| ← Leviticus (17/27) → | 
| 1. | Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati, | 
| 2. | "Taura naAroni navanakomana vake navana vaIsiraeri vose, uti kwavari, `Ndiro shoko rakarairwa naJehovha: | 
| 3. | Munhu upi noupi kuna veimba yaIsiraeri unouraya nzombe, kana gwayana, kana mbudzi, mukati memisasa, kana unozviuraya kunze kwemisasa, | 
| 4. | asina kuzviisa pamukova wetende rokusangana, kuzviisa pamberi petabhenakeri yaJehovha kuti chive chipo kuna Jehovha, munhu uyu anofanira kubviswa pakati porudzi rwake; | 
| 5. | kuti vana vaIsiraeri vauye nezvibayiro zvavo zvavanobayira kusango, vauye nazvo kuna Jehovha kumukova wetende rokusangana kumupirisiti, kuti vazvibayire Jehovha, zvive zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisira.' | 
| 6. | Zvino mupirisiti ngaasase ropa razvo paaritari yaJehovha, pamukova wetende rokusangana; apisewo mafuta, kuti zvinhuwire zvakanaka pamberi paJehovha. | 
| 7. | Havafaniri kuzobayira nhongo zvibayiro zvavo, idzo dzavaitevera pakupata kwavo. Uyo unofanira kuva murayiro usingaperi kwavari kusvikira kumarudzi avo ose. | 
| 8. | "Iwe unofanira kuti kwavari, `Munhu upi noupi waveimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere pakati pavo, unopisira chipiriso chinopiswa kana chimwe chibayiro, | 
| 9. | asingauyi nacho kumukova wetende rokusangana, kuti achibayire Jehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.' | 
| 10. | "Munhu upi noupi waveimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere pakati pavo, unodya ropa ripi neripi, ndichatonga munhu uyo unodya ropa, ndimubvise pakati porudzi rwake. | 
| 11. | Nokuti upenyu hwenyama huri muropa; ndakakupai iro paaritari, kuti riyananisire mweya yenyu; nokuti iropa rinoyananisira nokuda kwoupenyu hurimo. | 
| 12. | Naizvozvo ndakati kuvana vaIsiraeri, `Kurege kuva nomumwe wenyu uchadya ropa, kana mutorwa upi noupi ugere pakati penyu, ngaarege kudya ropa.' | 
| 13. | "Munhu upi noupi kuvana vaIsiraeri, kana kuvatorwa vagere pakati pavo, wakabata pakuvhima kwake mhuka ipi neipi kana shiri inodyiwa, anofanira kudurura ropa rayo, ndokurifukidza neguruva. | 
| 14. | Nokuti kana huri upenyu hwenyama yose, ropa razvo ndihwo upenyu hwazvo, naizvozvo ndakati kuvana vaIsiraeri, `Regai kudya ropa razvo; ani naani unoridya anofanira kubviswa: | 
| 15. | "Munhu upi noupi unodya chinhu chakangofa choga, kana chakaurawa nezvikara, kana ari munhu wakaberekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa, anofanira kusuka nguvo dzake, nokuzvishambidza nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko; ipapo uchazova wakanaka. | 
| 16. | Asi kana asingadzisuki, kana kushambidza muviri wake, uchafanira' kuva nemhosva yake." | 
| ← Leviticus (17/27) → |