Judges (9/21)  

1. Zvino Abhimereki, mwanakomana waJerubhaari, wakaenda Shekemu, kuna madzisekuru ake, akataurirana navo uye norudzi rwose rweimba yababa vamai vake, akati,
2. "Taurirai henyu, varume vose veShekemu vanzwe, muti, `Chinhu chakanaka ndechipiko, kuti mubatwe ushe navanakomana vose vaJerubhaari vanosvika vanhu vana makumi manomwe, kana mubatwe nomunhu mumwe chete?' Rangariraiwo kuti ini ndiri pfupa renyu nenyama yenyu."
3. Zvino madzisekuru ake akataura mashoko awa ose pamusoro pake, varume veShekemu vachizvinzwa; moyo yavo ikada kutevera Abhimereki, nokuti vakati, "Ihama yedu."
4. Vakamupa mari yesirivha yakasvika mashekeri ana makumi manomwe, yavakatora paimba yaBhaari-bheriti, Abhimereki akaripira varume vakaipa, vasine hanya, ivo vakamutevera.
5. Akaenda kumba kwababa vake paOfura, akauraya pabwe rimwe vana vababa vake, ivo vanakomana vaJerubhaari, vaiva varume vana makumi manomwe; asi Jotamu, mwanakomana worugotwe waJerubhaari wakapukunyuka, nokuti wakanga avanda.
6. Zvino varume vose veShekemu vakaungana pamwechete navose veimba yaMiro, vakandoita Abhimereki mambo pamuouki weshongwe yakamiswa paShekemu.
7. Vakati vaudza Jotamu izvozvo, iye akaenda, akandomira pamusoro pegomo reGerizimi, akadana nenzwi guru, akati kwavari, "Mundinzwei, imi varume veShekemu, kuti Mwari akunzweiwo imi.
8. Imwe nguva miti yakandozvizodzera mambo wayo; ikati kumuorivhi, `Iva mambo wedu iwe.'
9. Asi muorivhi wakati kwairi, `Ko ini ndingarega mafuta angu, anorumbidzwa naMwari navanhu mandiri ndipepere uko nokoko pamusoro pemiti here?'
10. Zvino miti ikati kumuonde, `Uya iwe, uve mambo wedu.'
11. Asi muonde, wakati kwairi ko ini ndingarega kutapira kwangu nemichero yangu yakanaka, ndipepere uko nokoko pamusoro pemiti here?'
12. Zvino miti ikati kumuzambiringa, `Uya iwe, uve mambo wedu.'
13. Muzambiringa ukati kwairi, `Ko ini ndingarega waini yangu, inofadza Mwari navanhu, ndipepere uko nokoko pamusoro pemiti here?'
14. Ipapo miti yose yakati kurukato, `Uya iwe, uve mambo wedu.'
15. Rukato rukati kumiti, `Kana mukandizodza kuti ndive mambo wenyu zvirokwazvo, chiuyai muvande pamumvuri wangu; kana musingadi, moto ngaubude parukato, uparadze misidhari yeRebhanoni.'
16. "Saka zvino kana makaita zvakanaka nezvakarurama, zvamakaita Abhimereki mambo wenyu, uye kana makaitira Jerubhaari sezvaakafanirwa pamusoro pezvaakakuitirai,
17. (nokuti baba vangu vakakurwirai, vasingarangariri upenyu hwavo, vakakurwirai mumaoko avaMidhiani;
18. imwi mukamukira nhasi imba yababa vangu, mukauraya pabwe rimwe vanakomana vake, vanhu vana makumi manomwe, mukaita Abhimereki, mwanakomana womurandakadzi wake, mambo wavarume veShekemu, zvairi hama yenyu;)
19. kana makaitira Jerubhaari neimba yake zvakanaka nezvakarurama nhasi, chifarirai henyu Abhimereki, naiye akufarireiwo;
20. asi kana zvisina kunaka, moto ngaubude kuna Abhimereki, uparadze varume veShekemu, naveimba yaMiro; uye moto ngaubude kuvarume veShekemu, naveimba yaMiro, uparadze Abhimereki."
21. Ipapo Jotamu akamhanya, akatiza, akandogara paBheeri, nokuti wakatya Abhimereki mukuru wake.
22. Abhimereki akabata ushe pavaIsiraeri makore matatu.
23. Mwari akazotuma mweya wakaipa pakati paAbhimereki navarume veShekemu; varume veShekemu vakanyengera Abhimereki;
24. kuti zvakashata zvakaitirwa vanakomana vaJerubhaari vana makumi manomwe zvitsibwe, neropa ravo ritsibwe kuna Abhimereki, munun’una wavo wakavauraya, nokuvarume veShekemu vakanga vasimbisa maoko ake kuti auraye vana vababa vake.
25. Varume veShekemu vakaisa vanhu vakamuvandira pamusoro pamakomo, vakapamba vose vakanga vachipfuura kwavari nenzira iyo; Abhimereki akaudzwa izvozvo.
26. Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi, wakauya nehama dzake, vakaenda Shekemu; varume veShekemu vakavimba naye.
27. Vakabudira kuminda yavo, vakakohwa mazambiringa avo vakatsika-tsika mazambiringa, vakatamba mutambo, ndokupinda mumba mamwari wavo, vakadya, vakanwa, vakatuka Abhimereki.
28. Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi, akati, "Abhimereki ndianiko, Shekemu ndianiko, kuti timushumire? Haazi mwanakomana waJerubhaari here? NaZebhuri haazi munyai wake here? imwi shumirai henyu varume vaHamori, baba vaShekemu; asi isu tichamushumireiko?
29. Haiwa, dai vanhu ava vaiva muruoko rwangu, ndaidzinga Abhimereki." Zvino akati kuna Abhimereki, "Wedzera hondo yako, ubude kuzorwa."
30. Zvino Zebhuri mubati weguta, wakati achinzwa mashoko aGaari mwanakomana waEbhedhi, akatsamwa kwazvo.
31. Akatuma nhume kuna Abhimereki nokunyengera, akati, "Tarira, Gaari, mwanakomana waEbhedhi nehama dzake vasvika paShekemu; tarira vanokurudzira guta kurwa newe.
32. Saka zvino chimuka usiku, iwe navanhu vaunavo, muvande musango.
33. Zvino mangwanani, zuva richangobuda, unofanira kufumira kundovamba guta; kana iye navanhu vaanavo vachibuda kuzorwa newe, iwe ungaita navo sezvaunoda."
34. Ipapo Abhimereki akamuka usiku, iye navanhu vose vaakanga anavo, vakandovandira Shekemu vakaita mapoka mana.
35. Zvino Gaari, mwanakomana waEbhedhi, akamira pavanopinda napo pasuo reguta; Abhimereki akasimuka, iye navanhu vaakanga anavo pavakanga vakavandira.
36. Zvino Gaari wakati achiona vanhu, akati kuna Zebhuri, "Tarira, kuna vanhu vanoburuka vachibva kumusoro kumakomo." Zebhuri akati kwaari, "Unoona hako mimvuri yamakomo, yakafanana navanhu."
37. Gaari akapamhidzazve, akati, "Tarira, kuna vanhu vanoburuka vachibva kurutivi rwokumusoro, nerimwe boka rinouya richibva nenzira yomuouki weMeonenimi."
38. Ipapo Zebhuri akati kwaari, "Zvino muromo wako uripi, zvawakanga uchiti, `Abhimereki ndianiko, kuti timushumire? Ko ava havazi vanhu avo vawakazvidza here? Zvino chiburuka hako undorwa navo.' "
39. Ipapo Gaari akabuda pamberi pavarume veShekemu, akandorwa naAbhimereki.
40. Abhimereki akadzingana naye, akatiza pamberi pake, vazhinji vakaurawa kusvikira pavanopinda napo pasuo.
41. Abhimereki akagara paAruma, Zebhuri akadzinga Gaari nehama dzake, kuti varege kuzogara paShekemu.
42. Zvino fume mangwana vanhu vakabuda kusango; vakaudza Abhimereki.
43. Iye akatora vanhu akavakamura, akaita mapoka matatu, akandovavandira kusango; akatarira, akaona vanhu vachibuda muguta, akasimuka, akandorwa navo, akavauraya.
44. Abhimereki namapoka akanga anaye, vakamhanya, vakandomira pavanopinda napo pasuo reguta; namapoka maviri akamhanyira kuna vose vakanga vari kusango, vakavauraya.
45. Abhimereki akarwa neguta musi iwoyo wose, akakunda guta, akauraya vanhu vakanga varimo; akaputsa guta, ndokurikusha munyu.
46. Zvino varume vose vorusvingo rweShekemu vakati vazvinzwa, vakapinda munhare, mumba maEri-bheriti.
47. Abhimereki akaudzwa kuti varume vose vorusvingo rweShekemu vaungana pamwechete.
48. Abhimereki akakwira pagomo reZarimoni, iye navanhu vose vaakanga anavo; Abhimereki akatora masanhu muruoko rwake, akatema davi romuti, akarisimudza, akariisa pafudzi rake; akati kuvanhu vaakanga anavo, "Kurumidzai, muite sezvamakaona ndichiita ini."
49. Ipapo vanhu vose vakatema mumwe nomumwe davi rake, vakatevera Abhimereki; vakaaisa kunhare, vakapisa nhare nomoto, ivo varimo, naizvozvo vanhu vose vakanga vari murusvingo rweShekemu vakafa, vanenge chiuru chimwe chavarume navakadzi.
50. Zvino Abhimereki akaenda Tebhezi, akamisa misasa yavo paTebhezi, akarikunda.
51. Asi mukati meguta makanga muno rusvingo rwakanga rwakasimba, varume navakadzi vose vakatiziramo, vose vakanga vari muguta vakazvipfigiramo, vakakwira kudenga rorusvingo.
52. Abhimereki akasvika parusvingo, akarwa narwo, akaswedera pedo nomukova worusvingo, kuti arupise nomoto.
53. Ipapo mumwe mukadzi akakanda guyo pamusoro waAbhimereki, akaputsa dehenya rake.
54. Ipapo akakurumidza kudana jaya raitakura nhumbi dzake dzokurwa nadzo, akati kwariri, "Vhomora munondo wako, undiuraye, kuti vanhu varege kuzoti, `Wakaurawa nomukadzi.' " Jaya rake rikamubaya, akafa.
55. Zvino varume vaIsiraeri vakati vachiona kuti Abhimereki wafa, vakaenda mumwe nomumwe kumba kwake.
56. Saizvozvo Mwari akatsiva zvakashata zvaAbhimereki zvaakaitira baba vake, zvaakauraya vana vababa vake vana makumi manomwe,
57. nezvakashata zvose zvavarume veShekemu zvakatsibwa naMwari kwaari; kutuka kwaJotamu mwanakomana waJerubhaari, kukaitika kwavari.

  Judges (9/21)