| ← Luke (14/24) → |
| 1. | Zvino wakati apinda mumba momumwe wavakuru vavaFarise nomusi wesabata kuzodya zvokudya, vakamucherekedza. |
| 2. | Zvino kwakanga kunomumwe munhu pamberi pake waiva norukandwe. |
| 3. | ipapo Jesu akapindura, akataura kuvadudziri vomurairo nokuvaFarise, achiti: Kwakatenderwa kuporesa nomusi wesabata here, kana kwete? |
| 4. | Vakaramba vanyerere. Zvino akamutora, akamuporesa, ndokumuendesa. |
| 5. | Wakapindura akati kwavari: Ndianiko pakati penyu, ungati, kana ane mbongoro yake kana nzombe yake ikawira mugomba, nomusi wesabata akasayibudisa pakarepo. |
| 6. | Vakasagona kupindura zve pamusoro paizvozvi. |
| 7. | Zvino wakataura mufananidzo kuna vakakokerwa, nokuti wakavona vachizvisanangurira zvigaro zvapamberi, akati kwavari: |
| 8. | Kana iwe uchinge wakokerwa nomunhu kumutambo wokuwana, usagara pachigaro chapamberi; zvimwe mumwe, unokudzwa kupfuvurewe, wakokerwa vo naye; |
| 9. | zvino wakakukokera iwe naye, ungasvika, akati kwauri: Ibvapo. Munhu uyu agareipo uchatanga kugara kuchigaro cheshure uchinyara. |
| 10. | Asi kana wakokerwa, enda ugare pachigaro cheshure, kuti uyo wakakukokera, kana achisvika, agoti kwauri: Shamwari, pinda mberi! Zvino uchakudzwa wepamberi pavose vagere pakudya newe. |
| 11. | Nokuti mumwe nomumwe unozvikudza, uchaninipiswa; vuye mumwe nomumwe unozvininipisa, uchakudzwa. |
| 12. | Akati vo kuno wakamukokera: Kana wagadzira chisvusvuro kana chirayiro, usadana shamwari dzako, kana vanun’una vako kana hama dzako, navafumi vokwako, kuti varege kukukokera zve, ugoripirwa. |
| 13. | Asi kana wagadzira mutambo wokudya, ukokere varombo, nezvirema, navanokamhina, namapofu. |
| 14. | ipapo ucharopafadzwa, zvavasina zvavangakuripira nazvo, nokuti ucharipirwa pakumuka kwavakarurama. |
| 15. | Mumwe wavakanga vagere naye pakudya wakati achizvinzwa, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo uchadya zvokudya pavushe bwaMwari! |
| 16. | Iye akati kwaari: Mumwe munhu wakagadzira chirayiro chikuru, akakokera vazhinji. |
| 17. | Akatuma muranda wake nenguva yokurayira kuti avudze vakanga vakakokerwa, kuti: Vuyai, nokuti zvose zvagadzirwa zvino. |
| 18. | Ipapo vose vakatanga nomoyo mumwe kuzvirevera. Wokutanga akati kwaari: Ndatenga munda, ndinofanira kumbondouvona; ndinokumbira kuti undireverere. |
| 19. | Mumwe akati Ndatenga nzombe dzamajoko mashanu, ndinoenda, kundodziidza; ndinokumbira kuti undireverere. |
| 20. | Mumwe akati: Ndawana mukadzi, naizvozvo handingavuyi. |
| 21. | Muranda akavuya, akavudza ishe wake izvozvo. Ipapo mwene weimba akatsamwa, akati kumuranda wake: Kurumidza, ubude kunzira huru neduku dzomumusha, uvuye pano navarombo, nezvirema, namapofu, navanokamhina. |
| 22. | Muranda akati: Ishe, izvo zvamaraira, zvaitwa, asi nzvimbo ichipo. |
| 23. | Ishe akati kumuranda: Buda kunzira nokuvuzhowa, uvagombedzere vapinde, imba yangu izare. |
| 24. | Nokuti ndinoti kwamuri: Hakuno mumwe kunavarume avo vandakakokera, ucharavira chirayiro changu. |
| 25. | Zvino vazhinji-zhinji vakafamba naye; akatendevuka, akati kwavari: |
| 26. | Kana munhu achivuya kwandiri, asingavengi baba vake namai, nomukadzi, navana, navanu’una, nehanzvadzi, kunyange novupenyu bwake vo, haangavi mudzidzi wangu. |
| 27. | Aninani usingatakuri muchinjikwa wake, akavuya shure kwangu, haangavi mudzidzi wangu. |
| 28. | Nokuti ndiani kwamuri, kana achida kuvaka svingo, usingatangi kugara pasi, akaverenga kukosha kwayo, kuvona kana anemari yokuipedzisa nayo? |
| 29. | Kuti zvimwe kana atanga nheyo, akakoniwa kupedzisa, vose vanozvivona, vasatanga kumuseka, |
| 30. | vachiti: Uyu munhu wakatanga kuvaka, akakoniwa kupedzisa. |
| 31. | Kana ndoupiko mambo, kana achienda kundorwa nomumwe mambo, usingatangi kugara pasi, akarangarira kana iye, unavanhu vanezvuru zvamazana zvinegumi, angagona kundosongana nounovuya kuzorwa naye, anavanhu vanezvuru zvamazana zvinamakumi maviri? |
| 32. | Kana asingagoni, unotuma nhume, iye achiri kure, kundokumbira mashoko orugare. |
| 33. | Saizvozvo vo, aninani kwamuri usingasiyi zvose zaanazvo, haangavi mudzidzi wangu. |
| 34. | Munyu wakanaka; asi kana munyu wadurungunda, ucharungwa neiko? |
| 35. | Hauchinebasa pamunda, kana padutu romupfudze; vanorashira kunze. Unenzeve dzokunzwa, ngaanzwe. |
| ← Luke (14/24) → |