| ← Lamentations (3/5) → |
| 1. | Ndini munhu akaona kutambudzika neshamhu yokutsamwa kwake. |
| 2. | Akanditungamirira akandifambisa murima ndisina chiedza. |
| 3. | Zvirokwazvo anogara achingondiramba zuva rose noruoko rwake. |
| 4. | Akasakadza nyama yangu neganda rangu, akavhuna mapfupa angu. |
| 5. | Akandivakira rusvingo kuzorwa neni, Akandikomberedza nenduru nokurwadziwa. |
| 6. | Akandigarisa panzvimbo dzinerima, savanhu vakanguva vafa. |
| 7. | Akandikomberedza norusvingo, kuti ndirege kugona kubuda; akaremesa ngetani dzangu. |
| 8. | Zvirokwazvo, kana ndichidana nokuridza mhere, anodzivisa munyengetero wangu. |
| 9. | Akadzivira nzira dzangu norusvingo rwamabwe akavezwa, akakanganisa nzira dzangu. |
| 10. | Kwandiri akaita sebere rinovandira, seshumba iri panzvimbo dzisingazikanwi. |
| 11. | Akatsausa nzira dzangu, akandibvarura-bvarura, akandiita renje. |
| 12. | Akakunga uta hwake, akandiita chinhu chokuposhera nomuseve. |
| 13. | Akapinza miseve yegoba rake mutsvo dzangu. |
| 14. | Ndava chinhu chinosekwa navanhu vangu vose, nechiimbo chavo zuva rose. |
| 15. | Akandigutisa nezvinovava, akandinwisa gavakava. |
| 16. | Akapedza meno angu norubwe, akandifukidza namadota, |
| 17. | Makarashira mweya wangu kure norugare, ndakakanganwa kuti zvakanaka zvakadini. |
| 18. | Ini ndikati, "Simba rangu rapera, nezvandakanga ndakatarira kuna Jehovha." |
| 19. | Rangarirai kutambudzika kwangu nenhamo yangu, iro gavakava nenduru. |
| 20. | Mweya wangu uchangozvirangarira nazvino, uri kutambudzika kwazvo. |
| 21. | Ndinozvifunga izvo, naizvozvo ndine tariro. |
| 22. | Nokuda kwounyoro hwaJehovha tigere kupedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi. |
| 23. | Mangwanani ose zvava zvitsva; kutendeka kwenyu kukuru. |
| 24. | Jehovha ndiwo mugove wangu, ndizvo zvinotaura mweya wangu; naizvozvo ndichavimba naye. |
| 25. | Jehovha anoitira zvakanaka vanomumirira, naiwo mweya unomutsvaka. |
| 26. | Zvakanaka kuti munhu avimbe naJehovha, amirire ruponeso rwaJehovha anyerere, |
| 27. | zvakanaka kuti munhu atakure joko rake achiri muduku. |
| 28. | Ngaagare ari oga anyerere, nokuti ndiye akariisa pamusoro pake. |
| 29. | Ngaaise muromo wake muguruva; zvimwe tariro ichipo. |
| 30. | Ngaarinzire dama rake kune anomurova, ngaagutiswe nokushorwa. |
| 31. | Nokuti Ishe haangadzingi nokusingaperi. |
| 32. | Nokuti kunyange akachemedza, achanzwira tsitsi nokuwanda kwengoni dzake |
| 33. | Nokuti haatambudzi nomoyo wake, haachemedzi vana vavanhu. |
| 34. | Kuti vasungwa vose venyika vatsikwe pasi petsoka, |
| 35. | kuti zvakarurama zvomunhu zvikanganiswe pamberi poWokumusoro-soro, |
| 36. | kuti munhu arege kururamisirwa pamhaka yake, Ishe haafari naizvozvo. |
| 37. | Ndianiko angataura, zvikaitika, kana Ishe asingazvirayiri? |
| 38. | Ko zvakaipa nezvakanaka hazvibudi pamuromo woWokumusoro-soro here? |
| 39. | Ko munhu mupenyu anonyunyutirei, kana iye munhu achirohwa pamusoro pezvivi zvake? |
| 40. | Ngatinzvere nokuedza nzira dzedu, titendeukirezve kuna Jehovha. |
| 41. | Ngatisimudze moyo yedu namaoko edu kuna Mwari ari kudenga. |
| 42. | Takadarika nokumumukira simba; imi hamuna kutikanganwira |
| 43. | Makazvifukidza nokutsamwa, mukadzingana nesu, makauraya, hamuna kunzwira tsitsi. |
| 44. | Makazvifukidza negore kuti kurege kuva nomunyengetero ungapindapo |
| 45. | Makatiita marara nezvinorashwa pakati pamarudzi avanhu. |
| 46. | Vavengi vedu vose vakatishamisira miromo yavo. |
| 47. | Kutya nehunza zvasvika kwatiri nokupedzwa nokuparadzwa. |
| 48. | Ziso rangu rinoyerera nzizi dzemvura pamusoro pokuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu. |
| 49. | Ziso rangu rinodurura misodzi, hariregi, harigumi, |
| 50. | kusvikira Jehovha achitarira achiona ari kudenga. |
| 51. | Ziso rangu rinorwadzisa mweya wangu nemhaka yavakunda vose veguta rangu. |
| 52. | Vakadzingana neni zvikuru seshiri, ivo, vanondivenga ndisina mhaka. |
| 53. | Vakaparadza upenyu hwangu mugomba, vakakandira ibwe pamusoro pangu. |
| 54. | Mvura zhinji yakafukidza musoro wangu; ndakati, "Ndapera." |
| 55. | Ndakadana zita renyu, Jehovha, ndiri mugomba rakadzika kwazvo. |
| 56. | Makanzwa inzwi rangu; regai kundivanzira nzeve yenyu pakufema kwangu nokuchema kwangu. |
| 57. | Makaswedera nezuva randakadana kwamuri, makati, "Usatya." |
| 58. | Ishe, imi makandireverera mhaka dzomweya wangu, makadzikunura upenyu hwangu. |
| 59. | Haiwa Jehovha, makaona kusaruramisirwa kwangu, nditongerei mhaka yangu. |
| 60. | Makaona kutsiva kwavo kwose, namano avo ose pamusoro pangu. |
| 61. | Makanzwa kushora kwavo, Jehovha, namano avo ose pamusoro pangu, |
| 62. | iyo miromo yavakandimukira nezvavakandifungira zuva rose. |
| 63. | Tarirai kugara kwavo pasi nokusimuka kwavo; ndiri chiimbo chavo. |
| 64. | Imi muchavatsiva, Jehovha, zvakafanira nebasa ramaoko avo. |
| 65. | Muchavapa kuwoma kwomoyo, ndiko kutuka kwenyu pamusoro pavo. |
| 66. | Muchadzingana navo makatsamwa, nokuvaparadza pasi pedenga raJehovha. |
| ← Lamentations (3/5) → |