Lamentations (3/5)  

1. Ndini munhu akaona kutambudzika neshamhu yokutsamwa kwake.
2. Akanditungamirira akandifambisa murima ndisina chiedza.
3. Zvirokwazvo anogara achingondiramba zuva rose noruoko rwake.
4. Akasakadza nyama yangu neganda rangu, akavhuna mapfupa angu.
5. Akandivakira rusvingo kuzorwa neni, Akandikomberedza nenduru nokurwadziwa.
6. Akandigarisa panzvimbo dzinerima, savanhu vakanguva vafa.
7. Akandikomberedza norusvingo, kuti ndirege kugona kubuda; akaremesa ngetani dzangu.
8. Zvirokwazvo, kana ndichidana nokuridza mhere, anodzivisa munyengetero wangu.
9. Akadzivira nzira dzangu norusvingo rwamabwe akavezwa, akakanganisa nzira dzangu.
10. Kwandiri akaita sebere rinovandira, seshumba iri panzvimbo dzisingazikanwi.
11. Akatsausa nzira dzangu, akandibvarura-bvarura, akandiita renje.
12. Akakunga uta hwake, akandiita chinhu chokuposhera nomuseve.
13. Akapinza miseve yegoba rake mutsvo dzangu.
14. Ndava chinhu chinosekwa navanhu vangu vose, nechiimbo chavo zuva rose.
15. Akandigutisa nezvinovava, akandinwisa gavakava.
16. Akapedza meno angu norubwe, akandifukidza namadota,
17. Makarashira mweya wangu kure norugare, ndakakanganwa kuti zvakanaka zvakadini.
18. Ini ndikati, "Simba rangu rapera, nezvandakanga ndakatarira kuna Jehovha."
19. Rangarirai kutambudzika kwangu nenhamo yangu, iro gavakava nenduru.
20. Mweya wangu uchangozvirangarira nazvino, uri kutambudzika kwazvo.
21. Ndinozvifunga izvo, naizvozvo ndine tariro.
22. Nokuda kwounyoro hwaJehovha tigere kupedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi.
23. Mangwanani ose zvava zvitsva; kutendeka kwenyu kukuru.
24. Jehovha ndiwo mugove wangu, ndizvo zvinotaura mweya wangu; naizvozvo ndichavimba naye.
25. Jehovha anoitira zvakanaka vanomumirira, naiwo mweya unomutsvaka.
26. Zvakanaka kuti munhu avimbe naJehovha, amirire ruponeso rwaJehovha anyerere,
27. zvakanaka kuti munhu atakure joko rake achiri muduku.
28. Ngaagare ari oga anyerere, nokuti ndiye akariisa pamusoro pake.
29. Ngaaise muromo wake muguruva; zvimwe tariro ichipo.
30. Ngaarinzire dama rake kune anomurova, ngaagutiswe nokushorwa.
31. Nokuti Ishe haangadzingi nokusingaperi.
32. Nokuti kunyange akachemedza, achanzwira tsitsi nokuwanda kwengoni dzake
33. Nokuti haatambudzi nomoyo wake, haachemedzi vana vavanhu.
34. Kuti vasungwa vose venyika vatsikwe pasi petsoka,
35. kuti zvakarurama zvomunhu zvikanganiswe pamberi poWokumusoro-soro,
36. kuti munhu arege kururamisirwa pamhaka yake, Ishe haafari naizvozvo.
37. Ndianiko angataura, zvikaitika, kana Ishe asingazvirayiri?
38. Ko zvakaipa nezvakanaka hazvibudi pamuromo woWokumusoro-soro here?
39. Ko munhu mupenyu anonyunyutirei, kana iye munhu achirohwa pamusoro pezvivi zvake?
40. Ngatinzvere nokuedza nzira dzedu, titendeukirezve kuna Jehovha.
41. Ngatisimudze moyo yedu namaoko edu kuna Mwari ari kudenga.
42. Takadarika nokumumukira simba; imi hamuna kutikanganwira
43. Makazvifukidza nokutsamwa, mukadzingana nesu, makauraya, hamuna kunzwira tsitsi.
44. Makazvifukidza negore kuti kurege kuva nomunyengetero ungapindapo
45. Makatiita marara nezvinorashwa pakati pamarudzi avanhu.
46. Vavengi vedu vose vakatishamisira miromo yavo.
47. Kutya nehunza zvasvika kwatiri nokupedzwa nokuparadzwa.
48. Ziso rangu rinoyerera nzizi dzemvura pamusoro pokuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu.
49. Ziso rangu rinodurura misodzi, hariregi, harigumi,
50. kusvikira Jehovha achitarira achiona ari kudenga.
51. Ziso rangu rinorwadzisa mweya wangu nemhaka yavakunda vose veguta rangu.
52. Vakadzingana neni zvikuru seshiri, ivo, vanondivenga ndisina mhaka.
53. Vakaparadza upenyu hwangu mugomba, vakakandira ibwe pamusoro pangu.
54. Mvura zhinji yakafukidza musoro wangu; ndakati, "Ndapera."
55. Ndakadana zita renyu, Jehovha, ndiri mugomba rakadzika kwazvo.
56. Makanzwa inzwi rangu; regai kundivanzira nzeve yenyu pakufema kwangu nokuchema kwangu.
57. Makaswedera nezuva randakadana kwamuri, makati, "Usatya."
58. Ishe, imi makandireverera mhaka dzomweya wangu, makadzikunura upenyu hwangu.
59. Haiwa Jehovha, makaona kusaruramisirwa kwangu, nditongerei mhaka yangu.
60. Makaona kutsiva kwavo kwose, namano avo ose pamusoro pangu.
61. Makanzwa kushora kwavo, Jehovha, namano avo ose pamusoro pangu,
62. iyo miromo yavakandimukira nezvavakandifungira zuva rose.
63. Tarirai kugara kwavo pasi nokusimuka kwavo; ndiri chiimbo chavo.
64. Imi muchavatsiva, Jehovha, zvakafanira nebasa ramaoko avo.
65. Muchavapa kuwoma kwomoyo, ndiko kutuka kwenyu pamusoro pavo.
66. Muchadzingana navo makatsamwa, nokuvaparadza pasi pedenga raJehovha.

  Lamentations (3/5)