Luke (15/24)  

1. Zvino vateresi vose navatadzi vakaswedera kwaari, kuzomunzwa.
2. Vafarise navanyori vose vakan’un’una, vachiti: Uyu munhu unogamuchira vatadzi, achidya navo.
3. Zvino wakavavudza mufananidzo uyu, achiti:
4. Ndianiko kwamuri unamakwai anezana, kana akarashikirwa nerimwe rawo, ungasasiya makumi mapfumbamwe namapfumbamwe murenje, akatevera rakashika kusvikira ariwana?
5. Kana ariwana, unoriisa pamafudzi ake, achifara.
6. Kana asvika kumusha, unokokera shamwari dzake navakavaka naye, akati kwavari: Farai neni, nokuti ndawana gwai rangu rakanga rakarashika.
7. Ndinoti kwamuri, saizvozvo mufaro uchava kudenga pamusoro pomutadzi mumwe unotendevuka, kupfuvura pavakarurama vanamakumi mapfumbamwe navapfumbamwe, vasingatsvaki kutendevuka.
8. Ndoupiko mukadzi unamadrakema * anegumi, kana arashikirwa nerimwe, ungarega kutungidza mwenje, akatsvaira imba, akatsvakisisa, kusvikira ariwana?
9. Kana ariwana, unokokera hama dzake navakavaka naye, akati kwavari: Farai neni, nokuti ndawana drakema randakanga ndarashikirwa naro.
10. Ndinoti kwamuri, saizvozvo mufaro uripo pamberi pavatumwa vaMwari pamusoro pomutadzi mumwe unotendevuka.
11. Zvino wakati: Mumwe munhu waiva anavanakomana vaviri.
12. Muduku wavo akati kunababa vake: Baba, ndipei mugove wenhaka uchazova wangu. Akavagovera fuma yake.
13. Mazuva mashoma akati apfuvura, mwanakomana muduku akavunganidza zvose, akaenda kunyika iri kure; akaparadza’ko nhaka yake achifamba nemitovo yakaipa.
14. Zvino wakati apedza zvose; nzara huru ikasvika panyika iyo, akatanga kushaiwa.
15. Ipapo akaenda, akandozviisa kunomumwe wavanhu venyika iyo; iye akamutumira kuminda yake, kundofudza nguruve.
16. Wakanga achida kuzvigutsa namateko aidyiwa nenguruve; asi kwakanga kusinomunhu waimupa.
17. Zvino wakati achizvifunga, akati: Varanda vazhinji sei vababa vangu vanezvokudya zvakawandisa, asi ini ndofa pano nenzara.
18. Ndichasimuka, ndiende kunababa vangu, nditi kwavari: Baba ndatadzira kudenga, napamberi penyu,
19. handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu; mundiite somumwe wavaranda venyu.
20. Akasimuka, akaenda kunababa vake. Wakati achiri kure, baba vake vakamuvona, vakamunzwira tsitsi vakamhanya, ndokumufungatira, nokumusveta.
21. Mwanakomana akati kwavari: Baba, ndatadzira kudenga napamberi penyu, handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.
22. Asi baba vakati kuvaranda vavo: Kurumidzai, muvuye nenguvo yakaisvonaka, mumupfekedze iyo; muise mhete pamunwe wake, neshangu patsoka dzake;
23. muvuye nemhuru yakakodzwa, muibaye, tidye, tifare;
24. nokuti mwanakomana wangu uyu wakanga afa, wararama zve; wakanga arashika, wawanika zve. Zvino vakatanga kufara.
25. Mwanakomana wake wedangwe wakanga ari kumunda; zvino akati achisvika, achiswedera paimba, ndokunzwa kuimba nokutamba.
26. Ipapo akadanira kwaari mumwe wavaranda, akamubvunza kuti izvi zvinyiko.
27. Akati kwaari: Munun’una wako wasvika, zvino baba vako vabaya mhuru yakakodzwa, nokuti vamuwana zve ari mupenyu.
28. Asi iye wakatsamwa, akaramba kupinda. Zvino baba vake vakabuda, vakakumbira zvikuru kwaari,
29. Asi iye wakapindura, akati kunababa vake: Tarirai, ndakakubatirai makore awa mazhinji, ndisingatongodariki murairo wenyu, asi hamuna kutongondipa mbudzana, kuti ndifare neshamwari dzangu.
30. Asi mwanakomana wenyu uyu, wakaparadza fuma yenyu nezvifeve, wakati asvika,mamubaira mhuru yakakodzwa.
31. Ivo vakati kwaari: Mwana wangu, iwe uneni nguva dzose, zvose zvangu ndezvako.
32. Kwaifanira kuti tifare nokufarisisa, nokuti munu’una wako uyu wakanga afa, wararama; wakanga arashika, akawanikwa.

  Luke (15/24)