Leviticus (27/27)    

1. Jehovha wakataura naMozisi akati,
2. "Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, `Kana munhu akazvisunga nokupika kukuru, vanhu ngavave vaJehovha sezvaunotara iwe.
3. Kana uchitara mutengo womurume una makore ana makumi maviri kusvikira pamakumi matanhatu, kutara kwako ngakuite mashekeri makumi mashanu esirivha, uchienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene.'
4. Kana ari mukadzi, kutara kwako ngakuite mashekeri makumi matatu esirivha.
5. Kana ana makore anobva pamashanu kusvikira pamakore makumi maviri, kutara kwako kwomurume ngakuite mashekeri makumi maviri, nokwomukadzi mashekeri ane gumi.
6. Kana anomwedzi mumwe kusvikira pamakore mashanu, kutara kwako kwomurume ngakuite mashekeri mashanu esirivha, nokutara kwako kwomukadzi ngakuite mashekeri matatu esirivha.
7. Kana ana makore makumi matanhatu naanopfuura, kana ari murume, kutara kwako ngakuite mashekeri ane gumi namashanu, kana ari mukadzi mashekeri ane gumi.
8. "Kana ari murombo, asingasviki pakutara kwako, anofanira kuiswa pamberi pomupirisiti, kuti mupirisiti amutarire; mupirisiti anofanira kumutarira iye wakapika sezvaangagona kuripa.
9. "Kana chiri chipfuwo chinopiwa Jehovha, chokutenda nacho, zvose zvacho zvinopa munhu Jehovha zvinofanira kuva zvitsvene.
10. Haafaniri kuzvishandura kana kutsinhanisa chakaipa nechakanaka, kana chakanaka nechakaipa; kana atsinhanisa chipfuwo nechipfuwo, icho nechakatsinhiwa, zvose zviri zviviri zvinofanira kuva zvitsvene.
11. Kana chiri chipfuwo chisina kunaka, chisingapiwi Jehovha chekutenda nacho, chipfuwo icho chinofanira kuiswa kumupirisiti;
12. zvino mupirisiti anofanira kuchitarira mutengo, kana chakanaka kana chakaipa; sezvawakachitarira iwe mupirisiti, ndizvo zvachichaita.
13. Zvino kana achida kuchidzikunura, anofanira kuwedzera cheshanu chacho pakutara kwako.
14. "Kana munhu achiita imba yake tsvene, kuti ive tsvene kuna Jehovha, mupirisiti anofanira kuitarira, kana yakanaka kana yakaipa; sezvainotarirwa nomupirisiti, zvinofanira kuramba zvakadaro.
15. Kana iye wakaita imba yake tsvene achida kuidzikunura, anofanira kuwedzera cheshanu chemari yawakatara iwe, ipapo ichava yake.
16. "Kana munhu akaitira Jehovha ndima yomunda wake tsvene, iwe unofanira kuitarira mutengo uchienzanisa nezvakadyarwamo; homeri imwe yebhari yakadyarwa iite mashekeri makumi mashanu esirivha.
17. "Kana achiita munda wake mutsvene kubva pagore rejubheri, sezvawakautarira iwe, zvinofanira kuramba zvakadaro.
18. Asi kana achitsaura munda wake shure kwegore rejubheri, mupirisiti anofanira kumutarira mari yakaenzana namakore akasara kusvikira pagore rejubheri; zvino mari iyo inofanira kutapudzwa pakutara kwako.
19. Kana munhu wakatsaura munda wake achida kuudzikunura, anofanira kuwedzera cheshanu chemari yawakamutarira, ugova wake.
20. Kana asingadi kudzikunura munda, kana zvimwe achinge atengesa munda kuno mumwe, haungazodzikunurwi;
21. asi munda uyu, kana uchisunungurwa negore rejubheri, unofanira kuva mutsvene kuna Jehovha, somunda wakayeriswa; uchava womupirisiti.
22. Kana achitsaurira Jehovha munda waakatenga, usati uri munda wenhaka yake,
23. mupirisiti anofanira kumutarira mutengo sezvawakatara iwe kusvikira pagore rejubheri; zvino iye anofanira kuripa mari sezvawakatara iwe, chive chinhu chitsvene kuna Jehovha.
24. Pagore rejubheri munda unofanira kudzokera kumunhu waakanga atenga kwaari, kuna iye wakanga ari muridzi wenyika.
25. Kutara kwako kwose kunofanira kuenzaniswa neshekeri rapanzvimbo tsvene; shekeri rimwe rinoita magera maviri.
26. "Asi mwana wemhongora pakati pezvipfuwo, uri waJehovha zvauri mwana wemhongora, ngakurege kuva nomunhu unoutsaura; kana iri nzombe, kana gwai, ndezvaJehovha.
27. Kana chiri chipfuwo chisina kunaka, unofanira kuchidzikunura sezvawakachitarira iwe, achiwedzerawo cheshanu chacho; kana chisingadzikunurwi, chinofanira kutengeswa sezvawakachitarira iwe.
28. "Kunyange zvakadaro, hakune chinhu chakayeriswa, chakayerisirwa Jehovha nomunhu pazvose zvaanazvo, kana chiri chavanhu, kana zvipfuwo, kana munda wenhaka yake, chingatengeswa kana kudzikunurwa; chinhu chipi nechipi chakayeriswa, chinofanira kuva chitsvene kwazvo kuna Jehovha.
29. Munhu upi noupi wakayeriswa, kana ari munhu wakayeriswa kuvanhu, haangadzikunurwi; anofanira kuurawa zvirokwazvo.
30. "Zvegumi zvose zvenyika, kana zviri zvembeu dzenyika, kana michero yemiti, ndezvaJehovha; zvitsvene kuna Jehovha.
31. Kana munhu achida kudzikunura chimwe pazvegumi zvake, anofanira kuwedzera kwachiri cheshanu chacho.
32. Zvegumi zvose zvemombe, kana zvezvipfuwo zviduku, zvose zvinopfuura napazasi petsvimbo, chegumi chinofanira kuva chitsvene kuna Jehovha.
33. Haafaniri kucherekedza kana chiri chakanaka kana chakaipa, kana kuchitsinhanisa nechimwe; kana achinge atsinhanisa nechimwe, zvose zviri zviviri, icho nechakatsinhiwa, zvichava zvitsvene; hazvingadzikunurwi."
34. Ndiyo mirairo yavana vaIsiraeri yakarairwa Mozisi naJehovha pagomo reSinai.

  Leviticus (27/27)