← Luke (11/24) → |
1. | Zvino wakati achinyengetera paneimwe nzvimbo, apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyengetera, Johane sezvaakadzidzisa vadzidzi vake vo. |
2. | Akati kwavari: Kana muchinyengetera, muti: Baba, vedu vari kudenga zita renyu ngariitwe dzvene; vushe bwenyu ngabwuvuye; kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga. |
3. | mutipei zuva rimwe nerimwe zvokudya zvedu zvinotiringana; |
4. | mutikangamwire zvivi zvedu sesu tichikangamwira vane mhoswa nesu musatiisa pakuidzwa asi mutisunungure pane zvakaipa, |
5. | Akati kwavari: Ndianiko kwamuri ungava neshamwari, akaenda kwaari pakati povusiku, akati kwaari; Shamwari, ndipose vo zvingwa zvitatu; |
6. | nokuti shamwari yangu iri parwendo yakasvika kwandiri, zvino handina chandingamupakurira. |
7. | Uri mukati akapindura, akati; Usandinetsa; mukova watopfigwa, navana vangu vava neni panhovo; handingamuki ndikakupa. |
8. | Ndinoti kwamuri: Kunyange asingamuki akamupa, nokuda kwokuti ishamwari yake, kunyange zvakadaro, nokuda kwokutsungirira kwake, uchamuka, akamupa zvose zvaanoshaiwa. |
9. | Ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa. |
10. | Nokuti mumwe nomumwe unokumbira, unopiwa; unotsvaka, unowana; nounogogodza, unozarurirwa. |
11. | Ndavapiko baba pakati penyu, kana mwanakomana achikumbira chingwa, vangamupa ibwe here? Kana hove, vangamupa nyoka panzvimbo yehove here? |
12. | Kana akakumbira zai, vangamupa chinyavada here? |
13. | Naizvozvo kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanokumbira kwaari. |
14. | Zvino wakanga achibudisa mweya wakaipa, waiva mbeveve; mweya wakaipa ukati wabva, mbeveve ikataura, vanhu vazhinji vakashamiswa. |
15. | Asi vamwe vavo vakati: Unobudisa mweya yakaipa naBeerzeburi, mukuru wemweya yakaipa. |
16. | Asi vamwe vakamuidza, vakakumbira chiratidzo kwaari chinobva kudenga. |
17. | Zvino iye wakati achiziva kufunga kwavo, akati kwavari; Vushe bwumwe nobwumwe bwunozvipesanisa, bwunoparadzwa; neimba inozvipesanisa inowa. |
18. | NaSatani, kana achizvipesanisa, vushe bwake bwungamira seiko, zvamunoti, ndinobudisa mweya yakaipa naBeerzeburi? |
19. | Kana ini ndichibudisa mweya yakaipa naBeerzeburi, ko vanakomana venyu vanoibudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu. |
20. | Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa nomumwe waMwari, ipapo vushe bwaMwari bwasvika kwamuri. |
21. | Kana munhu unesimba, wakashonga nhumbi dzokurwa, achirinda imba yake, nhumbi dzake dzinochengeteka. |
22. | Asi kana mumwe unomupfuvura nesimba akamuvamba, akamukunda, ipapo uchamutorera nhumbi dzose dzokurwa, dzaakanga achivimba nadzo, ndokugovera izvo zvaapamba. |
23. | Usineni, unopesana neni, nousingavunganidzi neni, unoparadza. |
24. | Mweya wetsvina kana wabuda kumunhu, unopota nenzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo; kana ukashaiwa, unoti: Ndichadzokera kumba kwangu kwandabuda. |
25. | Kana wasvika, unoiwana yatsvairwa, yanatswa. |
26. | Ipapo unoenda, ndokundotora mimwe mweya minomwe inoukunda nokuipa, ndokupinda, ndokugaramo; kuguma kwomunhu uyo kwakaipa kupfuvura kutanga kwake. |
27. | Wakati areva izvozvo, mumwe mukadzi pakati pavanhu vazhinji akadanidzira, akati kwaari: Rakaropafadzwa dumbu rakakutakura, namazamu amakamwa. |
28. | Asi iye akati: Hongo, zvikuru vakaropafadzwa vanonzwa shoko raMwari, vachirichengeta. |
29. | Zvino vazhinji vakati vachivunganira kwaari, akatanga kuti: Rudzi urwu, rudzi rwakaipa; runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo asi chiratidzo chomuporofita Jona. |
30. | Nokuti Jona sezvaakanga ari chiratidzo kunavaNinivhi, ndizvo zvichaita vo Mwanakomana womunhu kurudzi urwu. |
31. | Mambokadzi weZasi uchasimuka pakutonga navarume vorudzi urwu, akavapa mhosva, nokuti wakabva pamigumo yenyika, kuzonzwa kuchenjera kwaSoromoni; tarirai, mukuru kunaSoromoni uri pano. |
32. | Varume veNinivhi vachasimuka pakutonga norudzi urwu, vakarupa mhosva, nokuti vakatendevuka nokuparidza kwaJona; tarirai, mukuru kunaJona uri pano. |
33. | Hakunomunhu unoti kana atungidza mwenje, ungauisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko, kuti vanopinda vavone chiedza. |
34. | Mwenje womuviri iziso rako; kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa; asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchava nerima. |
35. | Naizvozvo chenjera kuti chiedza chiri mukati mako chirege kuva rima. |
36. | Zvino kana muviri wako wose wakavhenekerwa, pasinarutivi runerima, uchavhenekerwa wose, somwenje unokuvhenekera nokupenya kwawo. |
37. | Wakati achataura, mumwe muFarise akakumbira kwaari kuti asvusvure naye; akapinda, akagara pakudya. |
38. | Zvino muFarise akashamiswa, achivona kuti haana kumboshamba asati asvusvura. |
39. | Ishe akati kwaari: Zvino imi vaFarise, munosuka kunze kwomukombe nendiro, asi mukati menyu muzere nokukara nokuipa. |
40. | Imi mapenzi! Ko uyo wakaita zviri kunze, haazi iye wakaita zviri mukati vo here. |
41. | Asi zviri nani mupe zvipo pazvinhu zvamunazvo; ipapo tarirai zvose zvichava zvakanaka kwamuri. |
42. | Asi munenhamo, imi vaFarise, nokuti munopa chegumi cheminte neruyi nemirivo yose, muchirega kururamisira mhaka norudo kunaMwari; maifanira kuzviita izvi, nokusarega kuita izvozvo. |
43. | Munenhamo, imi vaFaraise, nokuti munoda zvigaro zvapamberi mumasinagoge, nokukwaziswa padare. |
44. | Munenhamo, imi, nokuti makaita samarinda asingavonekwi; vanhu vanofamba pamusoro pawo, vasingazivi. |
45. | Zvino mumwe wavadudziri vomurairo wakapindura, akati kwaari: Mudzidzisi, kana muchitaura izvozvo, munotituka nesu vo. |
46. | Iye akati: Munenhamo nemi vo, vadudziri vomurairo; nokuti munotakudza vanhu mitoro inorema, inotambudza kutakura, asi imi mumene hamubati mitoro iyo kunyange nomumwe wenyu mumwe. |
47. | Munenhamo, imi, nokuti munovaka marinda avaporofita vakavurawa namadzibaba enyu. |
48. | Naizvozvo muri zvapupu, kana muchitenderana namabasa amadzibaba enyu; nokuti ivo vakavavuraya, nemi munovaka marinda avo. |
49. | Saka nokuchenjera kwaMwari vo akati: Ndichatumira kwavari vaporofita navapositora, vachavuraya vamwe vavo, nokuvatambudza; |
50. | kuti mhosva yeropa ravaporofita vose, rakatevurwa kubva pakuvambwa kwenyika, itsvakwe parudzi urwu; |
51. | kubva paropa raAberi, kusvikira paropa raZakaria, wakavurawa pakati pearitari neImba yaMwari;hongo, ndinoti kwamuri mhosva ichatsvakwa parudzi urwu. |
52. | Munenhamo, imi vadudziri vomurairo; nokuti makabvisa kiyi yokuziva; hamuna kupinda mumene, vuye makadzivisa avo vakanga vachida kupinda. |
53. | Wakati achibvapo vanyori navaFarise vakatanga kumumanikidza kwazvo, nokumubvunzisisa pamusoro pezvimwe zvizhinji, |
54. | vachimurindira, kuti vamubate pashoko rinobuda mumuromo make. |
← Luke (11/24) → |