Luke (11/24)  

1. Zvino wakati achinyengetera paneimwe nzvimbo, apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyengetera, Johane sezvaakadzidzisa vadzidzi vake vo.
2. Akati kwavari: Kana muchinyengetera, muti: Baba, vedu vari kudenga zita renyu ngariitwe dzvene; vushe bwenyu ngabwuvuye; kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.
3. mutipei zuva rimwe nerimwe zvokudya zvedu zvinotiringana;
4. mutikangamwire zvivi zvedu sesu tichikangamwira vane mhoswa nesu musatiisa pakuidzwa asi mutisunungure pane zvakaipa,
5. Akati kwavari: Ndianiko kwamuri ungava neshamwari, akaenda kwaari pakati povusiku, akati kwaari; Shamwari, ndipose vo zvingwa zvitatu;
6. nokuti shamwari yangu iri parwendo yakasvika kwandiri, zvino handina chandingamupakurira.
7. Uri mukati akapindura, akati; Usandinetsa; mukova watopfigwa, navana vangu vava neni panhovo; handingamuki ndikakupa.
8. Ndinoti kwamuri: Kunyange asingamuki akamupa, nokuda kwokuti ishamwari yake, kunyange zvakadaro, nokuda kwokutsungirira kwake, uchamuka, akamupa zvose zvaanoshaiwa.
9. Ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.
10. Nokuti mumwe nomumwe unokumbira, unopiwa; unotsvaka, unowana; nounogogodza, unozarurirwa.
11. Ndavapiko baba pakati penyu, kana mwanakomana achikumbira chingwa, vangamupa ibwe here? Kana hove, vangamupa nyoka panzvimbo yehove here?
12. Kana akakumbira zai, vangamupa chinyavada here?
13. Naizvozvo kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanokumbira kwaari.
14. Zvino wakanga achibudisa mweya wakaipa, waiva mbeveve; mweya wakaipa ukati wabva, mbeveve ikataura, vanhu vazhinji vakashamiswa.
15. Asi vamwe vavo vakati: Unobudisa mweya yakaipa naBeerzeburi, mukuru wemweya yakaipa.
16. Asi vamwe vakamuidza, vakakumbira chiratidzo kwaari chinobva kudenga.
17. Zvino iye wakati achiziva kufunga kwavo, akati kwavari; Vushe bwumwe nobwumwe bwunozvipesanisa, bwunoparadzwa; neimba inozvipesanisa inowa.
18. NaSatani, kana achizvipesanisa, vushe bwake bwungamira seiko, zvamunoti, ndinobudisa mweya yakaipa naBeerzeburi?
19. Kana ini ndichibudisa mweya yakaipa naBeerzeburi, ko vanakomana venyu vanoibudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.
20. Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa nomumwe waMwari, ipapo vushe bwaMwari bwasvika kwamuri.
21. Kana munhu unesimba, wakashonga nhumbi dzokurwa, achirinda imba yake, nhumbi dzake dzinochengeteka.
22. Asi kana mumwe unomupfuvura nesimba akamuvamba, akamukunda, ipapo uchamutorera nhumbi dzose dzokurwa, dzaakanga achivimba nadzo, ndokugovera izvo zvaapamba.
23. Usineni, unopesana neni, nousingavunganidzi neni, unoparadza.
24. Mweya wetsvina kana wabuda kumunhu, unopota nenzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo; kana ukashaiwa, unoti: Ndichadzokera kumba kwangu kwandabuda.
25. Kana wasvika, unoiwana yatsvairwa, yanatswa.
26. Ipapo unoenda, ndokundotora mimwe mweya minomwe inoukunda nokuipa, ndokupinda, ndokugaramo; kuguma kwomunhu uyo kwakaipa kupfuvura kutanga kwake.
27. Wakati areva izvozvo, mumwe mukadzi pakati pavanhu vazhinji akadanidzira, akati kwaari: Rakaropafadzwa dumbu rakakutakura, namazamu amakamwa.
28. Asi iye akati: Hongo, zvikuru vakaropafadzwa vanonzwa shoko raMwari, vachirichengeta.
29. Zvino vazhinji vakati vachivunganira kwaari, akatanga kuti: Rudzi urwu, rudzi rwakaipa; runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo asi chiratidzo chomuporofita Jona.
30. Nokuti Jona sezvaakanga ari chiratidzo kunavaNinivhi, ndizvo zvichaita vo Mwanakomana womunhu kurudzi urwu.
31. Mambokadzi weZasi uchasimuka pakutonga navarume vorudzi urwu, akavapa mhosva, nokuti wakabva pamigumo yenyika, kuzonzwa kuchenjera kwaSoromoni; tarirai, mukuru kunaSoromoni uri pano.
32. Varume veNinivhi vachasimuka pakutonga norudzi urwu, vakarupa mhosva, nokuti vakatendevuka nokuparidza kwaJona; tarirai, mukuru kunaJona uri pano.
33. Hakunomunhu unoti kana atungidza mwenje, ungauisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko, kuti vanopinda vavone chiedza.
34. Mwenje womuviri iziso rako; kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa; asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchava nerima.
35. Naizvozvo chenjera kuti chiedza chiri mukati mako chirege kuva rima.
36. Zvino kana muviri wako wose wakavhenekerwa, pasinarutivi runerima, uchavhenekerwa wose, somwenje unokuvhenekera nokupenya kwawo.
37. Wakati achataura, mumwe muFarise akakumbira kwaari kuti asvusvure naye; akapinda, akagara pakudya.
38. Zvino muFarise akashamiswa, achivona kuti haana kumboshamba asati asvusvura.
39. Ishe akati kwaari: Zvino imi vaFarise, munosuka kunze kwomukombe nendiro, asi mukati menyu muzere nokukara nokuipa.
40. Imi mapenzi! Ko uyo wakaita zviri kunze, haazi iye wakaita zviri mukati vo here.
41. Asi zviri nani mupe zvipo pazvinhu zvamunazvo; ipapo tarirai zvose zvichava zvakanaka kwamuri.
42. Asi munenhamo, imi vaFarise, nokuti munopa chegumi cheminte neruyi nemirivo yose, muchirega kururamisira mhaka norudo kunaMwari; maifanira kuzviita izvi, nokusarega kuita izvozvo.
43. Munenhamo, imi vaFaraise, nokuti munoda zvigaro zvapamberi mumasinagoge, nokukwaziswa padare.
44. Munenhamo, imi, nokuti makaita samarinda asingavonekwi; vanhu vanofamba pamusoro pawo, vasingazivi.
45. Zvino mumwe wavadudziri vomurairo wakapindura, akati kwaari: Mudzidzisi, kana muchitaura izvozvo, munotituka nesu vo.
46. Iye akati: Munenhamo nemi vo, vadudziri vomurairo; nokuti munotakudza vanhu mitoro inorema, inotambudza kutakura, asi imi mumene hamubati mitoro iyo kunyange nomumwe wenyu mumwe.
47. Munenhamo, imi, nokuti munovaka marinda avaporofita vakavurawa namadzibaba enyu.
48. Naizvozvo muri zvapupu, kana muchitenderana namabasa amadzibaba enyu; nokuti ivo vakavavuraya, nemi munovaka marinda avo.
49. Saka nokuchenjera kwaMwari vo akati: Ndichatumira kwavari vaporofita navapositora, vachavuraya vamwe vavo, nokuvatambudza;
50. kuti mhosva yeropa ravaporofita vose, rakatevurwa kubva pakuvambwa kwenyika, itsvakwe parudzi urwu;
51. kubva paropa raAberi, kusvikira paropa raZakaria, wakavurawa pakati pearitari neImba yaMwari;hongo, ndinoti kwamuri mhosva ichatsvakwa parudzi urwu.
52. Munenhamo, imi vadudziri vomurairo; nokuti makabvisa kiyi yokuziva; hamuna kupinda mumene, vuye makadzivisa avo vakanga vachida kupinda.
53. Wakati achibvapo vanyori navaFarise vakatanga kumumanikidza kwazvo, nokumubvunzisisa pamusoro pezvimwe zvizhinji,
54. vachimurindira, kuti vamubate pashoko rinobuda mumuromo make.

  Luke (11/24)