| ← Leviticus (25/27) → |
| 1. | Zvino Jehovha wakataura naMozisi pagomo reSinai, akati, |
| 2. | "Taura navana vaIsiraeri uti kwavari, `Kana muchisvika munyika yandichakupai, nyika inofanira kuitira Jehovha Sabata. |
| 3. | Unofanira kudzvara munda wako makore matanhatu, nokugurira mizambiringa yako makore matanhatu, nokuunganidza michero yayo. |
| 4. | Asi pagore rechinomwe nyika inofanira kuzorora kwazvo, rive Sabata kuna Jehovha; usadzvara munda wako, kana kugurira mizambiringa yako. |
| 5. | Magoko ako usaakohwa, namazambiringa omuzambiringa wako usina kugurirwa usaatanha; rinofanira kuva gore rokuzorora kwazvo kwenyika.' |
| 6. | Gohwo reSabata renyika ndizvo zvinofanira kuva zvokudya zvenyu; zvako nezvomuranda wako, nezvomurandakadzi wako, nezvomubatiri wako, nezvomutorwa wako ugere newe; |
| 7. | nezvezvipfuwo zvako, nezvemhuka dziri munyika yako; zvibereko zvazvo zvose zvinofanira kuva zvokudya zvazvo. |
| 8. | "Unofanira kuverengawo maSabata manomwe amakore, manomwe akaverengwa kanomwe; kuti mazuva amaSabata manomwe amakore aite kwauri makore makumi mana namapfumbamwe. |
| 9. | Zvino pazuva regumi romwedzi wechinomwe unofanira kuraira kuti hwamanda iridzwe kwazvo; pazuva rokuyananisira munofanira kuraira kuti hwamanda iridzwe panyika yenyu yose. |
| 10. | Munofanira kutsaura gore ramakumi mashanu, mugoparidza sununguko panyika yose kuna vose vageremo; rinofanira kuva gore rejubheri kwamuri; munofanira .kudzokera mumwe nomumwe kune zvake, munofanira kudzokera mumwe nomumwe kuhama dzake. |
| 11. | Gore irero ramakumi mashanu rinofanira kuva rejubheri kwamuri; kusadzvara, uye musakohwa naro magoko, uye musatanha naro mazambiringa emizambiringa isina kugurirwa. |
| 12. | Nokuti igore rejubheri; rinofanira kuva dzvene kwamuri; munofanira kudya zvibereko zvaro paminda. |
| 13. | Negore iri rejubheri munofanira kudzokera mumwe nomumwe kune zvake. |
| 14. | Zvino kana uchitengesera wokwako chinhu, kana kutenga chinhu kwaari, musamanikidzana. |
| 15. | Utenge kuno wokwako uchienzanisa namakore kubva pagore rejubheri, naiye unofanira kukutengesera achienzanisa namakore akasara okukohwa. |
| 16. | Unofanira kuwedzera mutengo wazvo uchienzanisa nokuwanda kwamakore, uye unofanira kutapudza mutengo uchienzanisa noushoma hwamakore; nokuti iye unokutengesera nguva dzokukohwa. |
| 17. | Musamanikidzana, asi utye Mwari wako; nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu. |
| 18. | "Naizvozvo munofanira kuita zvandakatema, nokuchengeta zvandakatonga, nokuzviita, kuti mugare munyika makachengeteka. |
| 19. | Nyika ichabereka zvibereko zvayo, imwi muchadya mukaguta, mukagaramo makachengeteka. |
| 20. | "Zvino kana mukati, `Tichadyei negore rechinomwe? Tarirai, hatifaniri kudzvara, hatifaniri kuunganidza zvibereko zvedu' ; |
| 21. | ipapo ndicharaira kuti mukomborerwe neni pagore rechitanhatu, kuti rikuberekerei zvibereko zvicharingana makore matatu. |
| 22. | Negore rorusere muchadzvara, muchidya zvibereko zvisharu, kusvikira gore repfumbamwe, kusvikira zvibereko zvaro zvichisvika, muchadya zvisharu. |
| 23. | "Nyika haifaniri kutengeswa chose nokusingaperi, nokuti nyika ndeyangu; nokuti muri vaeni navatorwa kwandiri. |
| 24. | Panyika yenyu yose munofanira kutendera kuti nyika idzikunurwe. |
| 25. | "Kana hama yako ikava murombo, ikatengesa zvimwe zvayo, ipapo hama yako yomumba inofanira kuuya kuzodzikunura izvo zvakatengeswa nehama yako. |
| 26. | Kana munhu akashaiwa unozvidzikunura, akazova mufumi, akawana zvinoringana kuzvidzikunura; |
| 27. | unofanira kuverenga makore kubva pakutengeswa kwazvo, agodzosera kuna iye waakatengana naye zvakasara, iye ndokudzokera kune zvake; |
| 28. | asi kana asingagoni kuzvidzikunura, izvo zvaakatengesa zvinofanira kugara kuna iye wakazvitenga kusvikira pagore rejubheri; zvino pagore rejubheri zvinofanira kusunungurwa, iye agodzokera kune zvake. |
| 29. | "Kana munhu akatengesa imba iri muguta rakakombwa namasvingo, ungaidzikunura gore rose raakatenga naro risati rapera; unofanira kuva nesimba rokuidzikunura gore rose. |
| 30. | Kana isingadzikunurwi gore rose rikapera, zvino imba iyo iri muguta rakakombwa namasvingo inofanira kusimbiswa kuti ndeyaiye wakaitenga nokusingaperi, nokumarudzi ake; haingasunungurwi negore rejubheri. |
| 31. | Asi dzimba dzemisha isina kukombwa namasvingo dzinofanira kuverengwa pamwechete neminda yenyika; dzingadzikunurwa, dzichasunungurwa pagore rejubheri. |
| 32. | Asi pamaguta avaRevhi, idzo dzimba pamaguta avo, vaRevhi vangadzidzikunura nguva ipi neipi. |
| 33. | Kana munhu akadzikunura kuva Revhi, imba yakatengeswa neguta rake zvinofanira kusunungurwa pagore rejubheri; nokuti dzimba mumaguta avaRevhi ndedzavo pakati pavana vaIsiraeri. |
| 34. | Asi minda yokuruwa rwamaguta avo haingatengeswi, nokuti ndeyavo nokusingaperi. |
| 35. | "Kana hama yako ikava murombo, akapera simba anewe, unofanira kumubatsira, agare newe somweni kana mutorwa. |
| 36. | Usatora mhindu yemari kwaari kana yezvibereko kwaari, asi unofanira kutya Mwari wako, kuti hama yako igare newe. |
| 37. | Usamupa mari yako uchireva mhindu, kana zvokudya zvako uchireva kuwedzerwa. |
| 38. | Ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai munyika yeljipiti, kuti ndikupei nyika yeKanani, ndive Mwari wenyu. |
| 39. | "Kana hama yako ikava murombo, agere newe, akazvitengesa kwauri, usamubatisa somusungwa; |
| 40. | ngaave somubatiri unopiwa mubayiro, kana somutorwa kwauri; ngaakubatire kusvikira pagore rejubheri. |
| 41. | Ipapo ngaabude hake kwauri, iye pamwechete navana vake, adzokere kuhama dzake, adzokere kuna madzibaba ake. |
| 42. | Nokuti ivo varanda vangu vandakabudisa munyika yeIjipiti; ngavarege kutengeswa, sezvinoitwa vasungwa. |
| 43. | Usamubata nehasha, asi utye Mwari wako. |
| 44. | Kana vari vasungwa vako, varume kana vakadzi, vauchazova navo mungazvitengera vasungwa, varume navakadzi, kumarudzi anokupoteredzai. |
| 45. | Mungatengawo kuvana vavatorwa vagere pakati penyu nokuvana vavo vari pakati penyu, vavakabereka panyika yenyu; ivo vangava venyu. |
| 46. | Muvaite nhaka yavana venyu vanokuteverai, kuti vave vavo; munofanira kutora vasungwa venyu kwavari nokuvana vaIsiraeri, mumwe ngaarege kubata mumwe nehasha. |
| 47. | "Kana mweni kana mutorwa akafuma agere newe, asi hama yako igere naye ikava murombo, akazvitengesa kumweni kana mutorwa uyo ugere newe, kana kumwana worudzi rwomweni uyo, |
| 48. | kana atengeswa, ungadzikunurwa; munun’una kana mukoma wake ungamudzikunura; |
| 49. | kana babamunini vake, kana mwanakomana wababamunini vake, ungamudzikunura, kana ani naani wehama dzake dzomumba make ungamudzikunura; kana iye akazova mufumi, ungazvidzikunura amene. |
| 50. | Zvino iye nomutengi wake vanofanira kuverenga makore kubva pagore raakazvitengesa naro kwaari kusvikira pagore rejubheri, mutengo waakazvitengesa nawo unofanira kuenzaniswa namakore; nguva yokugara kwake naye inofanira kuenzaniswa nenguva yomubatiri unopiwa mubayiro wake. |
| 51. | Kana makore mazhinji achinge asara, unofanira kudzosera mari yokudzikunurwa kwake yakaenzaniswa namakore iwayo, zvichibva pamari yaakanga atenga nayo. |
| 52. | Kana kuchinge kwasara makore mashoma kusvikira pagore rejubheri, unofanira kurangana naye; unofanira kudzosera mari yokudzikunurwa kwake zvichienzaniswa namakore ake. |
| 53. | Unofanira kugara naye gore rimwe nerimwe somubatiri unopiwa mubayiro wake; ngaarege kumubata nehasha pamberi pako. |
| 54. | Kana asingadzikunurwi nemitoo iyi, anofanira kusunungurwa negore rejubheri, iye navana vake pamwechete naye. |
| 55. | Nokuti vana vaIsiraeri varanda vangu; varanda vangu vandakabudisa panyika yeljipiti; ndini Jehovha Mwari wenyu. |
| ← Leviticus (25/27) → |