Leviticus (13/27)  

1. Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni akati,
2. "Kana munhu anapakazvimba kana panofunuka, kana chivara paganda romuviri wake, pakaita sehosha yamaperembudzi paganda romuviri wake, anofanira kuiswa kuna Aroni mupirisiti, kana kuno mumwe wavanakomana vake vapirisiti;
3. mupirisiti zvino anofanira kucherekedza hosha iri paganda romuviri wake; kana mvere dziri pane hosha dzakashanduka dzikava chena, hosha ikaonekwa kuti yakapinda kwazvo mukati meganda romuviri wake, ihosha yamaperembudzi; mupirisiti ngaamucherekedze, agoreva kuti haana kunaka.
4. Kana chivara chiri chichena paganda romuviri wake, chakaonekwa kuti hachina kupinda mukati meganda kwazvo, mvere dzisina kushanduka, dzikava chena, mupirisiti anofanira kupfigira munhu uyo une hosha mazuva manomwe;
5. nomusi wechinomwe mupirisiti anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti hosha yakaita seyamira, kuti hosha haina kunyenga paganda, zvino mupirisiti anofanira kumupfigira mamwe mazuva manomwezve;
6. zvino mupirisita anofanira kumucherekedza nezuva rechinomwe; kana akaona kuti hosha yaita nani, kuti hosha haina kunyenga paganda, zvino mupirisiti uchareva kuti munhu wakanaka hake; pakanga pakafunuka hapo; ipapo anofanira kusuka nguvo dzake agova wakanaka.
7. Asi kana pakafunuka pachiramba pachinyenga paganda, ambozviratidza kumupirisiti kuti anzi wakanaka, ipapo anofanira kuzviratidzazve kumupirisiti;
8. zvino mupirisiti anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakafunuka panyenga paganda, ipapo mupirisiti anofanira kureva kuti haana kunaka, maperembudzi.
9. "Kana hosha yamaperembudzi iri pamunhu, anofanira kuiswa kumupirisiti;
10. zvino mupirisiti anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakazvimba pachena paganda, mvere dzikashanduka, dzikaita chena, pakazvimba pakava nenyama yakatsvuka,
11. ndiwo maperembudzi anguva avapo paganda romuviri wake, zvino mupirisiti ngaarege kumupfigira, nokuti haana kunaka, ngaareve kuti haana kunaka.
12. Kana maperembudzi akabuda pose-pose paganda, maperembudzi akafukidza ganda rose romunhu une hosha, kubva pamusoro wake kusvikira kutsoka dzake, pose panoonekwa nomupirisiti;
13. zvino mupirisiti anofanira kutarira; kana akaona kuti maperembudzi akazadza muviri wake wose, anofanira kureva kuti munhu une hosha wakanaka, zvose zvashanduka zvachena, wakanaka hake.
14. Asi kana nyama yakatsvuka ikaonekwa kwaari, uchava usina kunaka.
15. Kana mupirisiti akaona nyama yakatsvuka, anofanira kureva kuti haana kunaka; nyama yakatsvuka haina kunaka, maperembudzi.
16. Kana nyama yakatsvuka ikashandukazve, ikaita chena, anofanira kuuya kumupirisiti.
17. Ipapo mupirisiti anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti hosha yashanduka, ikaita chena, mupirisiti anofanira kureva kuti une hosha yakanaka, wakanaka hake.
18. "Zvino kana nyama ine mota paganda, pakapora,
19. panzvimbo yemota pakauya pakazvimba pakachena, kana chivara chakaita sechitsvuku, zvinofanira kuratidzwa mupirisiti;
20. zvino mupirisiti anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakadzika pasi peganda, mvere dzapo dzikashanduka dzikaita chena, mupirisiti anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi yabuda napamota.
21. Asi kana mupirisiti akapacherekedza, akaona kuti hakuna mvere chena ipapo, pasina kudzika pasi peganda, asi pava nani; mupirisiti anofanira kumupfigira mazuva manomwe.
22. Kana pakanyenga pose paganda, mupirisiti anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha.
23. Asi kana chivara chikarambira panzvimbo yacho, chikasanyenga, ivanga haro remota; mupirisiti anofanira kuti wakanaka.
24. "Kana nyama yomunhu ina pakatsva paganda rake, nyama yakatsvuka yapo ikaita chivara chichena chakaita sechitsvuku kana chichena,
25. mupirisiti anofanira kupacherekedza; kana akaona kuti mvere dzapachivara dzashanduka, dzikaita chena, akaona kuti pakaita sapakadzika paganda, ava maperembudzi akabuda napakatsva; mupirisiti anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi.
26. Asi kana mupirisiti akapacherekedza, akaona kuti hapana mvere chena pachivara, uye kuti hapana kudzika pasi peganda, asi pava nani hapo, mupirisiti anofanira kumupfigira mazuva manomwe.
27. Zvino mupirisiti anofanira kumucherekedza nezuva rechinomwe; kana pakaramba pachinyenga paganda, mupirisiti anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi.
28. Kana chivara chikaramba chiri panzvimbo yacho, chikasanyenga paganda, asi chava nani, ndiko kuzvimba kwokutsva hako, mupirisiti anofanira kureva kuti wakanaka hake, nokuti chivara chokutsva.
29. "Kana murume kana mukadzi ane hosha pamusoro kana pandebvu,
30. mupirisiti anofanira kucherekedza hosha; kana akaona kuti yakapinda mukati, pasi peganda, mvere dziripo dziri tsvuku dzakaita sechena, dziri nhete, mupirisiti anofanira kureva kuti haana kunaka; pafunuka, ndiwo maperembudzi omusoro kana endebvu.
31. Kana mupirisiti akacherekedza hosha yakafunuka, akaona kuti haina kupinda mukati pasi peganda, pasina mvere nhema ipapo, mupirisiti anofanira kupfigira munhu une hosha yokufunuka mazuva manomwe.
32. Nomusi wechinomwe mupirisiti anofanira kucherekedza hosha; kana akaona kuti haina kupinda mukati pasi peganda,
33. anofanira kuveurwa, asi ngaarege kuveura pakafunuka; zvino mupirisiti anofanira kupfigira munhu unapakafunuka mamwe mazuva manomwezve;
34. nomusi wechinomwe mupirisiti anofanira kucherekedza pakafunuka; kana akaona kuti pakafunuka hapana kunyenga paganda, uye kuti hapana kupinda mukati pasi peganda, mupirisiti anofanira kureva kuti wakanaka hake; zvino iye ngaasuke nguvo dzake, anake.
35. Asi kana pakafunuka pakanyenga pose paganda shure kwokunatswa kwake;
36. mupirisiti anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti pakafunuka panyenga paganda, ngaarege hake kutsvaka mvere tsvuku dzakaita sechena; haana kunaka.
37. Asi kana iye akaona kuti pakafunuka paita sapamira, nemvere nhema dzabudapo, pakafunuka papora hapo, wakanaka; mupirisiti anofanira kureva kuti wakanaka hake.
38. "Kana murume kana mukadzi vane zvivara paganda renyama yavo, zviri zvivara zvichena;
39. mupirisiti anofanira kuzvicherekedza; kana akaona kuti zvivara paganda renyama zviri zvichena, zvisingabwinyi, imhezi dzakabuda paganda, vakanaka havo.
40. "Kana vhudzi romunhu rakabva pamusoro wake, wava nemhazha; asi wakanaka hake.
41. Kana vhudzi rake rakabva pamusoro wake nechemberi, une mhazha pahuma, asi wakanaka hake.
42. Asi kana pamhazha, kana pamhazha yapahuma, pane hosha chena yakaita setsvuku, maperembudzi anobuda pamhazha, kana pamhazha yapahuma.
43. Zvino mupirisiti anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti pakazvimba pehosha pachena pakaita sapatsvuku pamhazha yake, kana pamhazha yake yapahuma, pakafanana namaperembudzi paganda renyama,
44. munhu uyo una maperembudzi, haana kunaka; mupirisiti anofanira kureva kwazvo kuti haana kunaka; hosha yake iri pamusoro wake.
45. Zvino munhu una maperembudzi, une hosha iyo, nguvo dzake dzinofanira kubvarurwa, nevhudzi romusoro wake rinofanira kusunungurwa, uye anofanira kufukidza muromo wake wokumusoro, agodanidzira, achiti, `Ndakaipa, ndakaipa!'
46. Mazuva ose aane hosha iyo, uchava usina kunaka; haana kunaka; ngaagare ari oga; pokugara kwake panofanira kuva kunze kwemisasa.
47. "nguvowo ine hosha yamaperembudzi, kana iri nguvo yamakushe amakwai, kana iri nguvo yomucheka;
48. kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa; kana yamucheka, kana yamakushe amakwai; kana yedehwe, kana chinhu chakaitwa nedehwe;
49. kana hosha yakaita senhema, kana tsvuku panguvo, kana padehwe, kana pane zvakarukwa, kana pane zvakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedehwe; ihosha yamaperembudzi inofanira kuratidzwa mupirisiti;
50. zvino mupirisiti anofanira kucherekedza hosha iyo, agopfigira chinhu chine hosha mazuva manomwe;
51. zvino anofanira kucherekedza hosha nezuva rechinomwe; kana hosha yakanyenga panguvo, kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa, kana yedehwe, rine basa ripi neripi; hosha iyo ndeyamaperembudzi akaipa kwazvo; haina kunaka.
52. Zvino anofanira kupisa nguvo, kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa, kana yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana ipi neipi yedehwe, ine hosha iyo; nokuti maperembudzi akaipa kwazvo; inofanira kupiswa nomoto.
53. "Kana mupirisiti akatarira, akaona kuti hosha haina kunyenga panguvo, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedehwe;
54. mupirisiti anofanira kuraira kuti vasuke chinhu chine hosha, zvino achipfigire mamwe mazuva manomwezve;
55. mupirisiti agocherekedzazve kana hosha yasukwa; kana akaona kuti hosha haina kushanduka ruvara rwayo, uye kuti hosha haina kunyenga, hachina kunaka; anofanira kuchipisa nomoto; yapinda mukati kwazvo, kana nechapamusoro kana nechapanyasi.
56. Kana mupirisiti akacherekedza, akaona kuti hosha yava nani pakusukwa kwayo, anofanira kubvarura nguvo kupabvisapo, kana padehwe, kana pakarukwa, kana pakakoshwa;
57. asi kana ikaramba ichionekwa panguvo, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedehwe, ihosha inobuda; anofanira kupisa chinhu icho chine hosha nomoto;
58. asi nguvo yaunosuka, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana chiri chinhu chipi nechipi chedehwe, kana hosha ikabva kwachiri, chinofanira kusukwa rwechipiri, chigova chakanaka.
59. "Ndiwo murayiro wehosha yamaperembudzi panguvo yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana chinhu chipi nechipi chedehwe, kuti chigonzi chakanaka, kana hachina kunaka."

  Leviticus (13/27)