| ← Luke (10/24) → |
| 1. | Shure kwaizvozvo Ishe wakagadza zve vamwe vanamakumi manomwe, akavatuma vaviri vaviri pamberi pake mumaguta ose, vuye kwose kwaakanga achida kuenda. |
| 2. | Akati kwavari: Kucheka kukuru, asi vabati vashoma; naizvozvo kumbirai kunaShe wokucheka kuti abudise vabati pakucheka kwake. |
| 3. | Fambai henyu; tarirai, ndinokutumai samakwaiana pakati pamapere. |
| 4. | Musatora chikwama, kana hombodo, kana shangu; musakwazisa munhu panzira. |
| 5. | Paimba ipi neipi yamunopinda, mutange kuti Rugare ngaruve neimba ino. |
| 6. | Kana munhu worugare anenge aripo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake; kana kusina, ruchadzokera kwamuri. |
| 7. | Garai muimba iyo, muchidya nokunwa zvavanazvo; nokuti mubati wakafanirwa nomubairo wake; musapota-pota nedzimba. |
| 8. | Paguta ripi neripi, pamunopinda, kana vakakugamuchirai, idyai zvamunopakurirwa. |
| 9. | Poresai varwere varimo, muchiti kwavari: Vushe bwaMwari bwaswedera kwamuri. |
| 10. | Asi guta ripi neripi pamunopinda, kana vasingakugamuchiriyi, budirai munzira dzavo, muti: |
| 11. | Kunyange neguruva reguta renyu rakanamatira tsoka dzedu, tinorikuhumurira kwamuri; asi muzive chinhu ichi kuti vushe bwaMwari bwaswedera. |
| 12. | Ndinoti kwamuri: Sodhoma richarerukirwa nezuva iro kupfuvura guta iro. |
| 13. | Unenhamo, iwe Korazeni! Unenhamo, iwe Betsaida! Nokuti mabasa esimba akaitwa mukati menyu, dai akaitwa muTire neSidoni, vangadai vatendevuka kare, vakagara vanamasaga nedota. |
| 14. | Asi Tire neSidoni acharerukirwa pakutongwa kupfuvuremi. |
| 15. | Newe Kapernaume, uchasimudzirwa kudenga here? Uchaburukira kuHadhesi, |
| 16. | Unokunzwai imwi, unondinzwa ini unokurambai imwi; unondiramba ini,unoramba ini unoramba iye wakandituma. |
| 17. | Vanamakumi manomwe vakadzoka nomufaro, vachiti: Ishe, kunyange nemweya yakaipa inozviisa pasi pedu muzita renyu. |
| 18. | Akati kwavari: Ndakavona Satani achiwa kudenga semheni, |
| 19. | Tarirai, ndakakupai simba rokutsika pamusoro pesimba renyoka nezvinyavada, napamusoro pesimba rose romuvengi; hakune chinhu chingatongokukuvadzai. |
| 20. | Asi, musafara bedzi nechinhu ichi, kuti mweya inozviisa pasi penyu; asi mufare kuti mazita enyu akanyorwa kudenga. |
| 21. | Nenguva iyo Jesu wakafara noMweya Mutsvene, akati: Ndinokuvongai Baba, Ishe wokudenga napasi, kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvi, mukazvizarurira vacheche. Hongu Baba nokuti ndizvo zvakakufadzai. |
| 22. | Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu; hakuna unoziva kuti Mwanakomana, ndiyani asi baba vuye kuti baba ndiani asi mwanakomana naiye Mwanakomana waanenge achida kumuzarurira iye. |
| 23. | Ipapo akatendevukira kuvadzidzi vake, akati kwavari, vari voga; Meso, anovona zvamunovona, akaropafadzwa. |
| 24. | Nokuti ndinoti kwamuri: Vaporofita vazhinji namadzimambo vaida kuvona zvamunovona, vakasazvivona, nokunzwa zvamunonzwa, vakasazvinzwa. |
| 25. | Zvino mumwe mududziri womurairo wakasimuka, akamuidza, achiti: Mudzidzisi, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka yovupenyu bwusingaperi? |
| 26. | Akati kwaari: Pamurairo pakanyorweiko? Unorava sei? |
| 27. | Iye akapindura, akati: Ida Ishe, Mwari wako, nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose, nokufunga kwako kwose, nowokwako sezvaunozvida iwe. |
| 28. | Akati kwaari: Wapindura zvakanaka; ita izvozvo ugorarama. |
| 29. | Asi iye, achida kuzviruramisa, akati kunaJesu: Wokwangu ndianiko? |
| 30. | Jesu akapindura, akati: Mumwe munhu wakabva Jerusarema, akaburukira Jeriko; akawirwa namakororo, akamupamba nguvo, akamurova, akaenda, ndokumusiya oda kufa. |
| 31. | Zvino mumwe muPirisita wakanga achingoburuka hake nenzira iyo; akati achimuvona, akanyenyeredza. |
| 32. | Nokudaro muRevhi vo wakasvikapo, akamuvona, akanyenyeredza. |
| 33. | Zvino mumwe muSamaria, wakanga ari parwendo, wakasvika kwaari; akati achimuvona, akamunzwira tsitsi, |
| 34. | akaenda kwaari, ndokupombera mavanga ake, akaadira mafuta newaini; akamukwidza pachipfuwo chake, ndokumuisa kuimba yavaeni, ndokumuchengeta. |
| 35. | Zvino, ava mangwana, oenda akabudisa madhenari maviri,* akaapa mwene weimba, akati: Muchengete; vuye zvose zvaunomuripira kupfuvura izvi, ndichakupa zve, kana ndichidzoka. |
| 36. | Unofungei, ndoupiko kunavatatu ava wakanga ari wokwake waiye wakawirwa namakororo? |
| 37. | Akati: Ndiye wakamuitira ngoni. Jesu akati kwaari: Enda, undoita saizvozvo. |
| 38. | Zvino vakati vachifamba, akapinda munoumwe musha; mumwe mukadzi wainzi Marta, akamugamuchira mumba make, |
| 39. | Iye wakanga anomunun’una wainzi Maria, wakagara vo pamakumbo aJesu, akanzwa shoko rake. |
| 40. | Asi Marta wakanga achitambudzika nokushanda zvikuru, akavuya, akati: Ishe, hamunehanya muchivona munun’una wangu achindirega ndichishanda ndoga here? Muvudzei andibatsire, |
| 41. | Jesu akapindura, akati kwaari: Marta! Marta! Unofunganya, nokuzvitambudza nezvinhu zvizhinji, |
| 42. | asi chinhu chimwe chinodikanwa; nokuti Maria wakasanangura mugove wakanaka, waasingazotorerwi. |
| ← Luke (10/24) → |