Leviticus (14/27)  

1. Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
2. "Ndiwo murayiro womunhu una maperembudzi nomusi wokunatswa kwake: Unofanira kuiswa kumupirisiti;
3. zvino mupirisiti anofanira kubuda kunze kwemisasa, mupirisiti ugocherekedza munhu uyu; kana akaona kuti hosha yamaperembudzi yapora hayo kumunhu una maperembudzi;
4. mupirisiti anofanira kuraira kuti unoda kunatswa atorerwe shiri mbiri mhenyu dzakanaka, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi.
5. Zvino mupirisiti araire kuti shiri imwe iurawe muhari yevhu, pamusoro pemvura inoyerera.
6. Zvino anofanira kutora shiri mhenyu, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi, ndokuzvinyika pamwechete neshiri mhenyu muropa reshiri yakaurawa pamusoro pemvura inoyerera.
7. Zvino anofanira kurisasa kanomwe pamusoro pomunhu unoda kunatswa pamaperembudzi ake, ndokureva kuti wakanaka; ipapo woregedza shiri mhenyu, iende hayo kusango.
8. Zvino munhu unoda kunatswa anofanira kusuka nguvo dzake, nokuveura vhudzi rake rose, ndokushamba mumvura, agova wakanaka; pashure anofanira kupinda mukati memisasa, asi ngaagare kunze kwetende mazuva manomwe.
9. Nomusi wechinomwe anofanira kuveura vhudzi rake rose romusoro wake, nendebvu dzake, netsiye dzake, aveure vhudzi rake rose; zvino ngaasuke nguvo dzake, ndokushamba muviri wake, agova wakanaka.
10. Nomusi worusere anofanira kutora makwayana maviri amakondohwe, asina mhosva, negwayana rimwe resheche rine gore rimwe, risina mhosva, nezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, nerogi imwe yamafuta.
11. "Zvino mupirisiti, unomunatsa, anofanira kuisa munhu unoda kunatswa pamberi paJehovha, pamwechete nezvinhu izvi, pamukova wetende rokusangana;
12. mupirisiti ndokutora rimwe ramakwayana amakondohwe, ndokuribayira, chive chipiriso chemhosva, nerogi yamafuta, agozvizunguzira, chive chipiriso chokuzunguzira pamberi paJehovha;
13. zvino anofanira kuuraya gwayana regondohwe pavanourayira chipiriso chezvivi nechipiriso chinopiswa panzvimbo tsvene; nokuti chipiriso chemhosva ndechomupirisiti sechipiriso chezvivi; chitsvene kwazvo.
14. Ipapo mupirisiti anofanira kutora rimwe ropa rechipiriso chemhosva, mupirisiti agoriisa pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi;
15. zvino mupirisiti anofanira kutora mamwe mafuta erogi, ndokuadira muchanza choruoko rwake rworuboshwe;
16. zvino mupirisiti ngaanyike mutendeka wake worudyi mumafuta ari muruoko rwake rworuboshwe, asase mamwe mafuta nomunwe wake kanomwe pamberi paJehovha;
17. mamwe mafuta akasara muruoko rwake mupirisiti anofanira kuaisa pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe roruoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi, pamusoro peropa rechipiriso chemhosva;
18. mamwe mafuta akasara muruoko rwomupirisiti anofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa; kuti mupirisiti amuyananisire pamberi paJehovha.
19. mupirisiti anofanira kupisa chipiriso chezvivi, kuti ayananisire munhu unonatswa, nokuda kwokusanaka kwake; pashure anofanira kuuraya chipiriso chinopiswa;
20. mupirisiti anofanira kupisa chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu pamusoro pearitari, kuti mupirisiti amuyananisire, anake.
21. "Kana ari murombo, asingagoni kuwana zvizhinji zvakadai, anofanira kutora gwayana rimwe regondohwe, chive chipiriso chemhosva chokuzunguzira, kumuyananisira, nechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu, pamwechete nerogi yamafuta;
22. nenjiva mbiri, notwana tuviri twenjiva, sezvaanogona kuwana; imwe chive chipiriso chezvivi, imwe chive chipiriso chinopiswa;
23. nomusi worusere anofanira kuuya nazvo kumupirisiti pamusoro pokunatswa kwake, kumukova wetende rokusangana pamberi paJehovha.
24. Zvino mupirisiti anofanira kutora gwayana rechipiriso chemhosva, nerogi yamafuta, mupirisiti agozvizunguzira, chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha;
25. zvino ngaauraye gwayana rechipiriso chemhosva, agotora rimwe ropa rechipiriso chemhosva, ariise pamucheto wenzeve yomunhu unonatswa, napagunwe roruoko rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi;
26. zvino mupirisiti ngaadire mamwe mafuta muchanza choruoko rwake rworuboshwe;
27. mupirisiti agosasa nomutendeka wake worudyi mamwe mafuta ari muruoko rwake rworuboshwe kanomwe pamberi paJehovha.
28. Zvino mupirisiti ngaaise mamwe mafuta ari muruoko rwake pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe roruoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi, panzvimbo yeropa rechipiriso chemhosva.
29. Mamwe mafuta akasara muruoko rwomupirisiti anofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa, kuti amuyananisire pamberi paJehovha.
30. Zvino anofanira kubayira njiva imwe, kana kana kenjiva, sezvaanogona kuwana;
31. sezvaanogona kuwana, imwe chive chipiriso chezvivi, imwe chipiriso chinopiswa, pamwechete nechipiriso choupfu; kuti mupirisiti ayananisire munhu unonatswa pamberi paJehovha.
32. Ndiwo murayiro wehosha yamaperembudzi kumunhu usingagoni kuwana zvakakwanisira kunatswa kwake."
33. Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni akati,
34. "Kana masvika kunyika yeKanani, iyo yandakupai, kuti ive yenyu, kana ndikaisa hosha yamaperembudzi muimba yenyika yenyu;
35. muridzi weimba anofanira kuuya kuzoudza mupirisiti, achiti, `Ndinoona kuti imba yangu inenge ine hosha.'
36. Ipapo mupirisiti anofanira kuraira kuti vabudise zvose zviri mumba, iye mupirisiti asina kupinda kundotarira hosha, kuti zvose zviri mumba zvirege kusvibiswa; pashure mupirisiti apinde kundotarira imba iyo.
37. Zvino ngaacherekedze hosha; kana akaona kuti hosha iri mumadziro eimba; ina mavara akapinda, akaita samatema kana matsvuku, akaita saakapinda mukati mamadziro,
38. mupirisiti anofanira kubuda paimba, ndokuenda kumukova weimba, ndokupfiga imba mazuva manomwe;
39. zvino mupirisiti anofanira kudzokazve nezuva rechinomwe, kuti acherekedze; kana akaona kuti hosha yakapararira pamadziro eimba;
40. mupirisiti anofanira kuraira kuti vabvise mabwe ane hosha paari, vaakandire panzvimbo isina kunaka kunze kweguta;
41. ipapo ngaaraire kuti imba iparwe mukati mayo kunhivi dzose, mavhu avanopara agodururirwa kunze kweguta panzvimbo isina kunaka;
42. zvino mamwe mabwe atorwe, aiswe panzvimbo yamamwe iwayo, iye atore aumbe imba naro.
43. Kana hosha ikadzokazve, ikabuda muimba iyo, mabwe ambobviswa, imba yaparwa nokuuyiwa,
44. mupirisiti anofanira kupinda nokucherekedza; kana akaona kuti hosha yapararira mumba, ndiwo maperembudzi akaipa kwazvo, yava yakaipa.
45. Zvino anofanira kuputsa imba, namabwe ayo, namatanda ayo, nevhu rose reimba, ndokuzvitakurira kunze kweguta kunzvimbo isina kunaka.
46. Uye ani naani unopinda mumba panguva yose yokupfigwa kwayo uchava usina kunaka kusvikira madeko.
47. Munhu wakavata muimba iyo, anofanira kusuka nguvo dzake.
48. "Kana mupirisiti akapinda, akatarira, akaona kuti hosha haina kupararira mumba, kubva pakuuyiwa kweimba, mupirisiti anofanira kureva kuti imba yakanaka, nokuti hosha yapora.
49. Zvino anofanira kutora shiri mbiri, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi, kuti anatse imba;
50. ipapo ngaauraye shiri imwe muhari yevhu pamusoro pemvura inoyerera,
51. ndokutora danda romusidhari, nehisopi, nomucheka mutsvuku, neshiri mhenyu, azvinyike muropa reshiri yakaurawa uye mumvura inoyerera, ndokusasa imba kanomwe;
52. anofanira kunatsa imba neropa reshiri nemvura inoyerera neshiri mhenyu, nedanda romusidhari, nehisopi nomucheka mutsvuku;
53. asi shiri mhenyu anofanira kuiregedza kuti iende hayo kunze kweguta kusango; saizvozvo anofanira kuyananisira imba iyo, kuti ive yakanaka.
54. "Ndiwo murayiro wamarudzi ose wamaperembudzi napakafunuka;
55. nowamaperembudzi enguvo, neeimba,
56. nowapakazvimba, nowapakafunuka, nowechivara,
57. kuzivisa mupirisiti kana chinhu chisina kunaka kana chakanaka. Ndiwo murayiro wamaperembudzi."

  Leviticus (14/27)