Luke (16/24)  

1. Zvino wakati vo kuvadzidzi vake: Kwakanga kunomufumi, waiva nomutariri; iye akacherwa kwaari, zvichinzi unoparadza fuma yake.
2. Ipapo akamudana, akati kwaari: Izvi zvandinonzwa pamusoro pako ndezveiko? Chizvidavirira pamusoro povutariri bwako; nokuti haungazovi mutariri.
3. Zvino mutariri akati mumoyo make: Ndichaiteiko, ishe wangu zvowonditorera vutariri bwangu? Handinesimba rokurima naro; kukumbira ndinonyara.
4. Ndinoziva zvandichaita, kuti kana ndabudiswa pavutariri, vandigamuchire mudzimba dzavo.
5. Zvino akadana mumwe nomumwe wakanga anechikwereti nashe wake, akati kunowokutanga: Unechikwerete chakadiniko kunashe wangu?
6. Iye akati; Makate anezana amafuta. Akati kwaari: Tora runyoro rwako, gara pasi pakarepo, unyore makumi mashanu.
7. Akati kunomumwe: Ko iwe, unechikwerete chakadiniko? Iye akati: Matengu anezana ezviyo. Akati kwaari: Tora runyoro rwako, unyore makumi masere.
8. Ishe wake akarumbidza mutariri usakarurama, nokuti wakanga aita nokuchenjera; nokuti vana venyika ino vakachenjera parudzi rwavo kukunda vana vechiedza.
9. Ndinoti kwamuri: Muzviitire shamwari neFuma isakarurama, kuti, kana yapera, vakugamuchirei mudzimba dzisingaperi.
10. Wakatendeka pazvinhu zviduku-duku, wakatendeka vo pazvikuru; asi usakarurama pazvinhu zviduku-duku, haangarurami vo pazvikuru.
11. Naizvozvo kana musina kuva vakatendeka pafuma isakarurama, ndianiko uchakutendai nefuma yazvokwadi?
12. Kana musinakuva vakatendeka pazvinhu zvomumwe, ndianiko uchakupai zvenyu.
13. Hakuno muranda ungagona kubatira vatenzi vaviri: nokuti uchavenga mumwe, akada mumwe; kana uchanamatira mumwe, akazvidza mumwe; hamungabatiri Mwari neFuma.
14. Zvino vaFarise, vakanga vachida mari, vakanzwa izvozvo zvose, vakamuseka.
15. Akati kwavari: Imi munozviruramisa pamberi pavanhu, asi Mwari unoziva moyo yenyu; nokuti izvo zvinokudzwa pakati pavanhu, zvinonyagadza pamberi paMwari.
16. Murairo navaporofita zvakanga zviripo kusvikira kunaJohane; kubva panguva iyo vushe bwaMwari bwunoparidzwa, mumwe nomumwe unopinda mabwuri nesimba.
17. Asi zvakareruka kuti denga nenyika zvipfuvure, pakuti tsanga imwe yomurairo ikoneswe.
18. Mumwe nomumwe unorasha mukadzi wake, akawana mumwe, unoita vupombwe, vuye mumwe nomumwe unowana wakarashwa nomurume unoita vupombwe.
19. Mumwe mufumi wakanga aripo, waipfeka nguvo tsvuku nemicheka yakanaka, nokufarira zvakaisvonaka misi yose.
20. Zvino mumwe murombo, wainzi Razaro, wakanga anamaronda mazhinji, akaiswa pasuvo rake,
21. achida kuzvigutisa nezvaiwa patafura romufumi; kunyange nembwa dzaivuya dzichinanzwa maronda ake.
22. Zvino murombo wakati afa, vatumwa vakamuisa pachifuva chaAbhurahamu. Mufumi akafa vo, akavigwa.
23. Zvino ari muHadhesi, ari pakurwadziwa, akatarira kumusoro, akavona Abhurahamu ari kure, naRazaro, ari pachifuva chake.
24. Akadanidzira, akati: Baba Abhurahamu, ndinzwirei ngoni; tumai Razaro, kuti anyike muromo womunwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwangu, nokuti ndinorwadziwa nomurazvo uyu womoto.
25. Abhurahamu akati: Mwana, funga kuti wakapiwa zvakanaka zvako pavupenyu bwako; naRazaro, saizvozvo wakapiwa zvakaipa; asi zvino iye unonyaradzwa pano, iwe unorwadziwa.
26. Vuye pazvinhu izvi zvose, mukaha mukuru wakaiswa pakati pedu nemi, kuti vovuno vanoda kuenda mhiri kwamuri, vakoniwe, novo’ko varege kuyambukira kwatiri.
27. Ipapo akati: Ndinokumbira kwamuri Baba, kuti mumutumire kumba kwababa vangu;
28. nokuti ndina vanun’una vashanu; kuti andonatso-vapupurira, kuti varege kuvuya vo panzvimbo ino yokurwadziwa.
29. Abhurahamu akati: Mosesi navaporofita vanavo, ngavavanzwe ivo.
30. Iye akati: Kwete, Baba Abhurahamu, asi kana mumwe akabva kuvakafa, akaenda kwavari, vangatendevuka.
31. Akati kwaari: Kana vasinganzwi Mosesi navaporofita, havangatendiswi, kunyange mumwe akamuka kuvakafa.

  Luke (16/24)