingarashi moyo; |
2. | akati: Munerimwe guta makanga munomumwe mutongi, wakanga asingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu. |
3. | Zvino kwakanga kune chirikadzi muguta iro, yairamba ichivuya kwaari, ichiti: Ndiruramisirei kumuvengi wangu. |
4. | Iye akamboramba nguva; asi pashure akati mumoyo make: Kunyange ndisingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu; |
5. | iyi chirikadzi zvainonditambudza, ndichairuramisira, kuti irege kuzovuya pashure indirove kumeso. |
6. | Ishe akati: Inzwai zvinorebwa nomutongi usakarurama. |
7. | Ko zvino Mwari haangaruramisiri vakasanangurwa vake, vanodanidzira kwaari vusiku namasikati, kunyange achinonoka pamusoro pavo here? |
8. | Ndinoti kwamuri: Uchakurumidza kuvaruramisira. Asi kunyange zvakadaro mwanakomana womunhu kana achisvika, uchawana kutenda panyika here? |
9. | Wakareva vo mufananidzo uyu kuna vamwe, vakanga vachizvitenda, vachiti takarurama, vachizvidza vamwe, akati: |
10. | Vanhu vaviri vakakwira kutembere kundonyengetera, mumwe ari muFarise, mumwe ari muteresi. |
11. | MuFarise akandomira, akanyengetera kudai, achizvireva, akati: Ndinokutendai Mwari, kuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana nomuteresi uyo. |
12. | Ndinozvinyima zvokudya kaviri nevhiki, ndinopachegumi chezvose zvandinowana. |
13. | Asi muteresi wakamira kure, asingadi kunyange nokutarira kudenga, akazvirova chifuva, akati: Mwari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi! |
14. | Ndinoti kwamuri: Uyu wakaburukira kumba kwake aruramiswa kupfuvura uya. Nokuti mumwe nomumwe unozvikudza, uchaninipiswa vuye mumwe nomumwe unozvininipisa uchakudzwa. |
15. | Zvino vakavuya navacheche vo kwaari, kuti avanyangate; asi vadzidzi vakati vachizvivona, vakavaraira. |
16. | Ipapo Jesu akavadanira kwaari, akati: Regai vana vaduku, vavuye kwandiri, musavadzivisa, nokuti vushe bwaMwari ndobwavakadai. |
17. | Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Aninani usingagamuchiri vushe bwaMwari somwana muduku, haangatongopindi mabwuri. |
18. | Zvino mumwe mukuru wakamubvunza, akati: Mudzidzisi wakanaka, ndingaiteiko kuti ndigare nhako yovupenyu bwusingaperi? |
19. | Jesu akati kwaari: Unondiidzireiko wakanaka? Hakun awakanaka, asi mumwe chete, iye Mwari. |
20. | Mirairo unoiziva,inoti: Usaita vupombwe, usavuraya, usaba, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako. |
21. | Iye akati: Izvi zvose ndakazvichengeta kubva pavuduku bwangu. |
22. | Zvino Jesu achizvinzwa, akati kwaari: Unoshaiwa chinhu chimwe chete; tengesa zvose zvaunazvo, upe varombo, uve nefuma kudenga;ugovuya, unditevere. |
23. | Zvino wakati achinzwa izvozvo, akabatwa neshungu kwazvo; nokuti wakanga anefuma zhinji. |
24. | Zvino Jesu, achimuvona, akati: Vanefuma vacharemerwa sei kupinda muvushe bwaMwari. |
25. | Nokuti kamera ingarerukirwa kupinda pavuri rorunji, kumufumi kupinda muvushe bwaMwari. |
26. | Zvino vakanga vazvinzwa, vakati: Ndianiko ungagoponeswa? |
27. | Iye akati: Izvo zvisingabviri kuvanhu, zvinobvira kunaMwari. |
28. | Ipapo Petro akati: Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai. |
29. | Akati kwavari: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hakuno munhu wakasiya imba, kana mukadzi, kana vanun’una, kana vabereki, kana vana, nokuda kwovushe bwaMwari. |
30. | usingazopiwi zvizhinji kuna izvozvo nenguva ino, vuye vupenyu bwusingaperi nenguva inovuya. |
31. | Zvino wakatora vanegumi navaviri, akati kwavari: Tarirai, tinokwira Jerusarema, Mwanakomana womunhu uchaitirwa zvose zvakanyorwa navaporofita. |
32. | Nokuti uchaiswa kuvahedheni, nokusekwa, nokuitirwa zvakaipa, nokupfirwa mate, |
33. | vachamurovesa, nokumuvuraya, asi nezuva retatu uchamuka zve. |
34. | Asi havana kunzwisisa chinhu chimwe chaizvozvo; shoko iri rakanga rakavanzika kwavari, vuye havana kunzwisisa izvo zvakarebwa. |
35. | Zvino wakati aswedera Jeriko, rimwe bofu raigara panzira richikumbira, |
36. | rakanzwa vanhu vazhinji vachipfuvura, rikabvunza, richiti: Chinyiko? |
37. | Vakarivudza, vachiti: Ndi Jesu, weNazareta, unopfuvura. |
38. | Ipapo rakadanidzira, richiti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni! |
39. | Zvino vakanga vakatungamira vakariraira, kuti rinyarare; asi rakanyanya kudanidzira, richiti: Mwanakomana waDavidhi, ndinzwirei ngoni! |
40. | Zvino Jesu wakamira, akaraira kuti vavuye naro kwaari; rikati raswedera, akaribvunza, |
41. | achiti: Unoda kuti ndikuitireiko? Rikati: Ishe, kuti ndivone. |
42. | Jesu akati kwaari: Chivona, kutenda kwako kwakuponesa. |
43. | Pakarepo rikavona, rikamutevera, richirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachizvivona vakakudza Mwari. |
← Luke (18/24) → |