← Leviticus (26/27) → |
1. | "Musazviitira zvifananidzo, kana kuzvimutsira mufananidzo wakavezwa kana shongwe yebwe; musaisa ibwe rinomufananidzo munyika yenyu kuti mupfugamirepo, nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu. |
2. | Munofanira kuchengeta maSabata angu, nokukudza imba yangu tsvene; ndini Jehovha. |
3. | "Kana muchifamba nemitemo yangu, nokuchengeta mirairo yangu, muchiiita; |
4. | ini ndichakunisirai mvura nenguva yayo, nenyika ichabereka zvibereko zvayo, nemiti yesango ichabereka zvibereko zvayo. |
5. | Kupura kwenyu kuchasvika pakukohwa mazambiringa, nokukohwa mazambiringa kuchasvika panguva yokudzvara; muchadya zvokudya zvenyu mukaguta, nokugara munyika yenyu makachengeteka. |
6. | "Ndichakupai rugare panyika, kuti muvate pasi musingavhunduswi nomunhu; zvikara ndichazvipedza panyika, nomunondo haungapfuuri nomunyika yenyu, |
7. | muchadzinga vavengi venyu, vakaparadzwa nomunondo pamberi penyu. |
8. | Vashanu venyu vachadzinga vane zana, navane zana venyu vachadzinga vane zviuru zvine gumi, vavengi venyu vachaparadzwa nomunondo pamberi penyu. |
9. | Ini ndichakurangarirai, ndichakuberekesai nokukuwanzai; ndichasimbisa sungano yangu nemi. |
10. | Muchadya zviyo zvakachengetwa nguva huru, muchafanira kubudisa zvekare kudziurira zvitsva. |
11. | Ndichagadza tabhenakeri yangu pakati penyu; mweya wangu haungakusemiyi. |
12. | Ndichafamba pakati penyu, ndichava Mwari wenyu, nemi muchava vanhu vangu. |
13. | Ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai munyika yeIjipiti, kuti murege kuva vatapwa vavo; ndakavhuna matanda ejoko renyu, ndikakufambisai makati tasa. |
14. | "Asi kana musingadi kunditeerera, musingadi kuita mirairo iyi yose; |
15. | kana muchiramba mitemo yangu, kana mweya yenyu ichisema zvandakatonga, kuti murege kuda kuita mirairo yangu yose, asi muchiputsa sungano yangu, |
16. | neniwo ndichakuitirai izvi: Ndichauyisa zvinotyisa pamusoro penyu, hosha yorukosoro nefivhiri zvichaparadza meso nokuwondisa mweya yenyu; muchadzvara mbeu yenyu pasina, nokuti vavengi venyu vachazvidya. |
17. | Ndichakutongai kuti mukundwe pamberi pavavengi venyu, vanokuvengai vachava vabati venyu; muchatiza kunyange kusina munhu unokudzingai. |
18. | "Zvino kunyange zvakadaro kana musingadi kunditeerera, ndichawedzera kukurovai kanomwe pamusoro pezvivi zvenyu. |
19. | Ndichaputsa kuzvikudza kwenyu pamusoro pesimba renyu, denga renyu ndichariita sesimbi, nenyika yenyu sendarira; |
20. | simba renyu richaperera pasina, nokuti nyika yenyu haingabereki zvibereko zvayo, nemiti yenyika haingabereki zvibereko zvayo. |
21. | "Kana muchindiramba, musingadi kunditeerera, ndichawedzera kanomwe matambudziko pamusoro pezvivi zvenyu. |
22. | Ndichatuma zvikara zvesango pakati penyu, zvichakupedzerai vana venyu, nokuparadza zvipfuwo zvenyu, nokukutapudzai; nzira dzenyu dzichashaiwa vanhu. |
23. | "Zvino kana musingadi kudzorwa neni nezvinhu izvi, asi muchindiramba, |
24. | neniwo ndichakurambai; neniwo, ini ndimene, ndichakurovai kanomwe pamusoro pezvivi zvenyu. |
25. | Ndichauyisa munondo pamusoro penyu, uchatsiva sungano yangu; muchaunganidzwa mumaguta enyu, ini ndichatuma matenda pakati penyu; muchaiswa mumaoko avavengi venyu. |
26. | Kana ndichivhuna mudonzvo wenyu wechingwa, vakadzi vane gumi vachabika chingwa muchoto chimwe, vachikudzoserai chingwa chenyu chayerwa; muchadya, asi hamungaguti. |
27. | "Zvino kana musingadi naizvozvo zvose kunditeerera, asi muchindiramba, |
28. | ipapo neniwo ndichakurambai nokutsamwa kukuru; ndichakurovai kanomwe pamusoro pezvivi zvenyu. |
29. | Muchadya nyama yavanakomana venyu, nenyama yavanasikana venyu muchaidya. |
30. | Ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira, nokuputsa mifananidzo yenyu yezuva, nokukanda zvitunha zvenyu pamusoro pezvitunha zvezvifananidzo zvenyu; mweya wangu uchakusemai. |
31. | Ndichaita maguta enyu matongo, nenzvimbo dzenyu tsene ndichadziparadza handinganhuwidzi munhuwi wezvinozipa zvenyu. |
32. | Ndichaparadza nyika yenyu; vavengi venyu vachagaramo, vachashamiswa nazvo. |
33. | Ndichakurashanyai pakati pavahedheni, nokuvhomora munondo shure kwenyu; nyika yenyu ichava renje, maguta enyu achava matongo. |
34. | Zvino nyika ichafarira maSabata ayo, panguva yokuparadzwa kwayo, imwi muri munyika yavavengi venyu; panguva iyo nyika ichazorora, ichifarira maSabata ayo. |
35. | Panguva yose yokuparadzwa kwayo ichazorora nokuzorora kwayakashaiwa pamaSabata enyu, panguva yamakagaramo. |
36. | "Kana vari vamwe venyu vakasara, ndichatuma kutya pamoyo yavo vari munyika yavavengi vavo; kana vachinzwa shizha richipepereka, vachatiza; vachatiza somunhu unotiza munondo, vachawa kunyange kusina munhu unovadzinga. |
37. | Vachawirana savanhu vanowa pamberi pomunondo, kusina munhu anovadzinga; hamungavi nesimba rokumira pamberi pavavengi venyu. |
38. | Muchandofira pakati pavahedheni, nenyika yavavengi venyu ichakudyai. |
39. | Vamwe venyu vakasara vachawonda muzvivi zvavo panyika yavavengi vavo; vachawonda samadzibaba avo akawonda muzvivi zvavo. |
40. | Zvino vachazvireurura zvivi zvavo nezvivi zvamadzibaba avo, nokudarika kwavakadarika nako kwandiri, uye zvavakandiramba, |
41. | neniwo ndakavaramba, ndikavaisa kunyika yavavengi vavo; zvino kana moyo yavo isina kudzingiswa ikazvininipisa, vakatenda kurohwa pamusoro pezvivi zvavo; |
42. | ipapo ndicharangarira sungano yangu naJakobho; nesungano yangu naIsaka, nesungano yangu naAbhurahamu, ndichairangarira; nyika ndichairangarirawo. |
43. | Nyika ichafanira kusiyiwa navo, kuti ifarire maSabata ayo ichaparadzwa ivo vasipo; vacharohwa pamusoro pezvivi zvavo, nokuti vakaramba zvandakanga ndatonga, mweya yavo ikasema mitemo yangu. |
44. | Kunyange zvakadaro, kana vari munyika yavavengi vavo, handingavarashi, handigavasemi, ndivaparadze chose, nokuputsa sungano yangu navo; nokuti ndini Jehovha Mwari wavo; |
45. | asi nokuda kwavo ndicharangarira sungano yangu namadziteteguru avo, vandakabudisa munyika yeIjipiti pamberi pavahedheni, kuti ndive Mwari wavo; ndini Jehovha." |
46. | Ndiyo mitemo nezvakatongwa nemirairo yakaitwa naJehovha pakati pake navana vaIsiraeri pagomo reSinai nomuromo waMozisi. |
← Leviticus (26/27) → |