Leviticus (20/27)  

1. Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
2. "Uyezve, uti kuvana vaIsiraeri, `Ani naani pakati pavana vaIsiraeri, kana pavatorwa vagere pakati pavaIsiraeri, unopa Moreki vana vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa; vanhu venyika vanofanira kumutaka namabwe.
3. Neniwo ndichananaidza munhu uyo, ndichamubvisa pakati porudzi rwake; nokuti wakapa Moreki vamwe pakati pavana vake, kuti asvibise imba yangu tsvene, nokumhura zita rangu dzvene.'
4. Kana vanhu vakaita savasingaoni munhu uyo, kana achipa Moreki vamwe pakati pavana vake, vakasamuuraya;
5. ipapo ini ndichananaidza munhu uyo nemhuri yake, ndimubvise pakati porudzi rwake, iye navose vanomutevera pakupata naMoreki.
6. "Munhu unotsaukira kumasvikiro navavuki kuvatevera pakupata, ndichananaidza munhu uyo, ndimubvise pakati porudzi rwake.
7. Naizvozvo zvitsaurei, muve vatsvene; nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
8. Munofanira kuchengeta mitemo yangu, nokuiita; ndini Jehovha unokutsaurai.
9. "Nokuti mumwe nomumwe unotuka baba vake, kana mai vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa; munhu wakatuka baba vake kana mai vake, mhosva yeropa rake ichava pamusoro pake.
10. "Munhu unoita upombwe nomukadzi womumwe, iye unoita upombwe nomukadzi wowokwake, zvirokwazvo mhombwe nechifeve vose vachaurawa.
11. Munhu unovata nomukadzi wababa vake, wafukura baba vake, zvirokwazvo vose vari vaviri vanofanira kuurawa; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.
12. Kana munhu akavata nomukadzi womwanakomana wake, zvirokwazvo vose vari vaviri vanofanira kuurawa; vakaita zvinonyangadza kwazvo; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.
13. Kana munhu akavata nomurume sezvinoitwa nomukadzi, zvirokwazvo vose vari vaviri vakaita zvinonyangadza, vose vanofanira kuurawa; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.
14. Kana munhu akatora mukadzi pamwechete namai vake, zvakaipa; vanofanira kupiswa nomoto vose, iye naivo; kuti kurege kuva nezvakaipa pakati penyu.
15. Kana munhu akavata nechipfuwo, zvirokwazvo anofanira kuurawa; nechipfuwowo munofanira kuchiuraya.
16. Kana mukadz akaswedera kuchipfuwo chipi nechipi kuti avate pamberi pacho, munofanira kuuraya mukadzi nechipfuwo; zvirokwazvo zvinofanira kuurawa; mhosva yeropa razvo ichava pamusoro pazvo.
17. Kana munhu akatora hanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake, kana mwanasikana wamai vake, akamufukura, naiyewo akamufukura, chinhu chinyonyadza; vachabviswa pamberi pavana vorudzi rwavo; wafukura hanzvadzi yake, iye uchava nemhosva yake.
18. Kana munhu akavata nomukadzi panguva yokuva kumwedzi kwake, akamufukura, wafukura tsime rake, naiye wafukura tsime reropa rake; ivo vaviri vose vanofanira kubviswa pakati porudzi rwavo.
19. "Usafukura mainini vako, kana vatete vako, nokuti wafukura hama yako yomumba; vachava nemhosva yavo.
20. Kana munhu akavata nomukadzi wababamunini vake, wafukura babamunini vake; vachava nezvivi zvavo; vachafa vasina vana.
21. Kana munhu akatora mukadzi womunun’una wake, chinhu chine tsvina; wafukura munun’una wake; vachashaiwa vana.
22. "Naizvozvo chengetai mitemo yangu yose, nezvose zvandakatonga, kuti muzviite; kuti nyika yandinozokuisai kwairi, kuti mugaremo, irege kukurutsai.
23. Musafamba netsika dzorudzi rwavanhu vandichadzinga pamberi penyu; nokuti ivo vakaita izvozvo zvose, naizvozvo ndakavasema.
24. Asi ndakakuudzai imwi, ndikati, `Muchagara nhaka yenyika yavo, ndichakupai iyo ive yenyu; inyika inoyerera mukaka nouchi; ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakutsaurai pakati pedzimwe ndudzi.
25. Naizvozvo tsaurai zvipfuwo zvakanaka pane zvakaipa, neshiri dzakaipa pane dzakanaka; kuti murege kuva vanhu vanonyangadza nezvipfuwo, kana neshiri, kana nechinhu chipi nechipi chinokambaira panyika chandakatsaura kwamuri ndichiti, hazvina kunaka.'
26. Munofanira kuva vatsvene kwandiri; nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene, ndakakutsaurai pakati pedzimwe ndudzi, kuti muve vangu.
27. "Murume kana mukadzi unosvikirwa, kana uri muuki, zvirokwazvo anofanira kuurawa; vanofanira kutakwa namabwe; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo."

  Leviticus (20/27)