| ← Leviticus (13/27) → |
| 1. | Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni akati, |
| 2. | "Kana munhu anapakazvimba kana panofunuka, kana chivara paganda romuviri wake, pakaita sehosha yamaperembudzi paganda romuviri wake, anofanira kuiswa kuna Aroni mupirisiti, kana kuno mumwe wavanakomana vake vapirisiti; |
| 3. | mupirisiti zvino anofanira kucherekedza hosha iri paganda romuviri wake; kana mvere dziri pane hosha dzakashanduka dzikava chena, hosha ikaonekwa kuti yakapinda kwazvo mukati meganda romuviri wake, ihosha yamaperembudzi; mupirisiti ngaamucherekedze, agoreva kuti haana kunaka. |
| 4. | Kana chivara chiri chichena paganda romuviri wake, chakaonekwa kuti hachina kupinda mukati meganda kwazvo, mvere dzisina kushanduka, dzikava chena, mupirisiti anofanira kupfigira munhu uyo une hosha mazuva manomwe; |
| 5. | nomusi wechinomwe mupirisiti anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti hosha yakaita seyamira, kuti hosha haina kunyenga paganda, zvino mupirisiti anofanira kumupfigira mamwe mazuva manomwezve; |
| 6. | zvino mupirisita anofanira kumucherekedza nezuva rechinomwe; kana akaona kuti hosha yaita nani, kuti hosha haina kunyenga paganda, zvino mupirisiti uchareva kuti munhu wakanaka hake; pakanga pakafunuka hapo; ipapo anofanira kusuka nguvo dzake agova wakanaka. |
| 7. | Asi kana pakafunuka pachiramba pachinyenga paganda, ambozviratidza kumupirisiti kuti anzi wakanaka, ipapo anofanira kuzviratidzazve kumupirisiti; |
| 8. | zvino mupirisiti anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakafunuka panyenga paganda, ipapo mupirisiti anofanira kureva kuti haana kunaka, maperembudzi. |
| 9. | "Kana hosha yamaperembudzi iri pamunhu, anofanira kuiswa kumupirisiti; |
| 10. | zvino mupirisiti anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakazvimba pachena paganda, mvere dzikashanduka, dzikaita chena, pakazvimba pakava nenyama yakatsvuka, |
| 11. | ndiwo maperembudzi anguva avapo paganda romuviri wake, zvino mupirisiti ngaarege kumupfigira, nokuti haana kunaka, ngaareve kuti haana kunaka. |
| 12. | Kana maperembudzi akabuda pose-pose paganda, maperembudzi akafukidza ganda rose romunhu une hosha, kubva pamusoro wake kusvikira kutsoka dzake, pose panoonekwa nomupirisiti; |
| 13. | zvino mupirisiti anofanira kutarira; kana akaona kuti maperembudzi akazadza muviri wake wose, anofanira kureva kuti munhu une hosha wakanaka, zvose zvashanduka zvachena, wakanaka hake. |
| 14. | Asi kana nyama yakatsvuka ikaonekwa kwaari, uchava usina kunaka. |
| 15. | Kana mupirisiti akaona nyama yakatsvuka, anofanira kureva kuti haana kunaka; nyama yakatsvuka haina kunaka, maperembudzi. |
| 16. | Kana nyama yakatsvuka ikashandukazve, ikaita chena, anofanira kuuya kumupirisiti. |
| 17. | Ipapo mupirisiti anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti hosha yashanduka, ikaita chena, mupirisiti anofanira kureva kuti une hosha yakanaka, wakanaka hake. |
| 18. | "Zvino kana nyama ine mota paganda, pakapora, |
| 19. | panzvimbo yemota pakauya pakazvimba pakachena, kana chivara chakaita sechitsvuku, zvinofanira kuratidzwa mupirisiti; |
| 20. | zvino mupirisiti anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakadzika pasi peganda, mvere dzapo dzikashanduka dzikaita chena, mupirisiti anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi yabuda napamota. |
| 21. | Asi kana mupirisiti akapacherekedza, akaona kuti hakuna mvere chena ipapo, pasina kudzika pasi peganda, asi pava nani; mupirisiti anofanira kumupfigira mazuva manomwe. |
| 22. | Kana pakanyenga pose paganda, mupirisiti anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha. |
| 23. | Asi kana chivara chikarambira panzvimbo yacho, chikasanyenga, ivanga haro remota; mupirisiti anofanira kuti wakanaka. |
| 24. | "Kana nyama yomunhu ina pakatsva paganda rake, nyama yakatsvuka yapo ikaita chivara chichena chakaita sechitsvuku kana chichena, |
| 25. | mupirisiti anofanira kupacherekedza; kana akaona kuti mvere dzapachivara dzashanduka, dzikaita chena, akaona kuti pakaita sapakadzika paganda, ava maperembudzi akabuda napakatsva; mupirisiti anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi. |
| 26. | Asi kana mupirisiti akapacherekedza, akaona kuti hapana mvere chena pachivara, uye kuti hapana kudzika pasi peganda, asi pava nani hapo, mupirisiti anofanira kumupfigira mazuva manomwe. |
| 27. | Zvino mupirisiti anofanira kumucherekedza nezuva rechinomwe; kana pakaramba pachinyenga paganda, mupirisiti anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi. |
| 28. | Kana chivara chikaramba chiri panzvimbo yacho, chikasanyenga paganda, asi chava nani, ndiko kuzvimba kwokutsva hako, mupirisiti anofanira kureva kuti wakanaka hake, nokuti chivara chokutsva. |
| 29. | "Kana murume kana mukadzi ane hosha pamusoro kana pandebvu, |
| 30. | mupirisiti anofanira kucherekedza hosha; kana akaona kuti yakapinda mukati, pasi peganda, mvere dziripo dziri tsvuku dzakaita sechena, dziri nhete, mupirisiti anofanira kureva kuti haana kunaka; pafunuka, ndiwo maperembudzi omusoro kana endebvu. |
| 31. | Kana mupirisiti akacherekedza hosha yakafunuka, akaona kuti haina kupinda mukati pasi peganda, pasina mvere nhema ipapo, mupirisiti anofanira kupfigira munhu une hosha yokufunuka mazuva manomwe. |
| 32. | Nomusi wechinomwe mupirisiti anofanira kucherekedza hosha; kana akaona kuti haina kupinda mukati pasi peganda, |
| 33. | anofanira kuveurwa, asi ngaarege kuveura pakafunuka; zvino mupirisiti anofanira kupfigira munhu unapakafunuka mamwe mazuva manomwezve; |
| 34. | nomusi wechinomwe mupirisiti anofanira kucherekedza pakafunuka; kana akaona kuti pakafunuka hapana kunyenga paganda, uye kuti hapana kupinda mukati pasi peganda, mupirisiti anofanira kureva kuti wakanaka hake; zvino iye ngaasuke nguvo dzake, anake. |
| 35. | Asi kana pakafunuka pakanyenga pose paganda shure kwokunatswa kwake; |
| 36. | mupirisiti anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti pakafunuka panyenga paganda, ngaarege hake kutsvaka mvere tsvuku dzakaita sechena; haana kunaka. |
| 37. | Asi kana iye akaona kuti pakafunuka paita sapamira, nemvere nhema dzabudapo, pakafunuka papora hapo, wakanaka; mupirisiti anofanira kureva kuti wakanaka hake. |
| 38. | "Kana murume kana mukadzi vane zvivara paganda renyama yavo, zviri zvivara zvichena; |
| 39. | mupirisiti anofanira kuzvicherekedza; kana akaona kuti zvivara paganda renyama zviri zvichena, zvisingabwinyi, imhezi dzakabuda paganda, vakanaka havo. |
| 40. | "Kana vhudzi romunhu rakabva pamusoro wake, wava nemhazha; asi wakanaka hake. |
| 41. | Kana vhudzi rake rakabva pamusoro wake nechemberi, une mhazha pahuma, asi wakanaka hake. |
| 42. | Asi kana pamhazha, kana pamhazha yapahuma, pane hosha chena yakaita setsvuku, maperembudzi anobuda pamhazha, kana pamhazha yapahuma. |
| 43. | Zvino mupirisiti anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti pakazvimba pehosha pachena pakaita sapatsvuku pamhazha yake, kana pamhazha yake yapahuma, pakafanana namaperembudzi paganda renyama, |
| 44. | munhu uyo una maperembudzi, haana kunaka; mupirisiti anofanira kureva kwazvo kuti haana kunaka; hosha yake iri pamusoro wake. |
| 45. | Zvino munhu una maperembudzi, une hosha iyo, nguvo dzake dzinofanira kubvarurwa, nevhudzi romusoro wake rinofanira kusunungurwa, uye anofanira kufukidza muromo wake wokumusoro, agodanidzira, achiti, `Ndakaipa, ndakaipa!' |
| 46. | Mazuva ose aane hosha iyo, uchava usina kunaka; haana kunaka; ngaagare ari oga; pokugara kwake panofanira kuva kunze kwemisasa. |
| 47. | "nguvowo ine hosha yamaperembudzi, kana iri nguvo yamakushe amakwai, kana iri nguvo yomucheka; |
| 48. | kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa; kana yamucheka, kana yamakushe amakwai; kana yedehwe, kana chinhu chakaitwa nedehwe; |
| 49. | kana hosha yakaita senhema, kana tsvuku panguvo, kana padehwe, kana pane zvakarukwa, kana pane zvakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedehwe; ihosha yamaperembudzi inofanira kuratidzwa mupirisiti; |
| 50. | zvino mupirisiti anofanira kucherekedza hosha iyo, agopfigira chinhu chine hosha mazuva manomwe; |
| 51. | zvino anofanira kucherekedza hosha nezuva rechinomwe; kana hosha yakanyenga panguvo, kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa, kana yedehwe, rine basa ripi neripi; hosha iyo ndeyamaperembudzi akaipa kwazvo; haina kunaka. |
| 52. | Zvino anofanira kupisa nguvo, kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa, kana yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana ipi neipi yedehwe, ine hosha iyo; nokuti maperembudzi akaipa kwazvo; inofanira kupiswa nomoto. |
| 53. | "Kana mupirisiti akatarira, akaona kuti hosha haina kunyenga panguvo, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedehwe; |
| 54. | mupirisiti anofanira kuraira kuti vasuke chinhu chine hosha, zvino achipfigire mamwe mazuva manomwezve; |
| 55. | mupirisiti agocherekedzazve kana hosha yasukwa; kana akaona kuti hosha haina kushanduka ruvara rwayo, uye kuti hosha haina kunyenga, hachina kunaka; anofanira kuchipisa nomoto; yapinda mukati kwazvo, kana nechapamusoro kana nechapanyasi. |
| 56. | Kana mupirisiti akacherekedza, akaona kuti hosha yava nani pakusukwa kwayo, anofanira kubvarura nguvo kupabvisapo, kana padehwe, kana pakarukwa, kana pakakoshwa; |
| 57. | asi kana ikaramba ichionekwa panguvo, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedehwe, ihosha inobuda; anofanira kupisa chinhu icho chine hosha nomoto; |
| 58. | asi nguvo yaunosuka, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana chiri chinhu chipi nechipi chedehwe, kana hosha ikabva kwachiri, chinofanira kusukwa rwechipiri, chigova chakanaka. |
| 59. | "Ndiwo murayiro wehosha yamaperembudzi panguvo yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana chinhu chipi nechipi chedehwe, kuti chigonzi chakanaka, kana hachina kunaka." |
| ← Leviticus (13/27) → |