Leviticus (21/27)  

1. Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Taura navapirisiti, vanakomana vaAroni, uti kwavari, `mupirisiti ngaarege kuzvisvibisa kuna vakafa pakati porudzi rwake;
2. asi kuhama yake yomumba, kana mai vake, kana baba vake, kana mwanakomana wake, kana mwanasikana wake, kana munun’una wake;
3. kana hanzvadzi yake ichiri mhandara, hama yomumba, usina kumbova nomurume; ungazvisvibisa kwaari.'
4. Ngaarege kuzvisvibisa, zvaari mukuru pakati pehama dzake, kuti azvishatise.
5. "Havafaniri kuveura misoro yavo, vachiita mhazha, kana kuveura rutivi rumwe rwendebvu dzavo, kana kutema nyora pamiviri yavo.
6. Vanofanira kuva vatsvene kuna Mwari wavo, varege kumhura zita raMwari wavo; nokuti ndivo vanouya nezvipiriso zvaJehovha zvinopiswa, zvokudya zvaMwari wavo; naizvozvo ngavave vatsvene.
7. Havafaniri kutora mukadzi chifeve, kana wakachinyiwa; ngavarege kutora mukadzi wakarambwa nomurume wake, nokuti mutsvene kuna Mwari wake.
8. Naizvozvo unofanira iwe kumutsaura, nokuti ndiye unouya nezvokudya zvaMwari wako; anofanira kuva mutsvene kwauri, nokuti ini Jehovha ndinokutsaurai, ndiri mutsvene.
9. Kana mwanasikana womupirisiti upi noupi achizvishatisa nokupata, unoshatisa baba vake; anofanira kupiswa nomoto.
10. "Munhu, ari mupirisiti mukuru pakati pehama dzake, wakadirwa mafuta echizoro pamusoro wake, wakatsaurwa kuti afuke nguvo dzomupirisiti mukuru, ngaarege kusunungura vhudzi romusoro wake, kana kubvarura nguvo dzake.
11. Ngaarege kusvika pachitunha, kana kuzvisvibisa kuna baba vake kana mai vake;
12. ngaarege kubuda panzvimbo tsvene, kana kushatisa nzvimbo tsvene yaMwari wake, nokuti mafuta okugadza aMwari wake ari pamusoro pake; ndini Jehovha.
13. Ngaazvitorere mukadzi ichiri mhandara.
14. Ngaarege kutora chirikadzi, kana wakarambwa nomurume wake, kana wakachinyiwa, kana chifeve, asi ngaatore mukadzi ichiri mhandara pakati porudzi rwake.
15. Ngaarege kushatisa vana vake pakati porudzi rwake; nokuti ndini Jehovha ndinomutsaura."
16. zvino Jehovha wakataura naMozisi, akati,
17. "Taura naAroni, uti, `Ani naani wakaremara pakati pavana vako pamarudzi avo ose, ngaarege kuswedera kuuya nezvokudya zvaMwari wake.'
18. Nokuti munhu upi noupi wakaremara ngaarege kuswedera kana riri bofu, kana unokamhina, kana wakaremara pachiso, kana uno mutezo wakarebesa,
19. kana munhu ano rutsoka rwakavhunika, kana ruoko rwakavhunika,
20. kana ano musana wakakombama, kana wakawonda kwazvo, kana uno ruvara paziso rake, kana ane mhizi, kana ane pakafunuka, kana wakaremara pamberi;
21. munhu upi noupi worudzi rwomupirisiti Aroni wakaremara haafaniri kuswedera kuuya nezvipiriso zvinopiswa zvaJehovha; wakaremara, haafaniri kuswedera kuuya nezvokudya zvaMwari wake.
22. Ungadya hake zvokudya zvaMwari wake, zvitsvene zvikuru nezvitsvene zvose.
23. Asi haafaniri kupinda mukati mechidzitiro, kana kuswedera kuaritari nokuti wakaremara; kuti arege kushatisa nzvimbo dzangu tsvene; nokuti ndini Jehovha ndinovatsaura."
24. Mozisi akataura saizvozvo naAroni navanakomana vake navana vaIsiraeri vose.

  Leviticus (21/27)