| ← Leviticus (8/27) → |
| 1. | Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati, |
| 2. | "Tora Aroni, navanakomana vake, namafuta okuzodza nawo, nenzombe yechipiriso chezvivi, namakondohwe maviri nedengu rezvingwa zvisina kuviriswa; |
| 3. | uunganidze ungano yose pamukova wetende rokusangana." |
| 4. | Mozisi akaita sezvaakarairwa naJehovha, ungano ikaunganidzwa pamukova wetende rokusangana. |
| 5. | Zvino Mozisi akati kuungano, "Ndizvo zvakarairwa naJehovha kuti zviitwe." |
| 6. | Mozisi akauya naAroni navanakomana vake, akavashambidza nemvura, |
| 7. | akamufukidza jasi, ndokumusunga chiuno nebhanhire, akamufukidza nguvo, akamuisa efodhi, nokumusunga chiuno nebhande reefodhi rakarukwa nouchenjeri, ndokurisungira kwaari naro. |
| 8. | Akamuisa hombodo yechipfuva, ndokuisa Urimi neTumimi muhombodo yechipfuva. |
| 9. | Akaisawo ngowani pamusoro wake; pangowani nechemberi akaisa hwendefa rendarama, ndiyo korona tsvene; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha. |
| 10. | Zvino Mozisi akatora mafuta okuzodza nawo, akazodza tabhenakeri, nezvose zvakanga zvirimo, akazvitsaura. |
| 11. | Akasasa mamwe kanomwe paaritari, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, nechigadziko chawo, kuti azvitsaure. |
| 12. | Akadirawo mamwe mafuta okuzodza nawo pamusoro waAroni, akamuzodza kuti amutsaure. |
| 13. | Ipapo Mozisi akauya navanakomana vaAroni, akavafukidza majasi, akavasunga zviuno namabhanhire, akavaisa ngowani, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha. |
| 14. | Akauya nenzombe yechipiriso chezvivi, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wenzombe yechipiriso chezvivi; |
| 15. | akaibaya; Mozisi ndokutora ropa, ndokuriisa panyanga dzearitari kunhivi dzose nomunwe wake, akanatsa aritari, ndokudururira ropa mujinga mearitari, akaitsaura, kuti aiyananisire. |
| 16. | Akatora mafuta ose akanga ari pamusoro poura, namafuta akanga ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta adzo, Mozisi akazvipisa paaritari. |
| 17. | Asi nzombe nedehwe rayo, nenyama yayo, namazvizvi ayo, wakazvipisa nomoto kunze kwemisasa, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha. |
| 18. | Akauya negondohwe rechipiriso chinopiswa; Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wegondohwe. |
| 19. | Akariuraya; Mozisi akasasa ropa pamusoro pearitari kunhivi dzose. |
| 20. | Akagura-gura gondohwe, Mozisi akapisa musoro nenhindi namafuta. |
| 21. | Akasuka ura namakumbo nemvura, Mozisi akapisa gondohwe rose paaritari, chikava chipiriso chinopiswa chainhuwira zvakanaka; chikava chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha. |
| 22. | Zvino akauyawo nerimwe gondohwe, gondohwe rokugadza naro, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wegondohwe. |
| 23. | Akaribaya, Mozisi akatora rimwe ropa raro, akariisa pamucheto wezasi wenzeve yaAroni yorudyi, napagunwe roruoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi. |
| 24. | Akauyisa vanakomana vaAroni, Mozisi akaisa rimwe ropa pamicheto yezasi yenzeve dzavo dzorudyi, napamagunwe amaoko avo orudyi, napamagunwe etsoka dzavo dzorudyi; Mozisi akasasa ropa pamusoro pearitari kunhivi dzose. |
| 25. | Akatora mafuta nebemhe, namafuta ose akanga ari pamusoro poura, namafuta akanga ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta adzo, nebandauko rorudyi; |
| 26. | akatora mudengu rezvingwa zvisina kuviriswa, zvaiva pamberi paJehovha, chingwa chimwe chiduku chisina kuviriswa, nechingwa chimwe chiduku chezvingwa zvakazodzwa mafuta, nechingwa chitete chimwe, akazviisa pamusoro pamafuta, napamusoro pebandauko rorudyi; |
| 27. | akaisa zvose pamaoko aAroni, napamaoko avanakomana vake, akazvizunguzira pamberi paJehovha, kuti chive chipiriso chinozunguzirwa. |
| 28. | Ipapo Mozisi akazvitora zvose pamaoko ake, akazvipisa paaritari pamusoro pechipiriso chinopiswa; zvikava zvokugadza nazvo, zvikanhuwira zvakanaka; chikava chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto. |
| 29. | Zvino Mozisi akatora chityu akachizunguzira pamberi paJehovha, kuti chive chipiriso chinozunguzirwa; ndiwo waiva mugove waMozisi pagondohwe rokugadza naro; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha. |
| 30. | Ipapo Mozisi akatora mamwe mafuta okuzodza nawo, nerimwe ropa rakanga riri paaritari, akarisasa pamusoro paAroni napamusoro penguvo dzake, napamusoro pavanakomana vake, napamusoro penguwo dzavanakomana vake pamwechete naye; akatsaura Aroni nenguvo dzake, navanakomana vake, nenguvo dzavanakomana vake pamwechete naye. |
| 31. | Mozisi akati kuna Aroni navanakomana vake, "Bikai nyama pamukova wetende rokusangana, muidyirepo nechingwa chiri mudengu rokugadza naro, sezvandakaraira ndichiti, `Aroni navanakomana vake vanofanira kuzvidya.' |
| 32. | Asi zvakasara zvenyama nechingwa munofanira kuzvipisa nomoto. |
| 33. | Musabuda pamukova wetende rokusangana mazuva manomwe, kusvikira mazuva okugadza kwenyu apera; nokuti iye uchakugadzai mazuva manomwe. |
| 34. | Sezvakaitwa zuva ranhasi, Jehovha wakaraira kuti zviitwe saizvozvo, kuti muyananisirwe. |
| 35. | Garai pamukova wetende rokusangana masikati nousiku mazuva manomwe, muchengete zvamakarairwa naJehovha, kuti urege kufa; nokuti ndizvo zvandakarairwa." |
| 36. | Zvino Aroni navanakomana vake vakaita zvose zvakanga zvarairwa naJehovha nomuromo waMozisi. |
| ← Leviticus (8/27) → |