Luke (13/24)  

1. Nenguva iyo vamwe vakanga varipo vakamuvudza shoko ravaGarirea vakanga vavhenganisirwa ropa ravo nezvibayiro zvavo naPirato.
2. Jesu akapindura, akati kwavari: Munoti vaGarirea avo vakanga vari vatadzi here kupfuvura vaGarirea vose, zvavakatambudzika saizvozvo?
3. Ndinokuvudzai: Kwete; asi kana musingatendevuki, nemi mose muchaparara saizvozvo.
4. Kana vaya vanegumi navasere, vakawirwa nesvingo yeSiroami, ikavavuraya, munoti vakanga vanemhosva kukunda vanhu vose vaigara Jerusarema here?
5. Ndinokuvudzai: Kwete; asi kana musingatendevuki, nemivo muchaparara saizvozvo.
6. Zvino wakataura mufananidzo uyu; Mumwe munhu wakanga anomuvonde, wakanga wakasimwa mumunda wake wemizambiringa; akavuya achitsvaka zvibereko kwauri, akashaiwa.
7. Ipapo akati kumurimi womunda wemizambiringa: Tarira, ndavuya makore matatu ndichitsvaka zvibereko pamuvonde uyu, ndikashaiwa; uuteme, unotadzireiko pasi?
8. Akapindura, akati kwaari: Ishe, muregei henyu nhaka, kusvikira ndichiurimira, nokuuisa mupfudze;
9. kana ukazobereka zvibereko, zvakanaka; asi kana usingabereki, mungazoutema henyu.
10. Zvino wakanga achidzidzisa mune rimwe sinagoge nomusi wesabata.
11. Zvino tarira, kwaivapo mukadzi waiva nomweya wovurwere makore anegumi namasere; wakanga akawonyana, asingatongogoni kusimuka.
12. Jesu akati achimuvona, akamudana, akati kwaari: Mai, wasunungurwa pavurwere bwako.
13. Akaisa mavoko ake pamusoro pake; akatasanudzwa pakarepo, akarumbidza Mwari.
14. Zvino mukuru wesinagoge akatsamwa, nokuti Jesu wakaporesa nomusi wesabata, akapindura, akati kuvanhu vazhinji; Mazuva matanhatu aripo, anofanira kubatwa nawo; vuyai naiwayo, muporeswe; asi musavuya nomusi wesabata.
15. Asi Ishe wakamupindura, akati: Imi, vanyengeri! Ko mumwe nomumwe wenyu haangasununguri mombe yake kana mbongoro yake pachidyiro nomusi wesabata, akaenda nayo kundoimwisa here?
16. Zvino mukadzi uyu, mwanasikana waAbhurahamu, wakanga akasungwa naSatani makore anegumi namasere, haazaifanira kusunungurwa nomusi wesabata pachisungo ichi here?
17. Zvino wakati areva izvozvo, vadzivisi vake vose vakanyadziswa; asi vanhu vazhinji vose vakafara nezvinhu zvose zvakaisonaka zvakaitwa naye.
18. Zvino akati: Vushe bwaMwari bwakafanana neiko? Ndichabwufananidza nei?
19. Bwakafanana netsanga yembeu yemastarda, yakatorwa nomunhu, akaikanda mumunda make, ikamera, ikaita muti, mukuru shiri dzokudenga dzikagara pamatavi awo.
20. Akati zve; Vushe bwaMwari ndichabwufananidza neiko?
21. Bwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaiisa muzviyero zvitatu* zvovupfu, kusvikira bwose bwaviriswa.
22. Zvino wakafamba namaguta nemisha, achidzidzisa, achingoenda Jerusarema.
23. Mumwe akati kwaari: Ishe, vachazoponeswa vashoma here?
24. Akati kwavari: Rwisai kupinda nesuvo rakamanikana; nokuti vazhinji, ndinoti kwamuri, vachatsvaka kupinda, asi havangagoni.
25. Panguva iyo kana mwene weimba asimuka, azarira suvo, imi mukatanga kumira kunze, mukagogodza pasuvo, muchiti: Ishe! Tizarurirei! Iye akapindura, achiti kwamuri: Handikuziviyi imi kwamakabva.
26. Zvino muchatanga kuti: Taidya, taimwa pamberi penyu, vuye maidzidzisa panzira dzomumisha yedu.
27. Asi iye uchati: Ndinokuvudzai: Handizivi kwamakabva; ibvai kwandiri, imi mose, vaiti vezvisakarurama!
28. Apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno, kana muchivona Abhurahamu naIsaka naJakobho navaporofita vose vari muvushe bwaMwari, asi imi mabudiswa kunze.
29. Vachabva mabvazuva, nokumavirira, nokumusoro, nezasi, vakagara muvushe bwaMwari.
30. Tarirai, varipo vokupedzisira vachava vokutanga, novokutanga vachava vokupedzisira.
31. Nenguva iyo vamwe vaFarise vakasvika, vakati kwaari: Budai, mubve pano, nokuti Herodhe unoda kukuvurayai.
32. Akati kwavari: Endai, mundovudza mhungubwe iyo, muti: Tarira, ndinobudisa mweya yakaipa, ndinoporesa nhasi namangwana, nezuva retatu ndinopedzisa.
33. Asi ndinofanira kufamba nhasi namangwana, nerinotevera, nokuti hazvingaitiki kuti muporofita avurawe kunze kweJerusarema.
34. Jerusarema, Jerusarema, unovuraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri; ndakanga ndichida kazhinji sei kuvunganidza vana vako semhambo inovunganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba
35. Tarirai, masiyirwa imba yenyu rava dongo; zvirokwazvo; asi ndinoti kwamuri: Hamuchazondivoni, kusvikira muchiti: Ngaarumbidzwe iye unovuya nezita raShe!

  Luke (13/24)