Leviticus (7/27)  

1. "Murayiro wechipiriso chemhosva ndiwo: Chitsvene kwazvo.
2. Pavanourayirwa chipiriso chinopiswa, ndipo pavanofanira kuurayirwa chipiriso chemhosva; ropa racho unofanira kurisasa pamusoro pearitari kunhivi dzose.
3. Zvino ngaapisire mafuta acho ose, mafuta ebemhe, namafuta anofukidza ura,
4. netsvo mbiri, namafuta ari pamusoro padzo, ari pachiuno, namafuta ari pamusoro pechiropa, ngaazvibvise pamwechete netsvo.
5. Zvino mupirisiti ngaazvipise paaritari, chive chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto; chipiriso chemhosva.
6. Varume vose kuvapirisiti ngavachidye; chidyiwe panzvimbo tsvene; chitsvene kwazvo.
7. "Sezvinoitwa nechipiriso chezvivi, ndizvo zvinoitwawo nechipiriso chemhosva; murayiro wazvo ndomumwe; chichava chomupirisiti unoyananisira nacho.
8. Uye mupirisiti, unopisira chipiriso chinopiswa chomunhu, uyo mupirisiti anofanira kupiwa dehwe rechipiriso chinopiswa chaakauya nacho.
9. Chipiriso chimwe nechimwe choupfu, chakabikwa muchoto, nezvose zvakagadzirwa mugango kana muhari, zvichava zvomupirisiti unouya nazvo.
10. Chipiriso chimwe nechimwe choupfu, chakakanyiwa namafuta, kana chakaoma, chinofanira kupiwa vanakomana vaAroni, mumwe nomumwe, vachienzaniswa.
11. "Ndiwo murayiro wezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, zvinofanira kupiwa Jehovha:
12. Kana munhu akazvipa, kuti avonge nazvo, pamwechete nechibayiro chokuvonga nacho, anofanira kupa zvingwa zviduku zvisina kuviriswa zvakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa mafuta, nezvingwa zvakakanyiwa namafuta zvoupfu hwakatsetseka zvakakangwa.
13. Anofanira kupawo chipo chake chezvingwa zvakaviriswa pamwechete nechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa zvokuvonga nazvo.
14. Zvino pachipiriso chimwe nechimwe chive chipiriso chinosimudzirwa Jehovha; chichava chomupirisiti unosasa ropa rezvipiriso zvokuyananisa.
15. Nyama yechibayiro chezvipiriso zvake zvokuyananisa zvokuvonga nazvo inofanira kudyiwa nomusi waanopa chipo chake; haafaniri kusiya chimwe chacho kusvikira mangwanani.
16. "Asi kana chibayiro chechipo chake chiri chinhu chaakapika, kana chipo chokuda kwake, chinofanira kudyiwa nomusi waanobayira chibayiro chake; zvakasara pazviri zvinofanira kudyiwa mangwanani;
17. asi zvakasara zvenyama yechibayiro zvinofanira kupiswa nomoto nezuva retatu.
18. Kana imwe nyama yechibayiro chezvipiriso zvake zvokuyananisa ikadyiwa nezuva retatu, hazvingagamuchirwi nomufaro kana kunzi zvakanaka kuna iye wakazvipa; chichava chinhu chinonyangadza, nomunhu unozvidya uchava nemhosva.
19. Nyama yakabatana nechinhu chisakanaka, haifaniri kudyiwa, inofanira kupiswa nomoto. "Asi imwe nyama mumwe nomumwe wakanatswa ungaidya.
20. Asi munhu unodya nyama yechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa, zviri zvaJehovha, achiri netsvina yake, munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
21. Kana ani naani akabata chinhu chisakanaka, kana zviri zvisakanaka zvomunhu kana zvemhuka isakanaka, kana chimwe chinhu chisakanaka chinonyangadza, akadya nyama yechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa zviri zvaJehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake."
22. Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
23. "Taura navana vaIsiraeri, uti, `Musadya mafuta, kana emombe, kana egwai, kana embudzi.
24. Mafuta echinhu chakangofa choga, namafuta echinhu chakaurawa nezvikara, angabatwa nawo pamabasa ose, asi hamufaniri kutongoadya.'
25. Nokuti ani naani unodya mafuta ezvipfuwo zvavanoitira Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto, munhu unoadya anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
26. Regai kudya ropa ripi neripi, kana riri reshiri, kana rezvipfuwo, padzimba dzenyu dzose.
27. Ani naani unodya ropa ripi neripi, munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake."
28. Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
29. "Taura navana vaIsiraeri uti, `Munhu unobayira Jehovha chibayiro chake chezvipiriso zvokuyananisa, anofanira kuuya nechipo chake kuna Jehovha chinobva pachibayiro chezvipiriso zvake zvokuyananisa;
30. maoko ake amene anofanira kuuya nezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto; ngaauye namafuta pamwechete nechityu, kuti chityu chizunguzirwe, chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha.'
31. Zvino mupirisiti ngaapise mafuta paaritari, asi chityu ndechaAroni navanakomana vake.
32. Munofanira kupa mupirisiti bandauko rorudyi, chive chipiriso chinosimudzwa pazvibayiro zvezvipiriso zvenyu zvokuyananisa.
33. Uyo pakati pavanakomana vaAroni unopisira ropa rezvipiriso zvokuyananisa namafuta, ndiye uchapiwa bandauko rorudyi uve mugove wake.
34. Nokuti chityu chinozunguzirwa nebandauko rinosimudzwa, ndizvo zvandakatora kuvana vaIsiraeri pakati pezvibayiro zvezvipiriso zvavo zvokuyananisa, ndikazvipa Aroni mupirisiti, navanakomana vake, chive chavo nokusingaperi, chinobva kuvana vaIsiraeri.
35. "Ndiwo mugove waAroni, nomugove wavanakomana vake pazvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto, nomusi waakavagadza nawo kuti vabatire Jehovha pabasa roupirisiti;
36. wakarairwa naJehovha kuti vapiwe navana vaIsiraeri nomusi wokuzodzwa kwavo. Ndiwo mugove wavo nokusingaperi kusvikira kumarudzi avo ose.
37. Ndiwo murayiro wechipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, nechipiriso chezvivi, nechipiriso chemhosva, nowokugadza, nowezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa;
38. wakarairwa Mozisi naJehovha pagomo reSinai, nomusi waakaraira vana vaIsiraeri, kuti vape Jehovha zvipo zvavo murenje reSinai. "

  Leviticus (7/27)