Leviticus (12/27)  

1. Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
2. "Taura navana vaIsiraeri uti, `Kana mukadzi akava nemimba, akapona mwanakomana, uchava usina kunaka mazuva manomwe, uchava usina kunaka sapanguva yaari kumwedzi.
3. Nomusi worusere mwanakomana anofanira kudzingiswa chikanda chake chapamberi.'
4. Zvino mukadzi anofanira kugara mazuva makumi matatu namatatu achizvinatsa paropa rake; ngaarege kubata chinhu chitsvene kana kupinda panzvimbo tsvene, kusvikira mazuva okuzvinatsa kwake apera.
5. Asi kana akapona mwana womusikana, uchava usina kunaka vhiki mbiri, sapamazuva okuva kwake kumwedzi; ngaagare achizvinatsa paropa rake mazuva ana makumi matanhatu namatanhatu.
6. Kana mazuva okuzvinatsa kwake apera pakupona mwanakomana kana mwanasikana, ngaauye negwayana regore rimwe, kuti chive chipiriso chinopiswa, nakana kenjiva, kana vhukutiva, kuti chive chipiriso chezvivi, kumukova wetende rokusangana kumupirisiti;
7. agochibayira pamberi paJehovha, kumuyananisira; zvino wanatswa pakuyerera kweropa rake. Ndiwo murayiro kunounopona mwana womukomana kana womusikana.
8. Kana akasakwanisa kuuya negwayana, ngaatore njiva mbiri kana twana tuviri twenjiva; imwe chive chipiriso chinopiswa, neimwe chipiriso chezvivi; kuti mupirisiti amuyananisire, anake."

  Leviticus (12/27)