| ← Luke (12/24) → |
| 1. | Zvino vanhu vanezvuru zvizhinji vakati vavunganira pamwe chete kusvikira votsikirirana, akavamba kutaura kuvadzidzi vake pakutanga, achiti: Chenjerai mbiriso yavaFarise, ndiko kunyengera. |
| 2. | Hakunechinhu chakafukidzwa, chisingazozarurwi; kana chakavanzika, chisingazozikanwi. |
| 3. | Saka zvose zvamakataura murima, zvichanzwika muchiedza; nezvamakataura munzeve mudzimba dzomukati, zvichaparidzwa pamusoro pedzimba. |
| 4. | Ndinoti kwamuri, hama dzangu; Musatya vanovuraya muviri, vasingazogoni kuita chimwe chinhu shure kwaizvozvo. |
| 5. | Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya; mumutyei iye, unoti kana avuraya, unesimba vo rokukandira muGehena. Hongu, ndinoti kwamuri: Mumutye iye. |
| 6. | Ko shiri duku shanu hadzitengeswi nepeni here? Hakuna imwe yadzo inokanganikwa pamberi paMwari. |
| 7. | Asi nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Musatya, munopfuvura shiri duku zhinji. |
| 8. | Ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unondipupura pamberi pavanhu, Mwanakomana womunhu uchamupupura vo pamberi pavatumwa vaMwari. |
| 9. | Asi unondiramba pamberi pavanhu, ucharambwa vo pamberi pavatumwa vaMwari. |
| 10. | Mumwe nomumwe unoreva shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana womunhu, uchakangamwirwa, asi unomhura Mweya Mutsvene haangakangamwirwi. |
| 11. | Kana vachikuisai pamberi pamasinagoge navatongi navakuru, musafunganya kuti muchapindura sei, kana inyiko, kana muchataurei. |
| 12. | Nokuti Mweya Mutsvene uchakudzidzisai nenguva iyo zvamunofanira kutaura. |
| 13. | Zvino mumwe pakati pavazhinji wakati kwaari: Mudzidzisi, vudzai munin’ina wangu kuti agovane nhaka neni. |
| 14. | Iye akati kwaari: Iwe munhu, ndianiko wakandiita mutongi kana mugoveri pakati penyu? |
| 15. | Akati kwavari: Chenjerai, muzvichengete pakuchiva kwose, nokuti vupenyu bwomunhu habwuzi pazvinhu zvakawanda zvaanazvo. |
| 16. | Akavataurira mufananidzo, akati: Nyika yomumwe mufumi yakanga yabereka kwazvo; |
| 17. | akafunga mumoyo make, akati: Ndichaita seiko? Nokuti handina pandingavunganidzira zvibereko zvangu. |
| 18. | Akati; Ndichaita kudai: Ndichaputsa matura angu, ndikavaka makuru; ndichavunganidzirapo zviyo zvangu, nezvose zvangu zvakanaka, |
| 19. | ndigoti kumweya wangu: Mweya, unezvakawanda zvakanaka, zvakavigirwa makore mazhinji; zorora, udye, umwe, ufare. |
| 20. | Asi Mwari akati kwaari: Iwe benzi, mweya wako uchadikamwa kubva kwauri, novusiku; ubwu vachakutorera mweya wako; izvo zvawagadzira, zvichagova zvani? |
| 21. | Ndizvo zvakaita munhu unozvivunganidzira fuma, asingafumi kunaMwari. |
| 22. | Zvino wakati kuvadzidzi vake; Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro povupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei? |
| 23. | Nokuti vupenyu bwunopfuvura zvokudya, nomuviri unopfuvura zvokupfeka. |
| 24. | Fungai makunguvo, kuti haadzvari, haacheki, haanetsapi kana dura; asi Mwari unoapa zvokudya. Imi munokunda shiri zvikuru sei! |
| 25. | Ndianiko kwamuri ungawedzera kubiti* rimwe pavurefu bwake nokufunganya? |
| 26. | Zvino kana imi musingagoni kuita chinhu chiduku, munofunganyireiko pamusoro pezvimwe? |
| 27. | Fungai maruva, kumera kwawo; haabati, haaruki; asi ndinoti kwamuri: Kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo. |
| 28. | Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo vuswa bwenyika, bwuripo nhasi, mangwana bwokandirwa muchoto, haangakupfekedziyi nokupfuvurisa, imi vokutenda kuduku here? |
| 29. | Imi musatsvaka zvamuchadya, nezvamuchamwa; musazvidya moyo. |
| 30. | Nokuti zvinhu izvi zvose zvinotsvakwa navahedheni; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi. |
| 31. | Asi zviri nani mutsvake vushe bwaMwari, naizvozvo zvose muchazviwedzerwa. |
| 32. | Musatya henyu, imi kapoka kaduku, nokuti Baba venyu vanofara nokukupai vushe. |
| 33. | Tengesai zvamunazvo, mupe zvipo; muzviitire zvikwama zvisingasakari, fuma isingaperi kudenga, pasingasviki mbavha, pasingaparadzi zvipfunho. |
| 34. | Nokuti panefuma yenyu, nomoyo wenyu uchavapo vo. |
| 35. | Zvivuno zvenyu ngazvigare zvakasungwa, nemwenje yenyu ipfute. |
| 36. | Nemi muve savanhu vakarindira ishe wavo pakudzoka kwake kumutambo wokuwana; kuti kana akasvika akagogodza, vamuzarurire pakarepo. |
| 37. | Vakaropafadzwa varanda avo, vanoti, kana ishe achisvika, unovawana vakarindira. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uchazvisunga chivuno iye, akavagarisa pakudya, akavuya akavashandira. |
| 38. | Kana akasvika nenguva yokurindira yechipiri, kana yechitatu yovusiku, akawana vakadaro, vakaropafadzwa varanda ivavo. |
| 39. | Asi muzive izvi, kuti dai mwene weimba aiziva nguva inovuya nayo mbavha, ungadai akarindira akasatendera kuti imba yake ipazwe. |
| 40. | Nemi vo mugare mazvigadzirira, nokuti Mwanakomana womunhu uchavuya nenguva yamusingafungi. |
| 41. | Zvino Petro akati kwaari: Ishe, mufananidzo uyu munoutaura kwatiri, kana kunavose here? |
| 42. | Ishe akati: Ndianiko mutariri wakatendeka, wakachenjera, uchaiswa nashe wake pamusoro pavaranda vake, kuti avape mugove wezvokudya zvavo nenguva yakafanira? |
| 43. | Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti, kana ishe wake achisvika, akamuwana achiita saizvozvo. |
| 44. | Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti uchamugadza ave mutariri wezvose zvaanazvo, |
| 45. | Asi kana muranda uyo akareva mumoyo make, achiti: Ishe wangu wanonoka kuvuya; akatanga kurova varanda, varume navakadzi, akadya, akamwa, akabatwa; |
| 46. | ishe womuranda uyo uchasvika nezuva raasingatariri, nenguva yaasingazivi, akamurovesa zvikuru, akamupa mugove wake pamwe chete navasakatendeka. |
| 47. | Muranda uyo wakaziva kuda kwashe wake, akasagadzira, kana kuita kuda kwake, ucharobwa zvizhinji. |
| 48. | Asi usina kuziva, akaita zvakafanira kurobwa, ucharobwa zvishoma. Wakapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; unotendwa nezvizhinji, vachareva zvinopfuvurisa kwaari. |
| 49. | Ndakavuya kuzokanda moto panyika; zvino ndinoti: Dai watobatidzwa hawo! |
| 50. | Ndinorubhabhatidzo rwandichabhabhatidzwa narwo; ndinomanikidzwa sei kusvikira zvichiitika. |
| 51. | Munofunga kuti ndakavuya kuzopa rugare panyika here? Ndinoti kwamuri: Kwete, asi kupesanisa. |
| 52. | Nokuti kubva zvino vashanu veimba imwe vachapesana, vatatu vachipesana navaviri, vaviri navatatu. |
| 53. | Baba vachapesana nomwanakomana wavo, nomwanakomana nababa vake; mai nomwanasikana wavo, nomwanasikana namai vake; vamwene nomukadzi womwanakomana wavo, nomukadzi womwanakomana navamwene vake. |
| 54. | Akati kuvanhu vazhinji: Kana muchivona gore richikwira kumavirira,, pakarepo munoti: Mvura ichanaya; zvoitika saizvozvo. |
| 55. | Kana muchivona mhepo ichivhuvhuta ichibva Zasi munoti: Kuchapisa kwazvo; zvoitika. |
| 56. | Imi vanyengeri, munoziva kududzira zvamunovona zvenyika nezvokudenga, asi hamuzivi nei kududzira nguva ino? |
| 57. | Munoregereiko kuzvitongera mumene zvakarurama |
| 58. | Nokuti kana uchienda kunashe nomudzivisi wako, idza kuti uregedzwe naye muchiri munzira; kuti arege kukukwirira kumutongi, mutongi akuise kumupurisa mupurisa akusunge mutorongo. |
| 59. | Ndinoti kwauri, haungatongobudimo, usati waripa kamari kwokupedzisira. |
| ← Luke (12/24) → |