Luke (10/24)  

1. Shure kwaizvozvo Ishe wakagadza zve vamwe vanamakumi manomwe, akavatuma vaviri vaviri pamberi pake mumaguta ose, vuye kwose kwaakanga achida kuenda.
2. Akati kwavari: Kucheka kukuru, asi vabati vashoma; naizvozvo kumbirai kunaShe wokucheka kuti abudise vabati pakucheka kwake.
3. Fambai henyu; tarirai, ndinokutumai samakwaiana pakati pamapere.
4. Musatora chikwama, kana hombodo, kana shangu; musakwazisa munhu panzira.
5. Paimba ipi neipi yamunopinda, mutange kuti Rugare ngaruve neimba ino.
6. Kana munhu worugare anenge aripo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake; kana kusina, ruchadzokera kwamuri.
7. Garai muimba iyo, muchidya nokunwa zvavanazvo; nokuti mubati wakafanirwa nomubairo wake; musapota-pota nedzimba.
8. Paguta ripi neripi, pamunopinda, kana vakakugamuchirai, idyai zvamunopakurirwa.
9. Poresai varwere varimo, muchiti kwavari: Vushe bwaMwari bwaswedera kwamuri.
10. Asi guta ripi neripi pamunopinda, kana vasingakugamuchiriyi, budirai munzira dzavo, muti:
11. Kunyange neguruva reguta renyu rakanamatira tsoka dzedu, tinorikuhumurira kwamuri; asi muzive chinhu ichi kuti vushe bwaMwari bwaswedera.
12. Ndinoti kwamuri: Sodhoma richarerukirwa nezuva iro kupfuvura guta iro.
13. Unenhamo, iwe Korazeni! Unenhamo, iwe Betsaida! Nokuti mabasa esimba akaitwa mukati menyu, dai akaitwa muTire neSidoni, vangadai vatendevuka kare, vakagara vanamasaga nedota.
14. Asi Tire neSidoni acharerukirwa pakutongwa kupfuvuremi.
15. Newe Kapernaume, uchasimudzirwa kudenga here? Uchaburukira kuHadhesi,
16. Unokunzwai imwi, unondinzwa ini unokurambai imwi; unondiramba ini,unoramba ini unoramba iye wakandituma.
17. Vanamakumi manomwe vakadzoka nomufaro, vachiti: Ishe, kunyange nemweya yakaipa inozviisa pasi pedu muzita renyu.
18. Akati kwavari: Ndakavona Satani achiwa kudenga semheni,
19. Tarirai, ndakakupai simba rokutsika pamusoro pesimba renyoka nezvinyavada, napamusoro pesimba rose romuvengi; hakune chinhu chingatongokukuvadzai.
20. Asi, musafara bedzi nechinhu ichi, kuti mweya inozviisa pasi penyu; asi mufare kuti mazita enyu akanyorwa kudenga.
21. Nenguva iyo Jesu wakafara noMweya Mutsvene, akati: Ndinokuvongai Baba, Ishe wokudenga napasi, kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvi, mukazvizarurira vacheche. Hongu Baba nokuti ndizvo zvakakufadzai.
22. Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu; hakuna unoziva kuti Mwanakomana, ndiyani asi baba vuye kuti baba ndiani asi mwanakomana naiye Mwanakomana waanenge achida kumuzarurira iye.
23. Ipapo akatendevukira kuvadzidzi vake, akati kwavari, vari voga; Meso, anovona zvamunovona, akaropafadzwa.
24. Nokuti ndinoti kwamuri: Vaporofita vazhinji namadzimambo vaida kuvona zvamunovona, vakasazvivona, nokunzwa zvamunonzwa, vakasazvinzwa.
25. Zvino mumwe mududziri womurairo wakasimuka, akamuidza, achiti: Mudzidzisi, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka yovupenyu bwusingaperi?
26. Akati kwaari: Pamurairo pakanyorweiko? Unorava sei?
27. Iye akapindura, akati: Ida Ishe, Mwari wako, nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose, nokufunga kwako kwose, nowokwako sezvaunozvida iwe.
28. Akati kwaari: Wapindura zvakanaka; ita izvozvo ugorarama.
29. Asi iye, achida kuzviruramisa, akati kunaJesu: Wokwangu ndianiko?
30. Jesu akapindura, akati: Mumwe munhu wakabva Jerusarema, akaburukira Jeriko; akawirwa namakororo, akamupamba nguvo, akamurova, akaenda, ndokumusiya oda kufa.
31. Zvino mumwe muPirisita wakanga achingoburuka hake nenzira iyo; akati achimuvona, akanyenyeredza.
32. Nokudaro muRevhi vo wakasvikapo, akamuvona, akanyenyeredza.
33. Zvino mumwe muSamaria, wakanga ari parwendo, wakasvika kwaari; akati achimuvona, akamunzwira tsitsi,
34. akaenda kwaari, ndokupombera mavanga ake, akaadira mafuta newaini; akamukwidza pachipfuwo chake, ndokumuisa kuimba yavaeni, ndokumuchengeta.
35. Zvino, ava mangwana, oenda akabudisa madhenari maviri,* akaapa mwene weimba, akati: Muchengete; vuye zvose zvaunomuripira kupfuvura izvi, ndichakupa zve, kana ndichidzoka.
36. Unofungei, ndoupiko kunavatatu ava wakanga ari wokwake waiye wakawirwa namakororo?
37. Akati: Ndiye wakamuitira ngoni. Jesu akati kwaari: Enda, undoita saizvozvo.
38. Zvino vakati vachifamba, akapinda munoumwe musha; mumwe mukadzi wainzi Marta, akamugamuchira mumba make,
39. Iye wakanga anomunun’una wainzi Maria, wakagara vo pamakumbo aJesu, akanzwa shoko rake.
40. Asi Marta wakanga achitambudzika nokushanda zvikuru, akavuya, akati: Ishe, hamunehanya muchivona munun’una wangu achindirega ndichishanda ndoga here? Muvudzei andibatsire,
41. Jesu akapindura, akati kwaari: Marta! Marta! Unofunganya, nokuzvitambudza nezvinhu zvizhinji,
42. asi chinhu chimwe chinodikanwa; nokuti Maria wakasanangura mugove wakanaka, waasingazotorerwi.

  Luke (10/24)