Leviticus (5/27)  

1. "Kana munhu akatadza, ari chapupu akapikirwa kupupura chinhu chaakaona, kana chaanoziva, akasadudza, achava nemhosva yake.
2. "Kunyange kana munhu akanga abata chinhu chisakanaka, kana chiri chitunha chemhuka isakanaka, kana chitunha chemombe isakanaka, kana chitunha chezvinokambaira zvisakanaka, zvikasazikanwa naye, akasvibiswa, achava nemhosva.
3. "Kana akanga abata zvisakanaka zvomunhu, kana zviri zvisakanaka zvipi nezvipi akasvibiswa nazvo, zvikasazikanwa naye; kana akazozviziva, achava nemhosva.
4. "Kana munhu akapika nomuromo wake, asingafungi kwazvo, kundoita zvakaipa kana kundoita zvakanaka, chinhu chipi nechipi chaakapika, asingafungi kwazvo, chikasazikanwa naye; kana akazochiziva, achava nemhosva kune chimwe chaizvozvo;
5. zvino kana akava nemhosva kune chimwe chaizvozvo, anofanira kuzvireurura zvaakatadza.
6. "Zvino ngaauye nechipiriso chake chemhosva pamberi paJehovha pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza, ngaive hadzi yezvipfuwo zviduku, kana gwayana kana mbudzana, chive chipiriso chezvivi; mupirisiti ngaamuyananisire pamusoro pezvivi zvake.
7. "Kana asingagoni kuuya negwayana, ngaavigire Jehovha njiva mbiri, kana twana tuviri twenjiva, chive chipiriso chemhosva yake yaakatadza; imwe ive chipiriso chezvivi, imwe chipiriso chinopiswa.
8. Zvino ngaauye nadzo kumupirisiti, iye atange kubaya imwe yechipiriso chezvivi, agure musoro wayo pamutsipa, asi arege kuiparadzanisa;
9. zvino ngaasase ropa rechipiriso chezvivi kurutivi rwearitari, asi ropa rakasara risvinirwe mujinga mearitari; chipiriso chezvivi.
10. Yechipiri ngaaite nayo chipiriso chinopiswa, sezvamakarairwa; mupirisiti amuyananisire pamusoro pezvivi zvaakatadza, akanganwirwe.
11. "Asi kana akasagona kuuya nenjiva mbiri, kana notwana tuviri twenjiva, ngaauye nechipiriso chake pamusoro pokutadza kwake, chive chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso chezvivi; ngaarege kudira mafuta pamusoro pahwo, kana kuisa zvinonhuwira pamusoro pahwo, nokuti chipiriso chezvivi.
12. Zvino ngaauye nahwo kumupirisiti, mupirisiti atsamure tsama imwe yahwo, chive chokurangaridza chacho; zvino ngaahwuise pamusoro pearitari, sezvinoitwa nezvimwe zvipiriso zvaJehovha zvinoitwa nomoto; chipiriso chezvivi.
13. mupirisiti anofanira kumuyananisira pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza pachinhu chimwe chaizvozvo, akanganwirwe. Zvakasara ngazvive zvomupirisiti, sezvinoitwa nechipiriso choupfu."
14. Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
15. "Kana munhu akadarika, akatadza nokusaziva pazvinhu zvitsvene zvaJehovha, ngaauye kuna Jehovha nechipiriso chemhosva yake, chegondohwe risina mhosva ramakwai ake, uchimutarira mashekeri esirivha uchienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene; chive chipiriso chemhosva.
16. Ngaatsive chinhu chaakatadza pachinhu chitsvene, awedzere pachiri chimwe cheshanu chacho, achipe mupirisiti, mupirisiti agomuyananisira negondohwe rechipiriso chemhosva, akanganwirwe.
17. "Kana munhu akatadza, akaita chinhu chimwe chezvinhu zvakanga zvarairwa naJehovha kuti zvirege kuitwa; kunyange asina kuziva, une mhosva, mhaka unayo.
18. Ngaauye kumupirisiti negondohwe ramakwai ake risina mhosva, sezvaunofunga iwe, chive chipiriso chemhosva, mupirisiti agomuyananisira pamusoro pechinhu chaakanga atadza nokusaziva, asingazivi, akanganwirwe.
19. Chipiriso chemhosva; zvirokwazvo une mhosva pamberi paJehovha."

  Leviticus (5/27)