Luke (18/24)  

1. Zvino wakavavudza mufananidzo wokuti vanofanira kunyengetera nguva dzose, vasingarashi moyo;
2. akati: Munerimwe guta makanga munomumwe mutongi, wakanga asingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu.
3. Zvino kwakanga kune chirikadzi muguta iro, yairamba ichivuya kwaari, ichiti: Ndiruramisirei kumuvengi wangu.
4. Iye akamboramba nguva; asi pashure akati mumoyo make: Kunyange ndisingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu;
5. iyi chirikadzi zvainonditambudza, ndichairuramisira, kuti irege kuzovuya pashure indirove kumeso.
6. Ishe akati: Inzwai zvinorebwa nomutongi usakarurama.
7. Ko zvino Mwari haangaruramisiri vakasanangurwa vake, vanodanidzira kwaari vusiku namasikati, kunyange achinonoka pamusoro pavo here?
8. Ndinoti kwamuri: Uchakurumidza kuvaruramisira. Asi kunyange zvakadaro mwanakomana womunhu kana achisvika, uchawana kutenda panyika here?
9. Wakareva vo mufananidzo uyu kuna vamwe, vakanga vachizvitenda, vachiti takarurama, vachizvidza vamwe, akati:
10. Vanhu vaviri vakakwira kutembere kundonyengetera, mumwe ari muFarise, mumwe ari muteresi.
11. MuFarise akandomira, akanyengetera kudai, achizvireva, akati: Ndinokutendai Mwari, kuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana nomuteresi uyo.
12. Ndinozvinyima zvokudya kaviri nevhiki, ndinopachegumi chezvose zvandinowana.
13. Asi muteresi wakamira kure, asingadi kunyange nokutarira kudenga, akazvirova chifuva, akati: Mwari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi!
14. Ndinoti kwamuri: Uyu wakaburukira kumba kwake aruramiswa kupfuvura uya. Nokuti mumwe nomumwe unozvikudza, uchaninipiswa vuye mumwe nomumwe unozvininipisa uchakudzwa.
15. Zvino vakavuya navacheche vo kwaari, kuti avanyangate; asi vadzidzi vakati vachizvivona, vakavaraira.
16. Ipapo Jesu akavadanira kwaari, akati: Regai vana vaduku, vavuye kwandiri, musavadzivisa, nokuti vushe bwaMwari ndobwavakadai.
17. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Aninani usingagamuchiri vushe bwaMwari somwana muduku, haangatongopindi mabwuri.
18. Zvino mumwe mukuru wakamubvunza, akati: Mudzidzisi wakanaka, ndingaiteiko kuti ndigare nhako yovupenyu bwusingaperi?
19. Jesu akati kwaari: Unondiidzireiko wakanaka? Hakun awakanaka, asi mumwe chete, iye Mwari.
20. Mirairo unoiziva,inoti: Usaita vupombwe, usavuraya, usaba, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.
21. Iye akati: Izvi zvose ndakazvichengeta kubva pavuduku bwangu.
22. Zvino Jesu achizvinzwa, akati kwaari: Unoshaiwa chinhu chimwe chete; tengesa zvose zvaunazvo, upe varombo, uve nefuma kudenga;ugovuya, unditevere.
23. Zvino wakati achinzwa izvozvo, akabatwa neshungu kwazvo; nokuti wakanga anefuma zhinji.
24. Zvino Jesu, achimuvona, akati: Vanefuma vacharemerwa sei kupinda muvushe bwaMwari.
25. Nokuti kamera ingarerukirwa kupinda pavuri rorunji, kumufumi kupinda muvushe bwaMwari.
26. Zvino vakanga vazvinzwa, vakati: Ndianiko ungagoponeswa?
27. Iye akati: Izvo zvisingabviri kuvanhu, zvinobvira kunaMwari.
28. Ipapo Petro akati: Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai.
29. Akati kwavari: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hakuno munhu wakasiya imba, kana mukadzi, kana vanun’una, kana vabereki, kana vana, nokuda kwovushe bwaMwari.
30. usingazopiwi zvizhinji kuna izvozvo nenguva ino, vuye vupenyu bwusingaperi nenguva inovuya.
31. Zvino wakatora vanegumi navaviri, akati kwavari: Tarirai, tinokwira Jerusarema, Mwanakomana womunhu uchaitirwa zvose zvakanyorwa navaporofita.
32. Nokuti uchaiswa kuvahedheni, nokusekwa, nokuitirwa zvakaipa, nokupfirwa mate,
33. vachamurovesa, nokumuvuraya, asi nezuva retatu uchamuka zve.
34. Asi havana kunzwisisa chinhu chimwe chaizvozvo; shoko iri rakanga rakavanzika kwavari, vuye havana kunzwisisa izvo zvakarebwa.
35. Zvino wakati aswedera Jeriko, rimwe bofu raigara panzira richikumbira,
36. rakanzwa vanhu vazhinji vachipfuvura, rikabvunza, richiti: Chinyiko?
37. Vakarivudza, vachiti: Ndi Jesu, weNazareta, unopfuvura.
38. Ipapo rakadanidzira, richiti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!
39. Zvino vakanga vakatungamira vakariraira, kuti rinyarare; asi rakanyanya kudanidzira, richiti: Mwanakomana waDavidhi, ndinzwirei ngoni!
40. Zvino Jesu wakamira, akaraira kuti vavuye naro kwaari; rikati raswedera, akaribvunza,
41. achiti: Unoda kuti ndikuitireiko? Rikati: Ishe, kuti ndivone.
42. Jesu akati kwaari: Chivona, kutenda kwako kwakuponesa.
43. Pakarepo rikavona, rikamutevera, richirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachizvivona vakakudza Mwari.

  Luke (18/24)