Lamentations (5/5)    

1. Rangarirai Jehovha, zvakatiwira; tarirai, muone kushorwa kwedu.
2. Nhaka yedu yaenda kuvatorwa, nedzimba dzedu kune vokumwe.
3. Tiri nherera navasina baba; madzimai edu akaita sechirikadzi.
4. Takanwa mvura yedu tichiita zvokutenga nemari; huni dzedu takadzitengeserwa.
5. Vanodzingana nesu vari pamitsipa yedu; taneta hatine zororo.
6. Takatambanudzira ruoko rwedu kuna vaIjipiti, nokuna vaAsiria, kuti tigute zvokudya.
7. Madzibaba edu akatadza, zvino havachipo; isu takatakura zvakaipa zvavo.
8. Varanda vanotibata ushe, hakuna angatirwira pamaoko avo.
9. Tinozviwanira zvokudya zvedu upenyu hwedu huri panjodzi, nemhaka yomunondo uri kurenje.
10. Ganda redu rasviba sechoto, nemhaka yokupisa kukuru kwenzara.
11. Vakachinyira vakadzi paZiyoni, nemhandara pamaguta aJudha.
12. Machinda akasungirirwa namaoko avo, vakuru havana kukudzwa.
13. Majaya akatakura guyo, vana vakagumburwa nokurema kwehuni.
14. Vakuru vakarega kusvika pasuo, majaya akarega kuimba kwavo.
15. Mufaro womoyo wedu waguma; kutamba kwedu kwashanduka kuchema.
16. Korona yawa pamisoro yedu; tine nhamo! Nokuti takatadza.
17. Nemhaka iyi moyo yedu yapera simba, nemhaka yezvinhu izvi meso edu haachaoni zvakanaka;
18. nokuda kwegomo reZiyoni, rava dongo; makava anofambapo.
19. Imi Jehovha muripo nokusingaperi; chigaro chenyu choushe chiripo kusvikira kumarudzi namarudzi.
20. Munotikanganwireiko nokusingaperi, munotirasireiko nguva huru yakadai?
21. Tidzoserei kwamuri, Jehovha, ipapo tichadzoka; vandudzai mazuva edu ave sakare.
22. Asi makatirasa chose here? Makatitsamwira zvikuru here?

  Lamentations (5/5)