| ← Leviticus (11/27) → |
| 1. | Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni, akati kwavari, |
| 2. | "Taura navana valsiraeri, muti, `Ndizvo zvipenyu zvamungadya pakati pemhuka dzose dziri panyika: |
| 3. | Zvose pakati pemhuka zvinamahwanda akaparadzana, kana zvinetsoka dzakaparadzana, zvinodzeya, mungazvidya. |
| 4. | Asi pakati pezvinodzeya, kana pakati pezvinamahwanda akaparadzana, regai kudya kamera, nokuti inodzeya, asi haina mahwanda akaparadzana; inofanira kuva chinhu chisina kunaka kwamuri; |
| 5. | nembira, nokuti inodzeya, asi haina mahwanda akaparadzana; inofanira kuva chinhu chisina kunaka kwamuri. |
| 6. | " `Netsuro, nokuti inodzeya, asi haina mahwanda akaparadzana; inofanira kuva chinhu chisina kunaka kwamuri. |
| 7. | Nenguruve, nokuti ine tsoka dzakaparadzana, asi haidzeyi; inofanira kuva chinhu chisina kunaka kwamuri.' |
| 8. | "Regai kudya nyama yazvo, kana zvitunha zvazvo; zvinofanira kuva zvisina kunaka kwamuri. |
| 9. | "Ndizvo zvamungadya kune zvose zviri mumvura: Zvose zviri mumvura, mumakungwa nomunzizi, zvine zvimbi namakwande, ndizvo zvamungadya. |
| 10. | Asi zvose zvisina zvimbi namakwande zviri mumakungwa nomunzizi, pazvose zvinopfakanyika mumvura, pazvose zvipenyu zviri mumvura, zvinofanira kuva zvinonyangadza kwamuri. |
| 11. | Ngazvive zvinonyangadza kwamuri; musadya nyama yazvo, nezvitunha zvazvo zvinofanira kuva chinhu chinonyangadza kwamuri. |
| 12. | Zvose zviri mumvura zvisina zvimbi namakwande zvinofanira kuva zvinonyangadza kwamuri. |
| 13. | "Izvi pakati peshiri zvinofanira kuva zvinonyangadza kwamuri, ngazvirege kudyiwa, ngazvive zvinonyangadza: Gora guru, negondo guru, nenyamudzura; |
| 14. | noruvangu, nenjerere, namarudzi adzo; |
| 15. | namarudzi ose amakunguvo; |
| 16. | nemhou, nezizi, neshiri yegungwa, namarudzi ose oruvangu; |
| 17. | nezizi duku, nekanyurura-hove, nezizi guru; |
| 18. | nejichidza, nekondo, negora; |
| 19. | nezimudo, namarudzi ose ekondo, nemhupupu, nechiremwaremwa. |
| 20. | "Zvose zvinamapapiro zvichikambaira, zvichifamba namakumbo mana, zvinofanira kuva zvinhu zvinonyangadza kwamuri. |
| 21. | Asi izvi mungadya pakati pezvose zvinamapapiro zvichikambaira, zvichifamba namakumbo mana, zvinamakumbo pamusoro petsoka dzazvo azvinokwakuka nawo panyika. |
| 22. | Ndizvo zvamungadya pakati pazvo: Marudzi ose emhashu, namarudzi ose echinjiki, namarudzi ebambamukota, namarudzi egwatakwata. |
| 23. | Asi zvose zvinamapapiro zvinokambaira zvinamakumbo mana, zvinofanira kuva zvinonyangadza kwamuri. |
| 24. | "Muchasvibiswa nezvizvi: Ani naani unobata zvitunha zvazvo uchava usina kunaka kusvikira madeko. |
| 25. | Ani naani wakatakura chitunha chazvo, anofanira kusuka nguvo dzake, ave usina kunaka kusvikira madeko. |
| 26. | Mhuka dzose dzinamahwanda akaparadzana, asi dzisina tsoka dzakaparadzana, dzisingadzeyi, zvinofanira kuva zvisakanaka kwamuri; mumwe nomumwe unozvibata uchava usina kunaka. |
| 27. | Zvose zvinofamba netsoka dzakapfava pakati pemhuka dzose dzinofamba namakumbo mana, zvinofanira kuva zvisakanaka kwamuri; ani naani unobata zvitunha zvazvo uchava usina kunaka kusvikira madeko. |
| 28. | Munhu unotakura zvitunha zvazvo ngaasuke nguvo dzake, ave usina kunaka kusvikira madeko; zvinofanira kuva zvisakanaka kwamuri. |
| 29. | "Zvisakanaka kwamuri pakati pezvinokambaira, zvinokambaira panyika ndizvo: Chidembo, negonzo, namarudzi egwavava, |
| 30. | nechipfira, nedzvinyu, negoroodyo, nedhambakura, norwaivhi. |
| 31. | Izvozvo zvinofanira kuva zvisakanaka kwamuri pakati pezvose zvinokambaira; ani naani unozvibata kana zvakafa uchava usina kunaka kusvikira madeko. |
| 32. | Chinhu chipi nechipi chinowirwa nechimwe chazvo kana chakafa, chichava chisina kunaka; kana iri nhumbi yamatanda, kana nguvo, kana dehwe, kana hombodo, kana iri nhumbi ipi neipi inobatwa basa nayo, inofanira kunyikwa mumvura, ive isina kunaka kusvikira madeko; ipapo ichava yakanaka. |
| 33. | Hari imwe neimwe yevhu yawirwa mukati mayo nechimwe chazvo, zvose zviri mukati mayo zvinofanira kuva zvisina kunaka, naiyo munofanira kuiputsa. |
| 34. | Zvokudya zvose zvirimo zvingadyiwa, kana zvadirwa mvura, zvinofanira kuva zvisina kunaka; nezvinonwiwa zvose zviri muhari iyo zvinofanira kuva zvisina kunaka. |
| 35. | Zvose zvinowirwa nechitunha chazvo, zvichava zvisina kunaka, kana choto, kana chikuva chehari, zvinofanira kuputswa chose; hazvina kunaka, ngazvive zvisina kunaka kwamuri. |
| 36. | Asi tsime kana dziva makachengetwa mvura, zvichava zvakanaka; asi chinogunzva chitunha chazvo chichava chisina kunaka, kwamuri. |
| 37. | Kana chitunha chechimwe chazvo chikawira pamusoro pembeu yakanga yakushwa, ichava yakanaka. |
| 38. | Asi kana mbeu ikadirwa mvura, chitunha chechimwe chazvo chakwira pamusoro payo, inofanira kuva isina kunaka kwamuri. |
| 39. | "Kana mhuka ipi neipi ingadyiwa, ikafa, ani naani unogunzva chitunha chayo uchava usina kunaka kusvikira madeko. |
| 40. | Unodya chitunha chayo ngaasuke nguvo dzake, ave usina kunaka kusvikira madeko; nomunhu unotakura chitunha chayo ngaasuke nguvo dzake, ave usina kunaka kusvikira madeko. |
| 41. | "Zvose zvinokambaira, zvinokambaira panyika, zvinofanira kuva zvinonyangadza, hazvifaniri kudyiwa. |
| 42. | Zvose zvinofamba nedumbu, uye zvose zvinofamba namakumbo mana, uye zvose zvinofamba namakumbo mazhinji, zvose zvinokambaira, zvinokambaira panyika, hamufaniri kuzvidya; nokuti zvinonyangadza. |
| 43. | Musazviita vanonyangadza nechinokambaira chipi nechipi, musazviita vasina kunaka nazvo, kuti murege kusvibiswa nazvo. |
| 44. | Nokuti ndini Jehovha, Mwari wenyu; naizvozvo zvitsaurei, muve vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene; musazvisvibisa nechinokambaira chipi nechipi chinopfakanyika panyika. |
| 45. | Nokuti ndini Jehovha wakakubudisai panyika yeIjipiti, kuti ndive Mwari wenyu; naizvozvo muve vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene. |
| 46. | "Ndiwo murayiro wemhuka, noweshiri, nowezvipenyu zvose zvinopfakanyika mumvura, nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika; |
| 47. | kuti mutsaure pakati pezvisakanaka nezvakanaka, napakati pezvipenyu zvingadyiwa nezvipenyu zvisingadyiwi." |
| ← Leviticus (11/27) → |