| ← Leviticus (19/27) → |
| 1. | Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati, |
| 2. | "Taura neungano yose yavana vaIsiraeri, uti kwavari, `Ivai vatsvene, nokuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene. |
| 3. | Mumwe nomumwe wenyu anofanira kutya mai vake nababa vake, uye munofanira kuchengeta maSabata angu; ndini Jehovha Mwari wenyu. |
| 4. | " `Musava nehanya nezvifananidzo, kana kuzviitira vamwari vakaumbwa; ndini Jehovha Mwari wenyu. |
| 5. | " `Kana muchipa Jehovha chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa, munofanira kuchipa kuti mugamuchirwe. |
| 6. | Chinofanira kudyiwa nomusi wamunochipa nawo, uye nomusi unotevera; kana zvimwe zvikasara kusvikira pazuva retatu, zvinofanira kupiswa nomoto. |
| 7. | Kana chikatongodyiwa nezuva retatu, zvinonyangadza; hachigamuchirwi. |
| 8. | Asi mumwe nomumwe unochidya, uchava nemhosva, nokuti wamhura chinhu chitsvene chaJehovha; munhu uyu anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.' |
| 9. | "Kana muchikohwa gohwo reminda yenyu, rega kukohwa micheto yomunda wako, uye usaunganidza zvawira pasi pakukohwa kwako. |
| 10. | Usakohwa zvose pamunda wako wemizambiringa, uye usaunganidza michero yawira pasi yomunda wako wemizambiringa; unofanira kuzvisiyira varombo navaeni; ndini Jehovha Mwari wenyu. |
| 11. | "Musaba, musanyengera, musareverana nhema. |
| 12. | Musapika nhema nezita rangu, kuti usamhura zita raMwari wako; ndini Jehovha. |
| 13. | "Usamanikidza wokwako, kana kumutorera; haufaniri kugara usiku hwose kusvikira mangwana nomubayiro womuranda unokubatira. |
| 14. | Usatuka matsi, kana kupinganidza bofu, asi unofanira kutya Mwari wako; ndini Jehovha. |
| 15. | "Musaita zvisakarurama pakutonga; usatsaura murombo, kana kukudza une simba; asi unofanira kutonga wokwako nokururama. |
| 16. | Usafamba-famba pakati pavanhu vokwako, uchivachera; usapupurira ropa rowokwako; ndini Jehovha. |
| 17. | "Usavenga hama yako mumoyo mako; unofanira kuraira wokwako kwazvo, kuti urege kuva nezvivi nokuda kwake. |
| 18. | Usatsiva, kana kugara wakatsamwira vana vavanhu vokwako, asi unofanira kuda wokwako sezvaunozvida iwe; ndini Jehovha. |
| 19. | "Chengetai mitemo yangu. Usaberekesa zvipfuwo zvako norumwe rudzi; usadzvara mbeu dzamarudzi maviri mumunda mako; usafuka nguvo yakarukwa nezvinhu zvamarudzi maviri. |
| 20. | Ani naani unovata nomukadzi ari murandakadzi, wakanyengwa nomurume, asina kudzikunurwa kwazvo, kana kusunungurwa, vanofanira kurohwa; asi havafaniri kuurawa, nokuti wakanga asina kusunungurwa. |
| 21. | Ngaauye nechipiriso chemhosva kuna Jehovha pamukova wetende rokusangana, rive gondohwe rechipiriso chemhosva. |
| 22. | Zvino mupirisiti anofanira kumuyananisira negondohwe rechipiriso chemhosva pamberi paJehovha pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza; ipapo uchakanganwirwa zvivi zvake zvaakatadza. |
| 23. | "Kana muchisvika munyika, mukasima miti yamarudzi ose anodyiwa, munofanira kuti michero yayo yakaita seisina kudzingiswa; makore matatu ichava kwamuri seisina kudzingiswa; haifaniri kudyiwa. |
| 24. | Asi negore rechina michero yayo yose ichava mitsvene, kuti murumbidze Jehovha nazvo. |
| 25. | Negore rechishanu mungadya michero yayo; ndini Jehovha Mwari wenyu. |
| 26. | Musadya chinhu chine ropa racho; musaita mazango, kana kutenda mashura. |
| 27. | Musaveura misoro yenyu muchiita matendeure, uye musashatisa nhivi dzendebvu dzenyu. |
| 28. | Musazvicheka miviri yenyu nokuda kwavakafa, kana kuzvitema nyora; ndini Jehovha. |
| 29. | "Usaisa mwanasikana wako, uchimuita chifeve; kuti nyika irege kupata, nyika izare nezvakaipa. |
| 30. | Chengetai maSabata angu, nokutya imba yangu tsvene; ndini Jehovha. |
| 31. | "Musava nehanya namasvikiro, kana musvibiswe navo; ndini Jehovha Mwari wenyu. |
| 32. | "Unofanira kusimukira wachena vhudzi, nokukudza mutana, uye utye Mwari wako; ndini Jehovha. |
| 33. | "Kana mutorwa agere newe panyika yenyu, usamuitira zvakaipa. |
| 34. | Mutorwa ugere nemi ngaave kwamuri somunhu wakaberekerwa pakati penyu, unofanira kumuda sezvaunozvida iwe, nokuti nemiwo makanga muri vatorwa munyika yeIjipiti; ndini Jehovha Mwari wenyu. |
| 35. | "Musaita zvisina kururama pakutonga, kana pakuyera nechitanda, kana pakuyera kurema, kana pachiyero. |
| 36. | Ivai nezviyero zvakarurama, nezvokuenzanisa nazvo zvakarurama, neefa yakarurama, nehini yakarurama; ndini Jehovha Mwari wenyu wakakubudisai munyikayeIjipiti |
| 37. | Chengetai mitemo yangu yose, nezvandakatonga zvose, kuti muzviite; ndini Jehovha." |
| ← Leviticus (19/27) → |