Luke (12/24)  

1. Zvino vanhu vanezvuru zvizhinji vakati vavunganira pamwe chete kusvikira votsikirirana, akavamba kutaura kuvadzidzi vake pakutanga, achiti: Chenjerai mbiriso yavaFarise, ndiko kunyengera.
2. Hakunechinhu chakafukidzwa, chisingazozarurwi; kana chakavanzika, chisingazozikanwi.
3. Saka zvose zvamakataura murima, zvichanzwika muchiedza; nezvamakataura munzeve mudzimba dzomukati, zvichaparidzwa pamusoro pedzimba.
4. Ndinoti kwamuri, hama dzangu; Musatya vanovuraya muviri, vasingazogoni kuita chimwe chinhu shure kwaizvozvo.
5. Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya; mumutyei iye, unoti kana avuraya, unesimba vo rokukandira muGehena. Hongu, ndinoti kwamuri: Mumutye iye.
6. Ko shiri duku shanu hadzitengeswi nepeni here? Hakuna imwe yadzo inokanganikwa pamberi paMwari.
7. Asi nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Musatya, munopfuvura shiri duku zhinji.
8. Ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unondipupura pamberi pavanhu, Mwanakomana womunhu uchamupupura vo pamberi pavatumwa vaMwari.
9. Asi unondiramba pamberi pavanhu, ucharambwa vo pamberi pavatumwa vaMwari.
10. Mumwe nomumwe unoreva shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana womunhu, uchakangamwirwa, asi unomhura Mweya Mutsvene haangakangamwirwi.
11. Kana vachikuisai pamberi pamasinagoge navatongi navakuru, musafunganya kuti muchapindura sei, kana inyiko, kana muchataurei.
12. Nokuti Mweya Mutsvene uchakudzidzisai nenguva iyo zvamunofanira kutaura.
13. Zvino mumwe pakati pavazhinji wakati kwaari: Mudzidzisi, vudzai munin’ina wangu kuti agovane nhaka neni.
14. Iye akati kwaari: Iwe munhu, ndianiko wakandiita mutongi kana mugoveri pakati penyu?
15. Akati kwavari: Chenjerai, muzvichengete pakuchiva kwose, nokuti vupenyu bwomunhu habwuzi pazvinhu zvakawanda zvaanazvo.
16. Akavataurira mufananidzo, akati: Nyika yomumwe mufumi yakanga yabereka kwazvo;
17. akafunga mumoyo make, akati: Ndichaita seiko? Nokuti handina pandingavunganidzira zvibereko zvangu.
18. Akati; Ndichaita kudai: Ndichaputsa matura angu, ndikavaka makuru; ndichavunganidzirapo zviyo zvangu, nezvose zvangu zvakanaka,
19. ndigoti kumweya wangu: Mweya, unezvakawanda zvakanaka, zvakavigirwa makore mazhinji; zorora, udye, umwe, ufare.
20. Asi Mwari akati kwaari: Iwe benzi, mweya wako uchadikamwa kubva kwauri, novusiku; ubwu vachakutorera mweya wako; izvo zvawagadzira, zvichagova zvani?
21. Ndizvo zvakaita munhu unozvivunganidzira fuma, asingafumi kunaMwari.
22. Zvino wakati kuvadzidzi vake; Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro povupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei?
23. Nokuti vupenyu bwunopfuvura zvokudya, nomuviri unopfuvura zvokupfeka.
24. Fungai makunguvo, kuti haadzvari, haacheki, haanetsapi kana dura; asi Mwari unoapa zvokudya. Imi munokunda shiri zvikuru sei!
25. Ndianiko kwamuri ungawedzera kubiti* rimwe pavurefu bwake nokufunganya?
26. Zvino kana imi musingagoni kuita chinhu chiduku, munofunganyireiko pamusoro pezvimwe?
27. Fungai maruva, kumera kwawo; haabati, haaruki; asi ndinoti kwamuri: Kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo.
28. Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo vuswa bwenyika, bwuripo nhasi, mangwana bwokandirwa muchoto, haangakupfekedziyi nokupfuvurisa, imi vokutenda kuduku here?
29. Imi musatsvaka zvamuchadya, nezvamuchamwa; musazvidya moyo.
30. Nokuti zvinhu izvi zvose zvinotsvakwa navahedheni; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi.
31. Asi zviri nani mutsvake vushe bwaMwari, naizvozvo zvose muchazviwedzerwa.
32. Musatya henyu, imi kapoka kaduku, nokuti Baba venyu vanofara nokukupai vushe.
33. Tengesai zvamunazvo, mupe zvipo; muzviitire zvikwama zvisingasakari, fuma isingaperi kudenga, pasingasviki mbavha, pasingaparadzi zvipfunho.
34. Nokuti panefuma yenyu, nomoyo wenyu uchavapo vo.
35. Zvivuno zvenyu ngazvigare zvakasungwa, nemwenje yenyu ipfute.
36. Nemi muve savanhu vakarindira ishe wavo pakudzoka kwake kumutambo wokuwana; kuti kana akasvika akagogodza, vamuzarurire pakarepo.
37. Vakaropafadzwa varanda avo, vanoti, kana ishe achisvika, unovawana vakarindira. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uchazvisunga chivuno iye, akavagarisa pakudya, akavuya akavashandira.
38. Kana akasvika nenguva yokurindira yechipiri, kana yechitatu yovusiku, akawana vakadaro, vakaropafadzwa varanda ivavo.
39. Asi muzive izvi, kuti dai mwene weimba aiziva nguva inovuya nayo mbavha, ungadai akarindira akasatendera kuti imba yake ipazwe.
40. Nemi vo mugare mazvigadzirira, nokuti Mwanakomana womunhu uchavuya nenguva yamusingafungi.
41. Zvino Petro akati kwaari: Ishe, mufananidzo uyu munoutaura kwatiri, kana kunavose here?
42. Ishe akati: Ndianiko mutariri wakatendeka, wakachenjera, uchaiswa nashe wake pamusoro pavaranda vake, kuti avape mugove wezvokudya zvavo nenguva yakafanira?
43. Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti, kana ishe wake achisvika, akamuwana achiita saizvozvo.
44. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti uchamugadza ave mutariri wezvose zvaanazvo,
45. Asi kana muranda uyo akareva mumoyo make, achiti: Ishe wangu wanonoka kuvuya; akatanga kurova varanda, varume navakadzi, akadya, akamwa, akabatwa;
46. ishe womuranda uyo uchasvika nezuva raasingatariri, nenguva yaasingazivi, akamurovesa zvikuru, akamupa mugove wake pamwe chete navasakatendeka.
47. Muranda uyo wakaziva kuda kwashe wake, akasagadzira, kana kuita kuda kwake, ucharobwa zvizhinji.
48. Asi usina kuziva, akaita zvakafanira kurobwa, ucharobwa zvishoma. Wakapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; unotendwa nezvizhinji, vachareva zvinopfuvurisa kwaari.
49. Ndakavuya kuzokanda moto panyika; zvino ndinoti: Dai watobatidzwa hawo!
50. Ndinorubhabhatidzo rwandichabhabhatidzwa narwo; ndinomanikidzwa sei kusvikira zvichiitika.
51. Munofunga kuti ndakavuya kuzopa rugare panyika here? Ndinoti kwamuri: Kwete, asi kupesanisa.
52. Nokuti kubva zvino vashanu veimba imwe vachapesana, vatatu vachipesana navaviri, vaviri navatatu.
53. Baba vachapesana nomwanakomana wavo, nomwanakomana nababa vake; mai nomwanasikana wavo, nomwanasikana namai vake; vamwene nomukadzi womwanakomana wavo, nomukadzi womwanakomana navamwene vake.
54. Akati kuvanhu vazhinji: Kana muchivona gore richikwira kumavirira,, pakarepo munoti: Mvura ichanaya; zvoitika saizvozvo.
55. Kana muchivona mhepo ichivhuvhuta ichibva Zasi munoti: Kuchapisa kwazvo; zvoitika.
56. Imi vanyengeri, munoziva kududzira zvamunovona zvenyika nezvokudenga, asi hamuzivi nei kududzira nguva ino?
57. Munoregereiko kuzvitongera mumene zvakarurama
58. Nokuti kana uchienda kunashe nomudzivisi wako, idza kuti uregedzwe naye muchiri munzira; kuti arege kukukwirira kumutongi, mutongi akuise kumupurisa mupurisa akusunge mutorongo.
59. Ndinoti kwauri, haungatongobudimo, usati waripa kamari kwokupedzisira.

  Luke (12/24)