Judges (8/21)  

1. Zvino varume vaEfuremu vakati kwaari, "Watiitireiko, zvausina kutidana nguva yawakandorwa naMidhiani?" Vakamupopotera kwazvo.
2. Akati kwavari, "Ini zvino ndaiteiko hangu, kana ndichizvifananidza nemi? Handiti zvakaunganidzwa naEfuremu zvinopfuura kukohwa kwose kwaAbhiezeri here?
3. Mwari wakaisa machinda maviri aMidhiani, Orebhi naZeebhi, mumaoko enyu; zvino ini ndaigona kuiteiwo, kana ndichizvifananidza nemi?" Ipapo kutsamwa kwavo kwakanyarara kwaari, avaudza izvozvo.
4. Gidheoni akasvika paJorodhani, akayambuka, iye navarume vana mazana matatu vaakanga anavo; vakanga vaneta, kunyange zvakadaro vakanga vachiteverera havo.
5. Akati kuvarume veSukoti, "Ipai henyu vanhu ava vanonditevera mapundu ezvingwa, nokuti vaneta; ndinoteverera Zebha naZarimuna, madzimambo aMidhiani."
6. Machinda eSukoti akati, "Ko Zebha naZarimuna vatokundwa newe here, zvowoti, tipe hondo yako chingwa?"
7. Gidheoni akati, "Saka, kana Jehovha akaisa Zebha naZarimuna muruoko rwangu, ndichapura nyama yenyu neminzwa yomurenje norukato."
8. Akabvapo, akakwira Penueri, akandotaura navo saizvozvo. Varume vePenueri vakamupindura sezvakapindura varume veSukoti.
9. Akataurawo navarume vePenueri, akati, "Kana ndikadzoka norugare, ndichaputsa rusvingo urwu."
10. Zvino Zebha naZarimuna vakanga vari Karikori, vane hondo dzavo varume vane zviuru zvine gumi nezvishanu; ndivo vose vakanga vakasara pahondo yose yavana vamabvazuva; nokuti varume vane zviuru zvina makumi matatu, vaigona kurwa nomunondo, vakanga vaurawa.
11. Gidheoni akakwira nenzira yavaigara pamatende, nokumabvazuva kweNobha neJogobheha, akakunda hondo, nokuti hondo yakanga yakafara.
12. Ipapo Zebha naZarimuna vakatiza, iye akavateverera; akabata madzimambo maviri aMidhiani, Zebha naZarimuna, akavhundusa hondo yose.
13. Gidheoni, mwanakomana waJoashi, akadzoka pakurwa pamukwidza weHeresi.
14. Akabata jaya ravarume veSukoti, akamubvunzisisa; iye akamunyorera mazita amachinda eSukoti, navakuru varo, varume vana makumi manomwe navanomwe.
15. Akasvika kuvarume veSukoti, akati, "Tarirai, Zebha naZarimuna, vamakandiseka pamusoro pavo, muchiti, `Ko Zebha naZarimuna vatokundwa newe here, zvowoti, tipe varume vako vaneta chingwa?' "
16. Ipapo akatora vakuru veguta, neminzwa yomurenje norukato, akapura varume veSukoti nazvo.
17. Akaputsa rusvingo rwePenueri, akauraya varume veguta.
18. Ipapo akati kuna Zebha naZarimuna, "Varume vamakauraya paTabhori vakanga vakadiniko?" Vakapindura, vakati, "Sezvamakaita imwi, ndizvo zvavakanga vakaita ivo; mumwe nomumwe wakanga akafanana nomwana wamambo."
19. Akati, "Vakanga vari vanun’una vangu, vanakomana vamai vangu; naJehovha mupenyu, dai makavarega vari vapenyu, ndingadai ndisina kukuurayai imwi."
20. Zvino akati kuna Jeteri, dangwe rake, "Simuka, uvauraye." Asi jaya harina kuvhomora munondo waro, nokuti rakatya, zvarakanga richiri mukomana.
21. Ipapo Zebha naZarimuna vakati, "Simukai imwi, mutiuraye, nokuti sezvakaita murume, ndizvo zvakaita simba rake." Ipapo Gidheoni akasimuka, akauraya Zebha naZarimuna, akatora zvishongo zvakanga zvakafanana nomwedzi, zvakanga zviri pamitsipa yamakamera avo.
22. Zvino varume vaIsiraeri vakati kuna Gidheoni, "Mutibate ushe imwi nomwanakomana wenyu, nomwanakomana womwanakomana wenyuwo, nokuti makatiponesa pamaoko avaMidhiani."
23. Gidheoni akati kwavari, "Ini handingakubatiyi ushe, kunyange mwanakomana wangu haangakubatiyi ushe; Jehovha ndiye uchakubatai."
24. Gidheoni akati kwavari, "Ndinoda kukumbira chinhu chimwe kwamuri: Mumwe nomumwe wenyu ngaandipe zvindori zvemhino zviri pakati pezvakapambwa zvake." (Nokuti vakanga vane zvindori zvemhino zvendarama, nokuti vakanga vari vaIshimaeri.)
25. Vakapindura vakati, "Tichakupai izvo nomoyo wose!" Ipapo vakawarira nguvo, mumwe nomumwe akakandirapo zvindori zvemhino, zvakanga zviri pakati pezvakapambwa zvavo.
26. Zvindori izvo zvemhino zvendarama, zvaakakumbira kwavari, pakurema kwazvo zvikasvika mashekeri ane chiuru chimwe namazana manomwe endarama; asi havana kuverenga zvishongo zvakanga zvakafanana nomwedzi, nezvindori zvaishongwa, nenguvo shava dzaifukwa namadzimambo aMidhiani; havana kuverengawo uketani hwakanga hwuri pamitsipa yamakamera avo.
27. Gidheoni akaita efodhi nazvo, akaiisa muguta rake, ipo paOfura; vaIsiraeri vose vakapata vachiitevera ipapo; ukava musungo kuna Gidheoni nokuna veimba yake.
28. Saizvozvo vaMidhiani vakakundwa pamberi pavana vaIsiraeri, havana kuzosimudzazve misoro yavo. Nyika ikazorora makore ana makumi mana pamazuva aGidheoni.
29. Zvino Jerubhaari, mwanakomana waJoashi, akandogara mumba make.
30. Gidheoni wakanga ana vanakomana vana makumi manomwe vakanga vaberekwa naye, nokuti wakanga ana vakadzi vazhinji;
31. uye nomurongo wake, wakanga ari paShemi, wakamuberekera mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Abhimereki.
32. Gidheoni, mwanakomana waJoashi, akafa akwegura, akavigwa mubwiro hwaJoashi baba vake paOfura ravaAbhiezeri.
33. Zvino Gidheoni wakati achangofa, vana valsiraeri vakadzokera shure, vakapata vachitevera vaBhaari, vakaita Bhaari-bheriti mwari wavo.
34. Vana vaIsiraeri vakasarangarira Jehovha Mwari wavo, iye wakanga avarwira mumaoko avavengi vavo vose kunhivi dzose;
35. uye havana kuitira veimba yaJerubhaari, iye Gidheoni, zvakanaka pamusoro pezvose zvakanaka zvaakanga aitira vaIsiraeri.

  Judges (8/21)