Luke (1/24)  

1. Vazhinji zvavakaidza kurondedzera mashoko ezvinhu izvo zvakaitika pakati pedu,
2. sezvavakatipa ivo vakazviona nameso avo kubva pakutanga, navaiva vanyai veshoko,
3. neni vo, ndakati ndanyatso-feya zvose kubva pakutanga, ndakati zvakanaka kuti ndikunyorerei vo nokutevedzanisa, imi Teofiro, makakurumbira;
4. kuti muzive kuti mashoko amakadzidziswa ndeezvokwadi.
5. Namazuva aHerodhe, mambo weJudhea, mumwe muPirisita waivapo, wainzi Zakaria, wegovero raAbhiya; mukadzi wake waiva wavanasikana vaAroni, zita rake rainzi Erisabete.
6. Vakanga vakarurama vose, vari vaviri, pamberi paMwari, vachifamba nemirairo nezvakarurama zvose zvaShe, vasina, chavangapomerwa.
7. Vakanga vasinomwana, nokuti Erisabete wakanga asingabereki, vuye vakanga vachembera vose vari vaviri.
8. Zvino, wakati achibate-basa rovuPirisita pamberi paMwari, padzoro regovero rake,
9. akagoverwa netsika dzovuPirisita, kuti apinde mutembere yaShe, kuzopisa zvinonhuhwira.
10. Vanhu vazhinji vose vakanga vachinyengetera kunze nenguva yokupisa zvinonhuwira.
11. Ipapo mutumwa waShe wakavonekwa naye, amire kurudyi rwearitari yezvinonhuwira.
12. Zakaria akamanikidzwa achimuvona; kutya kukamuwira.
13. Mutumwa akati kwaari: Usatya Zakaria, nokuti kukumbira kwako kwanzwikwa, mukadzi wako Erisabete uchakuberekera mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Johane.
14. Iwe uchava nomufaro nokufarisisa, navazhinji vachafarira kuberekwa kwake.
15. Nokuti iye uchava mukuru pamberi paShe; haangatongomwi waini nezvinobata; uchazadzwa noMweya Mutsvene kubva padumbu ramai vake.
16. Uchadzorera vazhinji vavana vaIsraeri kunaShe, Mwari wavo.
17. Uchafamba pamberi pake noMweya nesimba raEria, kuti adzorere moyo yamadzibaba kuvana navasingateereri kuvuchenjeri bwakarurama agadzirire Ishe, vanhu vakamugadzirirwa kwazvo,
18. Zakaria akati kumutumwa: Izvozvi ndichazviziva seiko? Nokuti ini ndava mutana, nomukadzi wangu wachembera.
19. Mutumwa akapindura, akati kwaari: Ndini Gabrieri, ndinomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure newe, ndikuparidzire mashoko awa akanaka.
20. Tarira, uchanyarara, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitwa zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achaitika nenguva yawo.
21. Vanhu vakanga vakamirira Zakaria vakashamiswa nokunonoka kwake mutembere.
22. Zvino wakati achibuda, akasagona kutaura navo; vakaziva kuti wakanga avona chiratidzo mutembere; iye akaramba achininira namavoko, akaramba ari mbeveve.
23. Zvino mazuva okushumira kwake akati apera, akaenda kumba kwake.
24. Mazuva iwayo akati apfuvura, Erisabete mukadzi wake akatora mimba, akazvivanza mwedzi mishanu, achiti:
25. Ndizvo zvandakaitirwa naShe namazuva aakanditarira, kuti abvise kunyadzwa kwangu pakati pavanhu.
26. Nomwedzi wechitanhatu mutumwa Gabrieri wakatumwa naMwari kuguta reGarirea, rinonzi Nazareta,
27. kumhandara, yakanga yanyengwa nomurume, wainzi Josefa, weimba yaDhavidhi; zita remhandara rainzi Maria.
28. Mutumwa akapinda kwaari, akati: Kwaziwa, iwe unodikanwa,Ishe unewe wakaropafadzwa pakati pavakadzi.
29. Iye wakati achimuvona akatambudzika nokutaura kwake, akafunga mumoyo make kuti kukwazisa kwakadai kunorevei.
30. Ipapo mutumwa akati kwaari: Usatya Maria, nokuti wanzwirwa nyasha naMwari.
31. Tarira, uchava nemimba, uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu.
32. Iye uchava mukuru, uchanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; Ishe Mwari uchamupa chigaro chovushe chababa vake Dhavidhi.
33. Uchabata imba yaJakobho nokusingaperi, novushe bwake habungavi nomugumo.
34. Ipapo Maria akati kumutumwa: Izvozvi zvingava seiko, zvandisingazivi murume?
35. Mutumwa akapindura, akati kwaari: Mweya Mutsvene uchavuya pamusoro pako, nesimba roWokumusorosoro richakufukidza; saka icho chitsvene chichaberekwa chichanzi: Mwanakomana waMwari.
36. Vuye tarira, Erisabete, hama yako, naiye wavanemimbavo yomwanakomana pakuchembera kwake; mwedzi uno wava wechitanhatu kunaiye wainzi haabereki.
37. Nokuti kuna Mwari hakuna chinhu chinokona.
38. Ipapo Maria akati: Tarirai, ndiri mushandiri waShe; ndiitirwe hangu sezvamataura, Mutumwa akabva kwaari.
39. Namazuva iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kuguta reJudhea;
40. akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erisabete.
41. Zvino Erisabete wakati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu rake; ipapo Erisabete akazadzwa noMweya Mutsvene,
42. akadana nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, nechibereko chedumbu rako chakaropafadzwa!
43. Zvaita seiko kwandiri, kuti ndamutswa namai vaShe wangu?
44. Nokuti, tarira, inzwi rokukwazisa kwako rakati richisvika munzeve dzangu, mwana akakwakuka nomufaro mudumbu rangu.
45. Wakaropafadzwa iye mukadzi wakatenda, nokuti zvakataurwa naShe kwaari zvichaitika.
46. Maria akati: Moyo wangu unokudza Ishe,
47. Mweya wangu wakafara naMwari, Muponesi wangu;
48. Zvaakavona vurombo bwomushandiri wake; Nokuti, tarira, kubva zvino marudzi ose achati, ndakaropafadzwa;
49. Nokuti uyo unamasimba wakandiitira zvinhu zvikuru; Zita rake idzvene.
50. Ngoni dzake dziri kumarudzi namarudzi Avanhu vanomutya.
51. Wakaratidza simba rake noruvoko rwake; Wakaparadza vaizvikudza mundangariro dzemoyo yavo;
52. Wakabvisa madzimambo pazvigaro zvavo zvovushe, Akasimudza vakaninipiswa;
53. Vanenzara wakavagutsa nezvakanaka, Akadzosera vafumi vasina;
54. Wakabatsira Israeri, muranda wake, Kuti arangarire ngoni dzake,
55. (Sezvaakareva kumadzibaba edu), KunaAbhurahamu nokurudzi rwake nokusingaperi.
56. Maria akagara naye mwedzi inenge semitatu, akadzokera kumusha kwake.
57. Zvino nguva yaErisabete yokuzvara kwake yakasvika; akabereka mwanakomana.
58. Zvino vakavakidzana navo nehama dzake vakati vanzwa kuti Ishe wakanga amuitira ngoni huru, vakafara naye.
59. Zvino nezuva rorusere vakavuya kuzodzingisa mwana, vakada kumutumidza zita rababa vake, Zakaria.
60. Ipapo mai vakapindura, vakati: Kwete, uchatumidzwa Johane.
61. Vakati kwaari: Hakunomunhu kuhama dzenyu wakatumidzwa zita iro.
62. Vakabvunza baba vake, vachidudzira namavoko, kuti anzi aniko.
63. Vakakumbira ibwe rokunyora pariri, vakanyora vachiti: Johane, ndiro zita rake. Vakashamiswa vose.
64. Kamwe-kamwe muromo wake ukashamiswa, norurimi rwake rukasununguka, akataura, akarumbidza Mwari.
65. Kutya kukawira vose vakanga vagere navo; namashoko iwayo ose akanzwika kunyika yose yamakomo eJudhea.
66. Vose vakanzwa, vakaachengeta mumoyo mavo, vachiti: Uchazova mwana wakadiniko? Nokuti ruvoko rwaShe rwakava naye.**
67. Baba vake, Zakaria, vakazadzwa noMweya Mutsvene, vakaporofita, vachiti:
68. Ishe, Mwari wavaIsraeri, ngaakudzwe; Nokuti wakamutsa vanhu vake, nokuvadzikinura,
69. Akatisimudzira runyanga rwokuponeswa. Mumba momuranda wake, Dhavidhi;
70. (Sezvaakataura nomuromo wavaporofita vake vatsvene, vakanga varipo kubva pakuvamba kwenyika),
71. Kutiponesa pavavengi vedu, napamavoko avose vanotivenga;
72. Kunzwira madzibaba edu ngoni, Nokurangarira sungano yake tsvene;
73. Kupika kwaakapika nako kunababa vedu Abhurahamu.
74. Kutipa simba isu, tasunungurwa mumavoko avavengi vedu. Kuti timushumire tisingatyi,
75. Novutsvene nokururama pamberi pake mazuva edu ose.
76. Iwe, Mwana, uchanzi muporofita woWokumusoro-soro, Nokuti iwe uchatungamira pamberi paShe, kumugadzirira nzira dzake;
77. Kuzivisa vanhu vake nzira yokuponeswa nayo, Vachikanganwirwa zvivi zvavo.
78. Nomoyo munyoro waMwari wedu, Uchatishanyira namambakwedza okudenga,
79. Kuvhenekera vagere murima nomumvuri worufu; Nokururamisa tsoka dzedu munzira yorugare.
80. Mwana akakura, akasimba mumweya, akagara mumarenje, kusvikira zuva rokuratidzwa kwake kuvaIsraeri.

      Luke (1/24)