| ← Leviticus (18/27) → |
| 1. | Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati, |
| 2. | "Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, `Ndini Jehovha, Mwari wenyu. |
| 3. | Regai kuita sezvakanga zvichiitwa panyika yeIjipiti mamakanga mugere, uye regai kuita sezvinoitwa panyika yeKanani, kwandichazokuisai; musafamba netsika dzavo. |
| 4. | Itai zvandakatonga ini, chengetai zvirevo zvangu, kuti mufambe mazviri; ndini Jehovha, Mwari wenyu.' |
| 5. | Naizvozvo chengetai zvirevo zvangu, nezvandakatonga; kana munhu akazviita uchararama nazvo; ndini Jehovha. |
| 6. | "Ngakurege kuva nomunhu unoswedera kuhama yake yomumba, kuti amufukure, ndini Jehovha. |
| 7. | Usafukura baba vako, namai vako; ndimai vako, usavafukura. |
| 8. | Usafukura mukadzi wababa vako; ndiko kufukura baba vako. |
| 9. | Usafukura hanzvadzi yako, mwanasikana wababa vako, kana mwanasikana wamai vako, kana vakaberekerwa mumusha kana vakaberekerwa kumwe. |
| 10. | Usafukura mwanasikana womwanakomana wako, kana mwanasikana womwanasikana wako; nokuti kufukurwa kwavo ndiko kwako. |
| 11. | Usafukura mwanasikana womukadzi wababa vako, wakaberekwa nababa vako, ihanzvadzi yako. |
| 12. | Usafukura vatete vako; ihama yomumba mababa vako. |
| 13. | Usafukura mainini vako, nokuti ihama yomumba mamai vako. |
| 14. | Usafukura babamunini vako, usaswedera kumukadzi wake, ndimainini vako. |
| 15. | Usafukura mukadzi womwanakomana wako, ndimukadzi womwanakomana wako; usamufukura. |
| 16. | Usafukura mukadzi womunun’una wako, ndiko kufukurwa kwomwanakomana wako. |
| 17. | Usafukura mukadzi pamwechete nomwanasikana wake; usatora mwanasikana womwanakomana wake, kuti umufukure; ihama dzomumba; zvakashata. |
| 18. | Usatora mukadzi pamwechete nomunun’una wake, arwidzane naye, kuti umufukure pamwechete nomumwe achiri mupenyu. |
| 19. | "Usaswedera kumukadzi kuti umufukure, achakaipa nokuva kumwedzi kwake. |
| 20. | Usavata nomukadzi wowokwako, kuti uzvisvibise naye. |
| 21. | Usapa mumwe wavana vako kuti apinde mumoto kuna Moreki, uye usamhura zita raMwari wako; ndini Jehovha. |
| 22. | Usavata nomurume sezvinovatwa nomukadzi; zvinonyangadza. |
| 23. | Usavata nechipfuwo chipi nechipi kuti uzvisvibise nacho; nomukadzi ngaarege kumira pamberi pechipfuwo kuti akwirwe nacho; zvinonyangadza kwazvo. |
| 24. | "Regai kuzvisvibisa kune chinhu chimwe chaizvozvi; nokuti vahedheni vakasvibiswa nezvinhu izvi zvose, ivo vandakadzinga pamberi penyu; |
| 25. | nenyika yakasvibiswa; naizvozvo ndinoirova pamusoro pezvakaipa zvayo, nyika irutse vanhu vageremo. |
| 26. | Naizvozvo imwi chengetai mitemo yangu nezvandakatonga, kuti murege kuita chinhu chimwe chaizvozvo zvinonyangadza; kana ari wakaberekerwa munyika yenyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu. |
| 27. | (Nokuti vanhu venyika ino, vakakutangirai, vakaita zvinhu izvi zvose zvinonyangadza, nyika ikasvibiswa;) |
| 28. | kuti nyika irege kukurutsaiwo, kana muchiisvibisa, sezvayakarutsa vanhu vakakutangirai. |
| 29. | Nokuti ani naani unoita chinhu chimwe chaizvozvi zvinonyangadza, vanhu vanozviita vachabviswa pakati porudzi rwavo. |
| 30. | Naizvozvo chengetai zvandakakurairai, kuti murege kuita tsika idzo dzose dzinonyangadza, dzaiitwa musati mavapo, kuti murege kuzvisvibisa nazvo; ndini Jehovha Mwari wenyu." |
| ← Leviticus (18/27) → |