Leviticus (26/27)  

1. "Musazviitira zvifananidzo, kana kuzvimutsira mufananidzo wakavezwa kana shongwe yebwe; musaisa ibwe rinomufananidzo munyika yenyu kuti mupfugamirepo, nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
2. Munofanira kuchengeta maSabata angu, nokukudza imba yangu tsvene; ndini Jehovha.
3. "Kana muchifamba nemitemo yangu, nokuchengeta mirairo yangu, muchiiita;
4. ini ndichakunisirai mvura nenguva yayo, nenyika ichabereka zvibereko zvayo, nemiti yesango ichabereka zvibereko zvayo.
5. Kupura kwenyu kuchasvika pakukohwa mazambiringa, nokukohwa mazambiringa kuchasvika panguva yokudzvara; muchadya zvokudya zvenyu mukaguta, nokugara munyika yenyu makachengeteka.
6. "Ndichakupai rugare panyika, kuti muvate pasi musingavhunduswi nomunhu; zvikara ndichazvipedza panyika, nomunondo haungapfuuri nomunyika yenyu,
7. muchadzinga vavengi venyu, vakaparadzwa nomunondo pamberi penyu.
8. Vashanu venyu vachadzinga vane zana, navane zana venyu vachadzinga vane zviuru zvine gumi, vavengi venyu vachaparadzwa nomunondo pamberi penyu.
9. Ini ndichakurangarirai, ndichakuberekesai nokukuwanzai; ndichasimbisa sungano yangu nemi.
10. Muchadya zviyo zvakachengetwa nguva huru, muchafanira kubudisa zvekare kudziurira zvitsva.
11. Ndichagadza tabhenakeri yangu pakati penyu; mweya wangu haungakusemiyi.
12. Ndichafamba pakati penyu, ndichava Mwari wenyu, nemi muchava vanhu vangu.
13. Ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai munyika yeIjipiti, kuti murege kuva vatapwa vavo; ndakavhuna matanda ejoko renyu, ndikakufambisai makati tasa.
14. "Asi kana musingadi kunditeerera, musingadi kuita mirairo iyi yose;
15. kana muchiramba mitemo yangu, kana mweya yenyu ichisema zvandakatonga, kuti murege kuda kuita mirairo yangu yose, asi muchiputsa sungano yangu,
16. neniwo ndichakuitirai izvi: Ndichauyisa zvinotyisa pamusoro penyu, hosha yorukosoro nefivhiri zvichaparadza meso nokuwondisa mweya yenyu; muchadzvara mbeu yenyu pasina, nokuti vavengi venyu vachazvidya.
17. Ndichakutongai kuti mukundwe pamberi pavavengi venyu, vanokuvengai vachava vabati venyu; muchatiza kunyange kusina munhu unokudzingai.
18. "Zvino kunyange zvakadaro kana musingadi kunditeerera, ndichawedzera kukurovai kanomwe pamusoro pezvivi zvenyu.
19. Ndichaputsa kuzvikudza kwenyu pamusoro pesimba renyu, denga renyu ndichariita sesimbi, nenyika yenyu sendarira;
20. simba renyu richaperera pasina, nokuti nyika yenyu haingabereki zvibereko zvayo, nemiti yenyika haingabereki zvibereko zvayo.
21. "Kana muchindiramba, musingadi kunditeerera, ndichawedzera kanomwe matambudziko pamusoro pezvivi zvenyu.
22. Ndichatuma zvikara zvesango pakati penyu, zvichakupedzerai vana venyu, nokuparadza zvipfuwo zvenyu, nokukutapudzai; nzira dzenyu dzichashaiwa vanhu.
23. "Zvino kana musingadi kudzorwa neni nezvinhu izvi, asi muchindiramba,
24. neniwo ndichakurambai; neniwo, ini ndimene, ndichakurovai kanomwe pamusoro pezvivi zvenyu.
25. Ndichauyisa munondo pamusoro penyu, uchatsiva sungano yangu; muchaunganidzwa mumaguta enyu, ini ndichatuma matenda pakati penyu; muchaiswa mumaoko avavengi venyu.
26. Kana ndichivhuna mudonzvo wenyu wechingwa, vakadzi vane gumi vachabika chingwa muchoto chimwe, vachikudzoserai chingwa chenyu chayerwa; muchadya, asi hamungaguti.
27. "Zvino kana musingadi naizvozvo zvose kunditeerera, asi muchindiramba,
28. ipapo neniwo ndichakurambai nokutsamwa kukuru; ndichakurovai kanomwe pamusoro pezvivi zvenyu.
29. Muchadya nyama yavanakomana venyu, nenyama yavanasikana venyu muchaidya.
30. Ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira, nokuputsa mifananidzo yenyu yezuva, nokukanda zvitunha zvenyu pamusoro pezvitunha zvezvifananidzo zvenyu; mweya wangu uchakusemai.
31. Ndichaita maguta enyu matongo, nenzvimbo dzenyu tsene ndichadziparadza handinganhuwidzi munhuwi wezvinozipa zvenyu.
32. Ndichaparadza nyika yenyu; vavengi venyu vachagaramo, vachashamiswa nazvo.
33. Ndichakurashanyai pakati pavahedheni, nokuvhomora munondo shure kwenyu; nyika yenyu ichava renje, maguta enyu achava matongo.
34. Zvino nyika ichafarira maSabata ayo, panguva yokuparadzwa kwayo, imwi muri munyika yavavengi venyu; panguva iyo nyika ichazorora, ichifarira maSabata ayo.
35. Panguva yose yokuparadzwa kwayo ichazorora nokuzorora kwayakashaiwa pamaSabata enyu, panguva yamakagaramo.
36. "Kana vari vamwe venyu vakasara, ndichatuma kutya pamoyo yavo vari munyika yavavengi vavo; kana vachinzwa shizha richipepereka, vachatiza; vachatiza somunhu unotiza munondo, vachawa kunyange kusina munhu unovadzinga.
37. Vachawirana savanhu vanowa pamberi pomunondo, kusina munhu anovadzinga; hamungavi nesimba rokumira pamberi pavavengi venyu.
38. Muchandofira pakati pavahedheni, nenyika yavavengi venyu ichakudyai.
39. Vamwe venyu vakasara vachawonda muzvivi zvavo panyika yavavengi vavo; vachawonda samadzibaba avo akawonda muzvivi zvavo.
40. Zvino vachazvireurura zvivi zvavo nezvivi zvamadzibaba avo, nokudarika kwavakadarika nako kwandiri, uye zvavakandiramba,
41. neniwo ndakavaramba, ndikavaisa kunyika yavavengi vavo; zvino kana moyo yavo isina kudzingiswa ikazvininipisa, vakatenda kurohwa pamusoro pezvivi zvavo;
42. ipapo ndicharangarira sungano yangu naJakobho; nesungano yangu naIsaka, nesungano yangu naAbhurahamu, ndichairangarira; nyika ndichairangarirawo.
43. Nyika ichafanira kusiyiwa navo, kuti ifarire maSabata ayo ichaparadzwa ivo vasipo; vacharohwa pamusoro pezvivi zvavo, nokuti vakaramba zvandakanga ndatonga, mweya yavo ikasema mitemo yangu.
44. Kunyange zvakadaro, kana vari munyika yavavengi vavo, handingavarashi, handigavasemi, ndivaparadze chose, nokuputsa sungano yangu navo; nokuti ndini Jehovha Mwari wavo;
45. asi nokuda kwavo ndicharangarira sungano yangu namadziteteguru avo, vandakabudisa munyika yeIjipiti pamberi pavahedheni, kuti ndive Mwari wavo; ndini Jehovha."
46. Ndiyo mitemo nezvakatongwa nemirairo yakaitwa naJehovha pakati pake navana vaIsiraeri pagomo reSinai nomuromo waMozisi.

  Leviticus (26/27)