Leviticus (10/27)  

1. Zvino Nadhabi naAbhihu, vanakomana vaAroni, vakatora mumwe nomumwe harana yake yezvinonhuwira, vakaisamo moto, ndokuisa zvinonhuwira pamusoro pawo, vakauya pamberi paJehovha nomoto usina kutenderwa waasina kuraira.
2. Ipapo moto wakabuda pamberi paJehovha, ukavauraya, vakafa pamberi paJehovha.
3. Zvino Mozisi akati kuna Aroni, "Jehovha wakataura chinhu ichi, akati, `Ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene muna vose vanoswedera kwandiri, ndichazvirumbidza pamberi pavanhu vose.' " Aroni akanyarara.
4. Ipapo Mozisi akadana Mishaeri naErizafani, vanakomana vaUzieri, babamunini vaAroni, akati kwavari, "Swederai, mubvise hama dzenyu pamberi penzvimbo tsvene, muvatakurire kunze kwemisasa."
5. Ipapo vakaswedera, vakavatakurira kunze kwemisasa vanamajasi avo, sezvakanga zvataurwa naMozisi.
6. Zvino Mozisi akati kuna Aroni nokuna Ereazari nokuna Itamari, vanakomana vake, "Musasunungura vudzi remisoro yenyu, kana kubvarura nguvo dzenyu, kuti murege kufa, naiye arege kutsamwira ungano yose; asi hama dzenyu, veimba yose yaIsiraeri, ivo ngavacheme kupisa kwakatungidzwa naJehovha.
7. Musabuda pamukova wetende rokusangana, kuti murege kufa, nokuti mafuta okuzodza aJehovha ari pamusoro penyu." Vakaita sezvavakaudzwa naMozisi.
8. Zvino Jehovha wakataura naAroni akati,
9. "Usanwa waini kana chinhu chinobata, iwe navanakomana vako pamwechete newe, kana muchipinda mutende rokusangana, kuti murege kufa; uve murayiro usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose.
10. Munofanira kutsaura pakati pezvitsvene nezvisati zviri zvitsvene, pakati pezvisina kunaka nezvakanaka;
11. munofanira kudzidzisa vana vaIsiraeri mirairo yose yakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi."
12. Zvino Mozisi wakataura naAroni naEreazari naItamari, vanakomana vake vakanga vasara, akati, "Torai chipiriso choupfu chakasara pazvipiriso zvakapisirwa Jehovha nomoto, muzvidyire kurutivi rwearitari zvisina mbiriso, nokuti zvitsvene kwazvo;
13. munofanira kuzvidyira panzvimbo tsvene, nokuti ndiwo mugove wako nomugove wavanakomana vako pazvipiriso zvaJehovha zvinoitwa nomoto, nokuti ndizvo zvandakarairwa.
14. Munofanira kudyira panzvimbo tsvene chityu chinozunguzirwa nebandauko rinosimudzwa, iwe navanakomana vako navanasikana vako pamwechete newe, nokuti makazvipiwa, kuti uve mugove wako, nomugove wavanakomana vako pazvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa zvavana vaIsiraeri.
15. Vanofanira kuuya nebandauko rinosimudzwa; nechityu chinozunguzirwa, pamwechete nezvipiriso zvamafuta zvinopiswa nomoto, kuti vazvizunguzire, chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha; chinofanira kuva chako nechavanakomana vako, pamwechete newe; unofanira kuva murayiro usingaperi, sezvakarairwa naJehovha."
16. Zvino Mozisi wakanyatsotsvaka mbudzi yechipiriso chezvivi, akawana kuti yapiswa, akatsamwira Ereazari naItamari, vanakomana vaAroni vakanga vasara, akati,
17. "Makaregerei kudyira chipiriso chezvivi panzvimbo tsvene, zvachiri chitsvene kwazvo, uye nokuti wakakupai icho, kuti mubvise kutadza kweungano, muvayananisire pamberi paJehovha?
18. Tarirai, ropa rayo harina kuuyiswa mukati menzvimbo tsvene, sezvandakaraira."
19. Ipapo Aroni akati kuna Mozisi, "Tarira, vakapisa nhasi chipiriso chavo chezvivi, nechipiriso chavo chinopiswa pamberi paJehovha, ini ndikawirwa nezvinhu izvi zvakadai; zvino dai ndakadya chipiriso chezvivi nhasi, zvingadai zvaifadza Jehovha here?"
20. Mozisi wakati achinzwa izvozvo, akatenda nazvo.

  Leviticus (10/27)