Leviticus (19/27)  

1. Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
2. "Taura neungano yose yavana vaIsiraeri, uti kwavari, `Ivai vatsvene, nokuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene.
3. Mumwe nomumwe wenyu anofanira kutya mai vake nababa vake, uye munofanira kuchengeta maSabata angu; ndini Jehovha Mwari wenyu.
4. " `Musava nehanya nezvifananidzo, kana kuzviitira vamwari vakaumbwa; ndini Jehovha Mwari wenyu.
5. " `Kana muchipa Jehovha chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa, munofanira kuchipa kuti mugamuchirwe.
6. Chinofanira kudyiwa nomusi wamunochipa nawo, uye nomusi unotevera; kana zvimwe zvikasara kusvikira pazuva retatu, zvinofanira kupiswa nomoto.
7. Kana chikatongodyiwa nezuva retatu, zvinonyangadza; hachigamuchirwi.
8. Asi mumwe nomumwe unochidya, uchava nemhosva, nokuti wamhura chinhu chitsvene chaJehovha; munhu uyu anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.'
9. "Kana muchikohwa gohwo reminda yenyu, rega kukohwa micheto yomunda wako, uye usaunganidza zvawira pasi pakukohwa kwako.
10. Usakohwa zvose pamunda wako wemizambiringa, uye usaunganidza michero yawira pasi yomunda wako wemizambiringa; unofanira kuzvisiyira varombo navaeni; ndini Jehovha Mwari wenyu.
11. "Musaba, musanyengera, musareverana nhema.
12. Musapika nhema nezita rangu, kuti usamhura zita raMwari wako; ndini Jehovha.
13. "Usamanikidza wokwako, kana kumutorera; haufaniri kugara usiku hwose kusvikira mangwana nomubayiro womuranda unokubatira.
14. Usatuka matsi, kana kupinganidza bofu, asi unofanira kutya Mwari wako; ndini Jehovha.
15. "Musaita zvisakarurama pakutonga; usatsaura murombo, kana kukudza une simba; asi unofanira kutonga wokwako nokururama.
16. Usafamba-famba pakati pavanhu vokwako, uchivachera; usapupurira ropa rowokwako; ndini Jehovha.
17. "Usavenga hama yako mumoyo mako; unofanira kuraira wokwako kwazvo, kuti urege kuva nezvivi nokuda kwake.
18. Usatsiva, kana kugara wakatsamwira vana vavanhu vokwako, asi unofanira kuda wokwako sezvaunozvida iwe; ndini Jehovha.
19. "Chengetai mitemo yangu. Usaberekesa zvipfuwo zvako norumwe rudzi; usadzvara mbeu dzamarudzi maviri mumunda mako; usafuka nguvo yakarukwa nezvinhu zvamarudzi maviri.
20. Ani naani unovata nomukadzi ari murandakadzi, wakanyengwa nomurume, asina kudzikunurwa kwazvo, kana kusunungurwa, vanofanira kurohwa; asi havafaniri kuurawa, nokuti wakanga asina kusunungurwa.
21. Ngaauye nechipiriso chemhosva kuna Jehovha pamukova wetende rokusangana, rive gondohwe rechipiriso chemhosva.
22. Zvino mupirisiti anofanira kumuyananisira negondohwe rechipiriso chemhosva pamberi paJehovha pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza; ipapo uchakanganwirwa zvivi zvake zvaakatadza.
23. "Kana muchisvika munyika, mukasima miti yamarudzi ose anodyiwa, munofanira kuti michero yayo yakaita seisina kudzingiswa; makore matatu ichava kwamuri seisina kudzingiswa; haifaniri kudyiwa.
24. Asi negore rechina michero yayo yose ichava mitsvene, kuti murumbidze Jehovha nazvo.
25. Negore rechishanu mungadya michero yayo; ndini Jehovha Mwari wenyu.
26. Musadya chinhu chine ropa racho; musaita mazango, kana kutenda mashura.
27. Musaveura misoro yenyu muchiita matendeure, uye musashatisa nhivi dzendebvu dzenyu.
28. Musazvicheka miviri yenyu nokuda kwavakafa, kana kuzvitema nyora; ndini Jehovha.
29. "Usaisa mwanasikana wako, uchimuita chifeve; kuti nyika irege kupata, nyika izare nezvakaipa.
30. Chengetai maSabata angu, nokutya imba yangu tsvene; ndini Jehovha.
31. "Musava nehanya namasvikiro, kana musvibiswe navo; ndini Jehovha Mwari wenyu.
32. "Unofanira kusimukira wachena vhudzi, nokukudza mutana, uye utye Mwari wako; ndini Jehovha.
33. "Kana mutorwa agere newe panyika yenyu, usamuitira zvakaipa.
34. Mutorwa ugere nemi ngaave kwamuri somunhu wakaberekerwa pakati penyu, unofanira kumuda sezvaunozvida iwe, nokuti nemiwo makanga muri vatorwa munyika yeIjipiti; ndini Jehovha Mwari wenyu.
35. "Musaita zvisina kururama pakutonga, kana pakuyera nechitanda, kana pakuyera kurema, kana pachiyero.
36. Ivai nezviyero zvakarurama, nezvokuenzanisa nazvo zvakarurama, neefa yakarurama, nehini yakarurama; ndini Jehovha Mwari wenyu wakakubudisai munyikayeIjipiti
37. Chengetai mitemo yangu yose, nezvandakatonga zvose, kuti muzviite; ndini Jehovha."

  Leviticus (19/27)