Leviticus (11/27)  

1. Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni, akati kwavari,
2. "Taura navana valsiraeri, muti, `Ndizvo zvipenyu zvamungadya pakati pemhuka dzose dziri panyika:
3. Zvose pakati pemhuka zvinamahwanda akaparadzana, kana zvinetsoka dzakaparadzana, zvinodzeya, mungazvidya.
4. Asi pakati pezvinodzeya, kana pakati pezvinamahwanda akaparadzana, regai kudya kamera, nokuti inodzeya, asi haina mahwanda akaparadzana; inofanira kuva chinhu chisina kunaka kwamuri;
5. nembira, nokuti inodzeya, asi haina mahwanda akaparadzana; inofanira kuva chinhu chisina kunaka kwamuri.
6. " `Netsuro, nokuti inodzeya, asi haina mahwanda akaparadzana; inofanira kuva chinhu chisina kunaka kwamuri.
7. Nenguruve, nokuti ine tsoka dzakaparadzana, asi haidzeyi; inofanira kuva chinhu chisina kunaka kwamuri.'
8. "Regai kudya nyama yazvo, kana zvitunha zvazvo; zvinofanira kuva zvisina kunaka kwamuri.
9. "Ndizvo zvamungadya kune zvose zviri mumvura: Zvose zviri mumvura, mumakungwa nomunzizi, zvine zvimbi namakwande, ndizvo zvamungadya.
10. Asi zvose zvisina zvimbi namakwande zviri mumakungwa nomunzizi, pazvose zvinopfakanyika mumvura, pazvose zvipenyu zviri mumvura, zvinofanira kuva zvinonyangadza kwamuri.
11. Ngazvive zvinonyangadza kwamuri; musadya nyama yazvo, nezvitunha zvazvo zvinofanira kuva chinhu chinonyangadza kwamuri.
12. Zvose zviri mumvura zvisina zvimbi namakwande zvinofanira kuva zvinonyangadza kwamuri.
13. "Izvi pakati peshiri zvinofanira kuva zvinonyangadza kwamuri, ngazvirege kudyiwa, ngazvive zvinonyangadza: Gora guru, negondo guru, nenyamudzura;
14. noruvangu, nenjerere, namarudzi adzo;
15. namarudzi ose amakunguvo;
16. nemhou, nezizi, neshiri yegungwa, namarudzi ose oruvangu;
17. nezizi duku, nekanyurura-hove, nezizi guru;
18. nejichidza, nekondo, negora;
19. nezimudo, namarudzi ose ekondo, nemhupupu, nechiremwaremwa.
20. "Zvose zvinamapapiro zvichikambaira, zvichifamba namakumbo mana, zvinofanira kuva zvinhu zvinonyangadza kwamuri.
21. Asi izvi mungadya pakati pezvose zvinamapapiro zvichikambaira, zvichifamba namakumbo mana, zvinamakumbo pamusoro petsoka dzazvo azvinokwakuka nawo panyika.
22. Ndizvo zvamungadya pakati pazvo: Marudzi ose emhashu, namarudzi ose echinjiki, namarudzi ebambamukota, namarudzi egwatakwata.
23. Asi zvose zvinamapapiro zvinokambaira zvinamakumbo mana, zvinofanira kuva zvinonyangadza kwamuri.
24. "Muchasvibiswa nezvizvi: Ani naani unobata zvitunha zvazvo uchava usina kunaka kusvikira madeko.
25. Ani naani wakatakura chitunha chazvo, anofanira kusuka nguvo dzake, ave usina kunaka kusvikira madeko.
26. Mhuka dzose dzinamahwanda akaparadzana, asi dzisina tsoka dzakaparadzana, dzisingadzeyi, zvinofanira kuva zvisakanaka kwamuri; mumwe nomumwe unozvibata uchava usina kunaka.
27. Zvose zvinofamba netsoka dzakapfava pakati pemhuka dzose dzinofamba namakumbo mana, zvinofanira kuva zvisakanaka kwamuri; ani naani unobata zvitunha zvazvo uchava usina kunaka kusvikira madeko.
28. Munhu unotakura zvitunha zvazvo ngaasuke nguvo dzake, ave usina kunaka kusvikira madeko; zvinofanira kuva zvisakanaka kwamuri.
29. "Zvisakanaka kwamuri pakati pezvinokambaira, zvinokambaira panyika ndizvo: Chidembo, negonzo, namarudzi egwavava,
30. nechipfira, nedzvinyu, negoroodyo, nedhambakura, norwaivhi.
31. Izvozvo zvinofanira kuva zvisakanaka kwamuri pakati pezvose zvinokambaira; ani naani unozvibata kana zvakafa uchava usina kunaka kusvikira madeko.
32. Chinhu chipi nechipi chinowirwa nechimwe chazvo kana chakafa, chichava chisina kunaka; kana iri nhumbi yamatanda, kana nguvo, kana dehwe, kana hombodo, kana iri nhumbi ipi neipi inobatwa basa nayo, inofanira kunyikwa mumvura, ive isina kunaka kusvikira madeko; ipapo ichava yakanaka.
33. Hari imwe neimwe yevhu yawirwa mukati mayo nechimwe chazvo, zvose zviri mukati mayo zvinofanira kuva zvisina kunaka, naiyo munofanira kuiputsa.
34. Zvokudya zvose zvirimo zvingadyiwa, kana zvadirwa mvura, zvinofanira kuva zvisina kunaka; nezvinonwiwa zvose zviri muhari iyo zvinofanira kuva zvisina kunaka.
35. Zvose zvinowirwa nechitunha chazvo, zvichava zvisina kunaka, kana choto, kana chikuva chehari, zvinofanira kuputswa chose; hazvina kunaka, ngazvive zvisina kunaka kwamuri.
36. Asi tsime kana dziva makachengetwa mvura, zvichava zvakanaka; asi chinogunzva chitunha chazvo chichava chisina kunaka, kwamuri.
37. Kana chitunha chechimwe chazvo chikawira pamusoro pembeu yakanga yakushwa, ichava yakanaka.
38. Asi kana mbeu ikadirwa mvura, chitunha chechimwe chazvo chakwira pamusoro payo, inofanira kuva isina kunaka kwamuri.
39. "Kana mhuka ipi neipi ingadyiwa, ikafa, ani naani unogunzva chitunha chayo uchava usina kunaka kusvikira madeko.
40. Unodya chitunha chayo ngaasuke nguvo dzake, ave usina kunaka kusvikira madeko; nomunhu unotakura chitunha chayo ngaasuke nguvo dzake, ave usina kunaka kusvikira madeko.
41. "Zvose zvinokambaira, zvinokambaira panyika, zvinofanira kuva zvinonyangadza, hazvifaniri kudyiwa.
42. Zvose zvinofamba nedumbu, uye zvose zvinofamba namakumbo mana, uye zvose zvinofamba namakumbo mazhinji, zvose zvinokambaira, zvinokambaira panyika, hamufaniri kuzvidya; nokuti zvinonyangadza.
43. Musazviita vanonyangadza nechinokambaira chipi nechipi, musazviita vasina kunaka nazvo, kuti murege kusvibiswa nazvo.
44. Nokuti ndini Jehovha, Mwari wenyu; naizvozvo zvitsaurei, muve vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene; musazvisvibisa nechinokambaira chipi nechipi chinopfakanyika panyika.
45. Nokuti ndini Jehovha wakakubudisai panyika yeIjipiti, kuti ndive Mwari wenyu; naizvozvo muve vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.
46. "Ndiwo murayiro wemhuka, noweshiri, nowezvipenyu zvose zvinopfakanyika mumvura, nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika;
47. kuti mutsaure pakati pezvisakanaka nezvakanaka, napakati pezvipenyu zvingadyiwa nezvipenyu zvisingadyiwi."

  Leviticus (11/27)