← Leviticus (20/27) → |
1. | Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati, |
2. | "Uyezve, uti kuvana vaIsiraeri, `Ani naani pakati pavana vaIsiraeri, kana pavatorwa vagere pakati pavaIsiraeri, unopa Moreki vana vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa; vanhu venyika vanofanira kumutaka namabwe. |
3. | Neniwo ndichananaidza munhu uyo, ndichamubvisa pakati porudzi rwake; nokuti wakapa Moreki vamwe pakati pavana vake, kuti asvibise imba yangu tsvene, nokumhura zita rangu dzvene.' |
4. | Kana vanhu vakaita savasingaoni munhu uyo, kana achipa Moreki vamwe pakati pavana vake, vakasamuuraya; |
5. | ipapo ini ndichananaidza munhu uyo nemhuri yake, ndimubvise pakati porudzi rwake, iye navose vanomutevera pakupata naMoreki. |
6. | "Munhu unotsaukira kumasvikiro navavuki kuvatevera pakupata, ndichananaidza munhu uyo, ndimubvise pakati porudzi rwake. |
7. | Naizvozvo zvitsaurei, muve vatsvene; nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu. |
8. | Munofanira kuchengeta mitemo yangu, nokuiita; ndini Jehovha unokutsaurai. |
9. | "Nokuti mumwe nomumwe unotuka baba vake, kana mai vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa; munhu wakatuka baba vake kana mai vake, mhosva yeropa rake ichava pamusoro pake. |
10. | "Munhu unoita upombwe nomukadzi womumwe, iye unoita upombwe nomukadzi wowokwake, zvirokwazvo mhombwe nechifeve vose vachaurawa. |
11. | Munhu unovata nomukadzi wababa vake, wafukura baba vake, zvirokwazvo vose vari vaviri vanofanira kuurawa; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo. |
12. | Kana munhu akavata nomukadzi womwanakomana wake, zvirokwazvo vose vari vaviri vanofanira kuurawa; vakaita zvinonyangadza kwazvo; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo. |
13. | Kana munhu akavata nomurume sezvinoitwa nomukadzi, zvirokwazvo vose vari vaviri vakaita zvinonyangadza, vose vanofanira kuurawa; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo. |
14. | Kana munhu akatora mukadzi pamwechete namai vake, zvakaipa; vanofanira kupiswa nomoto vose, iye naivo; kuti kurege kuva nezvakaipa pakati penyu. |
15. | Kana munhu akavata nechipfuwo, zvirokwazvo anofanira kuurawa; nechipfuwowo munofanira kuchiuraya. |
16. | Kana mukadz akaswedera kuchipfuwo chipi nechipi kuti avate pamberi pacho, munofanira kuuraya mukadzi nechipfuwo; zvirokwazvo zvinofanira kuurawa; mhosva yeropa razvo ichava pamusoro pazvo. |
17. | Kana munhu akatora hanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake, kana mwanasikana wamai vake, akamufukura, naiyewo akamufukura, chinhu chinyonyadza; vachabviswa pamberi pavana vorudzi rwavo; wafukura hanzvadzi yake, iye uchava nemhosva yake. |
18. | Kana munhu akavata nomukadzi panguva yokuva kumwedzi kwake, akamufukura, wafukura tsime rake, naiye wafukura tsime reropa rake; ivo vaviri vose vanofanira kubviswa pakati porudzi rwavo. |
19. | "Usafukura mainini vako, kana vatete vako, nokuti wafukura hama yako yomumba; vachava nemhosva yavo. |
20. | Kana munhu akavata nomukadzi wababamunini vake, wafukura babamunini vake; vachava nezvivi zvavo; vachafa vasina vana. |
21. | Kana munhu akatora mukadzi womunun’una wake, chinhu chine tsvina; wafukura munun’una wake; vachashaiwa vana. |
22. | "Naizvozvo chengetai mitemo yangu yose, nezvose zvandakatonga, kuti muzviite; kuti nyika yandinozokuisai kwairi, kuti mugaremo, irege kukurutsai. |
23. | Musafamba netsika dzorudzi rwavanhu vandichadzinga pamberi penyu; nokuti ivo vakaita izvozvo zvose, naizvozvo ndakavasema. |
24. | Asi ndakakuudzai imwi, ndikati, `Muchagara nhaka yenyika yavo, ndichakupai iyo ive yenyu; inyika inoyerera mukaka nouchi; ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakutsaurai pakati pedzimwe ndudzi. |
25. | Naizvozvo tsaurai zvipfuwo zvakanaka pane zvakaipa, neshiri dzakaipa pane dzakanaka; kuti murege kuva vanhu vanonyangadza nezvipfuwo, kana neshiri, kana nechinhu chipi nechipi chinokambaira panyika chandakatsaura kwamuri ndichiti, hazvina kunaka.' |
26. | Munofanira kuva vatsvene kwandiri; nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene, ndakakutsaurai pakati pedzimwe ndudzi, kuti muve vangu. |
27. | "Murume kana mukadzi unosvikirwa, kana uri muuki, zvirokwazvo anofanira kuurawa; vanofanira kutakwa namabwe; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo." |
← Leviticus (20/27) → |