← Luke (16/24) → |
1. | Zvino wakati vo kuvadzidzi vake: Kwakanga kunomufumi, waiva nomutariri; iye akacherwa kwaari, zvichinzi unoparadza fuma yake. |
2. | Ipapo akamudana, akati kwaari: Izvi zvandinonzwa pamusoro pako ndezveiko? Chizvidavirira pamusoro povutariri bwako; nokuti haungazovi mutariri. |
3. | Zvino mutariri akati mumoyo make: Ndichaiteiko, ishe wangu zvowonditorera vutariri bwangu? Handinesimba rokurima naro; kukumbira ndinonyara. |
4. | Ndinoziva zvandichaita, kuti kana ndabudiswa pavutariri, vandigamuchire mudzimba dzavo. |
5. | Zvino akadana mumwe nomumwe wakanga anechikwereti nashe wake, akati kunowokutanga: Unechikwerete chakadiniko kunashe wangu? |
6. | Iye akati; Makate anezana amafuta. Akati kwaari: Tora runyoro rwako, gara pasi pakarepo, unyore makumi mashanu. |
7. | Akati kunomumwe: Ko iwe, unechikwerete chakadiniko? Iye akati: Matengu anezana ezviyo. Akati kwaari: Tora runyoro rwako, unyore makumi masere. |
8. | Ishe wake akarumbidza mutariri usakarurama, nokuti wakanga aita nokuchenjera; nokuti vana venyika ino vakachenjera parudzi rwavo kukunda vana vechiedza. |
9. | Ndinoti kwamuri: Muzviitire shamwari neFuma isakarurama, kuti, kana yapera, vakugamuchirei mudzimba dzisingaperi. |
10. | Wakatendeka pazvinhu zviduku-duku, wakatendeka vo pazvikuru; asi usakarurama pazvinhu zviduku-duku, haangarurami vo pazvikuru. |
11. | Naizvozvo kana musina kuva vakatendeka pafuma isakarurama, ndianiko uchakutendai nefuma yazvokwadi? |
12. | Kana musinakuva vakatendeka pazvinhu zvomumwe, ndianiko uchakupai zvenyu. |
13. | Hakuno muranda ungagona kubatira vatenzi vaviri: nokuti uchavenga mumwe, akada mumwe; kana uchanamatira mumwe, akazvidza mumwe; hamungabatiri Mwari neFuma. |
14. | Zvino vaFarise, vakanga vachida mari, vakanzwa izvozvo zvose, vakamuseka. |
15. | Akati kwavari: Imi munozviruramisa pamberi pavanhu, asi Mwari unoziva moyo yenyu; nokuti izvo zvinokudzwa pakati pavanhu, zvinonyagadza pamberi paMwari. |
16. | Murairo navaporofita zvakanga zviripo kusvikira kunaJohane; kubva panguva iyo vushe bwaMwari bwunoparidzwa, mumwe nomumwe unopinda mabwuri nesimba. |
17. | Asi zvakareruka kuti denga nenyika zvipfuvure, pakuti tsanga imwe yomurairo ikoneswe. |
18. | Mumwe nomumwe unorasha mukadzi wake, akawana mumwe, unoita vupombwe, vuye mumwe nomumwe unowana wakarashwa nomurume unoita vupombwe. |
19. | Mumwe mufumi wakanga aripo, waipfeka nguvo tsvuku nemicheka yakanaka, nokufarira zvakaisvonaka misi yose. |
20. | Zvino mumwe murombo, wainzi Razaro, wakanga anamaronda mazhinji, akaiswa pasuvo rake, |
21. | achida kuzvigutisa nezvaiwa patafura romufumi; kunyange nembwa dzaivuya dzichinanzwa maronda ake. |
22. | Zvino murombo wakati afa, vatumwa vakamuisa pachifuva chaAbhurahamu. Mufumi akafa vo, akavigwa. |
23. | Zvino ari muHadhesi, ari pakurwadziwa, akatarira kumusoro, akavona Abhurahamu ari kure, naRazaro, ari pachifuva chake. |
24. | Akadanidzira, akati: Baba Abhurahamu, ndinzwirei ngoni; tumai Razaro, kuti anyike muromo womunwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwangu, nokuti ndinorwadziwa nomurazvo uyu womoto. |
25. | Abhurahamu akati: Mwana, funga kuti wakapiwa zvakanaka zvako pavupenyu bwako; naRazaro, saizvozvo wakapiwa zvakaipa; asi zvino iye unonyaradzwa pano, iwe unorwadziwa. |
26. | Vuye pazvinhu izvi zvose, mukaha mukuru wakaiswa pakati pedu nemi, kuti vovuno vanoda kuenda mhiri kwamuri, vakoniwe, novo’ko varege kuyambukira kwatiri. |
27. | Ipapo akati: Ndinokumbira kwamuri Baba, kuti mumutumire kumba kwababa vangu; |
28. | nokuti ndina vanun’una vashanu; kuti andonatso-vapupurira, kuti varege kuvuya vo panzvimbo ino yokurwadziwa. |
29. | Abhurahamu akati: Mosesi navaporofita vanavo, ngavavanzwe ivo. |
30. | Iye akati: Kwete, Baba Abhurahamu, asi kana mumwe akabva kuvakafa, akaenda kwavari, vangatendevuka. |
31. | Akati kwaari: Kana vasinganzwi Mosesi navaporofita, havangatendiswi, kunyange mumwe akamuka kuvakafa. |
← Luke (16/24) → |