Luke (1/24) → |
1. | Vazhinji zvavakaidza kurondedzera mashoko ezvinhu izvo zvakaitika pakati pedu, |
2. | sezvavakatipa ivo vakazviona nameso avo kubva pakutanga, navaiva vanyai veshoko, |
3. | neni vo, ndakati ndanyatso-feya zvose kubva pakutanga, ndakati zvakanaka kuti ndikunyorerei vo nokutevedzanisa, imi Teofiro, makakurumbira; |
4. | kuti muzive kuti mashoko amakadzidziswa ndeezvokwadi. |
5. | Namazuva aHerodhe, mambo weJudhea, mumwe muPirisita waivapo, wainzi Zakaria, wegovero raAbhiya; mukadzi wake waiva wavanasikana vaAroni, zita rake rainzi Erisabete. |
6. | Vakanga vakarurama vose, vari vaviri, pamberi paMwari, vachifamba nemirairo nezvakarurama zvose zvaShe, vasina, chavangapomerwa. |
7. | Vakanga vasinomwana, nokuti Erisabete wakanga asingabereki, vuye vakanga vachembera vose vari vaviri. |
8. | Zvino, wakati achibate-basa rovuPirisita pamberi paMwari, padzoro regovero rake, |
9. | akagoverwa netsika dzovuPirisita, kuti apinde mutembere yaShe, kuzopisa zvinonhuhwira. |
10. | Vanhu vazhinji vose vakanga vachinyengetera kunze nenguva yokupisa zvinonhuwira. |
11. | Ipapo mutumwa waShe wakavonekwa naye, amire kurudyi rwearitari yezvinonhuwira. |
12. | Zakaria akamanikidzwa achimuvona; kutya kukamuwira. |
13. | Mutumwa akati kwaari: Usatya Zakaria, nokuti kukumbira kwako kwanzwikwa, mukadzi wako Erisabete uchakuberekera mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Johane. |
14. | Iwe uchava nomufaro nokufarisisa, navazhinji vachafarira kuberekwa kwake. |
15. | Nokuti iye uchava mukuru pamberi paShe; haangatongomwi waini nezvinobata; uchazadzwa noMweya Mutsvene kubva padumbu ramai vake. |
16. | Uchadzorera vazhinji vavana vaIsraeri kunaShe, Mwari wavo. |
17. | Uchafamba pamberi pake noMweya nesimba raEria, kuti adzorere moyo yamadzibaba kuvana navasingateereri kuvuchenjeri bwakarurama agadzirire Ishe, vanhu vakamugadzirirwa kwazvo, |
18. | Zakaria akati kumutumwa: Izvozvi ndichazviziva seiko? Nokuti ini ndava mutana, nomukadzi wangu wachembera. |
19. | Mutumwa akapindura, akati kwaari: Ndini Gabrieri, ndinomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure newe, ndikuparidzire mashoko awa akanaka. |
20. | Tarira, uchanyarara, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitwa zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achaitika nenguva yawo. |
21. | Vanhu vakanga vakamirira Zakaria vakashamiswa nokunonoka kwake mutembere. |
22. | Zvino wakati achibuda, akasagona kutaura navo; vakaziva kuti wakanga avona chiratidzo mutembere; iye akaramba achininira namavoko, akaramba ari mbeveve. |
23. | Zvino mazuva okushumira kwake akati apera, akaenda kumba kwake. |
24. | Mazuva iwayo akati apfuvura, Erisabete mukadzi wake akatora mimba, akazvivanza mwedzi mishanu, achiti: |
25. | Ndizvo zvandakaitirwa naShe namazuva aakanditarira, kuti abvise kunyadzwa kwangu pakati pavanhu. |
26. | Nomwedzi wechitanhatu mutumwa Gabrieri wakatumwa naMwari kuguta reGarirea, rinonzi Nazareta, |
27. | kumhandara, yakanga yanyengwa nomurume, wainzi Josefa, weimba yaDhavidhi; zita remhandara rainzi Maria. |
28. | Mutumwa akapinda kwaari, akati: Kwaziwa, iwe unodikanwa,Ishe unewe wakaropafadzwa pakati pavakadzi. |
29. | Iye wakati achimuvona akatambudzika nokutaura kwake, akafunga mumoyo make kuti kukwazisa kwakadai kunorevei. |
30. | Ipapo mutumwa akati kwaari: Usatya Maria, nokuti wanzwirwa nyasha naMwari. |
31. | Tarira, uchava nemimba, uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu. |
32. | Iye uchava mukuru, uchanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; Ishe Mwari uchamupa chigaro chovushe chababa vake Dhavidhi. |
33. | Uchabata imba yaJakobho nokusingaperi, novushe bwake habungavi nomugumo. |
34. | Ipapo Maria akati kumutumwa: Izvozvi zvingava seiko, zvandisingazivi murume? |
35. | Mutumwa akapindura, akati kwaari: Mweya Mutsvene uchavuya pamusoro pako, nesimba roWokumusorosoro richakufukidza; saka icho chitsvene chichaberekwa chichanzi: Mwanakomana waMwari. |
36. | Vuye tarira, Erisabete, hama yako, naiye wavanemimbavo yomwanakomana pakuchembera kwake; mwedzi uno wava wechitanhatu kunaiye wainzi haabereki. |
37. | Nokuti kuna Mwari hakuna chinhu chinokona. |
38. | Ipapo Maria akati: Tarirai, ndiri mushandiri waShe; ndiitirwe hangu sezvamataura, Mutumwa akabva kwaari. |
39. | Namazuva iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kuguta reJudhea; |
40. | akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erisabete. |
41. | Zvino Erisabete wakati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu rake; ipapo Erisabete akazadzwa noMweya Mutsvene, |
42. | akadana nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, nechibereko chedumbu rako chakaropafadzwa! |
43. | Zvaita seiko kwandiri, kuti ndamutswa namai vaShe wangu? |
44. | Nokuti, tarira, inzwi rokukwazisa kwako rakati richisvika munzeve dzangu, mwana akakwakuka nomufaro mudumbu rangu. |
45. | Wakaropafadzwa iye mukadzi wakatenda, nokuti zvakataurwa naShe kwaari zvichaitika. |
46. | Maria akati: Moyo wangu unokudza Ishe, |
47. | Mweya wangu wakafara naMwari, Muponesi wangu; |
48. | Zvaakavona vurombo bwomushandiri wake; Nokuti, tarira, kubva zvino marudzi ose achati, ndakaropafadzwa; |
49. | Nokuti uyo unamasimba wakandiitira zvinhu zvikuru; Zita rake idzvene. |
50. | Ngoni dzake dziri kumarudzi namarudzi Avanhu vanomutya. |
51. | Wakaratidza simba rake noruvoko rwake; Wakaparadza vaizvikudza mundangariro dzemoyo yavo; |
52. | Wakabvisa madzimambo pazvigaro zvavo zvovushe, Akasimudza vakaninipiswa; |
53. | Vanenzara wakavagutsa nezvakanaka, Akadzosera vafumi vasina; |
54. | Wakabatsira Israeri, muranda wake, Kuti arangarire ngoni dzake, |
55. | (Sezvaakareva kumadzibaba edu), KunaAbhurahamu nokurudzi rwake nokusingaperi. |
56. | Maria akagara naye mwedzi inenge semitatu, akadzokera kumusha kwake. |
57. | Zvino nguva yaErisabete yokuzvara kwake yakasvika; akabereka mwanakomana. |
58. | Zvino vakavakidzana navo nehama dzake vakati vanzwa kuti Ishe wakanga amuitira ngoni huru, vakafara naye. |
59. | Zvino nezuva rorusere vakavuya kuzodzingisa mwana, vakada kumutumidza zita rababa vake, Zakaria. |
60. | Ipapo mai vakapindura, vakati: Kwete, uchatumidzwa Johane. |
61. | Vakati kwaari: Hakunomunhu kuhama dzenyu wakatumidzwa zita iro. |
62. | Vakabvunza baba vake, vachidudzira namavoko, kuti anzi aniko. |
63. | Vakakumbira ibwe rokunyora pariri, vakanyora vachiti: Johane, ndiro zita rake. Vakashamiswa vose. |
64. | Kamwe-kamwe muromo wake ukashamiswa, norurimi rwake rukasununguka, akataura, akarumbidza Mwari. |
65. | Kutya kukawira vose vakanga vagere navo; namashoko iwayo ose akanzwika kunyika yose yamakomo eJudhea. |
66. | Vose vakanzwa, vakaachengeta mumoyo mavo, vachiti: Uchazova mwana wakadiniko? Nokuti ruvoko rwaShe rwakava naye.** |
67. | Baba vake, Zakaria, vakazadzwa noMweya Mutsvene, vakaporofita, vachiti: |
68. | Ishe, Mwari wavaIsraeri, ngaakudzwe; Nokuti wakamutsa vanhu vake, nokuvadzikinura, |
69. | Akatisimudzira runyanga rwokuponeswa. Mumba momuranda wake, Dhavidhi; |
70. | (Sezvaakataura nomuromo wavaporofita vake vatsvene, vakanga varipo kubva pakuvamba kwenyika), |
71. | Kutiponesa pavavengi vedu, napamavoko avose vanotivenga; |
72. | Kunzwira madzibaba edu ngoni, Nokurangarira sungano yake tsvene; |
73. | Kupika kwaakapika nako kunababa vedu Abhurahamu. |
74. | Kutipa simba isu, tasunungurwa mumavoko avavengi vedu. Kuti timushumire tisingatyi, |
75. | Novutsvene nokururama pamberi pake mazuva edu ose. |
76. | Iwe, Mwana, uchanzi muporofita woWokumusoro-soro, Nokuti iwe uchatungamira pamberi paShe, kumugadzirira nzira dzake; |
77. | Kuzivisa vanhu vake nzira yokuponeswa nayo, Vachikanganwirwa zvivi zvavo. |
78. | Nomoyo munyoro waMwari wedu, Uchatishanyira namambakwedza okudenga, |
79. | Kuvhenekera vagere murima nomumvuri worufu; Nokururamisa tsoka dzedu munzira yorugare. |
80. | Mwana akakura, akasimba mumweya, akagara mumarenje, kusvikira zuva rokuratidzwa kwake kuvaIsraeri. |
Luke (1/24) → |