Judges (7/21)  

1. Zvino Jerubhaari, ndiye Gidheoni, wakamuka mangwanani, iye navanhu vose vaiva naye, vakandodzika matende avo patsime reHarodhi; misasa yaMidhiani yakanga iri nechokumusoro kwavo, pachikomo cheMore pamupata.
2. Jehovha akati kuna Gidheoni, "Vanhu vaunavo vakawandisa, kuti ndiise vaMidhiani mumaoko avo; kuti vaIsiraeri varege kuzvikudza pamberi pangu, vachiti, `Maoko edu ndiwo akatiponesa.'
3. Naizvozvo zvino, enda undoparidza vanhu vazvinzwe, uti, `Ani naani unotya, unodedera, ngaadzoke hake, abve pagomo reGiriyadhi.' " Vanhu vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri vakadzoka, vakasara vane zviuru zvine gumi.
4. Ipapo Jehovha akati kuna Gidheoni, "Nazvino vanhu vachiri vazhinji, enda navo kumvura ndivaidzepo; zvino kana ndikati kwauri, `Uyu anofanira kuenda newe, ndiye uchaenda newe;' asi kana ndikati kwauri, `Uyu haafaniri kuenda newe,' iye haangaendi."
5. Ipapo akaenda navanhu kumvura; Jehovha akati kuna Gidheoni, "Mumwe nomumwe unokapa mvura norurimi sezvinokapa imbwa, unofanira kumuisa kurutivi ari oga; saizvozvowo mumwe nomumwe unopfugama pamabvi ake pakunwa."
6. Zvino vanhu vakanga vakapa, vachiisa maoko avo kumiromo, vakasvika varume vana mazana matatu; asi vamwe vose vakapfugama pamabvi avo pakunwa mvura.
7. Ipapo Jehovha akati kuna Gidheoni, "Ndichakuponesai navarume ava vana mazana matatu vakakapa mvura, nokuisa vaMidhiani muruoko rwako; vanhu vose ngavaende havo, mumwe nomumwe kutende rake."
8. Naizvozvo vanhu vakatora mbuva yavo mumaoko avo, nehwamanda dzavo; akaendisa vamwe varume vose vaIsiraeri, mumwe nomumwe kutende rake, asi wakasara navana mazana matatu; misasa yaMidhiani yakanga iri pasi pake mumupata.
9. Zvino nousiku uhwo Jehovha akati kwaari, "Simuka, uburukire kumisasa, nokuti ndakavaisa muruoko rwako.
10. Asi kana uchitya kuburuka, uburuke kumisasa una Pura muranda wako;
11. ugondonzwa zvavanotaura; shure kwaizvozvo maoko ako achasimbiswa kuburukira kumisasa." Ipapo akaburuka ana Pura muranda wake, kusvikira kumudzivo wavarwi, vakanga vari pamisasa.
12. Zvino vaMidhiani navaAmareki navana vose vamabvazuva vakanga vari mumupata, vakawanda semhashu; namakamera avo akanga asingagoni kuverengwa, akanga akawanda sejecha riri pamhenderekedzo dzegungwa.
13. Zvino Gidheoni wakati asvika, akanzwa munhu wakanga achirondedzera kurota kwake kushamwari yake, akati, "Tarira, ndarota hope, ndikaona chingwa chakabikwa chebhari chichikungurukira kumisasa yaMidhiani, chikasvika patende, ndokurirova rikawa; chikaritsindikira, tende rikavata pasi."
14. Shamwari yake ikapindura, ikati, "Hachizi chimwe chinhu, asi ndiwo munondo waGidheoni, mwanakomana waJoashi, murume waIsiraeri, Mwari wakaisa Midhiani nehondo yose muruoko rwake."
15. Zvino Gidheoni wakati achinzwa kurondedzerwa kwokurota uku nokududzirwa kwako, akanamata; akadzokera kumisasa, akati, "Simukai, nokuti Jehovha wakaisa misasa yaMidhiani mumaoko enyu."
16. Zvino akakamura varume avo vana mazana matatu, akaita mapoka matatu, akapa mumwe nomumwe hwamanda muruoko rwake, nezvirongo zvisine chiro, nezhenje mukati mezvirongo.
17. Akati kwavari, "Mutarire kwandiri, mugoita seni; tarirai, kana ndichisvika kumudzivo wemisasa, sezvandinoita ini, nemiwo muite saizvozvo.
18. Kana ndoridza hwamanda ini navose vandinavo, nemiwo muridze hwamanda kunhivi dzose dzemisasa, muchiti, `Munondo waJehovha nowaGidheoni!' "
19. Naizvozvo Gidheoni navarume vane zana vaakanga anavo, vakasvika kumudzivo wemisasa pakutanga kwenguva yapakati yousiku, vachangoisa varindi, vakaridza hwamanda, vakaputsa zvirongo zvakanga zviri mumaoko avo.
20. Ipapo mapoka matatu akaridza hwamanda, vakaputsa zvirongo, vakabata zhenje mumaoko avo oruboshwe, nehwamanda dzokuridza mumaoko avo orudyi, vakadanidzira vachiti, "munondo waJehovha nowaGidheoni!"
21. Vakamira mumwe nomumwe panzvimbo yake, vakakomba misasa; hondo yose ikamhanya, vakaridza mhere, vakatiza.
22. Vakaridza hwamanda dzina mazana matatu, Jehovha akarwisa munondo womumwe nomumwe neshamwari yake, uye nehondo yose; hondo ikatiza kusvikira paBhetishita kurutivi rweZerera, kusvikira kumuganhu weAbherimehora, paTabhati.
23. Zvino varume vaIsiraeri vakaungana, vachibva kwaNafutari, nokwaAsheri, nokwaManase, vakatevera Midhiani.
24. Gidheoni akatuma nhume panyika yose yamakomo yaEfuremu, akati, "Burukai mundorwa naMidhiani, muvatangire kugarira nzizi dzemvura kusvikira paBheti-bhara neJorodhaniwo."
25. Vakabata machinda maviri aMidhiani, Orebhi naZeebhi, vakauraya Orebhi padombo raOrebhi, naZeebhi, vakamuuraya pachisviniro chewaini chaZeebhi, vakatevera vaMidhiani; vakauya nemisoro ya Orebhi naZeebhi kuna Gidheoni mhiri kwaJorodhani.

  Judges (7/21)