| ← Luke (13/24) → |
| 1. | Nenguva iyo vamwe vakanga varipo vakamuvudza shoko ravaGarirea vakanga vavhenganisirwa ropa ravo nezvibayiro zvavo naPirato. |
| 2. | Jesu akapindura, akati kwavari: Munoti vaGarirea avo vakanga vari vatadzi here kupfuvura vaGarirea vose, zvavakatambudzika saizvozvo? |
| 3. | Ndinokuvudzai: Kwete; asi kana musingatendevuki, nemi mose muchaparara saizvozvo. |
| 4. | Kana vaya vanegumi navasere, vakawirwa nesvingo yeSiroami, ikavavuraya, munoti vakanga vanemhosva kukunda vanhu vose vaigara Jerusarema here? |
| 5. | Ndinokuvudzai: Kwete; asi kana musingatendevuki, nemivo muchaparara saizvozvo. |
| 6. | Zvino wakataura mufananidzo uyu; Mumwe munhu wakanga anomuvonde, wakanga wakasimwa mumunda wake wemizambiringa; akavuya achitsvaka zvibereko kwauri, akashaiwa. |
| 7. | Ipapo akati kumurimi womunda wemizambiringa: Tarira, ndavuya makore matatu ndichitsvaka zvibereko pamuvonde uyu, ndikashaiwa; uuteme, unotadzireiko pasi? |
| 8. | Akapindura, akati kwaari: Ishe, muregei henyu nhaka, kusvikira ndichiurimira, nokuuisa mupfudze; |
| 9. | kana ukazobereka zvibereko, zvakanaka; asi kana usingabereki, mungazoutema henyu. |
| 10. | Zvino wakanga achidzidzisa mune rimwe sinagoge nomusi wesabata. |
| 11. | Zvino tarira, kwaivapo mukadzi waiva nomweya wovurwere makore anegumi namasere; wakanga akawonyana, asingatongogoni kusimuka. |
| 12. | Jesu akati achimuvona, akamudana, akati kwaari: Mai, wasunungurwa pavurwere bwako. |
| 13. | Akaisa mavoko ake pamusoro pake; akatasanudzwa pakarepo, akarumbidza Mwari. |
| 14. | Zvino mukuru wesinagoge akatsamwa, nokuti Jesu wakaporesa nomusi wesabata, akapindura, akati kuvanhu vazhinji; Mazuva matanhatu aripo, anofanira kubatwa nawo; vuyai naiwayo, muporeswe; asi musavuya nomusi wesabata. |
| 15. | Asi Ishe wakamupindura, akati: Imi, vanyengeri! Ko mumwe nomumwe wenyu haangasununguri mombe yake kana mbongoro yake pachidyiro nomusi wesabata, akaenda nayo kundoimwisa here? |
| 16. | Zvino mukadzi uyu, mwanasikana waAbhurahamu, wakanga akasungwa naSatani makore anegumi namasere, haazaifanira kusunungurwa nomusi wesabata pachisungo ichi here? |
| 17. | Zvino wakati areva izvozvo, vadzivisi vake vose vakanyadziswa; asi vanhu vazhinji vose vakafara nezvinhu zvose zvakaisonaka zvakaitwa naye. |
| 18. | Zvino akati: Vushe bwaMwari bwakafanana neiko? Ndichabwufananidza nei? |
| 19. | Bwakafanana netsanga yembeu yemastarda, yakatorwa nomunhu, akaikanda mumunda make, ikamera, ikaita muti, mukuru shiri dzokudenga dzikagara pamatavi awo. |
| 20. | Akati zve; Vushe bwaMwari ndichabwufananidza neiko? |
| 21. | Bwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaiisa muzviyero zvitatu* zvovupfu, kusvikira bwose bwaviriswa. |
| 22. | Zvino wakafamba namaguta nemisha, achidzidzisa, achingoenda Jerusarema. |
| 23. | Mumwe akati kwaari: Ishe, vachazoponeswa vashoma here? |
| 24. | Akati kwavari: Rwisai kupinda nesuvo rakamanikana; nokuti vazhinji, ndinoti kwamuri, vachatsvaka kupinda, asi havangagoni. |
| 25. | Panguva iyo kana mwene weimba asimuka, azarira suvo, imi mukatanga kumira kunze, mukagogodza pasuvo, muchiti: Ishe! Tizarurirei! Iye akapindura, achiti kwamuri: Handikuziviyi imi kwamakabva. |
| 26. | Zvino muchatanga kuti: Taidya, taimwa pamberi penyu, vuye maidzidzisa panzira dzomumisha yedu. |
| 27. | Asi iye uchati: Ndinokuvudzai: Handizivi kwamakabva; ibvai kwandiri, imi mose, vaiti vezvisakarurama! |
| 28. | Apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno, kana muchivona Abhurahamu naIsaka naJakobho navaporofita vose vari muvushe bwaMwari, asi imi mabudiswa kunze. |
| 29. | Vachabva mabvazuva, nokumavirira, nokumusoro, nezasi, vakagara muvushe bwaMwari. |
| 30. | Tarirai, varipo vokupedzisira vachava vokutanga, novokutanga vachava vokupedzisira. |
| 31. | Nenguva iyo vamwe vaFarise vakasvika, vakati kwaari: Budai, mubve pano, nokuti Herodhe unoda kukuvurayai. |
| 32. | Akati kwavari: Endai, mundovudza mhungubwe iyo, muti: Tarira, ndinobudisa mweya yakaipa, ndinoporesa nhasi namangwana, nezuva retatu ndinopedzisa. |
| 33. | Asi ndinofanira kufamba nhasi namangwana, nerinotevera, nokuti hazvingaitiki kuti muporofita avurawe kunze kweJerusarema. |
| 34. | Jerusarema, Jerusarema, unovuraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri; ndakanga ndichida kazhinji sei kuvunganidza vana vako semhambo inovunganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba |
| 35. | Tarirai, masiyirwa imba yenyu rava dongo; zvirokwazvo; asi ndinoti kwamuri: Hamuchazondivoni, kusvikira muchiti: Ngaarumbidzwe iye unovuya nezita raShe! |
| ← Luke (13/24) → |