Leviticus (25/27)  

1. Zvino Jehovha wakataura naMozisi pagomo reSinai, akati,
2. "Taura navana vaIsiraeri uti kwavari, `Kana muchisvika munyika yandichakupai, nyika inofanira kuitira Jehovha Sabata.
3. Unofanira kudzvara munda wako makore matanhatu, nokugurira mizambiringa yako makore matanhatu, nokuunganidza michero yayo.
4. Asi pagore rechinomwe nyika inofanira kuzorora kwazvo, rive Sabata kuna Jehovha; usadzvara munda wako, kana kugurira mizambiringa yako.
5. Magoko ako usaakohwa, namazambiringa omuzambiringa wako usina kugurirwa usaatanha; rinofanira kuva gore rokuzorora kwazvo kwenyika.'
6. Gohwo reSabata renyika ndizvo zvinofanira kuva zvokudya zvenyu; zvako nezvomuranda wako, nezvomurandakadzi wako, nezvomubatiri wako, nezvomutorwa wako ugere newe;
7. nezvezvipfuwo zvako, nezvemhuka dziri munyika yako; zvibereko zvazvo zvose zvinofanira kuva zvokudya zvazvo.
8. "Unofanira kuverengawo maSabata manomwe amakore, manomwe akaverengwa kanomwe; kuti mazuva amaSabata manomwe amakore aite kwauri makore makumi mana namapfumbamwe.
9. Zvino pazuva regumi romwedzi wechinomwe unofanira kuraira kuti hwamanda iridzwe kwazvo; pazuva rokuyananisira munofanira kuraira kuti hwamanda iridzwe panyika yenyu yose.
10. Munofanira kutsaura gore ramakumi mashanu, mugoparidza sununguko panyika yose kuna vose vageremo; rinofanira kuva gore rejubheri kwamuri; munofanira .kudzokera mumwe nomumwe kune zvake, munofanira kudzokera mumwe nomumwe kuhama dzake.
11. Gore irero ramakumi mashanu rinofanira kuva rejubheri kwamuri; kusadzvara, uye musakohwa naro magoko, uye musatanha naro mazambiringa emizambiringa isina kugurirwa.
12. Nokuti igore rejubheri; rinofanira kuva dzvene kwamuri; munofanira kudya zvibereko zvaro paminda.
13. Negore iri rejubheri munofanira kudzokera mumwe nomumwe kune zvake.
14. Zvino kana uchitengesera wokwako chinhu, kana kutenga chinhu kwaari, musamanikidzana.
15. Utenge kuno wokwako uchienzanisa namakore kubva pagore rejubheri, naiye unofanira kukutengesera achienzanisa namakore akasara okukohwa.
16. Unofanira kuwedzera mutengo wazvo uchienzanisa nokuwanda kwamakore, uye unofanira kutapudza mutengo uchienzanisa noushoma hwamakore; nokuti iye unokutengesera nguva dzokukohwa.
17. Musamanikidzana, asi utye Mwari wako; nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
18. "Naizvozvo munofanira kuita zvandakatema, nokuchengeta zvandakatonga, nokuzviita, kuti mugare munyika makachengeteka.
19. Nyika ichabereka zvibereko zvayo, imwi muchadya mukaguta, mukagaramo makachengeteka.
20. "Zvino kana mukati, `Tichadyei negore rechinomwe? Tarirai, hatifaniri kudzvara, hatifaniri kuunganidza zvibereko zvedu' ;
21. ipapo ndicharaira kuti mukomborerwe neni pagore rechitanhatu, kuti rikuberekerei zvibereko zvicharingana makore matatu.
22. Negore rorusere muchadzvara, muchidya zvibereko zvisharu, kusvikira gore repfumbamwe, kusvikira zvibereko zvaro zvichisvika, muchadya zvisharu.
23. "Nyika haifaniri kutengeswa chose nokusingaperi, nokuti nyika ndeyangu; nokuti muri vaeni navatorwa kwandiri.
24. Panyika yenyu yose munofanira kutendera kuti nyika idzikunurwe.
25. "Kana hama yako ikava murombo, ikatengesa zvimwe zvayo, ipapo hama yako yomumba inofanira kuuya kuzodzikunura izvo zvakatengeswa nehama yako.
26. Kana munhu akashaiwa unozvidzikunura, akazova mufumi, akawana zvinoringana kuzvidzikunura;
27. unofanira kuverenga makore kubva pakutengeswa kwazvo, agodzosera kuna iye waakatengana naye zvakasara, iye ndokudzokera kune zvake;
28. asi kana asingagoni kuzvidzikunura, izvo zvaakatengesa zvinofanira kugara kuna iye wakazvitenga kusvikira pagore rejubheri; zvino pagore rejubheri zvinofanira kusunungurwa, iye agodzokera kune zvake.
29. "Kana munhu akatengesa imba iri muguta rakakombwa namasvingo, ungaidzikunura gore rose raakatenga naro risati rapera; unofanira kuva nesimba rokuidzikunura gore rose.
30. Kana isingadzikunurwi gore rose rikapera, zvino imba iyo iri muguta rakakombwa namasvingo inofanira kusimbiswa kuti ndeyaiye wakaitenga nokusingaperi, nokumarudzi ake; haingasunungurwi negore rejubheri.
31. Asi dzimba dzemisha isina kukombwa namasvingo dzinofanira kuverengwa pamwechete neminda yenyika; dzingadzikunurwa, dzichasunungurwa pagore rejubheri.
32. Asi pamaguta avaRevhi, idzo dzimba pamaguta avo, vaRevhi vangadzidzikunura nguva ipi neipi.
33. Kana munhu akadzikunura kuva Revhi, imba yakatengeswa neguta rake zvinofanira kusunungurwa pagore rejubheri; nokuti dzimba mumaguta avaRevhi ndedzavo pakati pavana vaIsiraeri.
34. Asi minda yokuruwa rwamaguta avo haingatengeswi, nokuti ndeyavo nokusingaperi.
35. "Kana hama yako ikava murombo, akapera simba anewe, unofanira kumubatsira, agare newe somweni kana mutorwa.
36. Usatora mhindu yemari kwaari kana yezvibereko kwaari, asi unofanira kutya Mwari wako, kuti hama yako igare newe.
37. Usamupa mari yako uchireva mhindu, kana zvokudya zvako uchireva kuwedzerwa.
38. Ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai munyika yeljipiti, kuti ndikupei nyika yeKanani, ndive Mwari wenyu.
39. "Kana hama yako ikava murombo, agere newe, akazvitengesa kwauri, usamubatisa somusungwa;
40. ngaave somubatiri unopiwa mubayiro, kana somutorwa kwauri; ngaakubatire kusvikira pagore rejubheri.
41. Ipapo ngaabude hake kwauri, iye pamwechete navana vake, adzokere kuhama dzake, adzokere kuna madzibaba ake.
42. Nokuti ivo varanda vangu vandakabudisa munyika yeIjipiti; ngavarege kutengeswa, sezvinoitwa vasungwa.
43. Usamubata nehasha, asi utye Mwari wako.
44. Kana vari vasungwa vako, varume kana vakadzi, vauchazova navo mungazvitengera vasungwa, varume navakadzi, kumarudzi anokupoteredzai.
45. Mungatengawo kuvana vavatorwa vagere pakati penyu nokuvana vavo vari pakati penyu, vavakabereka panyika yenyu; ivo vangava venyu.
46. Muvaite nhaka yavana venyu vanokuteverai, kuti vave vavo; munofanira kutora vasungwa venyu kwavari nokuvana vaIsiraeri, mumwe ngaarege kubata mumwe nehasha.
47. "Kana mweni kana mutorwa akafuma agere newe, asi hama yako igere naye ikava murombo, akazvitengesa kumweni kana mutorwa uyo ugere newe, kana kumwana worudzi rwomweni uyo,
48. kana atengeswa, ungadzikunurwa; munun’una kana mukoma wake ungamudzikunura;
49. kana babamunini vake, kana mwanakomana wababamunini vake, ungamudzikunura, kana ani naani wehama dzake dzomumba make ungamudzikunura; kana iye akazova mufumi, ungazvidzikunura amene.
50. Zvino iye nomutengi wake vanofanira kuverenga makore kubva pagore raakazvitengesa naro kwaari kusvikira pagore rejubheri, mutengo waakazvitengesa nawo unofanira kuenzaniswa namakore; nguva yokugara kwake naye inofanira kuenzaniswa nenguva yomubatiri unopiwa mubayiro wake.
51. Kana makore mazhinji achinge asara, unofanira kudzosera mari yokudzikunurwa kwake yakaenzaniswa namakore iwayo, zvichibva pamari yaakanga atenga nayo.
52. Kana kuchinge kwasara makore mashoma kusvikira pagore rejubheri, unofanira kurangana naye; unofanira kudzosera mari yokudzikunurwa kwake zvichienzaniswa namakore ake.
53. Unofanira kugara naye gore rimwe nerimwe somubatiri unopiwa mubayiro wake; ngaarege kumubata nehasha pamberi pako.
54. Kana asingadzikunurwi nemitoo iyi, anofanira kusunungurwa negore rejubheri, iye navana vake pamwechete naye.
55. Nokuti vana vaIsiraeri varanda vangu; varanda vangu vandakabudisa panyika yeljipiti; ndini Jehovha Mwari wenyu.

  Leviticus (25/27)