| Leviticus (1/27) → | 
| 1. | Zvino Jehovha wakadana Mozisi, akataura naye ari mutende rokusangana, akati, | 
| 2. | "Taura navana vaIsiraeri, uti, kwavari, `Kana mumwe wenyu achida kuvigira Jehovha chipo chake, munofanira kumuvigira zvipo zvenyu zvezvipfuwo, kana zvemombe kana zvamakwai.' | 
| 3. | "Kana chipo chake chiri chipiriso chinopiswa chemombe, anofanira kuvigira mukono usina mhosva; ngaachibayire pamukova wetende rokusangana, kuti agamuchirwe pamberi paJehovha. | 
| 4. | Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chinopiswa, kuti chigamuchirwe panzvimbo yake, chimuyananisire. | 
| 5. | Ngaabaye nzombe pamberi paJehovha, vanakomana vaAroni, vapirisiti, vagouya neropa, vasase ropa kunhivi dzose dzearitari, iri pamukova wetende rokusangana. | 
| 6. | Zvino ngaavhiye chipiriso chinopiswa, nokuchigura-gura. | 
| 7. | "Zvino vanakomana vaAroni, mupirisiti, ngavaise moto paaritari, nokugadzirawo huni pamusoro pomoto. | 
| 8. | Ipapo vanakomana vaAroni, vapirisiti, vanofanira kugadzira nhindi, nomusoro, namafuta pamusoro pehuni dziri pamoto uri pamusoro pearitari. | 
| 9. | Asi ngaasuke ura hwacho namakumbo acho nemvura, mupirisiti agopisa zvose paaritari, chive chipiriso chinopiswa, chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha. | 
| 10. | "Kana chipo chake chiri chipiriso chinopiswa chezvipfuwo zviduku zvamakwai kana mbudzi, anofanira kuvigira mukono usina mhosva. | 
| 11. | "Ngaachibaye parutivi rwearitari nechokumusoro pamberi paJehovha; zvino vanakomana vaAroni, vapirisiti, vanofanira kusasa ropa racho kunhivi dzose dzearitari. | 
| 12. | Ipapo anofanira kugura-gura nhindi pamwechete nomusoro wacho namafuta acho, mupirisiti agozvigadzira pamusoro pehuni dziri pamoto pamusoro pearitari. | 
| 13. | Asi ura namakumbo ngaazvisuke nemvura, mupirisiti agozvibayira zvose, nokuzvipisira paaritari, kuti chive chipiriso chinopiswa, chipiriso chakaitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha. | 
| 14. | "Kana chipo chake kuna Jehovha chiri chipiriso chinopiswa cheshiri, ngaavigire chibayiro chake chenjiva, kana twana twenjiva. | 
| 15. | Zvino mupirisiti anofanira kuchiisa paaritari, agodonhedzera ropa racho parutivi rwearitari; | 
| 16. | zvino anofanira kutora chihururu chayo neminhenga yayo, ndokuzvirasa kurutivi rwearitari kumabudazuva kunoraswa madota. | 
| 17. | Ipapo anofanira kuibvambura namapapiro ayo asingaiparadzanisi, mupirisiti agoipisa paaritari pamusoro pehuni dziri pamoto; icho chipiriso chinopiswa, chipiriso chakaitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha. | 
| Leviticus (1/27) → |