Luke (14/24)  

1. Zvino wakati apinda mumba momumwe wavakuru vavaFarise nomusi wesabata kuzodya zvokudya, vakamucherekedza.
2. Zvino kwakanga kunomumwe munhu pamberi pake waiva norukandwe.
3. ipapo Jesu akapindura, akataura kuvadudziri vomurairo nokuvaFarise, achiti: Kwakatenderwa kuporesa nomusi wesabata here, kana kwete?
4. Vakaramba vanyerere. Zvino akamutora, akamuporesa, ndokumuendesa.
5. Wakapindura akati kwavari: Ndianiko pakati penyu, ungati, kana ane mbongoro yake kana nzombe yake ikawira mugomba, nomusi wesabata akasayibudisa pakarepo.
6. Vakasagona kupindura zve pamusoro paizvozvi.
7. Zvino wakataura mufananidzo kuna vakakokerwa, nokuti wakavona vachizvisanangurira zvigaro zvapamberi, akati kwavari:
8. Kana iwe uchinge wakokerwa nomunhu kumutambo wokuwana, usagara pachigaro chapamberi; zvimwe mumwe, unokudzwa kupfuvurewe, wakokerwa vo naye;
9. zvino wakakukokera iwe naye, ungasvika, akati kwauri: Ibvapo. Munhu uyu agareipo uchatanga kugara kuchigaro cheshure uchinyara.
10. Asi kana wakokerwa, enda ugare pachigaro cheshure, kuti uyo wakakukokera, kana achisvika, agoti kwauri: Shamwari, pinda mberi! Zvino uchakudzwa wepamberi pavose vagere pakudya newe.
11. Nokuti mumwe nomumwe unozvikudza, uchaninipiswa; vuye mumwe nomumwe unozvininipisa, uchakudzwa.
12. Akati vo kuno wakamukokera: Kana wagadzira chisvusvuro kana chirayiro, usadana shamwari dzako, kana vanun’una vako kana hama dzako, navafumi vokwako, kuti varege kukukokera zve, ugoripirwa.
13. Asi kana wagadzira mutambo wokudya, ukokere varombo, nezvirema, navanokamhina, namapofu.
14. ipapo ucharopafadzwa, zvavasina zvavangakuripira nazvo, nokuti ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.
15. Mumwe wavakanga vagere naye pakudya wakati achizvinzwa, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo uchadya zvokudya pavushe bwaMwari!
16. Iye akati kwaari: Mumwe munhu wakagadzira chirayiro chikuru, akakokera vazhinji.
17. Akatuma muranda wake nenguva yokurayira kuti avudze vakanga vakakokerwa, kuti: Vuyai, nokuti zvose zvagadzirwa zvino.
18. Ipapo vose vakatanga nomoyo mumwe kuzvirevera. Wokutanga akati kwaari: Ndatenga munda, ndinofanira kumbondouvona; ndinokumbira kuti undireverere.
19. Mumwe akati Ndatenga nzombe dzamajoko mashanu, ndinoenda, kundodziidza; ndinokumbira kuti undireverere.
20. Mumwe akati: Ndawana mukadzi, naizvozvo handingavuyi.
21. Muranda akavuya, akavudza ishe wake izvozvo. Ipapo mwene weimba akatsamwa, akati kumuranda wake: Kurumidza, ubude kunzira huru neduku dzomumusha, uvuye pano navarombo, nezvirema, namapofu, navanokamhina.
22. Muranda akati: Ishe, izvo zvamaraira, zvaitwa, asi nzvimbo ichipo.
23. Ishe akati kumuranda: Buda kunzira nokuvuzhowa, uvagombedzere vapinde, imba yangu izare.
24. Nokuti ndinoti kwamuri: Hakuno mumwe kunavarume avo vandakakokera, ucharavira chirayiro changu.
25. Zvino vazhinji-zhinji vakafamba naye; akatendevuka, akati kwavari:
26. Kana munhu achivuya kwandiri, asingavengi baba vake namai, nomukadzi, navana, navanu’una, nehanzvadzi, kunyange novupenyu bwake vo, haangavi mudzidzi wangu.
27. Aninani usingatakuri muchinjikwa wake, akavuya shure kwangu, haangavi mudzidzi wangu.
28. Nokuti ndiani kwamuri, kana achida kuvaka svingo, usingatangi kugara pasi, akaverenga kukosha kwayo, kuvona kana anemari yokuipedzisa nayo?
29. Kuti zvimwe kana atanga nheyo, akakoniwa kupedzisa, vose vanozvivona, vasatanga kumuseka,
30. vachiti: Uyu munhu wakatanga kuvaka, akakoniwa kupedzisa.
31. Kana ndoupiko mambo, kana achienda kundorwa nomumwe mambo, usingatangi kugara pasi, akarangarira kana iye, unavanhu vanezvuru zvamazana zvinegumi, angagona kundosongana nounovuya kuzorwa naye, anavanhu vanezvuru zvamazana zvinamakumi maviri?
32. Kana asingagoni, unotuma nhume, iye achiri kure, kundokumbira mashoko orugare.
33. Saizvozvo vo, aninani kwamuri usingasiyi zvose zaanazvo, haangavi mudzidzi wangu.
34. Munyu wakanaka; asi kana munyu wadurungunda, ucharungwa neiko?
35. Hauchinebasa pamunda, kana padutu romupfudze; vanorashira kunze. Unenzeve dzokunzwa, ngaanzwe.

  Luke (14/24)