Luke (17/24)  

1. Zvino wakati kuvadzidzi vake: Hazvingaitiki kuti zvigumbuso zvisavuya. Asi unenhamo iye wazvinovuya naye.
2. Zvaiva nani kwaari. Kuti guyo risungirirwe pamutsipa wake, awisirwe mugungwa, pakuti agumbuse mumwe wavaduku ava.
3. Chenjerai: kana hama yako ikakutadzira, umuraire; kana akatendevuka, umukangamwire.
4. Kunyange akutadzira kanomwe nezuva rimwe, akadzokera kwauri kanomwe, achiti: Ndatendevuka; umukangamwire.
5. Zvino vapostora vakati kunaShe: Tiwedzerei kutenda kwedu.
6. Ishe akati: Kana maiva nokutenda kwakaita setsanga yemastarda, maiti kumuvonde uyu: Dzurwa, usimwe mugungwa! Uchakutererai.
7. Ndiani kwamuri ungava nomuranda unorima, kana unofudza makwai, akati kwaari, achibva kumunda: Vuya, ugare pakudya.
8. Handiti ungati kwaari: Ndigadzirire zvokudya, uzvisunge chivuno, undishandire, kusvikira ini ndadya, ndikamwa; iwe ugozodya, nokumwa?
9. Ko ungatenda muranda, zvaaita zvakanga zvarairwa here?
10. Saizvozvo nemi vo, kana maita zvose zvamarairwa, muti: Tiri varanda pasina, takaita sezvataifanira kuita.
11. Zvino vakati vachienda Jerusarema, akapfuvura napaSamaria neGarirea.
12. Zvino achipinda munomumwe musha, akasongana navarume vanegumi vaiva namaperembudzi, vamire kure.
13. Vakadanidzira, vachiti: Jesu, Tenzi, tinzwirei ngoni!
14. Zvino wakati achivavona, akati kwavari: Endai mundozviratidza kuvaPirisita, Vakati vachienda, vakapora.
15. Zvino mumwe wavo, wakati achivona kuti ndaporeswa, akadzoka, achikudza Mwari nenzwi guru;
16. akawira pasi nechiso patsoka dzake, akamuvonga. Zvino iye wakanga ari muSamaria.
17. Ipapo Jesu akapindura, akati: Havana kuporeswa vanegumi here? Vapfumbamwe varipiko?
18. Hapana wakawanikwa wadzokera kuzokudza Mwari, asi uyu mutorwa here?
19. Ipapo akati kwaari: Simuka, uende; kutenda kwako kwakuponesa.
20. Zvino wakati achibvunzwa navaFarise kuti vushe bwaMwari bwunosvika rini, akapindura, akati: Vushe bwaMwari habwuvuyi bwuchivonekwa.
21. Havangati: Tarirai pano! Kana: Uko! Nokuti tarirai, vushe bwaMwari bwuri mukati menyu.
22. Akati kuvadzidzi vake: Mazuva achasvika amuchatsvaka kuvona zuva rimwe ramazuva oMwanakomana womunhu, asi hamungarivoni.
23. Vachati kwamuri: Tarirai uko! Tarirai pano! Regai kuenda, kana kuvatevera;
24. nokuti semheni inopenya, ichibva kunorumwe rutivi pasi pedenga ichivhenekera kusvikira kunorumwe rutivi pasi pedenga, ndizvo zvichaita Mwanakomana womunhu vo nezuva rake.
25. Asi unofanira kumbotambudzika zvizhinji, nokurashwa norudzi urwu.
26. Sezvazvakanga zvakaita namazuva aNoa, ndizvo zvazvichaita vo namazuva oMwanakomana womunhu;
27. vaidya, nokumwa nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka, mvura zhinji ikasvika, ikaparadza vose.
28. Sezvazva kanga zvakaita vo namazuva aRoti; vaidya, nokumwa, nokutenga, nokutengesa, nokusima, nokuvaka;
29. asinomusi wakabuda Roti muSodoma, moto nesurferi zvakanaya. Zvichibva kudenga, zvikavaparadza vose.
30. Ndizvo zvazvichaita vo nezuva iro, Mwanakomana womunhu raachavonekwa naro.
31. Nezuva iro, uri pamusoro peimba, nhumbi dzake dziri mumba, ngaarege kuburuka kundodzitora; saizvozvo vo, uri kumunda ngaarege kudzokera kunezviri shure.
32. Rangarirai mukadzi waRoti.
33. Aninani unotsvaka kungwarira vupenyu bwake, ucharashikirwa nabwo, vuye aninani unorashikirwa nabwo, uchabwuraramisa.
34. Ndinoti kwamuri: Vusiku ubwo varume vaviri vachava panhovo imwe, mumwe uchatorwa, mumwe uchasiyiwa.
35. Vakadzi vaviri vachakuya pamwe chete, mumwe uchatorwa, mumwe uchasiyiwa.
36. Vaviri vachava kumunda, mumwe uchatorwa, mumwe uchasiyiwa.
37. Ipapo vakapindura, vakati, kwaari: Ipiko, Ishe? Akati kwavari: Apo panomutumbu, ndipo panovunganira vo magora.

  Luke (17/24)