← Luke (17/24) → |
1. | Zvino wakati kuvadzidzi vake: Hazvingaitiki kuti zvigumbuso zvisavuya. Asi unenhamo iye wazvinovuya naye. |
2. | Zvaiva nani kwaari. Kuti guyo risungirirwe pamutsipa wake, awisirwe mugungwa, pakuti agumbuse mumwe wavaduku ava. |
3. | Chenjerai: kana hama yako ikakutadzira, umuraire; kana akatendevuka, umukangamwire. |
4. | Kunyange akutadzira kanomwe nezuva rimwe, akadzokera kwauri kanomwe, achiti: Ndatendevuka; umukangamwire. |
5. | Zvino vapostora vakati kunaShe: Tiwedzerei kutenda kwedu. |
6. | Ishe akati: Kana maiva nokutenda kwakaita setsanga yemastarda, maiti kumuvonde uyu: Dzurwa, usimwe mugungwa! Uchakutererai. |
7. | Ndiani kwamuri ungava nomuranda unorima, kana unofudza makwai, akati kwaari, achibva kumunda: Vuya, ugare pakudya. |
8. | Handiti ungati kwaari: Ndigadzirire zvokudya, uzvisunge chivuno, undishandire, kusvikira ini ndadya, ndikamwa; iwe ugozodya, nokumwa? |
9. | Ko ungatenda muranda, zvaaita zvakanga zvarairwa here? |
10. | Saizvozvo nemi vo, kana maita zvose zvamarairwa, muti: Tiri varanda pasina, takaita sezvataifanira kuita. |
11. | Zvino vakati vachienda Jerusarema, akapfuvura napaSamaria neGarirea. |
12. | Zvino achipinda munomumwe musha, akasongana navarume vanegumi vaiva namaperembudzi, vamire kure. |
13. | Vakadanidzira, vachiti: Jesu, Tenzi, tinzwirei ngoni! |
14. | Zvino wakati achivavona, akati kwavari: Endai mundozviratidza kuvaPirisita, Vakati vachienda, vakapora. |
15. | Zvino mumwe wavo, wakati achivona kuti ndaporeswa, akadzoka, achikudza Mwari nenzwi guru; |
16. | akawira pasi nechiso patsoka dzake, akamuvonga. Zvino iye wakanga ari muSamaria. |
17. | Ipapo Jesu akapindura, akati: Havana kuporeswa vanegumi here? Vapfumbamwe varipiko? |
18. | Hapana wakawanikwa wadzokera kuzokudza Mwari, asi uyu mutorwa here? |
19. | Ipapo akati kwaari: Simuka, uende; kutenda kwako kwakuponesa. |
20. | Zvino wakati achibvunzwa navaFarise kuti vushe bwaMwari bwunosvika rini, akapindura, akati: Vushe bwaMwari habwuvuyi bwuchivonekwa. |
21. | Havangati: Tarirai pano! Kana: Uko! Nokuti tarirai, vushe bwaMwari bwuri mukati menyu. |
22. | Akati kuvadzidzi vake: Mazuva achasvika amuchatsvaka kuvona zuva rimwe ramazuva oMwanakomana womunhu, asi hamungarivoni. |
23. | Vachati kwamuri: Tarirai uko! Tarirai pano! Regai kuenda, kana kuvatevera; |
24. | nokuti semheni inopenya, ichibva kunorumwe rutivi pasi pedenga ichivhenekera kusvikira kunorumwe rutivi pasi pedenga, ndizvo zvichaita Mwanakomana womunhu vo nezuva rake. |
25. | Asi unofanira kumbotambudzika zvizhinji, nokurashwa norudzi urwu. |
26. | Sezvazvakanga zvakaita namazuva aNoa, ndizvo zvazvichaita vo namazuva oMwanakomana womunhu; |
27. | vaidya, nokumwa nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka, mvura zhinji ikasvika, ikaparadza vose. |
28. | Sezvazva kanga zvakaita vo namazuva aRoti; vaidya, nokumwa, nokutenga, nokutengesa, nokusima, nokuvaka; |
29. | asinomusi wakabuda Roti muSodoma, moto nesurferi zvakanaya. Zvichibva kudenga, zvikavaparadza vose. |
30. | Ndizvo zvazvichaita vo nezuva iro, Mwanakomana womunhu raachavonekwa naro. |
31. | Nezuva iro, uri pamusoro peimba, nhumbi dzake dziri mumba, ngaarege kuburuka kundodzitora; saizvozvo vo, uri kumunda ngaarege kudzokera kunezviri shure. |
32. | Rangarirai mukadzi waRoti. |
33. | Aninani unotsvaka kungwarira vupenyu bwake, ucharashikirwa nabwo, vuye aninani unorashikirwa nabwo, uchabwuraramisa. |
34. | Ndinoti kwamuri: Vusiku ubwo varume vaviri vachava panhovo imwe, mumwe uchatorwa, mumwe uchasiyiwa. |
35. | Vakadzi vaviri vachakuya pamwe chete, mumwe uchatorwa, mumwe uchasiyiwa. |
36. | Vaviri vachava kumunda, mumwe uchatorwa, mumwe uchasiyiwa. |
37. | Ipapo vakapindura, vakati, kwaari: Ipiko, Ishe? Akati kwavari: Apo panomutumbu, ndipo panovunganira vo magora. |
← Luke (17/24) → |