| ← Lamentations (4/5) → |
| 1. | Haiwa, ndarama yasviba sei! Ndarama yakaisvo-naka yashanduka sei! Mabwe enzvimbo tsvene arashirwa pamharadzano dzenzira dzomuguta. |
| 2. | Vanakomana vanodikanwa veZiyoni vakafanana nendarama yakaisvo-naka, haiwa vakanzi vakaita sezvirongo zvevhu sei, iro basa romuumbi wehari! |
| 3. | Kunyange namakava anobudisa mazamu, achiyamwisa vana vawo; mukunda wavanhu vangu wava nehasha semhou murenje. |
| 4. | Rurimi rwomwana unomwa runonamatira mumukanwa womuromo wake nenyota; vanana vanokumbira chingwa, asi hakuna munhu anovamedurira. |
| 5. | Avo vaisidya zvinozipa,varaswa munzira dzomuguta; vairerwa vakafuka micheka mitsvuku, zvino votsivama pamaturunhuru. |
| 6. | Nokuti zvakaipa zvomukunda wavanhu vangu zvinopfuura zvivi zveSodhoma, iro rakaparadzwa kamwe-kamwe kusina maoko akaribata. |
| 7. | Machinda aro akanga akapfuura chando nokunaka, akanga akachena kupfuura mukaka, akanga akatsvuka pamuviri kupfuura makorari, pakuonekwa akanga akaita sesafaya. |
| 8. | Zviso zvavo zvasviba kupfuura mazimbe, havazikanwi munzira dzomuguta; ganda ravo rinonamatira mapfupa avo, raoma, rafanana nedanda. |
| 9. | Vakaurawa nomunondo vakaita nani kuna vakaurawa nenzara; nokuti ava vaonda, vabayiwa nokushayiwa zvibereko zveminda. |
| 10. | Maoko avakadzi vaiva nomoyo munyoro akabika vana vavo, zvikava zvokudya zvavo pakuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu. |
| 11. | Jehovha akaita zvaakanga achida nokutsamwa kwake, akadurura hasha dzake huru; akabatidza moto paZiyoni, akapedza nheyo dzaro. |
| 12. | Madzimambo enyika haana kutenda, kunyange navose vagere panyika yose, kuti mudzivisi nomuvengi vachapinda pamasuo eJerusaremu. |
| 13. | Zvakaitwa nokuda kwezvivi zvavaporofita varo, nezvakaipa zvavapirisiti varo, vakateura ropa ravakarurama mukati maro. |
| 14. | Vanodzungaira samapofu munzira dzomuguta, vakasvibiswa neropa, naizvozvo vanhu havagoni kubata nguvo dzavo. |
| 15. | Vakadanidzira kwavari vachiti, "Ibvai, makan’ora! Ibvai, ibvai, regai kutibata!" Panguva yokutiza nokudzungaira kwavo, vanhu vakati pakati pamarudzi; "Havangazogarizve pano vari vatorwa." |
| 16. | Kutsamwa kwaJehovha kwakavaparadzira; haachavi nehanya navo; havana kurangarira vapirisiti, havana kukudza vakuru. |
| 17. | Meso edu anongopera nazvino achitarira rubatsiro rwedu pasina; pakutarira kwedu takatarira rudzi rusingagoni kutiponesa. |
| 18. | Vanoronda makwara edu, naizvozvo hatigoni kufamba munzira dzomuguta redu; kuguma kwedu kwava pedo, mazuva edu asvika, nokuti kuguma kwedu kwasvika. |
| 19. | Avo vakadzingana nesu, vakamhanyisa kupfuura makondo okudenga; vakadzingana nesu pamakomo, vakatigarira murenje. |
| 20. | Mweya wemhino dzedu, iye muzodzwa waJehovha, wakabatwa muhunza dzavo; iye watakati, "Pamumvuri wake ndipo patichararama pakati pamarudzi." |
| 21. | Farisisa, uve nomufaro, iwe mukunda weEdhomu, ugere panyika yeUzi; mukombe uchasvika kwauriwo; uchabatwa newaini ukazvifukura. |
| 22. | Kurohwa kwezvakaipa zvako kwapera, iwe mukunda weZiyoni; haachazokutapisizve; iye achakurova pamusoro pezvakaipa zvako, iwe mukunda weEdhomu; iye achafukura zvivi zvako. |
| ← Lamentations (4/5) → |