Leviticus (23/27)  

1. Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
2. "Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, `Mitambo yakatarwa naJehovha, yamunofanira kuparidzira muchiti ndidzo ungano tsvene, ndiyo mitambo yangu yakatarwa.'
3. Mabasa ngaabatwe mazuva matanhatu; asi zuva rechinomwe iSabata rokuzorora kwazvo, iungano tsvene; musabata basa ripi neripi; iSabata raJehovha mudzimba dzenyu dzose.
4. "Ndiyo mitambo yaJehovha yakatarwa, ndidzo ungano tsvene, dzamunofanira kuparidzira nenguva dzakatarwa:
5. Nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namana romwedzi, madekwana, iPasika raJehovha.
6. Nezuva regumi namashanu romwedzi iwoyo ndiwo mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa; munofanira kudya chingwa chisina kuviriswa mazuva manomwe.
7. Nomusi wokutanga munofanira kuita ungano tsvene; musabata basa ravaranda.
8. Asi munofanira kupa Jehovha chipiriso chinopiswa mazuva manomwe; pazuva rechinomwe munofanira kuita ungano tsvene; musabata basa ravaranda."
9. Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
10. "Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, `Kana muchisvika munyika yandichakupai, mukakohwa zviyo zvayo, munofanira kuuya nechisote chezvitsva zvokukohwa kwenyu kumupirisiti,
11. iye anofanira kuzunguzira chisote icho pamberi paJehovha, kuti chigamuchirwe kwamuri; mupirisiti anofanira kuchizunguzira nomusi unotevera Sabata.
12. Nomusi wamunozunguzira chisote nawo, munofanira kuuya negwayana regondohwe risina kuremara, rine gore rimwe, chive chipiriso chinopisirwa Jehovha.
13. Nechipiriso chacho choupfu chinofanira kuva chezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso chinopisirwa Jehovha chinonhuwira zvakanaka; nechipiriso chacho chinodururwa chinofanira kuva chewaini chechina chehini.
14. Musadya chingwa, kana zviyo zvakakangiwa, kana hura itsva, kusvikira pamusi iwoyo, kusvikira mauya nechipo chaMwari wenyu; ndiwo mutemo usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose padzimba dzenyu dzose.'
15. "Zvino munofanira kuverenga kubva pamusi unotevera Sabata, kubva pamusi wamakauya nawo nechisote chinozunguzirwa, maSabata manomwe.
16. Munofanira kuverenga mazuva makumi mashanu kusvikira pamusi unotevera Sabata rechinomwe; ipapo munofanira kupa Jehovha chipiriso chitsva choupfu.
17. Munofanira kutora kudzimba dzenyu zvingwa zviviri zvinozunguzirwa zvezvegumi zviviri zveefa; zvinofanira kuva zvoupfu hwakatsetseka, zvibikwe nembiriso, kuti zvive zvitsva kuna Jehovha.
18. Pamwechete nezvingwa munofanira kuuya namakwayana manomwe asina kuremara, egore rimwe, nenzombe imwe duku, namakondohwe maviri; izvozvo zvinofanira kuva chibayiro chinopisirwa Jehovha, pamwechete nechipiriso chazvo choupfu nezvipiriso zvinodururwa, chive chipiriso chinopiswa chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
19. Uye munofanira kubayira nhongo imwe, chive chipiriso chezvivi, namakwayana maviri, mikono yegore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa.
20. mupirisiti anofanira kuzvizunguzira pamwechete nezvingwa zvitsva, chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha, pamwechete namakwayana maviri iwayo; zvinofanira kuva zvitsvene kuna Jehovha zviri zvomupirisiti.
21. Munofanira kuparidza nomusi iwoyo kuti muve neungano itsva; hamufaniri kubata mabasa avaranda; uve mutemo usingaperi padzimba dzenyu dzose kusvikira kumarudzi enyu ose.
22. Kana muchikohwa gohwo reminda yenyu, rega kukohwa kwazvo micheto yomunda wako, uye usaunganidza zvawira pasi pakukohwa kwako; unofanira kuzvisiyira varombo navaeni; ndini Jehovha Mwari wenyu."
23. Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
24. "Taura navana vaIsiraeri, uti, `Pamwedzi wechinomwe, zuva rokutanga romwedzi rinofanira kuva kwamuri zuva rokuzorora kwazvo, rinoyeudzwa nokuridzwa kwehwamanda, ive ungano tsvene.
25. Musabata naro mabasa ose avaranda; munofanira kuvigira Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto.' "
26. Jehovha wakataura naMozisi akati,
27. "Zuva regumi romwedzi uyu wechinomwe izuva rokuyananisira; munofanira kuita naro ungano tsvene, munofanira kuchema pamweya yenyu, nokuvigira Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto.
28. Nomusi uyo musabata basa ripi neripi, nokuti izuva rokuyananisirwa, kuti muyananisirwe pamberi paJehovha Mwari wenyu.
29. Nokuti ani naani usingachemi pamweya wake nomusi iwoyo, uchabviswa pakati porudzi rwake.
30. Nomunhu upi noupi unobata basa ripi neripi nomusi iwoyo, munhu uyo ndichamuparadza pakati porudzi rwake.
31. Musaita basa ripi neripi; mutemo usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose padzimba dzenyu dzose.
32. Rinofanira kuva kwamuri Sabata rokuzorora kwazvo, munofanira kuchema pamweya yenyu; munofanira kuchengeta Sabata renyu, nezuva repfumbamwe romwedzi madekwana, kubva pamadekwana kusvikira pamadekwanazve."
33. Jehovha wakataura naMozisi akati,
34. "Taura navana valsiraeri uti, `Nezuva regumi namashanu romwedzi uyu wechinomwe Jehovha anofanira kuitirwa mutambo womatumba mazuva manomwe.
35. Nomusi wokutanga kunofanira kuva neungano tsvene; musaita basa ripi neripi ravaranda.
36. Munofanira kuvigira Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto mazuva manomwe; nomusi worusere munofanira kuva neungano tsvene; muvigire Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto; izuva romutambo mukuru, musabata basa ripi neripi ravaranda.'
37. "Ndiyo mitambo yakatarwa yaJehovha, yamunofanira kuparidzira, muchiti iungano tsvene, kuti muvigire Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto, chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, nechibayiro, nezvipiriso zvinodururwa, chimwe nechimwe nezuva racho;
38. izvi ngazviitwe, kunze kwamaSabata aJehovha, nokunze kwezvipo zvenyu, nokunze kwemhiko dzenyu dzose, nokunze kwenhendo dzenyu dzose dzokuda kwenyu, dzamunopa Jehovha.
39. "Zvino pazuva regumi namashanu romwedzi wechinomwe, kana makohwa gohwa reminda, munofanira kuita mutambo waJehovha mazuva manomwe; zuva rokutanga rinofanira kuva rokuzorora kwazvo, nezuva rorusere rinofanira kuva rokuzorora kwazvo.
40. Pazuva rokutanga munofanira kutora michero yemiti yakanaka, namashizha emichindwe, namatavi emiti mikobvu, nemikonachando yomurukova; munofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wenyu mazuva manomwe.
41. Munofanira kuitira Jehovha mutambo mazuva manomwe gore rimwe nerimwe; uve mutemo usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose; munofanira kuuita nomwedzi wechinomwe.
42. Munofanira kugara mumatumba mazuva manomwe; vose vakaberekerwa munyika pakati pavaIsiraeri vanofanira kugara mumatumba.
43. Kuti marudzi enyu azive, kuti ndakagarisa vana valsiraeri mumatumba, nguva yandakavabudisa munyika yeIjipiti; ndini Jehovha Mwari wenyu."
44. Ipapo Mozisi wakarondedzera kuvana vaIsiraeri mitambo yakatarwa naJehovha.

  Leviticus (23/27)